RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-23 pp. 2-3
  • Jehovha—Iye Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha—Iye Ndiani?
  • Jehovha—Iye Ndiani?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Akagadzira Wacho Ndiani?
  • Zvinoreva Zita Rake
  • Zvinhu Zvikuru Pamusoro paJehovha
  • Kuziva Jehovha Zvakunobatsira
  • Ndiani Ari Kuparira Zvose?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jehovha Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mwari Wechokwadi Ndiani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kudza Jehovha Nokuti Ndiye Mwari Wechokwadi Bedzi
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Jehovha—Iye Ndiani?
T-23 pp. 2-3

Jehovha—Iye Ndiani?

ACHIVHURA nzira yake nomusango muCambodia, Henri Mouhot, muFrench wezana remakore rechi19 aifamba achitsvaga nzvimbo itsva, akasvika pamugero wakafara wakanga wakapoteredza imwe temberi. Yaiva Angkor Wat, chivako chikuru kupfuura zvimwe zvose chinoyeuchidza nezvechitendero chiri pasi pano. Mouhot akangozviona nokutarisa chete kuti chivako chacho icho chaive chakafukidzwa nechakwindi raiva basa remaoko evanhu. “Chakavakwa nemumwewo munhu wekare aiva neunyanzvi sehwaMichelangelo, chakaisvonaka kupfuura chero chinhu chipi zvacho chatakasiyirwa neGirisi kana kuti Roma,” akanyora kudaro. Pasinei zvapo nokuva chakasiyiwa nokuregeredzwa kwemazana emakore, akanga asina mubvunzo kuti chivako chacho chakaoma kunzwisisa, chaiva neakagadzira.

Nenzira inofadza, bhuku rouchenjeri rakanyorwa mazana emakore akapfuura rakashandisa mafungire akafanana, richiti: “Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.” (VaHebheru 3:4) Asi vamwe vangati, ‘Kushanda kwezvinhu zvakasikwa zvakadaro kwakasiyana nekwezvinhu zvakaitwa nemunhu.’ Zvisinei, haasi masayendisiti ose anobvumirana nokuramba ikoko.

Pashure pokubvuma kuti “gadziriro dzebiochemistry zvinhu zvine upenyu,” Michael Behe, mumwe wemapurofesa ebiochemistry paLehigh University, Pennsylvania, U.S.A., anobvunza kuti: “Gadziriro dzebiochemistry dzine upenyu dzinogona kugadzirwa noungwaru here?” Anopfuurira kuratidza kuti masayendisiti zvino ari kugadzira kuchinja kunokosha muzvinhu zvipenyu nemitoo yakadai segenetic engineering. Hungu, zvinhu zvine upenyu nezvisina upenyu zvinogona “kugadzirwa”! Achiongorora masero mapenyu anogona kuonekwa bedzi nemicroscope, Behe akaona gadziriro dzakaoma kunzwisisa zvinoshamisa dzakaumbwa nezvinhu zvinoshanda chete kana zvimwe zvacho zviripo. Akagumisa kutii? “Zvakawanika mukuedza kuongorora sero kwose uku—kuongorora upenyu mumolecule—kudaidzira, kwakajeka, kusingarambiki kwekuti ‘zvakagadzirwa!’”

Saka, ndiani Akagadzira gadziriro dzose idzi dzakaoma kunzwisisa?

Akagadzira Wacho Ndiani?

Mhinduro inowanika mubhuku rekare rouchenjeri rambodudzwa pakutanga—Bhaibheri. Mumashoko aro okutanga, Bhaibheri rinopindura mubvunzo wokuti ndiani akagadzira zvinhu zvose izvi nemutoo uri nyore kunzwisisa zvinoshamisa uye wakajeka richiti: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.”—Genesi 1:1.

Zvisinei, achizvisiyanisa nevamwe vanonzi Mwari, Musiki anozvizivisa nezita rakasiyana nemamwe: “Zvanzi naMwari Jehovha, iye wakasika denga rose . . . , iye wakatambanudza nyika nezvinobvamo, iye unopa vanhu varimo kufema.” (Isaya 42:5, 8) Jehovha ndiro zita raMwari akagadzira chisiko chose nokuita varume navakadzi vari pasi pano. Asi Jehovha ndiani? NdiMwari worudzii? Uye nei iwe uchifanira kumuteerera?

Zvinoreva Zita Rake

Chokutanga, zita roMusiki, Jehovha, rinorevei? Zita raMwari rinonyorwa nemabhii mana (יהוה) echiHebheru uye rinooneka kanenge ka7 000 muchikamu chechiHebheru cheBhaibheri. Zita iri rinoonekwa seriri muchimiro chinosakisa cheshoko rechiito rechiHebheru raha·wahʹ (“kuva”) uye saka rinoreva kuti “Anosakisa Kuva.” Nemamwe mashoko, Jehovha anozviita chero zvaanenge achida kuva kuti aite zvinangwa zvake. Anova Musiki, Mutongi, Muponesi, Mutsigiri woupenyu, nezvimwewo, kuitira kuti aite zvinangwa zvake. Uyewo, shoko racho rechiito rechiHebheru riri mugirama iri muchimiro chinoratidza kuita basa riri kutoitwa. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha achiri kuzviita uyo anozadzika zvaakavimbisa. Hungu, ndiMwari mupenyu!

Zvinhu Zvikuru Pamusoro paJehovha

Bhaibheri rinoratidza uyu Musiki nemuiti wezvaanovimbisa kuva munhu anokwezva kwazvo. Jehovha pachake akaratidza zvinhu zvinomusiyanisa ndokuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo.” (Eksodho 34:6, 7) Jehovha anorondedzerwa saMwari une tsitsi nengoni. Shoko rechiHebheru rakashandiswa pano rinogonawo kushandurwa kuti “rudo rusingakundikani.” Pakuita chinangwa chake chisingagumi, Jehovha anoramba achida zvisikwa zvake asingakundikani. Haungakoshesi rudo rwakadaro here?

Jehovha anononokawo kutsamwa uye anokurumidza kukanganwira zvikanganiso zvedu. Zvinonyevenutsa mwoyo kuva pedyo nemunhu asingagari achitsvaka zvikanganiso asi anofarira kutikanganwira. Asi izvozvo hazvirevi kuti Jehovha haana basa nokukanganisa. Akataura kuti: “Ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwe chete nezvakaipa.” (Isaya 61:8) SaMwari anoruramisira, haashiviriri nokusingaperi nhinhi dzevatadzi vanoramba vari muuipi hwavo. Saka, tinogona kuva nechokwadi chokuti munguva yake yakafanira, Jehovha achagadzirisa kusaruramisira kuri munyika yakatipoteredza.

Kuramba uchiita kuti rudo nekururamisira zvirambe zvakaenzana zvinoda uchenjeri. Jehovha anoenzanisa izvi zvinhu zviviri munzira yakanaka kwazvo paanobata nesu. (VaRoma 11:33-36) Chokwadika, uchenjeri hwake hunogona kuoneka kwese kwese. Zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa zvinopupurira izvozvo.—Pisarema 104:24; Zvirevo 3:19.

Asi, kuva neuchenjeri hakuna kukwana. Kuti zvaanofunga zvinyatsoitika, Musiki anofanira kuvawo nesimba guru. Bhaibheri rinomuratidza saMwari akadaro: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; . . . nokuda kwoukuru hwesimba rake, . . . hakuna chimwe chinoshaikwa.” (Isaya 40:26) Chokwadi, Jehovha ane “ukuru hwesimba” zvokugona kuita kuda kwake. Izvozvo hazvikuiti kuti ukwezvwe naJehovha here?

Kuziva Jehovha Zvakunobatsira

Jehovha ‘haana kusika nyika kuti ive dongo’ asi ‘wakaiumba kuti igarwe’ nevanhu vane ukama hune zvahunoreva naye. (Isaya 45:18; Genesi 1:28) Ane hanya nezvisikwa zvake zvapasi. Akapa munhu mavambo akakwana mumusha wakanga wakaita sebindu, paradhiso. Vanhu, ndipo pavava kuuparadza, zvichigumbura Jehovha zvikuru kwazvo. Asi, sezvinorehwa nezita rake, Jehovha achazadzika chinangwa chake chapakuvamba chaakasikira munhu nepasi. (Pisarema 115:16; Zvakazarurwa 11:18) Achaita kuti pasi rivezve Paradhiso kuavo vanoda kumuteerera sevana vake.—Zvirevo 8:17; Mateo 5:5.

Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinorondedzera manakire eupenyu hwaunogona kuva nahwo muParadhiso iyoyo: “Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndihwo upenyu chaihwoihwo uhwo Jehovha anoda kuti uve nahwo. Iye ndiBaba vakanaka zvakadini! Unoda kudzidza zvakawanda pamusoro pake nezvaunofanira kuita kuti urarame muParadhiso here?

Kunze kwekunge zvaratidzwa, mashoko ose omuBhaibheri anobva muThe Bible in Union Shona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe