Kudai Iwe Waigona Kurarama Nokusingaperi Waizosarudza Kudaro Here?
Iwe unogona chaizvoizvo kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano, seizvo bhurocha rino rinoratidza zvakajeka. Donzo raMwari nokuda kwemigariro yakadaro rine chokwadi chokuzadzikwa! Asi unofanira kusarudza kurarama nokusingaperi.
Chisarudzo ichocho, Jesu Kristu akadzidzisa, chinofanira kuvakirwa pazivo yakarurama yaMwari. Iri bhurocha rakagoverwa kukubetsera kuwana zivo iyoyo. Imwe betsero inogona kugamuchirwa kuZvapupu zvaJehovha. Zvingafadzwa kukushanyira panguva nenzvimbo zvakakukodzera. Uye kana ungada kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, ungazivisa ikoku kupfurikidza nokunyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakafanira iri pasi apa.