Tinodavirirei Muna Jesu Kristu?
“KUNYANGE vanhu vakawanda vasiri vaKristu vanodavira kuti Akanga ari mudzidzisi mukuru akachenjera. Zvechokwadi akanga ari mumwe wevanhu vakachinja vamwe kwazvo ati amborarama.” (The World Book Encyclopedia) Ndiani “Iyeye”? Jesu Kristu, muvambi wechiKristu.
Zvisinei, pasinei zvapo nezvinotaura enisaikoropidhiya, kune mazana emamiriyoni evanhu kuMabvazuva nekune dzimwe nzvimbo, Jesu Kristu munhu asingazivikanwi, rinongova zita ravangayeuka kubva mumabhuku ekuchikoro chepamusoro. Kunyange mumachechi echiKristudhomu, mune nyanzvi dzezvitendero nevafundisi avo vanoti havanyatsozivi Jesu uye vasina chokwadi nouchokwadi hwenhau dzeupenyu hwake ina dzeMagwaro (Evhangeri) dziri muBhaibheri.
Vanyori veEvhangeri vangave vakanyepedzera upenyu hwaJesu here? Nyangwe! Wezvenhau anozivikanwa zvikuru Will Durant, pashure pekunzvera nhau idzodzo dzeEvhangeri, akanyora kuti: “Kuti vanhu venhando vashomanene vanofanira muchizvarwa chimwe kuve vakaita unhu hune simba kwazvo nohunofadza, tsika dzakakwirira kwazvo uye nokuva noukama hwevanhu hunokurudzira kwazvo, zvaizova chishamiso chikuru kwazvo kupfuura zvose zvakanyorwa muEvhangeri. Pashure pemakore maviri eKutsoropodza Kukuru Magwaro, nhau dzeupenyu hwaKristu, unhu, nekudzidzisa kwake, zvakaramba zvakanyatsojeka, uye zvinoumba chinhu chinofadza pane zvose munhau yavanhu vekuMavirira.”
Nazvino, kune avo vangaramba Jesu Kristu seasingakoshi zvokuti vamuteerere nemhaka yezvakaitwa nevanozviti vateveri vake. ‘Vakadonhedza bhomba reatomu paNagasaki,’ vamwe vari muJapan vangadaro. ‘Uye Nagasaki yaiva nevaKristu vakawanda kupfuura maguta akawanda muJapan.’ Asi ungapomera chiremba mhosva nokuda kwechirwere chomurwere kana murwere achitadza kutevedzera zvaanoudzwa nachiremba here? Vanhu vakawanda vanotaura kuti vaKristu vakaramba kare mushonga waJesu wokukurira zvinetso zvavanhu. Asi Jesu akapa mushonga nokuda kwezvinetso zvedu zvezuva nezuva pamwe nematambudziko evanhu munyika yose. Ndosaka tichikukoka kuti urave nyaya inotevera ndokuzvionera kuti aiva munhu werudzii.