RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • pr chikamu 5 pp. 20-22
  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka
  • Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Mwari Akasika Vanhu
  • Richiri Donzo raMwari
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Donzo Chairoiro Roupenyu
    Mukai!—1992
  • Paradhiso inotaurwa muBhaibheri iri kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Nyika Itsva Yava Pedyo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
Ona Zvimwe
Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
pr chikamu 5 pp. 20-22

Chikamu 5

Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka

1, 2. Tinogona sei kuziva kuti Mwari anotiitira hanya, uye ndokupi kwatinofanira kutendeukira nokuda kwemhinduro kumibvunzo youpenyu?

1 Nzira iyo pasi nezvinhu zvaro zvipenyu zvakaitwa nayo inoratidza kuti Musiki wazvo ndiMwari worudo uyo anoitira hanya chaizvoizvo. Uye Shoko rake, Bhaibheri, rinoratidza kuti iye anoitira hanya; rinotipa mhinduro dzakanakisisa pamusoro pemibvunzo, yokuti: Neiko tiri pano pasi pano? uye, Tiri kuenda kupi?

2 Tinofanira kunzvera Bhaibheri nokuda kwemhinduro idzodzo. Shoko raMwari rinoti: “Kana mukamutsvaka, uchawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye uchakurashaiwo.” (2 Makoronike 15:2) Naizvozvo ipapoka, chii chinozivisa kunzverwa kweShoko raMwari pamusoro pedonzo rake nokuda kwedu?

Chikonzero Nei Mwari Akasika Vanhu

3. Neiko Mwari akasika pasi?

3 Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akagadzirira pasi zvikurukuru achirangarira vanhu. Isaya 45:18 inotaura pamusoro papasi kuti Mwari “akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” Uye iye akagovera pasi chinhu chiri chose icho vanhu vaizoda, kwete chete kuti vavepo, asi kuti vafarikanye upenyu zvakazara.—Genesi, ganhuro 1 ne 2.

4. Neiko Mwari akasika vanhu vokutanga?

4 MuShoko rake, Mwari anotaura nezvokusika vanhu vokutanga, Adhama naEvha, uye anozivisa chaairangarira nokuda kwemhuri yavanhu. Iye akati: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa; napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:26) Vanhu vaifanira kutarisira “nyika yose” nechisiko chayo chemhuka.

5. Ndokupi kwakaiswa vanhu vokutanga?

5 Mwari akaita bindu hombe, rakafanana nepaka munharaunda inonzi Edheni, yaiva muMiddle East. Ipapo iye “akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni kuti aurime nokuuchengeta.” Yakanga iri paradhiso iyo yaiva nezvose izvo vanhu vokutanga vaizoda kudya. Uye yakabatanidza “miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya,” pamwe chete nemimwe miti namarudzi akawanda anofadza emhuka.—Genesi 2:7-9, 15.

6. Vanhu vakasikwa vane mavarai endangariro noomuviri?

6 Miviri yavanhu vokutanga yakasikwa yakakwana, naizvozvo havasati vaizorwara, kukwegura, kana kuti kufa. Ivo vakapiwawo mamwe mavara, rakadai seriya rorusununguko rwokuita chisarudzo. Nzira yavakaitwa nayo inotsanangurwa pana Genesi 1:27, kuti: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” Sezvo takasikwa mumufananidzo waMwari, takapiwa kwete bedzi mavara omuviri neendangariro asiwo mativi etsika neomudzimu, uye iwaya anofanira kugutswa kana tichizova vanofara zvirokwazvo. Mwari aizogovera mitoo yokugutsa nayo zvinodikanwa izvozvo pamwe chete nokudikanwa kwezvokudya, mvura, uye mhepo. Sezvakataura Jesu Kristu, “munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.”—Mateo 4:4.

7. Murairoi wakapiwa vaviri vokutanga?

7 Uyezve, Mwari akapa murairo unoshamisa kuvaviri vokutanga pavakanga vari muEdheni: “Berekai, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:28) Naizvozvo vaizokwanisa kubereka ndokubudisa vana vakakwana. Uye sezvo chiverengero chavanhu chaiwedzera, vaizova nebasa rinofadza rokukudza miganhu yenharaunda yapakuvamba yakafanana nepaka, yeparadhiso yeEdheni. Pakupedzisira, pasi rose raizorimwa kuva paradhiso, inogarwa navanhu vakakwana, vanofara vaigona kurarama nokusingaperi. Bhaibheri rinotizivisa kuti pashure pokunge Mwari atanga zvose izvozvi, “Mwari akaona zvose zvaakaita, uye zvakanaka kwazvo.”—Genesi 1:31; onawo Pisarema 118:17.

8. Vanhu vaifanira kutarisira sei pasi?

8 Kuri pachena kuti vanhu vaifanira kushandisa pasi rinodzorwa nokuda kwebetserwo yavo. Asi ikoku kwaifanira kuitwa nenzira ino mufungo. Vanhu vaifanira kuva vatarisiri vanoremekedza vapasi, kwete vaparadzi varo. Kuparadzwa kwapasi kwatinopupurira nhasi kunorwisana nokuda kwaMwari, uye avo vanogoverana makuri vari kupesana nedonzo roupenyu pasi pano. Ivo vachafanira kubhadhara chirango chaikoko, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari acha“paradza avo vanoparadza pasi.”—Zvakazarurwa 11:18, NW.

Richiri Donzo raMwari

9. Neiko tine chivimbo chokuti donzo raMwari richazadzikwa?

9 Nokudaro, kuvambira pamavambo rakanga riri donzo raMwari kuti mhuri yakakwana yavanhu igare pasi pano nokusingaperi muparadhiso. Uye richiri donzo rake! Pasina kundikano, donzo iroro richazadzikwa. Bhaibheri rinoti: “Jehovha wehondo wakapika, achiti: ‘Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.’” “Ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.”—Isaya 14:24; 46:11.

10, 11. Jesu, Petro, uye wezvamapisarema Dhavhidhi vakataura sei nezveParadhiso?

10 Jesu Kristu akataura pamusoro pedonzo raMwari rokudzorera paradhiso pasi pano apo akaudza mumwe murume aida tariro yenguva yemberi: “Iwe uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43, NW) Muapostora Petrowo akataura nezvenyika itsva inouya apo akadeya kutaura, kuti: “Kune matenga matsva [gadziriro itsva yehurumende inotonga iri mudenga] nepasi idzva [chaunga chitsva chapasi] zvatakamirira mukuwirirana nechipikirwa [chaMwari], uye muna izvozvi, kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13, NW.

11 Wezvamapisarema Dhavhidhi akanyorawo pamusoro penyika itsva inouya uye kuti yaizogara kwenguva yakareba sei. Iye akadeya kutaura, kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Ndokusaka Jesu akapikira, kuti: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka pasi.”—Mateo 5:5, NW.

12, 13. Peta donzo rakaisvonaka raMwari nokuda kworudzi rwomunhu.

12 Iyoyo ikariro yakaisvonaka zvakadini, kurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi musina uipi hwose, utsotsi, chirwere, rusuruvaro, uye marwadzo! Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, Shoko rouporofita raMwari rinopeta iri donzo rakaisvonaka nokuzivisa, kuti: “[Mwari] achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” Iro rinowedzera, kuti: “Wakanga agere pachigaro choushe akati: ‘Tarirai, ndinovandudza zvose.’ Akati: ‘Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndeazvokwadi.’”—Zvakazarurwa 21:4, 5.

13 Hungu, Mwari anorangarira donzo rakaisvonaka. Ichava nyika itsva yokururama, paradhiso isingagumi, yakadeya kutaurwa noUyo anogona uye achaita izvo anopikira, nokuti “mashoko [ake] awa angatendwa, ndeazvokwadi.”

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Mwari akaita donzo kuti vanhu vararame nokusingaperi muparadhiso yapasi. Iroro richiri donzo rake

[Mufananidzo uri papeji 22]

Muridzi anogona kuita kuti maroja anoparadza imba yake azvidavirire

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe