RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • pr chikamu 6 pp. 22-25
  • Nei Kune Kutambura Nokusaruramisira Zvakawanda Kwazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Kune Kutambura Nokusaruramisira Zvakawanda Kwazvo?
  • Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso
  • Chakaipa
  • Neiko Kwenguva Refu Kwazvo?
  • Mwari Achakurumidza Kupindira
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura
    Mukai!—1990
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?
    Kuna Mwari Anoitira Hanya?
  • Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
    Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
Ona Zvimwe
Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
pr chikamu 6 pp. 22-25

Chikamu 6

Nei Kune Kutambura Nokusaruramisira Zvakawanda Kwazvo?

1, 2. Nemhaka yechinoitika chavanhu, mibvunzoi ingabvunzwa?

1 Zvisinei, kana Musikavanhu akaita donzo kuti vanhu vakakwana vararame pasi pano nokusingaperi pakati pemigariro yeparadhiso uye kana iroro richiri donzo rake, neiko kusina paradhiso zvino? Neiko, panzvimbo pezvo, rudzi rwomunhu rwakawana mazana amakore akawanda kwazvo okutambura nokusaruramisira?

2 Pasina panikiro, nhau yavanhu yakazadzwa norusuruvaro runoparirwa nehondo, kukunda kwehurumende dzokumwe, kushandisana zvisakafanira, kusaruramisira, urombo, ngwavaira, chirwere, uye rufu. Neiko zvinhu zvakaipa zvakawanda kwazvo zvakaitika kuvanyajambwa vasina mhaka vakawanda kwazvo? Kana Mwari ane simba rose, neiko akabvumira ichi chitsama chihombe chokutambura kwezviuru zvamakore? Sezvo Mwari akagadzira ndokuronga chisiko chose zvakanaka kwazvo, neiko aizobvumira nyongano noruparadziko pasi pano?

Muenzaniso

3-5. (a) Muenzanisiroi ungagona kutibetsera kunzwisisa chikonzero nei Mwari wenhevedzano aizobvumira nyongano pasi pano? (b) Ndechipi chezvinhu zvinoverengeka chinokodzera mugariro pamusoro papasi?

3 Ngatishandisei muenzaniso kuti tienzanisire chikonzero nei Mwari wenhevedzano aizobvumira nyongano pasi pano. Fungidzira, kana uchida, kufamba uchipinda mudondo uye uchiwana imba. Sezvo unonzvera imba yacho, unoona kuti yakanyongana. Mawindo akaputsika, denga rakakuvara zvakakomba, chidimbati chemiti chedenga chakazara nemwena, suo rakarembera pahinji imwe, uye pombi dzemvura hadzishandi.

4 Pasinei zvapo neizvi zvakaipa zvose, waizogumisa here kuti hapana mugadziri akangwara aigona sezvinobvira kuva akagadzira imba iyoyo? Ko nyongano yaizokupwisa here kuti tsaona bedzi ingagona kuva yakaita imba yacho? Kana kuti kana wakagumisa kuti mumwe munhu akagadzira ndokuivaka, waizorangarira here kuti uyu munhu akanga asina unyanzvi uye asingafungi?

5 Apo unosanoongorora zvikuru chivako chacho, unoona kuti pakuvamba chakanga chakasanoiswa pamwe chete uye chinopa ufakazi hwengwariro yokufunga kukuru. Asi zvino chakanga chasakara uye chodokuparara. Chii icho zvakaipa nezvinetso zvaizoratidzira? Zvaigona kukarakadza kuti (1) muridzi akafa; (2) iye muvaki anokwanisa asi haasati achafarira imba yacho; kana kuti (3) iye akarojesa kwechinguvana chivako chake kumaroja asingaongi. Chapashure chakafanana nomugariro pamusoro papasi rino.

Chakaipa

6, 7. Chii chakaitika kuna Adhama naEvha apo vakapunza mutemo waMwari?

6 Kuvambira pachinyorwa chapakuvamba cheBhaibheri, tinodzidza kuti rakanga risiri donzo raMwari kuti vanhu vatambure kana kuti vafe. Vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakafa bedzi nemhaka yokuti havana kuteerera Mwari. (Genesi, ganhuro 2 ne 3) Apo ivo vasina kuteerera, vakanga vasati vachiri kuita kuda kwaMwari. Vakabuda mutarisiro yaMwari. Chaizvoizvo, vakazvibvisa vamene kuna Mwari, “manyuko oupenyu.”—Pisarema 36:9, NW.

7 Kufanana nomuchina unofamba zvishoma ndokumira apo unobviswa pamanyuko awo esimba, miviri yavo nendangariro zvakaita zvakashata. Somuuyo, Adhama naEvha vakaipa, vakakwegura, uye pakupedzisira vakafa. Chii chakaitika panguva iyeyo? Vakadzokera uko vakabva: “Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” Mwari akanga avanyevera kuti rufu rwaizova muuyo wokusateerera mitemo yake: “Uchafa zvirokwazvo.”—Genesi 2:17; 3:19.

8. Chivi chavabereki vedu vokutanga chakatapura sei mhuri yavanhu?

8 Vabereki vedu vokutanga havana kungofa bedzi asi vana vavo vose, dzinza rose ravanhu, rakauraiswawo. Neiko? Nemhaka yokuti mukuwirirana nemitemo yokugara nhaka, vana vanogara nhaka mavara avabereki vavo. Uye icho vana vose vavabereki vedu vokutanga vakagara nhaka chakanga chiri kusakwana norufu. VaRoma 5:12 (NW), inotiudza, kuti: “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama, sekuru worudzi rwomunhu] chivi chakapinda munyika norufu kupfurikidza nechivi, uye naizvozvo rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti ivo vose vakanga vatadza [kupfurikidza nokugara nhaka kusakwana, ndiko kuti, kombamiro dzokutadza].” Uye sezvo chivi, kusakwana, uye rufu zviri zvinhu bedzi vanhu vanoziva, vamwe vanozvirangarira sezvomuzvarirwo nezvisingadzivisiki. Bva, vanhu vapakuvamba vakasikwa vane simba nechishuvo zvokurarama nokusingaperi. Ndokusaka vanhu vazhinjisa vachiwana kariro yokuti upenyu hwavo huchapfupikiswa norufu ichikangaidza kwazvo.

Neiko Kwenguva Refu Kwazvo?

9. Neiko Mwari akabvumira kutambura kupfuurira kwenguva refu kwazvo?

9 Neiko Mwari akabvumira vanhu kuita madiro kwenguva refu kwazvo? Neiko iye akabvumira kutambura kuvapo mazana aya ose akawanda amakore? Chikonzero chimwe chinokosha ndechokuti nhau inokosha zvikuru yakamutswa: Ndiani ane maruramiro okutonga? Ko Mwari anofanira kuva Mutongi wavanhu, kana kuti ivo vanogona here kuzvitonga vamene nenzira inobudirira vasinaye?

10. Isimbai rakapiwa kuvanhu, nomutoroi?

10 Vanhu vakasikwa vane rusununguko rwokuita chisarudzo, ndiko kuti, vane simba rokusarudza. Ivo havana kuitwa samarobhoti kana kuti semhuka, idzo dzinotungamirirwa zvikurukuru nesimba rokuziva romusikirwo. Naizvozvo vanhu vanogona kusarudza uyo vachabatira. (Dheuteronomio 30:19; 2 VaKorinte 3:17) Nokudaro, Shoko raMwari rinopa zano, kuti: “Savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.” (1 Petro 2:16) Zvisinei, nepo vanhu vane chipo chinoshamisa chorusununguko rwokuita chisarudzo, ivo vanofanira kugamuchira miuyo yechisarudzo chavo chechiito.

11. Ndeipi ingava nzira bedzi yokuwana nayo kana nzira yokuzvimirira pana Mwari yaigona kuva inobudirira?

11 Vabereki vedu vokutanga vakaita chisarudzo chakaipa. Ivo vakasarudza nzira yokuzvimirira pana Mwari. Chokwadi, Mwari aigona kuva akauraya vaviri vokutanga vanopandukira nokukurumidza pashure pokunge vashandisa zvisakafanira rusununguko rwavo rwokuita chisarudzo. Asi ikoko kungadai kusina kupedza mubvunzo pamusoro pamaruramiro aMwari okutonga vanhu. Sezvo vaviri vokutanga vaida kuzvimirira pana Mwari, mubvunzo unofanira kupindurwa, wokuti: Ko chiito ichocho chaigona here kuguma noupenyu hunofadza, hunobudirira? Nzira bedzi yokuwana nayo yaiva yokurega vabereki vedu vokutanga navana vavo vachifamba nenzira yavo vamene, sezvo ichocho chakanga chiri chisarudzo chavo. Nguva yaizoratidzira kana vanhu vakasikwa kuti vave vanobudirira mukuzvitonga vamene vakazvimirira paMusiki wavo.

12. Jeremia akayera sei kutonga kwavanhu, uye neiko ikoku kwakadaro?

12 Munyori weBhaibheri Jeremia aiziva waizova muuyo. Achitungamirirwa nomudzimu mutsvene une simba waMwari, kana kuti simba rinobata basa, iye akanyora zvechokwadi, kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu.” (Jeremia 10:23, 24) Iye aiziva kuti vanhu vanofanira kuva nenhungamiro youchenjeri hwokudenga hwaMwari. Neiko? Nemhaka bedzi yokuti Mwari haana kusika vanhu kuti vabudirire vasina nhungamiro yake.

13. Miuyo yezviuru zvamakore zvokutonga kwavanhu yakaratidzei pasina nepanikiro?

13 Miuyo yezviuru zvamakore zvokutonga kwavanhu zvinoratidza pasina nepanikiro ipi neipi kuti hakusati kuri muvanhu kutungamirira zvinhu zvavo vamene vasina Musiki wavo. Zvavakakuedza, vanongozvishora vamene bedzi nokuda kwemiuyo ine ngwavaira. Bhaibheri rinojekesa, kuti: “Iye [Mwari] ndiro Dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Iye Mwari akatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi. Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremera kwavo.”—Dheuteronomio 32:4, 5.

Mwari Achakurumidza Kupindira

14. Neiko Mwari asati achanonotsa kupindira kwake muzvinhu zvavanhu?

14 Zvaakabvumira kuratidzirwa kwakakwana kwekundikano yokutonga kwavanhu mukati mamazana amakore enguva, Mwari anogona zvino kupfuurira kupindira muzvinhu zvavanhu ndokumisa kutambura, rusuruvaro, chirwere, uye rufu. Zvaakabvumira vanhu kusvika pakakwirira pezviitwa zvavo musayenzi, mabasa okugadzira zvinhu, mishonga, uye mamwe mativi, hapasisinazve kudikanwa kupi nokupi kwokuti Mwari abvumire mamwe mazana amakore enguva kuti vanhu vakazvimirira paMusiki wavo varatidzire kana vachigona kuparira nyika ine rugare, yeparadhiso. Havasati uye havagoni. Kuzvimirira pana Mwari kwakaguma nenyika yakaipa zvikuru, inovenga, inouraisa.

15. Izanoi reBhaibheri ratingaita zvakanaka kuteerera?

15 Nepo kwave kune vatongi vapachokwadi vakashuva kubetsera rudzi rwomunhu, nhamburiko dzavo hadzina kubudirira. Munzvimbo iri yose nhasi mune ufakazi hwokuputsika mukutonga kwavanhu. Ndokusaka Bhaibheri richipa zano, kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.”—Pisarema 146:3.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Kunyange vatongi venyika vapachokwadi havana kukwanisa kuparira nyika ine rugare, yeparadhiso

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe