RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-24 p. 2
  • Jesu Kristu—Iye Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Kristu—Iye Ndiani?
  • Jesu Kristu—Iye Ndiani?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rudo—Mushonga Wake
  • Achishandisa Rudo Rwake
  • Jesu Angachinja Upenyu Hwako Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Tinodavirirei Muna Jesu Kristu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jesu Aiitei Paakanga Ari Pasi Pano?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Jesu Kristu—Iye Ndiani?
T-24 p. 2

Jesu Kristu—Iye Ndiani?

“NYANGWE vanhu vakawanda vasiri vaKristu vanodavira kuti Iye akanga ari mudzidzisi mukuru uye akachenjera. Zvechokwadi ndiye mumwe wevanhu vaiva nesimba zvikurusa vakamborarama.” (The World Book Encyclopedia) “Iye” ndiani? Jesu Kristu, muvambi wechiKristu. Unoziva kuti ndiani here? Anotapura upenyu hwako nenzira ipi neipi here?

Zvakaitika muushumiri hwaJesu zvakanyorwa muBhaibheri mumabhuku mana enhau anonzi Evhangeri. Nhoroondo idzi ndedzechokwadi zvakadini? Mushure mokudzinzvera, mumwe wezvenhau anozivikanwa zvikuru Will Durant akanyora kuti: “Kuti varumewo zvavo vashomanene vanofanira kuva vakafunga nezvemunhu ane simba kwazvo uye anoyemurika muchizvarwa chimwe, ane tsika dzakanaka kwazvo dzinoita kuti pave nepfungwa youkama hwavanhu, kungava chishamiso chinoshamisa zvikuru kupfuura chipi nechipi chakanyorwa muEvhangeri.”

Zvisinei, kune mamiriyoni avanhu vokuMabvazuva nokune dzimwe nzvimbowo, Jesu Kristu haazivikanwi. Vangadavira kuti aivapo, asi havafungi kuti ane chokuita noupenyu hwavo. Vamwe vanoti Jesu haakoshi nemhaka yezvakaitwa navaizviti vateveri vake. ‘Vakawisira bhambu reatom paNagasaki,’ vamwe muJapan vangadaro, ‘guta raiva nevaKristu vakawanda kupfuura maguta akawanda muJapan.’

Asi, ungapa murapi mhosva yekurwara kwomurwere kana murwere wacho akakundikana kushandisa mishonga yakanyorwa nachiremba here? Zviri pachena kuti kwete. Vanhu vechiKristudhomu vakanguri vafuratira mushonga waJesu wokukunda matambudziko avo ezuva nezuva. Saka panzvimbo pokuramba Jesu nemhaka yevanonzi vaKristu, vasingateveri mirayiro yake, iwe pachako wadini kudzidza chimwe chinhu pamusoro pake? Tarira muBhaibheri, uone kuti Jesu ndiani chaizvo uye kuti angatochinja upenyu hwako sei.

Rudo—Mushonga Wake

Jesu Kristu akanga ari mudzidzisi mukuru akararama muParestina kwamakore anenge 2 000 akapfuura. Zvishomanene kwazvo zvinozivikanwa nezvouduku hwake. (Mateo, zvitsauko 1ne2; Ruka, zvitsauko 1ne2) Paakasvitsa zera ramakore 30, Jesu akatanga ushumiri hwake kuti a“pupure zvokwadi.” (Johane 18:37; Ruka 3:21-23) Vanhu vana vakashuma nhau youpenyu hwaJesu vakasimbisa ushumiri hwake hwapachena, makore matatu nehafu okupedzisira okumbogara kwake pasi pano.

Munguva youshumiri hwake, Jesu akapa vadzidzi vake mazano okugadzirisa nawo matambudziko akawanda muupenyu hwavo. Mazano iwawo aiva chii? Aiva rudo. Mune imwe yemharidzo dzake dzinozivikanwa kwazvo munhau, inonzi Mharidzo yapaGomo, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vangaratidza sei rudo kune vamwe vavo. Akati: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.” (Mateo 7:12) Nheyo iyi ndiwo Mutemo Unokosha. “Vanhu” vaitaurwa naJesu pano vanobatanidza kunyange vanokuvenga. Mumharidzo iyoyo, akati: “Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai.” (Mateo 5:44) Rudo rwakadaro harungapedzi zvinetso zvakawanda zvatinotarisana nazvo nhasi here? Mutungamiriri wechiHindu Mohandas Gandhi aifunga kuti rungazvipedza. Anonzi akati: “Pa[ti]chabatana padzidziso dzakataurwa naKristu muMharidzo iyi yapaGomo, tichava tapedza matambudziko . . . enyika yose.” Dzidziso dzaJesu pamusoro porudo, kana dzikashandiswa, dzingarapa zvirwere zvavanhu.

Achishandisa Rudo Rwake

Jesu aiita zvaaidzidzisa. Aitanga afunga zvaifarira vamwe asati azvifunga iye uye airatidza mashandire erudo. Rimwe zuva, Jesu navadzidzi vake vakanga vachishumira vanhu vakawanda, vasina kuwana nguva yokudya. Jesu akaona kuti vadzidzi vake vaifanira kumbo“zoror[a] zvishoma,” saka vakaenda kunzvimbo yaiva isina vanhu. Asi boka rakavatangira uye rakanga rakamirira kuti vasvike. Ungadai wakaita sei kudai iwe waiva Jesu? Jesu “akavanzwira tsitsi,” uye “akatanga kuvadzidzisa zvizhinji.” (Marko 6:30-34) Uku kunzwira tsitsi zvikuru kwakamuita kuti abetsere vamwe.

Zvakaitwa naJesu kuti vamwe vabetserwe zvakanga zvisina kungoganhurirwa pakudzidzisa kwomudzimu. Akabetserawo zvaioneka. Somuenzaniso, akadyisa varume 5 000 (mukuwedzera kuvakadzi navana) vakanga vachimuteerera kusvikira kwavira rimwe zuva. Akadyisa vamwe 4 000 pane zvakazoitika pane imwe nguva. Pachiitiko chokutanga, akashandisa marofu mashanu echingwa nehove mbiri, uye pechipiri, marofu manomwe nehove duku shomanene. (Mateo 14:14-21; 15:32-38; Marko 6:35-44; 8:1-9) Zvishamiso here? Hungu, aiita zvishamiso.

Jesu akarapawo vakawanda vairwara. Akarapa mapofu, zvirema, vaiva namaperembudzi, nematsi. Inga wani akatomutsa vakafa! (Ruka 7:22; Johane 11:30-45) Pane imwe nguva, mumwe aiva namaperembudzi akamuteterera achiti: “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akapindura sei? “Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari: Ndinoda, chinatswa.” (Marko 1:40, 41) Jesu akanzwa chishuvo chakasimba chokuda kuvabetsera. Nezvishamiso zvakadaro, akaratidzira rudo rwake nokuda kwevaitambudzika.

Zvakaoma kudavira here? Asi Jesu akaita zvishamiso zvake zvakawanda pana vanhu. Kunyange vashori vake, vaiedza kumuwanira mhaka panguva dzose, vakanga vasingagoni kuramba chokwadi chokuti aiita zvishamiso. (Johane 9:1-34) Asiwo, zvishamiso zvake zvaiva nechinangwa. Zvakabetsera vanhu kuti vaone Jesu saiye akatumwa naMwari.—Johane 6:14.

Kungofunga zvishomanene nezvedzidziso dzaJesu noupenyu hwake kunoita kuti timude uye kunotiita kuti tide kutevedzera rudo rwake. Asi, haisiyo yoga nzira iyo Jesu anogona kutapura nayo upenyu hwako. Akanga asiri mudzidzisi mukuru chete aidzidzisa rudo. Akaratidza kuti akamborarama asati ava munhu soMwanakomana wakaberekwa ari mumwe oga waMwari. (Johane 1:14; 3:16; 8:58; 17:5; 1 Johane 4:9) Ari kuraramazve amborarama somunhu, zvinomuita kuti atove anokosha zvikuru kwauri. Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu akamutswa uye zvino akagadzwa saMambo woUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 11:15) Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3; 20:31) Zvechokwadi, kuziva Jesu Kristu kungareva upenyu husingagumi muParadhiso! Zvingadaro sei? Wadini kudzidza zvakawanda nezvaJesu ndokuona kuti “rudo rwaKristu runotimanikidza” sei kuti timutevedzere? (2 VaKorinte 5:14) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera.—Johane 13:34, 35.

Kunze kwekunge zvaratidzwa, mashoko ose omuBhaibheri anobva muThe Bible in Union Shona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe