RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 14 pp. 22-23
  • Shamwari dzaMwari Dzinodzivisa Zvakaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shamwari dzaMwari Dzinodzivisa Zvakaipa
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Miitiro Iyo Mwari Anovenga
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Tinofanira Kuitei Kuti Tifadze Mwari?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Chikamu 13
    Teerera Mwari
  • “Nguva Yokuda Nenguva Yokuvenga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 14 pp. 22-23

CHIDZIDZO 14

Shamwari dzaMwari Dzinodzivisa Zvakaipa

Satani anoedza vanhu kuti vaite zvakaipa. Munhu anoda kuva shamwari yaMwari anofanira kuvenga zvinovengwa naJehovha. (Pisarema 97:10) Hezvino zvimwe zvezvinhu zvinodziviswa neshamwari dzaMwari:

Zvinhu zvinovengwa naJehovha zvinosanganisira unzenza, udhakwa, kubvisa pamuviri, kuba, kureva nhema, kutadza kudzora hasha, kubheja

Zvivi zvounzenza. “Usaita upombwe.” (Eksodho 20:14) Kurara nomunhu musati maroorana zvakaipa zvekare.—1 VaKorinde 6:18.

Udhakwa. “Zvidhakwa . . . ha[zvi]zogari nhaka yeumambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:10.

Kuuraya, Kubvisa pamuviri. “Usauraya.”—Eksodho 20:13.

Kuba. “Usaba.”—Eksodho 20:15.

Kureva nhema. Jehovha anovenga “rurimi runoreva nhema.”—Zvirevo 6:17.

Chisimba Nokutsamwa Kusingadzorwi. “[Jehovha] unovenga wakaipa nounomanikidza.” (Pisarema 11:5) “Mabasa enyama [anosanganisira] . . . kufufutirwa nokutsamwa.”—VaGaratiya 5:19, 20.

Kubhejera. “Murege kufambidzana nomunhu . . . anokara.”—1 VaKorinde 5:11.

Ruvengo Rworudzi Nedzinza. “Rambai muchida vavengi venyu uye kunyengeterera vanokutambudzai.”—Mateu 5:43, 44.

Zvinhu zvatinoudzwa naMwari zvakatinakira. Hazvisi nyore nguva dzose kudzivisa kuita zvinhu zvakaipa. Uchibetserwa naJehovha uye neZvapupu zvake, unogona kudzivisa kuita zvinhu zvisingafadzi Mwari.—Isaya 48:17; VaFiripi 4:13; VaHebheru 10:24, 25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe