Kariro Inoshamisa!
“Mumwe nomumwe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haangatongofi.”—JOHANE 11:26.
APO mamiriyoni anomutswa murumuko, haasati achizodzorerwa kuupenyu pasi pasina vanhu. (Mabasa 24:15) Vachamukira mumhoteredzo yakavandudzwa zvakaisvonaka uye vachawana kuti dzimba dzokugara, zvokupfeka, uye zvokudya zvakawanda zvakavagadzirirwa. Ndivanani vachaita idzi gadziriro dzose? Nenzira yakajeka, vanhu vachafanira kuve vachirarama munyika itsva rumuko rwapasi rwusati rwavamba. Asi ndivanani?
2 Kuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri kunoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu.a (2 Timotio 3:1) Nokukurumidza zvino, Jehovha Mwari achapindira muzvinhu zvavanhu ndokubvisa uipi panyika. (Pisarema 37:10, 11; Zvirevo 2:21, 22) Panguva iyoyo, chii chichaitika kune avo vari kubatira Mwari nokutendeka?
3 Jehovha haasati achizoparadza vakarurama pamwe nevakaipa. (Pisarema 145:20) Haana kutongoita chinhu chakadaro, uye haasati achizochiita apo anobvisa uipi hwose pano pasi. (Enzanisa naGenesi 18:22, 23, 26.) Kutaura idi, bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinotaura nezve“boka guru, risingagoni kuverengwa nomunhu, rakabva kumarudzi ose nendudzi dzose nendimi,” rinobva “kukutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:9-14, NW) Hongu, boka guru richapukunyuka dambudziko guru umo nyika yakaipa iripo inoguma, uye vachapinda munyika itsva yaMwari. Imomo, rudzi rwomunhu runoteerera runogona kubetserwa zvizere nezvinogoverwa naMwari zvinoshamisa kusunungura rudzi rwomunhu muchivi norufu. (Zvakazarurwa 22:1, 2) Nokudaro, “boka guru” harifaniri kutongofa. Ikariro inoshamisa zvakadini!
4 Tinogona kuvimba netariro inoshamisa iyi here? Zvakasimba! Jesu Kristu pachake akaratidza kuti kwaizova nenguva apo vanhu vaizorarama vasingatongofi. Chinguvana asati amutsa shamwari yake Razaro, Jesu akaudza Marta kuti: “Mumwe nomumwe uri mupenyu unotenda kwandiri, haangatongofi.”—Johane 11:26.
Iwewo Unogona Kurarama Nokusingaperi
5 Unoda kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano here? Unoshuva kuonazve vadiwa vako here? Kana zvakadaro unofanira kupinza zivo yakarurama yezvinoda Mwari nemadonzo ake. Mumunyengetero kuna Mwari, Jesu akati: “Upenyu husingaperi ndihwo kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.”—Johane 17:3.
6 Ndizvo zvinoda Mwari kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:3, 4) Zvino ndiyo nguva yokudzidza nzira iyo iwe, pamwe chete nemamwe mamiriyoni ari kutoita kuda kwaMwari, munogona kurarama nayo nokusingaperi muParadhiso pasi pano. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera kudzidza zvakawanda nezvaMwari nezvaanoda. Wadii kuonana nazvo paHoro yoUmambo iri pedyo newe kana kuti kunyorera kukero iri pedyosa yakarongwa papeji inotevera?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, mapeji 98-107, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Mamiriyoni akafa zvino achamutsirwa mumhoteredzo yerudzii?
2-4. Ikariroi inoshamisa yakamirira avo vari kurarama mu“mazuva okupedzisira”?
5, 6. Kana uchida kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano, unofanira kuitei?
[Mufananidzo uri papeji 31]
“Boka guru” harifaniri kutongofa