Chikamu 8
Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
1, 2. Upenyu huchava hwakaita sei mukutonga kwoUmambo hwaMwari?
1 Upenyu huchava hwakaita sei apo Mwari anobvisa uipi nokutambura mupasi ndokupinza nyika itsva yake muudzori hune rudo hwoUmambo hwake hwokudenga? Mwari anopikira ku‘tadzanura ruoko rwake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.’—Pisarema 145:16.
2 Ndezvipi zviri zvishuvo zvako zvakarurama? Hazvisati zviri nokuda kwoupenyu hunofadza, basa rakafanira, zvokunyama zvakawanda, mhoteredzo dzakaisvonaka, rugare pakati pamarudzi ose, uye rusununguko mukusaruramisira, chirwere, kutambura, uye rufu here? Uye zvakadiniko nezvomurangariro womudzimu unofadza? Zvinhu zvose izvozvo zvichakurumidza kuzadzikwa mukutonga kwoUmambo hwaMwari. Cherechedza zvinotaura uporofita hweBhaibheri nezvezvikomborero zvinoshamisa zvichauya munyika itsva iyoyo.
Rudzi Rwomunhu Rwava Norugare Rwakakwana
3-6. Ivimbisoi yatinayo yokuti vanhu vachava norugare munyika itsva?
3 “[Mwari] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.”—Pisarema 46:9.
4 “Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.
5 “Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.
6 “Nyika yose yazorora, yanyarara; vanofara nokuimba.”—Isaya 14:7.
Munhu Nemhuka Zvava Norugare
7, 8. Rugarei ruchavapo pakati pavanhu nemhuka?
7 “Bere richagara negwaiana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nemwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira. Mhou nebere zvichachera; vana vadzo vachavata pamwe chete; shumba ichadya uswa senzombe. Mwana unomwa, uchatamba pamwena wenyoka, uye mwana wakarumurwa uchapinza ruoko rwake mubako remvumbi. Hazvingakuvadzi kana kuparadza.”—Isaya 11:6-9.
8 “Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi . . . ndivavatise pasi vakachengetwa.”—Hosea 2:18.
Utano Hwakakwana, Upenyu Husingaperi
9-14. Rondedzera migariro youtano munyika itsva.
9 “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”—Isaya 35:5, 6.
10 “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.”—Zvakazarurwa 21:4.
11 “Hakuna ugeremo, uchati: ‘Ndinorwara.’”—Isaya 33:24.
12 “Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; uchadzokera kumazuva ouduku hwake.”—Jobho 33:25.
13 “Chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”—VaRoma 6:23.
14 “Munhu ari wose anoshandisa kutenda maari [acha] . . . va noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16, NW.
Vakafa Vanodzorerwa Kuupenyu
15-17. Itariroi iripo nokuda kwaavo vakatofa?
15 “Kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15, NW.
16 “Nguva iri kuuya umo vose avo vari mumakuva echirangaridzo [yeuko yaMwari] vachanzwa inzwi rake ndokubuda.”—Johane 5:28, 29, NW.
17 “Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi [guva] zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri.”—Zvakazarurwa 20:13.
Pasi, Paradhiso Yezvakawanda
18-22. Pasi rose richachinjwa kuvei?
18 “Ndichapfunhisa mvura nenguva yayo, mishoko inoropafadza ichavapo. Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo.”—Ezekieri 34:26, 27.
19 “Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, uchatiropafadza.”—Pisarema 67:6.
20 “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.”—Isaya 35:1.
21 “Makomo nezvikomo zvichaimba nomufaro pamberi penyu; miti yose yokudondo ichauchira. Panzvimbo yomuti womunzwa pachamera musipresi, panzvimbo yorukato pachamera mumirte.”—Isaya 55:12, 13.
22 “Iwe uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:43, NW.
Dzimba Dzakanaka nokuda Kwavose
23, 24. Ivimbisoi yatinayo yokuti kuchava nedzimba dzakanaka dzakakwana nokuda kwavose?
23 “Vachavaka dzimba nokugaramo; . . . havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; . . . vachafarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa.”—Isaya 65:21-23.
24 “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.
Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso
25. Murangariroi unoshamisa watinawo wenguva yemberi?
25 Murangariro unoshamisa zvakadini wenguva yemberi! Idonzo chairoiro rakadini upenyu hunogona kuva naro zvino apo hunosungirirwa patariro yakasimba yokuti munyika itsva yaMwari zvinetso zvose zvanhasi nokusingaperi zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura! “Zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” (Isaya 65:17) Uye kunonyaradza sei kuziva kuti upenyu panguva iyeyo huchava husingagumi: “[Mwari] achaparadza zvomenemene rufu nokusingaperi.”—Isaya 25:8, NW.
26. Chii chiri nhungamiro kukurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari?
26 Iwe unoda here kurarama nokusingaperi munyika itsva iyoyo yeParadhiso yava pedyo kwazvo zvino? ‘Chii chandingafanira kuita kuti ndiwane nyasha dzaMwari pamugumo wenyika ino ndokupfuurira kurarama munyika itsva yake?’ ungabvunza kudaro. Unofanira kuita izvo Jesu akaratidzira mumunyengetero kuna Mwari: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, uye neyouyo makatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3, NW.
27. Chii chaunofanira kuita kuti utore rutivi mudonzo raMwari?
27 Naizvozvo, wana Bhaibheri, uye simbisa zvawarava mubhurocha rino. Tsvaka vamwe vanofunda ndokudzidzisa idzi zvokwadi dzeBhaibheri. Buda mumarudzidziso anonyengera ayo anodzidzisa ndokuita zvinhu zvinopesana neBhaibheri. Dzidza nzira iyo iwe, pamwe chete namamirioni avamwe ava kutoita kuda kwaMwari, unogona kugoverana nayo mudonzo raMwari rokuti vanhu vararame nokusingaperi muparadhiso yapasi. Uye funga zvakakomba izvo Shoko rakafuridzirwa raMwari rinozivisa pamusoro penguva yemberi iri pedyo: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Donzo raMwari rokudzorera paradhiso yapasi richakurumidza kuzadzikwa