Chikamu 2
Ndiani Anogona Kutiudza?
1, 2. Ndeipi iri nzira yakanakisisa yokuwana nayo donzo rechimwe chinhu chinogadzirwa?
1 Ndiani anogona kutiudza chiri chaizvoizvo donzo roupenyu? Eya, kudai waizoshanyira mugadziri womuchina ndokumuona achishanda pachidimbu chakaoma kunzwisisa chomuchina chausina kuziva, waizogona sei kuwana kuti chaiva chei? Nzira yakanakisisa yaizova yokuti iwe ubvunze mugadziri.
2 Zvakadini, ipapoka, nezvegadziriro yakaisvonaka yatinoona makatipoteredza mose pasi pano, zvakadai seiri muzvinhu zvose zvipenyu, kuburuka kusvikira kusero mhenyu dukusa? Kunyange mamolecule maduku zvikuru namaatomu zviri mukati mesero zvakagadzirwa zvinoshamisa uye nenzira ine nhevedzano. Zvakadiniwo nezvendangariro yomunhu yakagadzirwa zvinoshamisa? Uye zvakadiniko nezvezuva redu nezvinhu zvinoripoterera, Gwara redu reNzou, uye chisiko chose? Ko idzi gadziriro dzose dzinotyisa hadzina kuda Mugadziri here? Zvirokwazvo iye angagona kutiudza chikonzero nei iye akagadzira zvinhu zvakadaro.
Ko Upenyu Hwakavamba Netsaona Here?
3, 4. Ibviroi iripo yokuti upenyu hwakavapo netsaona?
3 The Encyclopedia Americana yakacherechedza “mwero wechienzi wokuoma kunzwisisa nowokurongwa muzvisikwa zvipenyu” ndokuti: “Kusanoongororwa kwamaruva, zvipembenene, kana kuti mhuka dzinoyamwisa kunoratidza kurongwa kwakarurama nenzira inodokuva isingadaviriki kwamativi.” Nyanzvi yemitumbi yomudenga yeBritain Sir Bernard Lovell, ichinongedzera kukugadzirwa namakemikoro kwezvinhu zvipenyu, yakanyora, kuti: “Kubvira kwokuitika ne . . . tsaona kunotungamirira kukuumbwa kwerimwe ramaprotein molecule madukusa kuduku nenzira isingafungidziriki. . . . Hapana chaizvoizvo.”
4 Nenzira yakafanana, nyanzvi yemitumbi yomudenga Fred Hoyle yakati: “Kuumbwa kwose kwedzidzo inogamuchirwa yezvinhu zvipenyu kuchiri kudavira kuti upenyu hwakavapo netsaona. Bva sezvo nyanzvi dzezvinhu zvipenyu dzinowana zvakawanda zvikuru pamusoro pokuoma kunzwisiswa kunotyisa kwoupenyu, kuri pachena kuti mabanza okuvamba kwahwo netsaona maduku kwazvo zvokuti anogona kubviswa chose chose. Upenyu hahugoni kuva hwakavapo netsaona.”
5-7. Molecular biology inosimbisa sei kuti zvinhu zvipenyu hazvigoni kuvapo netsaona?
5 Molecular biology, rumwe rwamativi emisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru esayenzi, kufundwa kwezvinhu zvipenyu pamwero wamagene, mamolecule, uye maatomu. Nyanzvi yemolecular biology Michael Denton inotsinhira pamusoro pechakawanwa, ichiti: “Kuoma kunzwisiswa kworudzi runozivikanwa rwakapfava zvikurusa rwesero kukuru kwazvo zvokuti hakubviri kubvuma kuti chinhu chakadaro chingagona kuva chakaitwa kamwe kamwe norudzi rwakati rwechinoitika chechienzi, chisingabviri zvikuru kwazvo.” “Asi hakusati kuchingova chete kuoma kunzwisiswa kwezvinhu zvipenyu kunodenha zvikuru kwazvo, kunewo unyanzvi husingadaviriki hunowanzooneka kwazvo mukugadzirwa kwazvo.” “Ndipo pamwero wamamolecule apo . . . unyanzvi hwokugadzirwa kwezvinhu zvipenyu nokukwana kwenharidzano dzakawanwa zvinooneka zvikurusa.”
6 Denton anotizve: “Nzvimbo iri yose tinotarira, kuudzame hupi kana hupi tinotarira, tinowana kuisvonaka nounyanzvi zvorudzi rwakaisvonaka chose chose, urwo rwunonetesa kwazvo pfungwa yetsaona. Kunodavirika chaizvoizvo here kuti miitiro yetsaona ingagona kuva yakaumba chinhu chaichoicho, chinhu chidukusa chacho—protein inoshanda kana kuti gene—yakaoma kunzwisisa kupfuura mano edu timene ounyanzvi, chinhu chaichoicho icho chiri mhesano imene yetsaona, icho chinopfuura mupfungwa iri yose chinhu chipi nechipi chakaitwa noungwaru hwomunhu?” Iye anotiwo: “Pakati pesero benyu negadziriro isiri yezvinhu zvipenyu ine nhevedzano zvikurusa, zvakadai sechiwiti kana kuti chipapata chesinou, pane mukaha muhombe nowakakwana usingabviri kunzwisisa.” Uye purofesa wefizikisi, Chet Raymo, anoti: “Ndinoshamiswa zvikuru . . . Molecule iri yose inoratidzika kuva yakagadzirwa nenzira yenenji nokuda kwebasa rayo.”
7 Woruzivo rwemolecular biology Denton anogumisa kuti “avo vachiri kutsigira nechisimbwa kuti chinhu chitsva ichochi chose chaichoicho muuyo wetsaona zvayo” vanodavira ngano. Kutaura idi, iye anodana chitendero chaDarwin pamusoro pezvinhu zvipenyu zvinovapo netsaona kuti “ngano huru yamavambo echisiko chose yezana ramakore rechimakumi maviri.”
Gadziriro Inoda Mugadziri
8, 9. Ipa muenzanisiro unoratidza kuti chinhu chiri chose chakagadzirwa chinofanira kuva nomugadziri.
8 Kubvira kwokuti zvinhu zvisina upenyu zvaigona kuva noupenyu kupfurikidza netsaona, kupfurikidza netsaona isina kurongwa, hakutongobviri. Aiwa, zvinhu zvipenyu zvose zvakagadzirwa zvakaisvonaka pasi pano zvaisagona kuva zvakavapo netsaona, sezvo chinhu chiri chose chakagadzirwa chichifanira kuva nomugadziri. Unoziva here zvinosiiwa zvipi nezvipi? Hapana. Uye kana gadziriro yakaoma kunzwisisa zvikuru, mugadziri wacho anofanira kuva anokwanisa zvikuru.
9 Tingaenzanisirawo nhau yacho neiyi nzira: Apo tinoona mufananidzo wakanyorwa, tinougamuchira soufakazi hwokuti munyori womufananidzo aripo. Apo tinorava bhuku, tinobvuma kuti munyori aripo. Apo tinoona imba, tinobvuma kuti muvaki aripo. Apo tinoona robhoti, tinoziva kuti boka rinoita mitemo riripo. Zvinhu zvose izvozvo zvakaitwa nedonzo neavo vakazviita. Uye nepo tingasanzwisisa chinhu chiri chose pamusoro pavanhu vakazvigadzira, hatipanikiri kuti vanhu vacho varipo.
10. Hufakazii hwoMugadziri Mukurusa hunogona kuonwa?
10 Nenzira yakafanana, ufakazi hwokuvapo kwoMugadziri Mukurusa hunogona kuonwa mugadziriro, nhevedzano, uye kuoma kunzwisiswa kwezvinhu zvipenyu zviri pasi pano. Izvo zvose zvine zviratidzo zvoUngwaru Hukurusa. Ikoku ndokwechokwadiwo nezvegadziriro, nhevedzano, uye kuoma kunzwisiswa kwechisiko chose namabhirioni acho amakwara enzou, rimwe nerimwe richiva namabhirioni enyeredzi. Uye mitumbi yose yokudenga inodzorwa nemitemo chaiyoiyo, yakadai seiyo yokufamba, kupisa, chiedza, manzwi, magetsi, uye simba rinokweva rapasi. Kunogona kuva here nemitemo pasina muiti wemitemo? Musayendisiti wezvitundu mutsere mutsere Dr. Wernher von Braun akati: “Mitemo yomusikirwo yechisiko chose yakarurama kwazvo zvokuti hatina chinetso mukuvaka ngarava yomuchadenga kuti ibhururuke ichienda kumwedzi uye tinogona kuronga nguva yokubhururuka noururami hukurusa. Iyi mitemo inofanira kuva yakaiswa nomumwe munhu.”
11. Neiko tisingafaniri kuramba kuvapo kwoMugadziri Mukurusa nemhaka bedzi yokuti hatigoni kumuona?
11 Chokwadi, hatigoni kuona Mugadziri Mukurusa noMupi wemitemo nameso edu chaiwoiwo. Asi tinoramba here kuvapo kwezvinhu zvakadai sesimba rinokweva rapasi, magineti, magetsi, kana kuti mafungu enhepfenyuro nemhaka bedzi yokuti hatigoni kuzviona? Aiwa, hatisati, nokuti tinogona kucherechedza miuyo yazvo. Ipapo neiko tichifanira kuramba kuvapo kwoMugadziri Mukurusa noMupi wemitemo nemhaka bedzi yokuti hatigoni kumuona, apo tinogona kucherechedza miuyo yebasa rake rinoshamisa?
12, 13. Chii chinotaura ufakazi pamusoro pokuvapo kwoMusiki?
12 Paul Davies, purofesa wefizikisi, anogumisa kuti kuvapo kwomunhu hakusati kuchingova zvako jambwa rechienzi. Iye anoti: “Takanzi tive pano zvirokwazvo.” Uye anoti pamusoro pechisiko chose: “Kupfurikidza nebasa rangu resayenzi, ndasvika pakudavira zvakasimba zvikuru kwazvo kuti chisiko chose chinooneka chakaiswa pamwe chete nounyanzvi hunoshamisa kwazvo zvokuti handigoni kukugamuchira seidiwo zvaro risina mufungo. Kunofanira, kunoratidzika kwandiri, kuva nomwero mukuru zvikuru wetsananguro.”
13 Nokudaro, ufakazi hunotiudza kuti chisiko chose, pasi, uye zvinhu zvipenyu zviri pasi pano hazvaigona kuva zvakangovapo netsaona. Zvose zvinopa chipupuriro chakanyarara kuMusiki akangwara zvikuru, ane simba.
Chinotaura Bhaibheri
14. Chii chinogumisa Bhaibheri pamusoro poMusiki?
14 Bhaibheri, bhuku rekaresa rorudzi rwomunhu, rinoita mhedziso imwe cheteyo. Somuenzaniso, mubhuku reBhaibheri raVaHebheru, rakanyorwa nomuapostora Pauro, tinoudzwa, kuti: “Chokwadika, imba iri yose inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4, NW) Bhuku rokupedzisira reBhaibheri, rakanyorwa nomuapostora Johane, rinotiwo: “Makafanirwa, Jehovha, kunyange Mwari wedu, kugamuchira mbiri norukudzo nesimba, nemhaka yokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu izvo zvakavapo uye zvakasikwa.”—Zvakazarurwa 4:11, NW.
15. Tinogona sei kuziva mamwe amavara aMwari?
15 Bhaibheri rinoratidza kuti nepo Mwari asingagoni kuonekwa, rudzi rwaMwari rwaari rwunogona kuzivikanwa neizvo akaita. Iro rinoti: “Mavara asingaoneki [oMusiki], ndiko kuti simba rake risingaperi noumwari, zvakaoneka, chibviro chaapo nyika yakavapo, kuziso rokurangarira, muzvinhu zvaakaita.”—VaRoma 1:20, The New English Bible.
16. Neiko tichifanira kuva vanofara kuti vanhu havagoni kuona Mwari?
16 Naizvozvo Bhaibheri rinotibvisa pamuuyo kuenda kuchisakiso. Muuyo wacho—zvinhu zvinotyisa zvakaitwa—hufakazi hweChisakiso chakangwara, chine simba: Mwari. Uyewo, tinogona kuva vanoonga kuti iye haaoneki, sezvo soMusiki wechisiko chose, iye pasina panikiro ane simba guru kwazvo zvokuti vanhu venyama neropa havagoni kukarira kumuona ndokupona. Uye izvozvo ndizvo chaizvo Bhaibheri rinotaura: “Hakuno munhu ungandiona [Mwari] akazorarama.”—Eksodho 33:20.
17, 18. Neiko murangariro woMusiki uchifanira kuva unokosha kwatiri?
17 Murangariro woMuiti Mukuru, Musikavanhu—Mwari—unofanira kuva unokosha zvikuru kwatiri. Kana takaitwa noMusiki, ipapo zvirokwazvo anofanira kuva aiva nechikonzero, donzo, mukutisika. Kana takasikirwa kuva nedonzo muupenyu, ipapo pane chikonzero chokukarira kuti zvinhu zvichatiitira zviri nani munguva yemberi. Kukasadaro, tinongorarama ndokufa pasina tariro. Naizvozvo kunokosha zvikuru kuti tiwane donzo raMwari nokuda kwedu. Ipapo tinogona kusarudza kana tichida kurarama mutsinhirano naro kana kuti kwete.
18 Uyewo, Bhaibheri rinotaura kuti Musiki ndiMwari ane rudo anotiitira hanya zvikuru kwazvo. Muapostora Petro akati: “Anokuitirai hanya.” (1 Petro 5:7, NW; onawo Johane 3:16 na 1 Johane 4:8, 16.) Nzira imwe yatinogona kuona nayo kuti Mwari anoitira hanya zvikuru sei ndiko kupfurikidza nokurangarira nzira inoshamisa yaakatiita nayo, mundangariro nomumuviri.
“Ndakaitwa Nomutoo Unoshamisa”
19. Izvokwadii iyo wezvamapisarema Dhavhidhi anodanira kungwariro yedu?
19 MuBhaibheri wezvamapisarema Dhavhidhi akabvuma, kuti: “Ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa.” (Pisarema 139:14) Zvirokwazvo iyoyo ndiyo zvokwadi, nokuti uropi nomuviri zvomunhu zvakagadzirwa nenzira inoshamisa noMugadziri Mukurusa.
20. Enisaikoropidhia inorondedzera sei uropi hwomunhu?
20 Somuenzaniso, uropi hwako hwakaoma zvikuru kwazvo kunzwisisa kupfuura komupiyuta ipi neipi. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Kutumirwa kwamashoko mukati metsinga kwakaoma zvikuru kunzwisisa zvikuru kupfuura ekisichenji hurusa dzorunhare; kupedza zvinetso kunoitwa nouropi hwomunhu kunopfuura nokure kukwanisa kwamakomupiyuta ane simba zvikurusa.”
21. Apo tinoona icho uropi hunoita, chii chatinofanira kugumisa?
21 Mazana amamirioni amaidi nemifananidzo yomundangariro zvinochengetwa muuropi hwako, asi harisati richingova zvaro dura ramaidi. Nahwo unogona kudzidza nzira yokuridza nayo muridzo, kubika chingwa, kutaura mitauro yokumwe, kushandisa komupiyuta, kana kuti kubhururutsa ndege. Unogona kufungidzira kuti zororo ringava rakadini kana kuti muchero unonaka uchava unonaka sei. Unogona kukamuranisa ndokuita zvinhu. Unogonawo kuronga, kuonga, kuda, uye kubatanidza mifungo yako nenguva yakapfuura, yazvino, uye yomunguva yemberi. Sezvo isu vanhu tisingagoni kugadzira chinhu chakadai souropi hwomunhu hunotyisa, ipapo Uyo akahugadzira sezvinooneka ane uchenjeri namano zvikuru kupfuura izvo zvomunhu upi noupi.
22. Chii chinobvuma masayendisiti pamusoro pouropi hwomunhu?
22 Pamusoro pouropi, masayendisiti anobvuma, kuti: “Kuti aya mabasa anoitwa sei nourwu rutivi rwakaoma kunzwisisa rwomuchina rwakarongwa zvakaisvonaka, rune nhevedzano uye runoshamisa kwakaoma chose kunzwisisa. . . . Vanhu vangasatongokwanisa kupedza zvishamiso zvose zvakaparadzana zvimwe nezvimwe uropi hunopa.” (Scientific American) Uye purofesa wefizikisi Raymo anoti: “Kutaura chokwadi, tichiri vasingazivi zvakawanda pamusoro pokuti uropi hwomunhu hunochengeta sei mashoko, kana kuti hunokwanisa sei kuyeuka panguva ipi neipi pahunoda. . . . Kune masero etsinga akawanda samabhirioni ane zana rimwe ari muuropi hwomunhu. Sero imwe neimwe inokurukurirana, kupfurikidza namasynapse akafanana nomuti, nezviuru zvamamwe masero. Kubvira kwebatano kwakaoma kunzwisisa nenzira inokatyamadza.”
23, 24. Dudza mativi omuviri akagadzirwa nenzira inoshamisa, uye itsinhiroi yakaita mumwe injiniya?
23 Meso ako akarurama zvikuru uye anochinjika kupfuura kamera ipi neipi; kutaura idi, iwo ikamera dzinoshanda dzoga zvizere, dzinofokasa dzoga, dzinobudisa mifananidzo inofamba ine mavara. Nzeve dzako dzinogona kuziva mhatsa yamanzwi ndokukupa pfungwa yenhungamiro nedzikamo. Mwoyo wako ipombi ine mano ayo mainjiniya akanakisisa asati akwanisa kuitawo. Akaisvonakawo ndiwo mamwe mativi omuviri: mhino yako, rurimi, uye maoko, pamwe chete negadziriro dzako dzokutenderera kweropa nokuseredza, kududza zvishomanene.
24 Nokudaro, mumwe injiniya akahaiwa kuti agadzire ndokuita komupiyuta huru akarangarira, kuti: “Kana komupiyuta yangu yaida mugadziri, ndoda zvikuru muchina uya wakaoma kunzwisisa womuviri, wamakemikoro, mupenyu uyo uri muviri wangu womunhu—uyowo unongova bedzi rutivi rudukusa rwechisiko chose chinodokuva chisina mugumo?”
25, 26. Chii icho Mugadziri Mukuru anofanira kukwanisa kutiudza?
25 Sezvo vanhu vachirangarira donzo apo vanoita ndege, makomupiyuta, mabhasikoro, uye zvimwe zvinhu, naizvozvo Mugadziri wouropi nomuviri zvavanhu anofanira kuva aiva nedonzo mukutigadzira. Uye uyu Mugadziri anofanira kuva nouchenjeri hukuru kupfuura uhwo hwavanhu, sezvo pasina mumwe wedu anogona kuitawo gadziriro dzake. Kune mufungo, ipapoka, kuti iye ndiye Uyo anogona kutiudza chikonzero nei akatigadzira, chikonzero nei akatiisa pasi, uye kwatiri kuenda.
26 Apo tinodzidza zvinhu izvozvo, ipapo uropi hunoshamisa nomuviri izvo Mwari akatipa zvinogona kushandiswa kukuita donzo redu muupenyu. Asi ndokupi kwatinogona kudzidza pamusoro pamadonzo ake? Ndokupi kwaanotipa mashoko iwayo?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nzira yakanakisisa yokuwana nayo chikonzero nei chimwe chinhu chakagadzirwa kubvunza mugadziri
[Mufananidzo uri papeji 8]
Kuoma kunzwisiswa nomugadzirirwo wezvinhu zvipenyu zvinogona kuonekwa mumolecule yeDNA
[Mufananidzo uri papeji 9]
“Kupedza zvinetso kunoitwa nouropi hwomunhu kunopfuura nokure kukwanisa kwamakomupiyuta ane simba zvikurusa”