RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 15 pp. 24-25
  • Shamwari dzaMwari Dzinoita Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shamwari dzaMwari Dzinoita Zvakanaka
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Ungaitei kuti muwirirane uye kuti mufare mumhuri menyu?
    Ungaitei kuti muwirirane uye kuti mufare mumhuri menyu?
  • Kiyi Mbiri Dzeroorano Inogara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Upenyu Hwemhuri Hunofadza Mwari
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 15 pp. 24-25

CHIDZIDZO 15

Shamwari dzaMwari Dzinoita Zvakanaka

Kana une shamwari yaunoyemura nokuremekedza, unoedza kuita saiyo. “Jehovha wakanaka, wakarurama,” rinodaro Bhaibheri. (Pisarema 25:8) Kuti tive shamwari dzaMwari, tinofanira kuva vakanaka nevakarurama. Bhaibheri rinoti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.” (VaEfeso 5:1, 2) Hedzino dzimwe nzira dzokuita kudaro:

Varume vaviri kushanda panzvimbo iri kuvakwa

Batsira vamwe. “Ngatiitirei vose zvakanaka.”—VaGaratiya 6:10.

Shanda nesimba. “Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake.”—VaEfeso 4:28.

Gara wakachena mumuviri nomutsika. “Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.”—2 VaKorinde 7:1.

Mhuri yava kuda kudya zvekudya

Iva norudo uye remekedza nhengo dzemhuri yako. “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mukadzi wake sezvaanozviita; uyewo, mukadzi anofanira kuremekedza murume wake zvikuru. Vana, teererai vabereki venyu.”—VaEfeso 5:33–6:1.

Ida vamwe. “Ngatirambei tichidanana, nokuti rudo runobva kuna Mwari.”—1 Johani 4:7.

Teerera mitemo yenyika. “Mweya yose ngaizviise pasi [pehurumende] . . . Ipai vose zvakavafanira, kune anorayira mutero, mutero.”—VaRoma 13:1, 7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe