RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 30 pp. 678-701
  • ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwanda Mumarudzi Akawanda Kwechiito Chapamutemo
  • Hondo Yairatidzika Kuva Isingabviri Kuhwina
  • Pomero Dzorudzi Rwuri Rwose Rwunofungwa
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinodenha Mune Zvomutemo
  • Kusimbisa Vimbiso Dzorusununguko
  • Mhinganidzo Dzakakomba Dzakabva Kumatare
  • Mamirire Ezvinhu Anochinja
  • Kuzarura Nhambo Itsva Yorusununguko muQuebec
  • Kudzidza Kodzero Dzapamutemo Nomuitiro
  • Kufanana Nebumha Remhashu
  • Kufumura Mabasa Avakuru Vakuru Vanodzvinyirira Kuvanhu Vose
  • Chiito Chakabatana Mukutarisana Nedzvinyiriro yeNazi
  • Kuzivisa Munyika Yose Kunounza Rusununguko
  • Kuwana Kuzivikanwa Kwapamutemo
  • Apo Rutyo Rwunoparira Vanhu Kukanganwa Rusununguko Rwukuru
  • Kuumbwa kweBumbiro Remitemo
  • Ukuru hwoMutemo waMwari
  • Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Vanyajambwa Vokuvengwa Namarudzi Ose”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Dare Repamusorosoro Rinotonga Richitsigira Rusununguko Rwokutaura
    Mukai!—2003
  • Zvapupu zvaJehovha ‘Zvinoiswa Kumatare Omunzvimbomo’
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 30 pp. 678-701

Ganhuro 30

‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’

CHITAMBUDZO chikuru chakaunzwa paZvapupu zvaJehovha chakaguma nokuendeswa kwazvo pamberi pamapurisa, vatongi, uye vabati ushe mupasi rose. Mhaka dzapamutemo dzinobatanidza Zvapupu dzakasvika zviuru zvakawanda, uye mazana aidzodzi akakwirirwa kumatare apamusoro. Ikoku kwakava netapuro huru pamutemo umene uye kazhinji kazhinji kwakasimbisa vimbiso dzapamutemo dzorusununguko rukuru rwavanhuwo zvavo. Asi ikoku kwave kusati kuri vavariro huru yeZvapupu zvaJehovha.

Chishuvo chazvo chikuru ndechokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Chiito chapamutemo chazvinoita haisati iri mhaka yokuti izvo vanyanduri venzanga kana kuti vashanduri vomutemo. Vavariro yazvo ndeyoku‘dzivirira ndokusimbisa pamutemo mashoko akanaka,’ kunyange sezvakwakanga kwakaita nezvomuapostora Pauro. (VaF. 1:7) Kutongwa pamberi pavakuru vakuru vehurumende, pangava pakukumbira kweZvapupu kana kuti nemhaka yokuti zvakasungwa nokuda kwomubato wazvo wechiKristu, kunorangarirwawo semikana yokupa uchapupu. Jesu Kristu akaudza vateveri vake, kuti: “Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.”—Mat. 10:18.

Kuwanda Mumarudzi Akawanda Kwechiito Chapamutemo

Nguva refu hondo yenyika yokutanga isati yasvika, vafundisi, kupfurikidza nokudzvinyirira vakuru vakuru vomunzvimbomo, vakaedza kudzivisa kuparadzirwa kwamabhuku kwaiitwa naVadzidzi veBhaibheri munharaunda dzavo. Pashure peHondo Yenyika I, zvisinei, chishoro chakakomba. Munyika imwe pashure peimwe, mhinganidzo dzapamutemo dzorudzi rwuri rwose runofungidzirika dzakaiswa pamberi paavo vakaedza kuteerera murayiro wouporofita waKristu wokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nokuda kwechinangwa chouchapupu.—Mat. 24:14.

Vanyandurwa noufakazi hwokuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri, Vadzidzi veBhaibheri vakabva pakokorodzano yavo paCedar Point, Ohio, muna 1922, vakatsunga kuzivisa nyika kuti Nguva dzaVamarudzi dzakanga dzapera uye kuti Ishe akanga atora simba rake guru uye akanga achitonga ari mumatenga saMambo. “Zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake” ndiyo yakanga iri ziviso yavo. Mugore rimwe chetero, vafundisi muGermany vakanyandura mapurisa kuti asunge vamwe vaVadzidzi veBhaibheri apo vakanga vachiparadzira mabhuku eBhaibheri. Ichochi chakanga chisati chiri chiitiko chiri choga. Pakasvika 1926, kwakanga kune 897 dzemhaka dzakadaro dzaimirira chisarudzo mumatare eGermany. Kusungiswa kwakawanda kwazvo kwakanga kuchibatanidzwa zvokuti muna 1926 kwakava kuri madikanwa kuti Watch Tower Society itange dhipatimendi rezvemitemo pahofisi yayo yebazu muMagdeburg. Mukati ma1928, muGermany moga makanga mune mhaka dzapamutemo 1 660 dzakatongwa mukurwisana naVadzidzi veBhaibheri, uye dzvinyiriro yacho yakapfuurira kuwedzera gore negore. Vafundisi vakanga vakatsunga kugumisa basa raVadzidzi veBhaibheri, uye vakafara apo chisarudzo chedare chipi nechipi chairatidzira kuti vakanga vari kuva nomwero wakati webudiriro.

MuUnited States, kusungwa kwaVadzidzi veBhaibheri nokuda kwokuparidza paimba neimba kwakaitika muna 1928, muSouth Amboy, New Jersey. Mukati mamakore gumi nhamba yegore negore yokusungwa pamusoro poushumiri hwavo muUnited States yaipfuura 500. Mukati ma1936 nhamba yacho yakawedzera zvikuru—kusvikira ku1 149. Kugovera zano raidikanwa, kwakava kuri madikanwa kuvawo nedhipatimendi rezvemitemo padzimbahwe reSosaiti.

Mubato mukuru wokuparidza muRomania wakasanganawo nokudziviswa kwakakomba kwakabva kuzviremera zvaitonga panguva iyoyo. Zvapupu zvaJehovha izvo zvaiparadzira mabhuku eBhaibheri kazhinji kazhinji zvakasungwa ndokurohwa zvinotyisa. Kubvira muna 1933 kusvikira kuna 1939, Zvapupu imomo zvakanangana nemhaka 530. Mutemo wenyika, zvisinei, waiva nevimbiso dzorusununguko, naizvozvo kukwirira kuDare Rapamusoro reRomania kwakaunza zvisarudzo zvakanaka zvakawanda. Apo mapurisa akavamba kuziva ikoku, aibvuta mabhuku ndokubata Zvapupu zvisina kufanira asi achiedza kudzivisa chiito chedare. Pashure pokunge Sosaiti yabvumirwa pakupedzisira kunyoresa sesangano muRomania, vashori vakaedza kuvhiringidza chinangwa chouku kunyoreswa pamutemo kupfurikidza nokuwana murayiro wedare unorambidza kuparadzirwa kwamabhuku eWatch Tower. Ichi chisarudzo chakachinjwa nedare rapamusoro, asi panguva iyoyo vafundisi vakapesvedzera gurukota rorudzidziso kuita chiito kuti rikurire chisarudzo ichocho.

MuItaly neHungary, somuRomania, mabhuku eBhaibheri aishandiswa neZvapupu akabvutwa namapurisa akanga ari pasi pehurumende dzaitonga panguva iyoyo. Zvimwe chetezvo zvakarayirwa muJapan, Korea, uye Gold Coast (zvino inodanwa kunzi Ghana). Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvabva kunyika dzokunze zvakarayirwa kubva muFrance. Kwamakore akawanda hakuna nechimwe cheZvapupu zvaJehovha chakapiwa mvumo yokupinda muSoviet Union kuti chiparidze pamusoro poUmambo hwaMwari.

Sezvo sundo yourudzi yakapararira munyika yose kubvira muna 1933 kupfuurira kusvikira muma1940, zvirambidzo zvehurumende zvakaiswa paZvapupu zvaJehovha munyika imwe pashure peimwe. Zviuru zveZvapupu zvakaunzwa pamberi pamatare mukati meiyi nhambo nemhaka yokuramba kwazvo kwokutungamirirwa nehana kukwazisa mireza uye kuomerera kwazvo pakusatora rutivi kwechiKristu. Muna 1950 kwakashumwa kuti mukati mamakore 15 akatanga, Zvapupu zvaJehovha muUnited States moga zvakanga zvatambura kusungwa kunopfuura 10 000.

Apo Zvapupu zvinopfuura 400 zvakaunzwa pamberi pamatare eGreece mukati menhambo pfupi muna 1946, ikoku kwakanga kusati kuri kuvamba kwechiito chakadaro imomo. Kwakanga kwave kuchipfuurira kwamakore. Mukuwedzera kukupinzwa mutorongo, faindi huru dzakachajwa, kuchipedza mari dzehama. Asi sezvo dzairangarira mamirire ezvinhu zvacho, idzo dzakati: “Ishe akazarura nzira yokuti basa rouchapupu risvike vakuru vakuru veGreece, avo vakanzwa pamusoro pokugadzwa kwoumambo hwokururama; uyewo vatongi mumatare vakava nemukana mumwe chetewo.” Zvapupu zvaJehovha zvairangarira zvakajeka nhau nenzira iyo Jesu akataura kuti vateveri vake vanofanira.—Ruka 21:12, 13.

Hondo Yairatidzika Kuva Isingabviri Kuhwina

Mukati mema1940 nema1950, ruwa rweCanada rweQuebec rwakava nhandare chaiyoiyo yehondo. Kusungwa nokuda kwokuparidza mashoko akanaka kwakanga kwave kuchiitika imomo kubvira muna 1924. Pakasvika chando cha1931, Zvapupu zvimwe nezvimwe zvakanga zvichisungwa namapurisa zuva riri rose, pane dzimwe nguva kaviri pazuva. Ndyiko dzapamutemo dzeZvapupu muCanada dzakava huru. Ipapo, pakuvamba muna 1947 hwerengedzo yemhaka dzaibatanidza Zvapupu dzakanga dzichimirira mumatare muQuebec Province yakakwira zvikuru kusvikira ku1 300; bva, kwakanga kune boka duku bedzi reZvapupu zvaJehovha imomo.

Iyi yakanga iri nhambo apo Chechi yeRoma Katurike yakanga iri pesvedzero ine simba iyo wezvamatongerwe enyika ari wose nomutongi ari wose muruwa rwacho aifanira kurangarira. Vafundisi vaiwanzoremekedzwa zvikuru muQuebec, uye vamwe vaikurumidza kuteerera kurayira kwomuprista womunzvimbomo. Bhuku rinonzi State and Salvation (1989) rakarondedzera mamirire ezvinhu acho, kuti: “Mufundisi weQuebec akanga ane chigaro choumambo pauriri hweSangano Rinoita Mitemo parutivi chaipo peicho chakachengeterwa mutevedzeri wagavhuna. Nenzira yakati yakawanda yeQuebec yakanga ichidzorwa zvakananga nechechi . . . Basa rechechi rakanga riri, kutaura idi, rokuita kuti upenyu hwezvamatongerwe enyika hweQuebec huwirirane nomufungo weRoma Katurike umo zvokwadi iri chiKaturike, chikanganiso chiri chinhu chipi nechipi chisati chiri chechiKaturike, uye kusununguka kuri rusununguko rwokutaura ndokurarama maererano nezvokwadi yeRoma Katurike.”

Kutaura nenzira yomunhu, bviro dzokukunda dzeZvapupu kwete bedzi muQuebec asi munyika yose dzairatidzika kuva dzisingabviri.

Pomero Dzorudzi Rwuri Rwose Rwunofungwa

Vashori veZvapupu vakasanonzvera mabhuku omutemo kuti vawane chikonzero chipi nechipi chinobvira chokugumisa nacho mubato wazvo. Kazhinji kazhinji vaizvipomera kutengesa zvisina rezinesi, nokudaro vachitaura kuti basa racho rakanga riri rezvokutengeserana. Vachipokanidza ikoku, kune imwe nzvimbowo mamwe amapiyona aipomerwa kupemha nemhaka yokuti kwaitaurwa kuti akanga asingashandi zvine mhindu.

Kwamakumi amakore, vakuru vakuru mumaruwa akati eSwitzerland vaiedza nguva dzose kunzwisisa kuparadzirwa kwamabhuku eBhaibheri kwakaitwa neZvapupu zvaJehovha sokutengesa kwebhizimisi. Gweta rehurumende muRuwa rwunotaura chiFrench rweVaud, zvikurukuru, rakanga rakatsunga kusarega zvisarudzo zvipi nezvipi zvakabva kumatare maduku zvichishanda izvo zvakanga zvakanakira Zvapupu.

Munzvimbo nenzvimbo, Zvapupu zvaJehovha zvakaudzwa kuti zvaifanira kuva nemvumo dzokuparadzira mabhuku azvo kana kuti yokuva nemisangano yazvo yeBhaibheri. Asi mvumo yaidikanwa chaizvoizvo here? Zvapupu zvakapindura kuti “Aiwa!” Pahwaroi?

Zvakatsanangura, kuti: ‘Jehovha Mwari anorayira zvapupu zvake kuparidza evhangeri youmambo hwake, uye mirayiro yaMwari mikurusa uye inofanira kuteererwa nezvapupu zvake. Hapana mutumbi wapasi unoita mitemo kana kuti unotarisira kuchengetwa kwemitemo unogona kubonderana nenzira yakafanira nomutemo waJehovha. Sezvo kusina simba rinodzora renyika rinogona kurambidza nenzira yakakodzera kuparidzwa kweevhangeri, hapana chiremera chenyika chakadaro kana kuti simba rinogona kupa mvumo yokuparidza evhangeri. Masimba enyika haana chiremera munhau yacho munzira yakati. Kukumbira vanhu mvumo yokuita chimwe chinhu icho Mwari akarayira kwaizova kuzvidza Mwari.’

Pomero dzakaitirwa Zvapupu kazhinji kazhinji dzaipa ufakazi hwakasimba hworuvengo rworudzidziso. Nokudaro, apo mabhukwana anonzi Face the Facts uye Cure akaparadzirwa, mutariri webazu reSosaiti muNetherlands akarayirwa kuoneka mudare muHaarlem, muna 1939, kuti apindure pomero yokutuka boka ravanhu vechiDutch. Murovereri wemhaka mudare akataura, somuenzaniso, kuti mabhuku eWatch Tower aitaura kuti boka rinotungamirira reRoma Katurike raikorovhera vanhu mari kupfurikidza nokutaura kuti rinosunungura vakafa munzvimbo umo vasiri—mupurigatori, kuvapo kwayo, mabhuku acho akataura kudaro, uko Chechi yaisagona kubvumikisa.

Chiri pachikuva chapupu chikuru cheboka rinotungamirira, “Fata” Henri de Greeve, akadanidzira, kuti: “Kunyunyuta kwangu kukurusa ndekwokuti ari kunze aigona kuwana murangariro wokuti isu vaprista tinongova chete boka ramatsotsi navanyengeri.” Pakudanwa kuti apupurire, mutariri webazu reSosaiti akazarura Bhaibheri reKaturike ndokuratidza dare kuti izvo bhukwana raitaura pamusoro pedzidziso dzeKaturike zvakanga zviri mutsinhirano neBhaibheri ravo vamene. Apo gweta reSosaiti ipapo rakabvunza de Greeve kana aigona kubvumikisa dzidziso dzehero yemwoto nepurigatori, iye akapindura, kuti: “Handigoni kukubvumikisa; ndinongokudavira bedzi.” Mutongi akakurumidza kuziva kuti izvozvi ndizvo chaizvoizvo izvo bhukwana rakanga rataura. Mhaka yacho yakarambwa, uye muprista akakurumidza kubuda muimba yedare akatsamwa!

Vashatiriswa nomubato wakawedzerwa weZvapupu zvaJehovha murutivi rwokumabvazuva rweyaiva panguva iyoyo Czechoslovakia, vafundisi imomo vakapomera Zvapupu kuva vatengesi. Mamirire ezvinhu akanga akafanana neayo akatamburwa nomuapostora Pauro apo vafundisi vechiJudha vomuzana rokutanga ramakore vakamupomera kupandukira. (Mabasa 24:5) Mazana emhaka akaenda kudare muna 1933-34, kutozosvikira hurumende yapwiswa kuti pakanga pasina chikonzero chakasimba chepomero yacho. Muruwa rweCanada rweQuebec, muma1930 nema1940, Zvapupu zvakanga zviri kuendeswawo kundotongwa papomero yebangano rokupandukira. Vafundisi vamene—vose vari vaviri veKaturike nevePurotesitendi, asi zvikurukuru veRoma Katurike—vakatopinda mudare sezvapupu mukurwisana nazvo. Chii icho Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvaita? Vafundisi vakataura kuti zvakanga zvaisa mungozi chinzwano chenyika kupfurikidza nokuzivisa zvinhu zvaigona kuparira kusada Chechi yeRoma Katurike. Zvisinei, Zvapupu zvakapindura kuti, chaizvoizvo, zvakanga zvaparadzira mabhuku ayo akaunzira vanhu vanozvininipisa nyaradzo inobva muShoko raMwari asi kuti ikoku kwakatsamwisa vafundisi nemhaka yokuti dzidziso dzisati dziri dzapamagwaro nemiitiro zvakanga zviri kufumurwa.

Chii chakaita kuti kubvirire Zvapupu zvaJehovha kuramba zvichipfuurira mukutarisana nechishoro chinopfuurira chakadaro? Kwakanga kuri kutenda kwazvo muna Mwari neShoko rake rakafuridzirwa, kuzvipira kwazvo kusina udyire kuna Jehovha noUmambo hwake, uye simba rinobva mukushanda kwomudzimu waMwari. Sokutaura kunoita Magwaro, “simba rinopfuura renguva dzose [nde]raMwari uye kwete iro rinobva matiri timene.”—2 VaK. 4:7, NW.

Zvapupu zvaJehovha Zvinodenha Mune Zvomutemo

Kwamakumi amakore Hondo Yenyika I isati yaitika, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vapinda mukuparadzirwa kukuru kwapachena kwamabhuku eBhaibheri mumigwagwa pedyo nechechi nepaimba neimba. Asi panguva iyoyo mataundi akawanda namaguta muUnited States zvakapa mirayiro yaidzivisa zvikuru kwazvo “basa rokuzvipira” rakadaro. Chii chaigona kuitwa?

Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1919, yakatsanangura, kuti: “Tichiudavira kuva musengwa wedu kushandisa nhamburiko iri yose inobvira kupupurira umambo hwaShe uye kwete kurembedza ruoko rwedu nemhaka yokuti tinoona suo richivhara, uye nemhaka yeidi rokuti kwakanga kune nhamburiko yakadaro yakarongwa mukurwisana nebasa rokuzvipira, gadziriro dzakaitwa dzokushandiswa kwemagazini inonzi, . . . THE GOLDEN AGE.”a

Sezvo kukura kwokupupurira paimba neimba kwakawedzera, zvisinei, ndizvo zvakaitawo kuedza kushandisa mitemo kukudzivisa kana kuti kukurambidza. Hadzisati dziri nyika dzose dzine gadziriro dzapamutemo dzinoita kuti kubvire kuwana rusununguko rwevorushoma mukutarisana nechishoro chehurumende. Asi Zvapupu zvaJehovha zvaiziva kuti Bumbiro Remitemo reUnited States raivimbisa rusununguko rworudzidziso, rusununguko rwokutaura, uye rusununguko rwokudhinda mabhuku. Naizvozvo, apo vatongi vaitsanangura mirayiro yomunzvimbomo nenzira yakadaro kuti vadzivise kuparidzwa kweShoko raMwari, Zvapupu zvakakwirira mhaka dzazvo kumatare apamusoro.b

Mukuhwirudzura zvakaitika, Hayden C. Covington, uyo akanga ane basa rakatanhamara munhau dzapamutemo dzeWatch Tower Society, gare gare akatsanangura, kuti: “Kudai zviuru zvepomero dzakanyorwa navatongi, namatare amapurisa uye mamwe matare akaderera zvakanga zvisina kukwirirwa, gomo romuenzaniso ringadai rakaungana semhinganidzo huru yokunamata. Kupfurikidza nokukwirira takadzivisa kuitwa kwemhinganidzo yakadaro. Manamatire edu akanyorwa mumutemo wenyika yeUnited States nedzimwe nyika nemhaka yokuomerera kwedu mukukwirira zvisarudzo zvakashata.” MuUnited States, makumi emhaka akasvika kuDare Gurusa.

Kusimbisa Vimbiso Dzorusununguko

Imwe yemhaka dzokutanga dzaibatanidza ushumiri hweZvapupu zvaJehovha kusvika kuDare Gurusa reUnited States yakavamba muGeorgia uye yakataurwa pamberi peDare pana February 4, 1938. Alma Lovell akanga apomerwa mudare romunyori reGriffin, Georgia, kuputsa murayiro wairambidza kuparadzirwa kwamabhuku orudzi rwupi norwupi pasina mvumo yomutarisiri weguta. Pakati pezvimwe zvinhu, Hanzvadzi Lovell vakanga vagovera vanhu magazini inonzi The Golden Age. Pana March 28, 1938, Dare Gurusa reUnited States rakatonga kuti murayiro wacho wakanga usingashandi nemhaka yokuti waiita kuti rusununguko rwokudhinda mabhuku ruve nerezinesi nokunzverwa.c

Gore rakatevera racho J. F. Rutherford, segweta romutetereri, akapa zvibvumikiso kuDare Gurusa mumhaka yaClara Schneider v. State of New Jersey.d Iyoyi yakateverwa, muna 1940, neCantwell v. State of Connecticut,e iyo J. F. Rutherford akanyora chibvumikiso chapamutemo nokuda kwayo uye Hayden Covington akapa chibvumikiso chinotaurwa pamberi peDare. Mugumisiro wakanaka weidzi mhaka wakasimbisa vimbiso dzebumbiro remitemo dzorusununguko rworudzidziso, rusununguko rwokutaura, uye rusununguko rwokudhinda mabhuku. Asi kwakanga kune mhinganidzo.

Mhinganidzo Dzakakomba Dzakabva Kumatare

Nhau yokukwazisa mureza sezvo yaiva nechokuita navana vechikoro veZvapupu zvaJehovha yakatanga kusvika kumatare okuAmerica muna 1935 mumhaka yaCarlton B. Nicholls V. Mayor and School Committee of Lynn (Massachusetts).f Mhaka yacho yakanongedzerwa kuDare Gurusa Rinotonga reMassachusetts. Dare racho rakatonga, muna 1937, kuti pasinei zvapo neizvo Carleton Nichols, Jr., navabereki vake vakataura kuti vaidavira, hapana kubvumira kunofanira kuitwa nokuda kwechitendero chorudzidziso nemhaka yokuti, rakataura kudaro, “kukwazisa mureza nokutaurwa kworuvimbiko kuri kukurukurwa pano mupfungwa yakarurama ipi neipi hazvina chokuita norudzidziso. . . . Hazvina chokuita nemirangariro yomunhu upi noupi pamusoro poMusiki wake. Hazvina chokuita noukama hwake noMuiti wake.” Apo nhau yacho yokukwazisa mureza kwokumanikidzira yakakwirirwa kuDare Gurusa reUnited States mumhaka yaLeoles v. Landersg muna 1937, uye zvakare muHering v. State Board of Educationh muna 1938, Dare rakaramba idzi mhaka nemhaka yokuti kwakanga kusina, mumurangariro wavo, nhau inokosha yomubatanidzwa yokurangarira. Muna 1939 Dare zvakare rakaramba kukwirira kwaibatanidza nhau imwe cheteyo, mumhaka yaGabrielli v. Knickerbocker.i Zuva rimwe chetero, pasina kunzwa chibvumikiso chinotaurwa, vakatsigira chisarudzo chakashata chedare rakaderera mumhaka yaJohnson v. Town of Deerfield.j

Pakupedzisira, muna 1940, kutongwa kwakazara kwakaitwa neDare kwemhaka yakanzi Minersville School District v. Gobitis.k Mudungwe wamagweta akakurumbira wakapa zvibvumikiso zvakanyorwa mumhaka yacho pamativi ose ari maviri. J. F. Rutherford akapa chibvumikiso chinotaurwa nokuda kwaWalter Gobitas navana vake. Mumwe mutezo wedhipatimendi rezvemitemo reYunivhesiti yeHarvard wakamirira American Bar Association neCivil Liberties Union mukuramba kukwazisa mureza kunomanikidzirwa. Zvisinei, zvibvumikiso zvavo zvakarambwa, uye nokuvhota kumwe bedzi kwokupikisa, Dare Gurusa, pana June 3, rakatonga kuti vana vaisazokwazisa mureza vaigona kudzingwa muzvikoro zvehurumende.

Mukati mamakore matatu akatevera, Dare Gurusa rakatonga mukurwisana neZvapupu zvaJehovha mumhaka 19. Chakakomba zvikurusa chakanga chiri chisarudzo chakashata, muna 1942, muJones v. City of Opelika.l Rosco Jones akanga apomerwa kugovera mabhuku mumigwagwa yeOpelika, Alabama, pasina kuripwa kwomutero werezinesi. Dare Gurusa rakatsigira pomero yacho ndokutaura kuti hurumende dzine maruramiro okubhadharisa muripo une mufungo wokuita nhimbe uye kuti mitemo yakadaro yaisagona kudenhwa kunyange kana zviremera zvomunzvimbomo zvingaramba nokudzvinyirira rezinesi yacho. Iyi yakanga iri mhinganidzo yakakomba, nemhaka yokuti zvino nzanga ipi neipi, ichisundwa navafundisi kana kuti munhu upi noupi aishora Zvapupu, yaigona kusazvibatanidza nenzira yapamutemo nokudaro, vashori vangarangarira kudaro, ndokumisa mubato wokuparidza weZvapupu zvaJehovha. Asi chinhu chechienzi chakaitika.

Mamirire Ezvinhu Anochinja

MuJones v. Opelika, chisarudzo chimene chakanga chiri mhinganidzo yakadaro kuushumiri hwapachena hweZvapupu zvaJehovha, vatatu vavatongi vakataura kuti vakanga vasingabvumirani nevoruzhinji veDare bedzi pamhaka yaivapo asi vairangarirawo kuti vakanga vabetsera kuvanzarika hwaro hwayo mumhaka yaGobitis. “Sezvo takakumbanira mumufungo mumhaka yaGobitis,” vakawedzera kudaro, “tinofunga kuti iyi inhambo yakakodzera yokutaura kuti zvino tinodavira kuti yakasarudzwawo nenzira isina kururama.” Zvapupu zvaJehovha zvakarangarira ikoko sechiratidzo chokupazve mhaka dzacho kuDare.

Kumbiriso yoKutongwazve yakaiswa mumupakwa mumhaka yaJones v. Opelika. Mukumbiriso iyoyo, zvibvumikiso zvakasimba zvapamutemo zvakapiwa. Yakazivisawo zvakasimba, kuti: “Iri Dare rinofanira kurangarira idi gurusa, rokuti riri kubata nenzira yapamutemo navabatiri vaMwari Wamasimba Ose.” Mienzaniso yeBhaibheri inoratidza revo yaikoku yakahwirudzurwa. Ngwariro yakanangidzirwa kuzano rakapiwa nomudzidzisi womutemo Gamarieri kudare gurusa rechiJudha romuzana rokutanga ramakore, ndiko kuti: “Musabata vanhu ava, muvarege, . . . zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.”—Mabasa 5:34-39.

Pakupedzisira, pana May 3, 1943, mumhaka yakatanhamara yaMurdock v. Commonwealth of Pennsylvania,a Dare Gurusa rakachinja chisarudzo charo chapakuvamba zvikuru muJones v. Opelika. Rakazivisa kuti mutero werezinesi upi noupi sechinodikanwa chokushandisa rusununguko rwomunhu rworudzidziso kupfurikidza nokuparadzirwa kwamabhuku orudzidziso hausati uri wapamutemo. Iyi mhaka yakagoverazve mikana muUnited States kuZvapupu zvaJehovha uye yakanongedzerwa kwairi sechiremera mumazana emhaka kubvira panguva iyoyo. May 3, 1943, zvirokwazvo rakanga riri zuva rinokosha nokuda kweZvapupu zvaJehovha pamusoro pokusungiswa pamberi peDare Gurusa reUnited States. Pazuva rimwe iroro, munhau 12 mu13 (dzose dzakabatanidzwa nokuda kwokutongwa nomurangariro muzvisarudzo zvina), Dare rakasarudza richizvitsigira.b

Unenge mwedzi mumwe gare gare—pana June 14, Zuva Romureza regore negore rorudzi rwacho—Dare Gurusa zvakare rakachinja rimene, nguva ino pamusoro pechisarudzo charo munhau yaGobitis, richiita saizvozvo mumhaka yakanzi West Virginia State Board of Education v. Barnette.c Rakasarudza kuti “hakuna mukuru mukuru, akakwirira kana kuti muduku, anogona kurayira chichava chinogamuchirwa mune zvamatongerwe enyika, urudzi, rudzidziso, kana kuti dzimwe nhau dzomurangariro kana kuti kumanikidza vagari vemo kutaura neshoko kana kuti nechiito kutenda kwavo muna ikoko.” Kwakawanda kwokurangarira kwakaratidzwa muchisarudzo ichocho pashure pacho kwakagamuchirwa muCanada neOntario Court of Appeal muDonald v. Hamilton Board of Education, chisarudzo icho Dare Gurusa reCanada rakaramba kudzivisa.

Richiwirirana nechisarudzo charo mumhaka yaBarnette, uye pazuva rimwe chetero, muTaylor v. State of Mississippi,d Dare Gurusa reUnited States rakadavira kuti Zvapupu zvaJehovha zvaisagona kupomerwa nenzira yakanaka kupandukira nokuda kwokutsanangura zvikonzero zvazvo zvokurega kukwazisa mureza uye zvokudzidzisa kuti marudzi ose ari kurutivi rwokusakunda nemhaka yokuti anoshora Umambo hwaMwari. Izvi zvisarudzo zvakagadzirirawo nzira kutonga kwakanaka kwakatevera mudzimwe mhaka dzedare dzaibatanidza vabereki vari Zvapupu vaiva nevana vakanga varamba kukwazisa mureza muchikoro, pamwe chete nomunhau dzaibatanidza basa nokuchengetwa kwavana. Mamirire ezvinhu akanga achinja chaizvoizvo.e

Kuzarura Nhambo Itsva Yorusununguko muQuebec

Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichirwirawo nhau yorusununguko rwokunamata muCanada. Kubvira muna 1944 kusvikira kuna 1946, mazana eZvapupu akanga asungwa muQuebec apo aigoverana muushumiri hwawo hwapachena. Mutemo weCanada waigovera rusununguko rwokunamata, asi mhomho yakanga yadzongonyedza misangano uko Bhaibheri raikurukurwa. Mapurisa akateerera kurayira kwavafundisi veKaturike kwokuti Zvapupu zvaJehovha zvimiswe. Vatongi vamatare okunyora omunzvimbomo vakabata zvisina kufanira zvikuru Zvapupu, kunyange zvazvo pasina chiito chakaitirwa vapariri vemhomho. Chii chaigona kuitwa?

Sosaiti yakaronga gungano chairo muMontreal pana November 2 na3, 1946. Vakurukuri vakahwirudzura chimiro cheZvapupu zvaJehovha maererano neMagwaro uye nomurangariro womutemo wenyika. Ipapo gadziriro dzakaziviswa dzokuparadzirwa mumhenderekedzo yegungwa kusvikira kumhenderekedzo yegungwa kwamazuva 16—muchiNgezi, muchiFrench, uye muchiUkrainian—kweturakiti rinonzi Quebec’s Burning Hate for God and Christ and Freedom Is the Shame of All Canada. Rakashuma muudzame masimba masimba emhomho nohumwe utsinye hwaiitirwa Zvapupu zvaJehovha muQuebec. Ikoku kwakateverwa neturakiti rechipiri, Quebec, You Have Failed Your People!

Kusungwa muQuebec kwakawedzera zvikuru. Kuti rigonane nemamirire acho ezvinhu, bazu reCanada reWatch Tower Society rakaronga dhipatimendi rezvemitemo rine vamiriri mose muri muviri muToronto nomuMontreal. Apo mashoko acho akasvika mapepanhau okuti Maurice Duplessis, mutungamiriri wehurumende weQuebec, akanga aparadza namaune bhizimisi reresitorendi yaFrank Roncarelli, mumwe weZvapupu zvaJehovha, nemhaka bedzi yokuti akagovera bheroauti nokuda kweZvapupu biyake, vanhu veCanada vakanyunyuta zvinonzwika. Ipapo, pana March 2, 1947, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga nhimbe munyika yacho yose yokukoka vanhu veCanada kuti vakumbire hurumende Gwaro Rekodzero. Masiginicha anopfuura 500 000 akawanwa—chikumbiro chikurusa chakanga chati chambopiwa kuParamende yeCanada! Ichochi chakateverwa, gore rakatevera racho, nechikumbiro chinotova chikuru zvikuru chokusimbisa chokutanga chacho.

Munguvayi, Sosaiti yakasarudza mhaka mbiri dzokuedza dzokukwirira kuDare Gurusa reCanada. Imwe yaidzodzi, Aimé Boucher v. His Majesty The King, yakabata nepomero yokupandukira iyo yakanga yaitirwa yaitirwazve Zvapupu.

Mhaka yaBoucher yakanga yakavakirwa parutivi urwo Aimé Boucher, murimi munyoro, akava narwo mukuparadzira turakiti rinonzi Quebec’s Burning Hate. Kwakanga kuri kupandukira here kuti azivise masimba masimba emhomho akanangidzirwa kuZvapupu muQuebec, kuzvidzwa kwomutemo navakuru vakuru vaibata nazvo, uye ukafazi hwokuti bhishopi weKaturike navamwe vavafundisi veKaturike vakanga vari kuanyandura?

Mukunzvera turakiti rakaparadzirwa, mumwe wavatongi veDare Gurusa akati: “Gwaro racho rakanga rine musoro unoti ‘Kuvenga Kukuru Mwari naKristu Norusununguko kweQuebec Kunyadziswa kweCanada Yose;’ raiumbwa kutanga nokuteterera runyararo nomufungo mukuyera nhau dzinofanira kubatwa nadzo mukutsigira musoro; ipapo nezvenongedzero huru kuchitambudzo chokutsiva chakapiwa muQuebec kuZvapupu sehama muna Kristu; nhoroondo ine udzame yezviitiko chaizvo zvechitambudzo; uye kukumbira kwokugumisa kuvanhu veruwa rwacho, mukunyunyutira kutonga kwemhomho nematandi egestapo, kuti, kupfurikidza nefundo yeShoko raMwari nokuteerera mirayiro yaro, kugoparirwa ‘zvibereko zvakawanda zvemichero yakanaka yokuda Iye naKristu norusununguko rwavanhu.’”

Chisarudzo cheDare kupomerwa chakaita kuti kwaAimé Boucher kuve pasina, asi vatatu vavatongi vashanu vakangorayirawo zvavo kutonga kutsva. Ikoko kwaizoguma nechisarudzo chokusasarura here mumatare akaderera? Kumbiriso yakaitwa negweta reZvapupu zvaJehovha kuti Dare Gurusa rimene ritongezve mhaka yacho. Nenzira inoshamisa, ikoku kwakabvumwa. Apo kumbiriso yacho yakanga yakamirira, nhamba yavatongi muDare yakawedzerwa, uye mumwe wavatongi vapakuvamba akachinja pfungwa yake. Mugumisiro wacho muna December 1950 wakanga uri chisarudzo che5 ku4 chichisunungura zvizere Hama Boucher.

Pakutanga, ichi chisarudzo chakazvidzwa navose vari vaviri mubetseri mukuru wegweta guru nomutungamiriri wehurumende (uyo akanga ariwo gweta guru) weruwa rweQuebec, asi chakasimbiswa zvishoma nezvishoma kupfurikidza namatare. Nokudaro pomero yokupandukira iyo yakanga yamutsirwa yamutsirwazve Zvapupu zvaJehovha muCanada yakabviswa nenzira inobudirira.

Imwezve mhaka yokuedza yakakwirirwa kuDare Gurusa reCanada—Laurier Saumur v. The City of Quebec. Iyi yakanangana nemitemo yerezinesi iyo yaibatanidza munhamba huru pomero mumatare akaderera. Mumhaka yaSaumur, Sosaiti yakanga ichitsvaka murayiro wechigarire mukurwisana neguta reQuebec wokudzivisa zviremera kuvhiringidza kuparadzirwa kwamabhuku orudzidziso kunoitwa neZvapupu zvaJehovha. Pana October 6, 1953, Dare Gurusa rakapa chisarudzo charo. Mhinduro yakanga iri yokuti “Hungu” kuZvapupu zvaJehovha, “Aiwa” kuruwa rweQuebec. Chisarudzo ichocho chakaunzawo rukundo mudzimwe mhaka dzine chiuru umo nheyo imwe cheteyo yorusununguko rworudzidziso yakanga iri chinhu chikuru. Ikoku kwakazarura nhambo itsva yebasa reZvapupu zvaJehovha muQuebec.

Kudzidza Kodzero Dzapamutemo Nomuitiro

Sezvo nhamba yemhaka dzedare yakawedzera mukupera kwema1920 napashure pacho, kwakava kuri madikanwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvirayiridzwe miitiro yapamutemo. Sezvo J. F. Rutherford akanga ari gweta uye akanga abatira iye amene panhambo nenhambo somutongi, akanzwisisa kudikanwa kwokuti Zvapupu zvive nenhungamiro muidzi nhau. Zvikurukuru kubvira muna 1926 Zvapupu zvakanga zvave zvichisimbisa kuparidza paimba neimba pamaSvondo, nokushandiswa kwamabhuku anotsanangura Bhaibheri. Nemhaka yechishoro kukuparadzira kwazvo paSvondo mabhuku eBhaibheri, Hama Rutherford vakanyora magazini inonzi Liberty to Preach kubetsera avo vari muUnited States kunzwisisa kodzero dzavo mumutemo. Zvisinei, vaisagona kuita pachavo basa rose rapamutemo, naizvozvo vakaronga kuti mamwe magweta abatire sorutivi rwavashandi vapadzimbahwe reSosaiti. Mukuwedzera, mamwe, akapararira munyika mose, aisanobatira pamwe.

Aisagona kuvapo nokuda kwokuva mudare kwose kwaidikanwa muzviuru zvemhaka dzaibatanidza mubato wokuparidza weZvapupu zvaJehovha, asi aigona kugovera zano rinokosha. Nokuda kwechinangwa ichocho, gadziriro dzakaitwa dzokurovedza vose veZvapupu zvaJehovha miitiro mikuru yapamutemo. Ikoku kwakaitwa pamagungano chaiwo muUnited States muna 1932 uye, gare gare, papurogiramu dzenguva dzose dzoMusangano Webasa muungano. “Order of Trial” ine udzame yakabudiswa mu1933 Year Book yeZvapupu zvaJehovha (gare gare sepepa rakaparadzana). Iyi mirayiridzo yakagadziridzwa sezvaida mamirire ezvinhu. Muchinyorwa chaNovember 3, 1937, cheConsolation, rimwe zano rezvemitemo rakapiwa pamusoro pemamirire ezvinhu akati akanga achinanganwa nawo.

Zvichishandisa aya mashoko, Zvapupu kazhinji kazhinji zvaiita kuzvidzivirira kwazvo zvimene mumatare omunzvimbomo, panzvimbo pokuwana betsero dzegweta. Zvakawana kuti neiyi nzira kazhinji kazhinji zvaigona kupa uchapupu kudare ndokupa nhau dzacho nenzira yakananga kumutongi, panzvimbo pokuita kuti mhaka dzazvo dzisarudzwe nounyanzviwo zvahwo hwapamutemo. Apo mhaka ipi neipi yakasarudzwa zvakashata, kukwirira kazhinji kazhinji kwainyoreswa, kunyange zvazvo zvimwe Zvapupu zvaipinzwa mutorongo panzvimbo pokutenga gweta, rine betsero dzaizodikanwa mudare rokukwirira.

Sezvo mamirire ezvinhu matsva akamuka uye mienzaniso yakagadzwa nezvisarudzo mumatare, mamwe mashoko akagoverwa kuita kuti Zvapupu zvirambe zvichiwirirana nomusi. Nokudaro, muna 1939 bhukwana rinonzi Advice for Kingdom Publishers rakadhindwa kuyamura hama muhondo dzomumatare. Makore maviri gare gare imwe kurukurirano huru zvikuru yakaoneswa mubhukwana rinonzi Jehovah’s Servants Defended. Rakanokora mashoko kana kuti rakakurukura zvisarudzo zvakasiyana-siyana 50 zvematare eAmerica zvaibatanidza Zvapupu zvaJehovha, pamwe chete nedzimwe mhaka dzakawanda, uye rakatsanangura kuti iyi mienzaniso yapamutemo yaigona sei kushandiswa nenzira inobetsera. Ipapo, muna 1943, kopi yeFreedom of Worship yakagoverwa kuChapupu chimwe nechimwe uye yakafundwa nokushingaira paMisangano Yebasa muungano. Mukuwedzera kukugovera kupfupikiswa kunokosha kwemhaka dzezvemitemo, iri bhukwana rakaratidza muudzame zvikonzero zvapaMagwaro zvokutarisira mhaka munzira dzakati. Irori rakateverwa, muna 1950, nebhukwana rakawiriraniswa nomusi rinonzi Defending and Legally Establishing the Good News.

Yose iyoyi yakanga iri dzidzo yomutemo inofambira mberi. Vavariro yacho, zvisinei, yakanga isati iri yokuita kuti Zvapupu zvive magweta asi kuchengeta nzira yakazaruka yokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari pachena napaimba neimba.

Kufanana Nebumha Remhashu

Uko vakuru vakuru vaizvirangarira vamene savasingadzorwi nomutemo, kubata kwavo Zvapupu pane dzimwe nguva kwakanga kuri kusina ngoni. Pasinei zvapo nemitoo yaishandiswa navashori vazvo, zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvaiziva kuti Shoko raMwari rinopa zano, kuti: “Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira—ndizvo zvinoreva Ishe.” (VaR. 12:19) Kunyange zvakadaro, zvakanzwa zvine basa zvikuru rokupa uchapupu. Zvakakuita sei pazvainangana nechishoro chehurumende?

Kunyange zvazvo ungano dzimwe nedzimwe dzeZvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji dzakanga dzakati dukupei mukati mema1930, kwakanga kune chisungo chakasimba pakati padzo. Apo kwakanga kune chinetso chakakomba munzvimbo ipi neipi, Zvapupu zvomunharaunda dzakapoteredza zvakanga zvichidisa kubetsera. Muna 1933 muUnited States, somuenzaniso, Zvapupu 12 600 zvakarongwa kuva mapoka 78. Apo kwakanga kune kusungwa kunopfuurira muimwe nharaunda, kana kuti apo vashori vaibudirira mukudzvinyirira nhepfenyuro kuti dzikanzure zvibvumirano zvokuparidza purogiramu dzakagadzirirwa neZvapupu zvaJehovha, hofisi yeSosaiti muBrooklyn yaiziviswa. Mukati mevhiki, vamwe vanhu vaitumirwa kunharaunda iyoyo kuti vape uchapupu hukuru.

Kuchitsamira pakudikanwa, kubvira paZvapupu 50 kusvikira ku1 000 zvaisangana panzvimbo yakarongwa pachine nguva mberi panguva yakasarudzwa, kazhinji kazhinji muruwa rwaiva pedyo nenharaunda yaifanira kushandwa. Vose vaiva vazvipiri; vamwe vakabva kure samakiromita 320. Mapoka mamwe namamwe aipiwa ndima yaigona kufukidzwa zvichida mumaminiti 30 kana kuti sezvinobvira akawanda samaawa maviri. Sezvo boka rimwe nerimwe remotokari raivamba kushanda muchikamu charo chakagoverwa, dare rehama raishanyira mapurisa kuti riazivise nezvebasa riri kuitwa uye kuti rigovere ndaza yeZvapupu zvose zvakanga zvichishanda munzanga yacho mangwanani iwayo. Vachiziva kuti mauto avo vamene aikurirwa nenhamba bedzi yeZvapupu, vakuru vakuru munzvimbo dzakawanda zvikurusa vaibvumidza basa racho kupfuurira pasina mhinganidzo. Mudzimwe nzvimbo vaizadza torongo ravo neZvapupu asi ipapo hapana zvimwezve zvavaigona kuita. Nokuda kwavapi navapi vaisungwa, Zvapupu zvaiita kuti magweta azvo avepo nebheroauti. Tapuro yacho yakanga yakafanana neiya yebumha rokufananidzira remhashu dzinonongedzerwa kwadziri muMagwaro pana Joere 2:7-11 naZvakazarurwa 9:1-11. Nenzira iyoyi kwakanga kuchibvira kupfuurira kuparidza mashoko akanaka kunyange mukutarisana nechishoro chikuru.

Kufumura Mabasa Avakuru Vakuru Vanodzvinyirira Kuvanhu Vose

Kwakarangarirwa kuva kunobetsera kuzivisa vanhu mudzimwe nharaunda pamusoro peizvo vakuru vakuru vavo vomunzvimbomo vakanga vachiita. MuQuebec, apo matare akaitira Zvapupu miitiro yaiyeuchidza matare eBvunzurudzo, tsamba yakatumirwa kumitezo yose yavaiti vemitemo veQuebec yaionesa maidi acho. Apo ikoko kusina kuparira chiito, Sosaiti yakaendesa kopi yetsamba yacho kuvanamuzvinabhizimisi 14 000 muruwa rwose. Ipapo mashoko acho akaendeswa kuvapepeti vemapepanhau kuti abudiswe.

MuUnited States yokumabvazuva, vanhu vakaziviswa nokuparidza kwenhepfenyuro. PaBheteri yeBrooklyn vatambi vakati vomutambo vakarovedzwa, vanoedzesera zvakanaka, vakaumba chaidanwa kunzi Mutambo waMambo. Apo vakuru vakuru vanodzvinyirira vaitonga Zvapupu zvaJehovha, chinyorwa chakazara chakanyorwa nokupfupikiswa chokutonga kwedare. Vatambi vomutambo vakanga vari mudare kuti vave vakasanorovedzana nechimiro chenzwi nomutoo wokutaura wamapurisa, murovereri wemhaka, uye mutongi. Pashure pokuzivisa kukuru kuti vave nechokwadi chavateereri vakawanda neredhiyo, Mutambo waMambo waizoitazve zviono zvomudare nouchokwadi hunoshamisa kuti vanhu vagoziva chaizvoizvo izvo vakuru vakuru vavo vakanga vari kuita. Pashure penguva yakati, nemhaka yokufumura kukuru pamusoro pavo, vamwe vavakuru vakuru ivava vakava vanongwarira zvikuru mukubata kwavo mhaka dzaibatanidza Zvapupu.

Chiito Chakabatana Mukutarisana Nedzvinyiriro yeNazi

Apo hurumende yeGermany yeNazi yakashandisa nhimbe yokumisa mubato weZvapupu zvaJehovha muGermany, nhamburiko dzakaitwa dzaitwazve dzokukurukura nezviremera zveGermany. Asi hapana zororo rakanga richiuya. Pakasvika zhizha ra1933, basa razvo rakanga rarambidzwa muzhinjisa dzenyika dzeGermany. Naizvozvo, pana June 25, 1933, ziviso yakagamuchirwa neZvapupu zvaJehovha pamusoro poushumiri hwazvo nezvinangwa zvahwo yakagamuchirwa neZvapupu zvaJehovha pagungano muBerlin. Makopi akatumirwa kuvakuru vakuru vose vehurumende, uye mamwe mamiriyoni akaparadzirwa kuvanhu. Kunyange zvakadaro, muna July 1933 matare akaramba kubvuma kutonga kuti aite ruramiso. Pakuvamba gore rakatevera, tsamba yomunhu oga pamusoro pomugariro wacho yakanyorwa naJ. F. Rutherford kuna Adolf Hitler ndokuendeswa kwaari nenhume chaiyo. Ipapo boka rehama dzemunyika yose rakatanga kuita chiito.

PaSvondo mangwanani, October 7, 1934, na9 kiroko, boka riri rose reZvapupu muGermany rakaungana. Vakanyengeterera nhungamiro yaJehovha nechikomborero. Ipapo boka rimwe nerimwe rakatumira tsamba kuvakuru vakuru vehurumende yeGermany vachizivisa chisarudzo chavo chakasimba chokuramba vachibatira Jehovha. Vasati vaenda, vakakurukura pamwe chete mashoko aShe wavo, Jesu Kristu, ari pana Mateo 10:16-24. Pashure paikoku vakaenda kundopa uchapupu kuvavakidzani vavo pamusoro paJehovha noUmambo hwake hunodzorwa naKristu.

Zuva rimwe chetero, Zvapupu zvaJehovha mupasi rose zvakasangana uye, pashure pomunyengetero wakabatana kuna Jehovha, vakatumira teregiramu yainyevera hurumende yaHitler, kuti: “Kubata kwenyu zvakaipa zvapupu zvaJehovha kunokatyamadza vanhu vose vakanaka vapasi uye kunozvidza zita raMwari. Regai kutambudzazve zvapupu zvaJehovha; mukasadaro Mwari achakuparadzai nebato renyu rorudzi.” Asi ikoko kwakanga kusati kuri mugumo.

Gestapo yakawedzera nhamburiko yavo yokuparadza mubato weZvapupu zvaJehovha. Pashure pokusungwa kwevakawanda muna 1936, vakafunga kuti zvichida vakanga vabudirira. Asi ipapo, pana December 12, 1936, Zvapupu zvine 3 450 izvo zvakanga zvichiri zvakasununguka muGermany zvakakurumidza kuparadzira munyika yose chisarudzo chakadhindwa icho chakataura zvakajeka chinangwa chaJehovha ndokuratidza chisarudzo cheZvapupu zvaJehovha chokuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu. Vashori havana kugona kunzwisisa kuti kuparadzirwa kwakadaro kwakabvira sei. Mwedzi mishomanene gare gare, apo Gestapo yakazvidza pomero dzakaitwa muchisarudzo chacho, Zvapupu zvaJehovha zvakanyora tsamba yokuti vanhu vose varave umo nenzira yokusavanza zvakadudza mazita avakuru vakuru veNazi avo vakanga vabata zvisina kufanira Zvapupu zvaJehovha nenzira youtsinye. Muna 1937, iyi tsambawo yakaparadzirwa zvikuru muGermany. Nokudaro zviito zvavarume vakaipa zvakaratidzirwa kuti vose vaone. Ikoku kwakapawo vanhu mukana wokusarudza kuti inzira ipi yavaizoronda somunhu oga pamusoro paava vabatiri voWokumusorosoro.—Enzanisa naMateo 25:31-46.

Kuzivisa Munyika Yose Kunounza Rusununguko

Dzimwe hurumendewo dzakabata nehasha neZvapupu zvaJehovha, dzichirambidza misangano yazvo nokuparidza pachena. Mune zvimwe zviitiko hurumende idzodzi dzakaparira Zvapupu kumanikidzwa kudzingwa pabasa rokunyika uye kuti vana vazvo vadzingwe kuzvikoro. Hurumende dzakati dzakashandisawo kurova. Bva, nyika dzimwe chetedzi kazhinji kazhinji dzine mabumbiro emitemo ayo anovimbisa rusununguko rworudzidziso. Nomurangariro wokuunza rusununguko kuhama dzavo dzinotambudzwa, Watch Tower Society kazhinji kazhinji yakazivisa munyika yose udzame hune chokuita nokubatwa kwakadaro. Ikoku kunoitwa kupfurikidza nemagazini eNharireyomurindi neMukai!, uye iyi mishumo padzimwe nguva inoshandiswa nezvinobudisa nhau zvokunze. Zviuru zvakawanda zvetsamba dzinokumbirira Zvapupu ipapo zvinodirana muhofisi dzavakuru vakuru vehurumende zvichibva munyika yose.

Somugumisiro wenhimbe yakadaro muna 1937, gavhuna weGeorgia, muUnited States, akagamuchira tsamba 7 000 dzakabva kunyika ina mukati menhambo yamazuva maviri, uye meya weLaGrange, Georgia, akagamuchirawo zviuru zvakawanda zvetsamba. Nhimbe dzakadaro dzakaitirwawo Zvapupu zvaJehovha muArgentina muna 1978 na1979, Benin muna 1976, Burundi muna 1989, Cameroon muna 1970, Dominican Republic muna 1950 na1957, Ethiopia muna 1957, Gabon muna 1971, Greece muna 1963 na1966, Jordan muna 1959, Malawi muna 1968, 1972, 1975, uye zvakare muna 1976, Malaya muna 1952, Mozambique muna 1976, Portugal muna 1964 na1966, Singapore muna 1972, Spain muna 1961 uye zvakare muna 1962, uyewo Swaziland muna 1983.

Somuenzaniso wemisi ichangobva kupfuura iyi wezvinoitwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose kuunza rusununguko kuhama dzazvo dzinodzvinyirirwa, rangarira mamirire ezvinhu ari muGreece. Nemhaka yokukomba kwokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha pakusvudziro yavafundisi veOrthodox yeGreece imomo, muna 1986 magazini ose ari maviri eNharireyomurindi neMukai! (ane nhamba inoparadzirwa mumarudzi akawanda yakabatanidzwa yamakopi anopfuura 22 000 000) akashuma udzame hwechitambudzo chacho. Zvapupu mune dzimwe nyika zvakakumbirwa kunyorera vakuru vakuru vehurumende yeGreece nokuda kwehama dzazvo. Zvakadaro; uye sezvakashumwa mupepanhau reAthens Vradyni, gurukota rekutongwa kwemhosva rakagamuchira tsamba dzakawanda dzinopfuura 200 000 dzakabva Kunyika dzinopfuura 200 uye mumitauro 106.

Gore rakatevera racho, apo mhaka yaibatanidza Zvapupu yakatongwa mudare rokukwirira muHania, Crete, vamiriri veZvapupu zvaJehovha vakanga varipo vakabva kudzimwe nyika nomwe (England, France, Germany, Italy, Japan, Spain, uye United States) savatsigiri mumhaka yacho uye vachitsigira hama dzavo dzechiKristu. Ipapo, pashure pechisarudzo chakashata muna 1988 muDare Gurusa reGreece muimwezve mhaka yaibatanidza Zvapupu, kukwirira kwakaitwa kuSangano reEurope Rekodzero Dzavanhu. Ikoko, pana December 7, 1990, vatongi 16 vakabva kuanodokuva mativi ose eEurope vakapiwa faira yokusungwa 2 000 uye mazana enhau dzedare umo Zvapupu zvaJehovha muGreece zvakanga zvapiwa tongero nemhaka yokuti zvaitaura pamusoro peBhaibheri. (Chaizvoizvo, kwakanga kune 19 147 kwokusungwa kwakadaro muGreece kubvira muna 1938 kusvikira kuna 1922.) Sangano racho rakasarudza richibvumirana kuti mhaka yacho inofanira kutongwa neDare reEurope Rekodzero Dzavanhu.

Mune zvimwe zviitiko kuratidzirwa kwakadaro kwokushatiswa kwekodzero dzavanhu kunounza mwero wakati werusununguko. Pasinei zvapo nokuti chiitoi chinoitwa navatongi kana kuti vabati ushe, zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kuteerera Mwari soMutongi Mukurusa wazvo.

Kuwana Kuzivikanwa Kwapamutemo

Kubvumirwa kupfuuridzira kunamata kwechokwadi sezvinooneka hakusati kuchibva kumunhu upi noupi kana kuti kuhurumende ipi neipi yavanhu. Kunobva kuna Jehovha Mwari amene. Munyika dzakawanda, zvisinei, kuwana dziviriro inopiwa nomutemo wenyika, kwakabvumikisa kuva kunobetsera kuti Zvapupu zvaJehovha zvinyoreswe kuhurumende sesangano rorudzidziso. Rongedzero dzokutenga nzvimbo yehofisi yebazu kana kuti dzokudhinda mabhuku eBhaibheri akawanda dzingaitwa kuti dzive nyore kupfurikidza nokuumbwa kwamasangano omunzvimbomo apamutemo. Mutsinhirano nomuenzaniso wakagadzwa nomuapostora Pauro muFiripi yakare mu‘kusimbisa pamutemo mashoko akanaka,’ Zvapupu zvaJehovha zvinoita chiito chakakodzera chokuita ikoku.—VaF. 1:7.

Padzimwe nguva, ikoku kwave kwakaoma zvikuru. Somuenzaniso, muAustria, umo chibvumirano neVatican chinovimbisa hurumende tsigiro yezvemari yeChechi yeKaturike, nhamburiko dzeZvapupu zvaJehovha pakutanga dzakarambwa navakuru vakuru, avo vakati: ‘Vavariro yenyu ndeyokuumba sangano rorudzidziso, uye sangano rorudzi irworwo harigoni kuumbwa mumutemo weAustria.’ Muna 1930, zvisinei, zvakakwanisa kunyoresa sangano rokuparadzira maBhaibheri namabhuku eBhaibheri.

MuSpain mubato womuzana ramakore rechi20 weZvapupu zvaJehovha unosvika shure kunguva yeHondo Yenyika I. Asi kubvira pamakore apakuvamba eBvunzurudzo muzana ramakore rechi15, Chechi yeRoma Katurike neHurumende yeSpain, kunze kwezvishomanene, zvakanga zvasanobatira pamwe. Chinjo mumamirire ezvamatongerwe enyika neerudzidziso dzakatungamirira kutendero yokuti vanhu vamwe navamwe vashandise rumwe rudzidziso, asi ratidzirwo dzapachena dzokutenda kwavo dzairambidzwa. Pasinei zvapo neaya mamirire ezvinhu, muna 1956 uye zvakare muna 1965, Zvapupu zvaJehovha zvakatsvaka kuwana kuzivikanwa pamutemo muSpain. Bva, fambiro mberi chaiyoiyo ipi neipi haina kubvira kutozosvikira Paramende yeSpain yatendera Mutemo Worusununguko Rworudzidziso wa1967. Pakupedzisira, pana July 10, 1970, apo Zvapupu zvakanga zvatopfuura 11 000 muSpain, kuzivikanwa pamutemo kwakabvumwa.

Kumbiriso yokunyoreswa pamutemo kweWatch Tower Society yakaitwa kuna gavhuna wenyika yeFrance yeDahomey (zvino inozivikanwa seBenin) muna 1948. Asi kunyoreswa pamutemo kwakadaro hakuna kubvumwa kutozosvikira muna 1966, makore matanhatu pashure pokunge nyika yacho yava ripabhureki yakazvimirira. Zvisinei, kuzivikanwa pamutemo ikoko kwakabviswa muna 1976 uye ipapo kwakadzorerwa muna 1990 sezvo chinjo dzakaitika muchimiro chezvematongerwe enyika uye muchimiro chendangariro chehurumende kurusununguko rworudzidziso.

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvafarikanya kuzivikanwa pamutemo muCanada kwamakore, Hondo Yenyika II yakagovera pembedzo yokuti vashori vanyengetedze gavhuna mukuru mutsva kuzivisa Zvapupu kuva zvisiri zvapamutemo. Ikoku kwakaitwa pana July 4, 1940. Makore maviri gare gare, apo Zvapupu zvakapiwa mukana wokutaura kudare rakasarudzwa reSangano Revamiriri Vakasarudzwa Vevanhuwo Zvavo, dare iroro rakarumbidza zvakasimba kuti chirambidzo paZvapupu zvaJehovha namasangano azvo apamutemo chibviswe. Zvisinei, gurukota rokutongwa kwemhosva, muRoma Katurike, harina kunzwa richimanikidzwa kubvisa chirambidzo chacho chose chose kutozosvikira pakwakava kune kurukurirano yakaitwa yaitwazve uye yakareba muSangano Revamiriri Vakasarudzwa Vevanhuwo Zvavo uye basa rakawanda raitwa rokuunganidza siginicha pazvikumbiro zviviri munyika yacho yose.

Chinjo huru mumurangariro wehurumende muEastern Europe dzaidikanwa Zvapupu zvaJehovha zvisati zvagona kuwana kuzivikanwa pamutemo imomo. Pakupedzisira, pashure pamakumi amakore okukwirira nokuda kworusununguko rworudzidziso, Zvapupu zvakazivikanwa pamutemo muPoland neHungary muna 1989, muRomania neEast Germany (isati yabatanidzwa neFederal Republic of Germany) muna 1990, muBulgaria neyaiva panguva iyoyo Soviet Union muna 1991, uye muAlbania muna 1992.

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kushanda mutsinhirano nemitemo yenyika ipi neipi. Zvinotsigira zvakasimba, pahwaro hweBhaibheri, kuremekedza vakuru vakuru vehurumende. Asi apo mitemo yavanhu inorwisana nemirayiro inotaurwa zvakajeka yaMwari, zvinopindura, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 5:29, NW.

Apo Rutyo Rwunoparira Vanhu Kukanganwa Rusununguko Rwukuru

Nemhaka yewedzero mukushandisa mirimo zvisina kufanira kwavanhu vakawanda nokuderera kwoukoshi hwemari, izvo zvakamanikidza kazhinji kazhinji vose vari vaviri varume navadzimai kuva nemabasa okunyika, Zvapupu zvaJehovha muUnited States zvakazviwana zvimene zvanangana nemamirire ezvinhu matsva muushumiri hwazvo. Nharaunda dzakawanda dzinodokusava navanhu mukati mezuva, uye kupaza dzimba kwakapararira. Vanhu vanotya. Mukupera kwema1970 nekuvamba kwema1980, wedzero itsva yemirayiro yokuva nerezinesi rokutengesa yakaitwa mune zvemitemo nokuda kwokuronda vaenzi munzanga. Mamwe mataundi akatyisidzira kusunga Zvapupu zvaJehovha kana zvisina kuwana magwaro etendero. Asi hwaro hwakanaka hwapamutemo hwakanga hwatovanzarikwa, naizvozvo nhamburiko dzaigona kuitwa kutarisira zvinetso zvacho kunze kwedare.

Uko zvinetso zvinomuka, vakuru vomunzvimbomo vangasangana navakuru vakuru vetaundi kuti vawane mhinduro. Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvakasimba kukumbira mvumo yokuita basa iro Mwari akarayira, uye Bumbiro Remitemo reUnited States, richitsigirwa nezvisarudzo zveDare Gurusa, rinovimbisa rusununguko rwokunamata uye rwokudhinda mabhuku urwo rusingafaniri kuripirwa muripo upi noupi sechinodikanwa. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa kuti vanhu vanotya, uye zvingabvuma kuzivisa mapurisa zvisati zvatanga kupupura munharaunda yakati, kana kuri madikanwa. Zvisinei, kana pasina kubvumirana kunogamuchirika kunogona kusvikwa, gweta rokudzimbahwe reSosaiti richanyorerana navakuru vakuru vomunzvimbomo richitsanangura basa reZvapupu zvaJehovha, mutemo webumbiro remitemo unotsigira kodzero yazvo yokuparidza, uye simba razvo rokuita kuti kodzero iyoyo ishande kupfurikidza nokuripisa menisiparati navakuru vakuru vayo.f

Mune dzimwe nyika kunotobvumikisa kuva kuri madikanwa kupinda mudare kundosimbisazve rusununguko rukuru rwanguve rwuchirerutswa. Izvozvo ndizvo zvakwakanga kwakaita muFinland muna 1976 uye zvakare muna 1983. Sezviri pachena kuchengeta rugare rwavanasaimba, mirayiro yakati yomunzvimbomo yakarambidza basa rorudzidziso raibatanidza kuenda paimba neimba. Zvisinei, kwakaoneswa mudare muLoviisa nomuRauma kuti kuparidza paimba neimba rutivi rworudzidziso rweZvapupu zvaJehovha uye kuti hurumende yakanga yatendera uyu mutoo wokuparidza evhangeri apo yakapa chata kusangano rorudzidziso reZvapupu zvaJehovha. Kwakaratidzwawo kuti vanhu vakawanda vanofarira shanyo dzeZvapupu uye kuti kwaizova kuganhurirwa kworusununguko kurambidza mubato wakadaro nemhaka chete yokuti haasati ari munhu ari wose anounzwisisa. Pashure pemhedziso inobudirira yemhaka idzodzo, mataundi akawanda namaguta zvakaparadza murayiro wazvo.

Kuumbwa kweBumbiro Remitemo

Mubato weZvapupu zvaJehovha, mune dzimwe nyika, wave uri chinhu chikuru mukuumba mutemo. Mudzidzi wemitemo ari wose wokuAmerica anosanoziva betsero yakaitwa neZvapupu zvaJehovha kukudzivirirwa kwekodzero dzavagari vemuUnited States. Dzinoratidzira ukuru hweiyi betsero inyaya dzakadai sedzinotevera: “Chikwereti Chomutemo weBumbiro Remitemo kuZvapupu zvaJehovha,” iyo yakaoneka muMinnesota Law Review, yaMarch 1944, uye, “Chimwe Chinhu Chinosimudzira Kukura kweMutemo weBumbiro Remitemo: Zvapupu zvaJehovha muDare Gurusa,” yakabudiswa muUniversity of Cincinnati Law Review, muna 1987.

Mhaka dzazvo dzemudare dzinoumba chikamu chinokosha chomutemo weAmerica une chokuita norusununguko rworudzidziso, rusununguko rwokutaura, uye rusununguko rwokudhinda mabhuku. Idzi mhaka dzakaita zvakawanda kuchengeta rusununguko kwete bedzi rweZvapupu zvaJehovha asiwo rwavanhu vose. Muhurukuro kuYunivhesiti yeDrake, Irving Dilliard, munyori nomupepeti anosanozivikanwa, akati: “Kana uchida kana kuti kwete, Zvapupu zvaJehovha zvakaita zvakawanda kubetsera kuchengeta rusununguko rwedu kupfuura rimwe boka ripi neripi rorudzidziso.”

Uye pamusoro pemamirire ezvinhu muCanada, sumo kubhuku rinonzi State and Salvation—The Jehovah’s Witnesses and Their Fight for Civil Rights inozivisa, kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzisa hurumende, uye vanhu vokuCanada, izvo kushandiswa kwedziviriro yapamutemo nokuda kwamapoka anopesana kunofanira kuva. Uyezve, . . . kutambudzwa [kweZvapupu muruwa rweQuebec] kwakatungamirira kunhevedzano yemhaka idzo, muma1940 nema1950, dzakaenda kuDare Gurusa reCanada. Idzowo dzakaita betsero inokosha kuzvimiro zvendangariro zveCanada pamusoro pekodzero dzavagari vemo, uye dzinoumba hwaro hwemitemo yorusununguko yavagari vemo muCanada nhasi.” “Mumwe wemigumisiro” yehondo yapamutemo yeZvapupu nokuda kworusununguko rwokunamata, bhuku racho rinotsanangura kudaro, “wakanga uri muitiro wakareba nekurukurirano negakava izvo zvakatungamirira kuChata Yekodzero,” iyo zvino iri rutivi rwomutemo mukuru weCanada.

Ukuru hwoMutemo waMwari

Zvikurukuru, zvisinei, chinyorwa chapamutemo cheZvapupu zvaJehovha chave chiri chipupuriro kukupwiswa kwazvo kuti mutemo waMwari mukurusa. Pasi pechimiro chazvakava nacho pane kunzwisiswa kwenhau youchangamire hwomuchisiko chose. Zvinobvuma Jehovha saMwari bedzi wechokwadi naChangamire ane maruramiro wechisiko chose. Naizvozvo nenzira yakasimba zvine chimiro chokuti mitemo ipi neipi kana kuti zvisarudzo zvedare zvingarambidza kuitwa kweizvo Jehovha anorayira hazvishandi uye kuti sangano ravanhu raisa ganhuriro dzakadaro rapfuura chiremera charo. Chimiro chazvo chakafanana neicho chavaapostora vaJesu Kristu, avo vakazivisa, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 5:29, NW.

Nebetsero yaMwari Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kuparidzira aya mashoko akanaka oUmambo hwaMwari mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose mugumo usati wasvika.—Mat. 24:14.

[Mashoko Omuzasi]

a Chinyorwa chokutanga chakanga chiri chomusi waOctober 1, 1919. Kuparadzirwa kwemagazini iyoyo neakaitevera, Consolation neMukai!, kwave kuri kunopfuura kwenguva dzose. Muna 1992, kuparadzirwa kwenguva dzose kweMukai! kwakanga kuri 13 110 000 mumitauro 67.

b Kazhinji kazhinji, apo zvaiendeswa kudare nemhaka yokupupura, Zvapupu zvaJehovha zvaikwirira mhaka dzazvo panzvimbo pokuripa faindi. Kana mhaka yaisahwinwa pakukwirira, ipapo, panzvimbo pokuripa faindi, zvaienda kutorongo, kana zvikabvumirwa kuita kudaro nomutemo. Kuramba nguva dzose kweZvapupu kuripa faindi kwakabetsera kusakurudzira vakuru vakuru kupfuurira kudzivisa mubato wazvo wokupupura. Nepo uyu muitiro ungave uchiri kuteverwa mumamirire ezvinhu akati, Nharireyomurindi yechiNgezi yaApril 1, 1975, yakaratidza kuti mumhaka dzakawanda faindi yaigona kurangarirwa nenzira yakakodzera sechirango chokutonga, naizvozvo kuiripa kwaisazova kubvumwa kwokuva nemhaka, sezvo kuenda kutorongo kwaisazobvumikisa kuva nemhaka kwomunhu.

c Lovell v. City of Griffin, 303 U.S. 444 (1938).

d Schneider v. State of New Jersey (Town of Irvington), 308 U.S. 147 (1939).

e 310 U.S. 296 (1940).

f 297 Mass. 65 (1935). Mhaka yacho yaibatanidza mukomana wechikoro ane makore masere okukura, ane zita rinopereterwa zvakarurama kuti Carleton Nichols.

g 302 U.S. 656 (1937) (yokuGeorgia).

h 303 U.S. 624 (1938) (yokuNew Jersey).

i 306 U.S. 621 (1939) (yokuCalifornia).

j 306 U.S. 621 (1939) (yokuMassachusetts).

k 310 U.S. 586 (1940). Walter Gobitas (kuperetera kwakarurama), baba vacho, pamwe chete navana vavo William naLillian, vakanga vaenda kudare kuti vadzivise dare rechikoro kuramba kubvumidza vana vaviri kuenda kuchikoro chehurumende cheMinersville nemhaka yokuti vana vacho vaisazokwazisa mureza worudzi. Dare romubatanidzwa reruwa nedare redunhu rokukwirira ose ari maviri akasarudza achitsigira Zvapupu zvaJehovha. Ipapo dare rechikoro rakakwirira nhau yacho kuDare Gurusa.

l 316 U.S. 584 (1942).

a 319 U.S. 105 (1943).

b Mukati megore rekarenda ra1943, mikumbiro nokukwirira mumhaka dzapamutemo 24 dzaibatanidza Zvapupu zvaJehovha zvakaendeswa kuDare Gurusa reUnited States.

c 319 U.S. 624 (1943).

d 319 U.S. 583 (1943).

e Kubvira muna 1919 kusvikira kuna 1988, mikumbiro nokukwirira muhwerengedzo yemhaka 138 dzaibatanidza Zvapupu zvaJehovha zvakaitwa kuDare Gurusa reUnited States. Zana rimwe namakumi matatu emhaka idzodzi dzakaendeswa neZvapupu zvaJehovha; sere, navavengi vazvo pamutemo. Mumhaka 67 Dare Gurusa rakaramba kuhwirudzura nhau dzacho nemhaka yokuti, seizvo Dare rakarangarira nhau panguva yacho, hapana mibvunzo inokosha yebumbiro remitemo romubatanidzwa kana kuti yomutemo yakamutswa. Mu47 dzemhaka idzo Dare racho rakarangarira, zvisarudzo zvakanga zvakanakira Zvapupu zvaJehovha.

f Jane Monell v. Department of Social Services of the City of New York, 436 U.S. 658 (1978).

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 680]

Zvirambidzo zvehurumende zvakaiswa paZvapupu zvaJehovha munyika imwe pashure peimwe

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 682]

Mhaka yacho yakarambwa, uye muprista akakurumidza kubuda muimba yedare akatsamwa!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 693]

Vamwe vakuru vakuru vakava vanongwarira zvikuru mukubata kwavo mhaka dzaibatanidza Zvapupu

[Bhokisi riri papeji 684]

Uchapupu kuDare Gurusa reUnited States

Pakuoneka pamberi peDare Gurusa reUnited States segweta munhau ya“Gobitis,” Joseph F. Rutherford, mutezo weMagweta eNew York napurezidhendi weWatch Tower Society, nenzira yakajeka akanangidzira ngwariro paukoshi hwokuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha Mwari. Iye akati:

“Zvapupu zvaJehovha ndeavo vanopupurira zita raMwari Wamasimba Ose, ane zita roga rinonzi JEHOVHA. . . .

“Ndinodanira ngwariro kuidi rokuti Jehovha Mwari, anopfuura makore ane zviuru zvitanhatu apfuura, akapikira kugadza kupfurikidza naMesiya hurumende yokururama. Iye achachengeta chipikirwa ichocho munguva yakafanira. Maidi omuzuva razvino nebetsero youporofita anoratidzira kuti yava pedyo. . . .

“Mwari, Jehovha, ndiye manyuko bedzi oupenyu. Hakuna mumwe munhuzve anogona kupa upenyu. Hurumende yePennsylvania haigoni kupa upenyu. Hurumende yeAmerica haigoni. Mwari akaita uyu mutemo [unorambidza kunamatwa kwemifananidzo], sokukutaura kunoita Pauro, kuti ataviridze vanhu Vake pakunamata zvidhori. Ichocho chinhu chiduku, munodaro. Ndizvo zvakanga zvakaita chiito chaAdhama mukudya muchero wakarambidzwa. Rakanga risati riri apuro iro Adhama akadya, asi chakanga chiri chiito chake chokusateerera Mwari. Mubvunzo ndewokuti munhu achateerera Mwari here kana kuti achateerera sangano ravanhu here. . . .

“Ndinoyeuchidza iri Dare (hakusati kuchitongova kuri madikanwa kuti ndiite saizvozvo) kuti mumhaka ye‘Church v. United States’ iri Dare rakadavira kuti America inyika yechiKristu; uye ikoko kunoreva kuti America inofanira kuteerera mutemo waMwari. Kunorevawo kuti iri Dare rinobvuma mukutonga idi rokuti mutemo waMwari mukurusa. Uye kana munhu achidavira nenzira yokutungamirirwa nehana kuti mutemo waMwari mukurusa uye achizvibata amene nenzira yokutungamirirwa nehana nenzira inowirirana, hakuna chiremera chomunhu chinogona kudzora kana kuti kurwisana nehana yake. . . .

“Ndingabvumidzwa kudanira ngwariro kuizvi: kuti pakuzarurwa kworusando rwuri rwose rweDare rino muzivisi anozivisa aya mashoko, anoti: ‘Mwari ponesai United States neDare rino rinokudzwa.’ Uye zvino ndinoti, Mwari dzivisai iri Dare rinokudzwa pakuita chikanganiso chichapinza ava vanhu veUnited States muboka rinodzvinyirira ndokuparadza rusununguko rwose runovimbiswa neBumbiro reMitemo. Iyi inhau inoyera kune wokuAmerica ari wose anoda Mwari neShoko Rake.”

[Bhokisi riri papeji 687]

Zviitiko Zvakatungamirira Kuchinjo

Apo Dare Gurusa reAmerica rakatonga, muna 1940, mu“Minersville School District v. Gobitis,” kuti vana vokuchikoro vaigona kudikanirwa kuti vakwazise mureza, vasere vavatongi vapfumbamwe vakabvuma. Mutongi Stone bedzi ndiye akaramba. Asi makore maviri gare gare, pakunyoresa kuramba kwavo mumhaka ya“Jones v. Opelika,” vamwe vatongi vatatu (Black, Douglas, uye Murphy) vakashandisa nhambo yacho kutaura kuti vaidavira kuti mhaka ya“Gobitis” yakanga yasarudzwa nenzira isina kururama nemhaka yokuti yakanga yaisa rusununguko rworudzidziso munzvimbo yakaderera. Ikoko kwakareva kuti vana vavatongi vapfumbamwe vaida kuchinja chisarudzo mumhaka ya“Gobitis.” Vaviri vevamwe vatongi vashanu avo vakanga vazvidza rusununguko rworudzidziso vakarega basa. Vatsva vaviri (Rutledge naJackson) vakanga vachishanda savatongi apo mhaka yakatevera yokukwazisa mureza yakapiwa kuDare Gurusa. Muna 1943, mu“West Virginia State Board of Education v. Barnette,” vose vari vaviri vakavhotera kuda rusununguko rworudzidziso panzvimbo pokukwazisa mureza kwokumanikidzira. Nokudaro, kupfurikidza nokuvhota kwa6 ku3, dare rakachinja chimiro charakanga ratora mumhaka shanu dzapakuvamba zvikuru (“Gobitis,” “Leoles,” “Hering,” “Gabrielli,” uye “Johnson”) idzo dzakanga dzakwirirwa kuiri Dare.

Nenzira inofadza, Mutongi Frankfurter, mukuramba kwake pamusoro pemhaka ya“Barnette”, akati: “Sezvakwave kwakaita munguva yakapfuura, Dare nguva nenguva richachinja chimiro charo. Asi ndinodavira kuti kugara nokugara idzi mhaka dzeZvapupu zvaJehovha (kunze kwokutsauka kushomanene kwakarondwazve gare gare) Dare rino harina kutongoramba zvisarudzo kuti riganhurire masimba ehurumende inosarudzwa nevanhu.”

[Bhokisi riri papeji 688]

“Chimiro Chekare Kare Chokuparidza Evhangeri Kwavafundisi”

Muna 1943, mumhaka ya“Murdock v. Pennsylvania,” Dare Gurusa reUnited States rakati, pakati pezvimwe zvinhu:

“Kuparadzirwa nemaoko kwamaturakiti orudzidziso chimiro chakare kare chokuparidza evhangeri kwavafundisi—chekare senhau yemichina yokudhinda. Kwave kuri simba guru mumasangano orudzidziso akasiyana-siyana mumakore ose. Ichi chimiro chokuparidza evhangeri chinoshandiswa nhasi pamwero mukuru namasekete orudzidziso akasiyana-siyana ane ma“colporteur” anoendesa Evhangeri kuzviuru nezviuru zvemisha ndokutsvaka kupfurikidza neshanyo dzomunhu oga kuwana vatsigiri vokutenda kwavo. Kunopfuura kuparidza; kunopfuura kuparadzirwa kwamabhuku orudzidziso. Mubatanidzwa wezvose zviri zviviri. Chinangwa chako ndecheevhangeri somusangano wokumutsidzira. Ichi chimiro chomubato worudzidziso chine nzvimbo yakakwirira imwe cheteyo pasi peChinjo Yokutanga Yapamutemo sezvinoita kunamata muchechi nokuparidza pazvikuva. Chine kutaura kumwe cheteko kudziviriro semibato inogamuchirwa zvikuru neinotenderwa yorudzidziso. Kunewo kutaura kumwe cheteko savamwe kuvimbiso dzorusununguko rwokutaura norusununguko rwokudhinda mabhuku.”

[Bhokisi riri papeji 690]

“Kodzero Dzakaenzana Kuna Vose”

Pasi pomusoro uri pamusoro apa, muna 1953 mumwe munyori wezvikamu zvomupepanhau weCanada, aisanozivikanwa panguva yacho, akanyora, kuti: “Mwoto mukuru paParliament Hill unofanira kuva rutivi rwokuchengeta chisarudzo cheDare Gurusa reCanada munhau yaSaumur [iyo yakaunzwa pamberi peDare neZvapupu zvaJehovha]; mwoto wakafanirwa nenhambo huru. Zvisarudzo zvishomanene munhau yeruramisiro yeCanada zvinogona kuve zvakanga zvichikosha zvikuru. Matare mashomanene anogona kuve akaita basa riri nani kupfuura irori kuCanada. Hapana dare rakafanirwa nokuonga kukuru kubva kune vokuCanada. . . . Rununuro rwacho rwakafanirwa nokuchengetwa kukuru zvikuru kupfuura kunogona kuratidzirwa.”

[Bhokisi riri papeji 694]

Ziviso Yakasimba kuHurumende yeNazi

Pana October 7, 1934, tsamba inotevera yakatumirwa kuhurumende yeGermany neungano iri yose yeZvapupu zvaJehovha muGermany:

“KUVAKURU VAKURU VEHURUMENDE:

“Shoko raJehovha Mwari, serinooneswa muBhaibheri Dzvene, mutemo mukurusa, uye kwatiri ndiro nhungamiro yedu bedzi nokuda kwechikonzero chokuti takazvipa timene kuna Mwari uye tiri vateveri vechokwadi navapachokwadi vaKristu Jesu.

“Mukati megore rakapfuura, uye mukupesana nomutemo waMwari uye mukuputswa kwekodzero dzedu, makatirambidza sezvapupu zvaJehovha kusangana pamwe chete kuti tifunde Shoko raMwari ndokumunamata nokumubatira. MuShoko rake iye anotirayira kuti hatisati tichizorega kuungana kwedu timene pamwe chete. (VaH. 10:25 ) Kwatiri Jehovha anorayira, kuti: ‘Imi muri zvapupu zvangu ini ndiri Mwari. Endai mundoudza vanhu shoko rangu.’ (Isaya 43:10, 12; Isaya 6:9; Mateo 24:14) Pane kurwisana kwakananga pakati pomutemo wenyu nomutemo waMwari, uye, tichitevera kutungamirira kwavaapostora vakatendeka, ‘tinofanira kuteerera Mwari panzvimbo pavanhu,’ uye tichaita ikoku. (Mabasa 5:29) Naizvozvo uku kukuzivisai kuti pasinei zvapo nemigumisiro tichateerera mirayiro yaMwari, tichaungana pamwe chete nokuda kwefundo yeShoko rake, uye tichamunamata nokumubatira sezvaakarayira. Kana hurumende yenyu kana kuti vakuru vakuru vakaita masimba masimba kwatiri nemhaka yokuti tiri kuteerera Mwari, ipapo ropa redu richava pamuri uye muchazvidavirira kuna Mwari Wamasimba Ose.

“Hatifariri nhau dzematongerwe enyika, asi takazvipira chose chose kuumambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Mambo wake. Hatisati tichizokuvadza kana kuti kubata zvisina kufanira munhu upi noupi. Tingafara kugara murugare ndokuitira vanhu vose zvakanaka kana tikava nemukana, asi, sezvo hurumende yenyu navakuru vakuru vayo vachipfuurira mukuedza kwenyu kutimanikidza kusateerera mutemo mukurusa wechisiko chose, tinomanikidzwa zvino kukuzivisai kuti isu, kupfurikidza nenyasha dzake, tichateerera Jehovha Mwari ndokuvimba Naye zvizere kuti atinunure mudzvinyiriro yose navadzvinyiriri.”

[Bhokisi riri papeji 697]

Zvapupu Zvakarambidzwa Zvinotaura Nenzira Yakajeka Chimiro Chazvo

Sangano reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa nehurumende muCanada muna 1940. Kwakanga kune kusungwa kunopfuura 500 pashure paikoko. Idziviriroi iyo Zvapupu zvaigona kupa? Nenzira yokuremekedza asi nenzira yakasimba, vakataura kuDare sezvinotevera:

‘Handina kukumbira ruregerero nokuda kwaaya mabhuku. Anodzidzisa nzira inoenda nayo kuupenyu husingagumi. Ndinoadavira zvapachokwadi kuti anotsanangura chinangwa chaMwari Wamasimba Ose chokugadza Umambo hwokururama mupasi. Kwandiri, ave ari chikomborero chikurusa choupenyu hwangu. Mumurangariro wangu kungava kutadzira Wamasimba Ose kuparadza aya mabhuku, uye shoko raMwari raanaro, sezvakungavawo chivi kupisa Bhaibheri rimene. Munhu ari wose anofanira kusarudza kana achizozviisa mungozi yokusatendera kwavanhu kana kuti kusatendera kwaMwari Wamasimba Ose. Kana ndirini ndakatsigira Ishe noUmambo Hwake, uye ndinotsvaka kukudza zita reWokumusorosoro, iro riri Jehovha, uye kana ndichifanira kurangwa nokuda kwaikoko, ipapo pane mhaka pamberi paMwari inofanira kutorwa naavo vanopa chirango chacho.’

[Bhokisi riri papeji 698]

Nzira Iyo Mitezo yeHurumende yeCanada Yakakurangarira Nayo

Hekuno kutaura kwakaitwa nemimwe yemitezo yeSangano Revamiriri Vakasarudzwa Vevanhuwo Zvawo yeCanada muna 1943 pakukurudzira gurukota rekutongwa kwemhosva kubvisa chirambidzo paZvapupu zvaJehovha namasangano azvo apamutemo:

“Hakuna ufakazi hwakaiswa pamberi pedare nebato rekutongwa kwemhosva uhwo hwairatidzira kuti panguva ipi neipi zvapupu zvaJehovha zvaifanira kuva zvakaziviswa sesangano risati riri rapamutemo . . . Kunonyadzisa kuUmambo hweCanada kuti vanhu vanofanira kusungwa nokuda kwezvitendero zvavo zvorudzidziso munzira iyo ava vanhu vanotambura vakasungwa nayo.” “Mumurangariro wangu kufungira mano akaipa kworudzidziso kwakajeka, kuri pachena kuri kuchengeta chirambidzo.”—VaAngus MacInnis.

“Ruzivo rwokuzviwanira rwavazhinjisa vedu rwave rwuri rwokuti ava vanhu vasingakuvadzi, vasina vavariro ipi neipi yokuita zvisina kururama kuhurumende. . . . Neiko chirambidzo chisina kubviswa? Hakugoni kuva nemhaka yorutyo rwupi norwupi rwokuti iri sangano rinokuvadza garikano yehurumende, kana kuti kuti zviito zvaro ndezvokumukira nhamburiko yehondo. Hakuna kutongova kunyange noufakazi hudukusa hwokuti ndizvo zvakwakaita.”—VaJohn G. Diefenbaker.

“Kunoita kuti munhu ashamisike kana chiito chakaitirwa Zvapupu zvaJehovha chiri zvikurukuru nemhaka yechimiro chazvo chendangariro kuvaRoma Katurike, panzvimbo pechimiro chazvo chendangariro chomugariro chokupandukira.”—VaVictor Quelch.

[Bhokisi riri papeji 699]

“Betsero Kurusununguko Rworudzidziso”

“Kwaisazova kwakanaka kuramba uku kunzverwa kupfupi kwezvinetso zveZvapupu zvaJehovha neHurumende tisinganongedzeri betsero kurusununguko rworudzidziso muBumbiro redu Remitemo iro rakaitwa somugumisiro wokupfuurira kwazvo. Mumakore achangobva kupfuura aya zvakatora nguva yamatare kupfuura rimwe boka ripi neripi rorudzidziso, uye zvakaoneka kuvanhu kuva zvisinganzwisisi, asi zvave zviri zvechokwadi kuzvitendero zvazvo zvokutungamirirwa nehana, uye somugumisiro matare eHurumende Dzomubatanidzwa akapa nhevedzano yezvisarudzo izvo zvakawana ndokukudza vimbiso dzorusununguko rworudzidziso rwavagari vemo veAmerica, uye zvakadzivirira ndokutambanudza rusununguko rwavo rwavagari vemo. Mhaka dzine makumi matatu neimwe umo zvakabatanidzwa dzakauya pamberi peDare Gurusa mumakore mashanu kubvira muna 1938 kusvikira kuna 1943, uye zvisarudzo muidzi mhaka nedzapashure zvakafambisira mberi zvikuru kwazvo rusununguko rweMitemo Yekodzero yose zvayo, uye kudzivirirwa kworusununguko rworudzidziso zvikurukuru.”—“Church and State in the United States,” rakanyorwa naAnson Phelps Stokes, Vhoriyamu III, 1950, peji 546.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 700, 701]

Kufarira Rusununguko Rwavo Rwokunamata

Munyika dzakawanda umo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina rusununguko rwakazara rworudzidziso munguva yakapfuura, zvino zvinosangana pachena nokuda kwokunamata uye zvinogoverana zvakasununguka nevamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Quebec, Canada

Mukati mema1940, Zvapupu zvishomanene muno muChâteauguay zvakadenhwa nemhomho. Muna 1992, Zvapupu zvinopfuura 21 000 muruwa rweQuebec zvakanga zvichisangana zvakasununguka muHoro dzazvo dzoUmambo

St. Petersburg, Russia

Muna 1992, hwerengedzo ye3 256 vakazvipa vamene nokuda kworubhapatidzo pakokorodzano yamarudzi akawanda yokutanga yeZvapupu zvaJehovha muRussia

Palma, Spain

Pashure pokunge Zvapupu zvaJehovha muSpain zvapiwa kuzivikanwa pamutemo muna 1970, zviratidzo zvikuru panzvimbo dzemisangano zvakaratidzira kufarira kwazvo kukwanisa kuungana pachena

Tartu, Estonia

Zvapupu muEstonia zvave zvichionga kugamuchira mabhuku eBhaibheri pasina mhinganidzo kubvira muna 1990

Maputo, Mozambique

Mukati megore pashure pokunge Zvapupu zvaJehovha zvazivikanwa pamutemo muno muna 1991, ungano dzinopfuura 50 dzeZvapupu zvaiva nembavavira dzakanga dzichiita ushumiri hwadzo mukati medzimbahwe racho nemakaripoteredza

Cotonou, Benin

Pakusvika pamusangano muna 1990, vakawanda vakashamiswa nokuona chikwangwani chaichingamidza pachena Zvapupu zvaJehovha. Pano zvakaziva kuti chirambidzo pakunamata kwazvo chakanga chabviswa

Prague, Czechoslovakia

Vanoratidzwa pasi apa vanhu vashomanene avo vakabatira Jehovha muchirambidzo chehurumende kwemakore 40. Muna 1991, vakafara kuva pamwe chete pakokorodzano yamarudzi akawanda yeZvapupu zvaJehovha muPrague

Luanda, Angola

Apo chirambidzo chakabviswa muna 1992, vanhu vanopfuura 50 000 nemhuri vakagamuchira Zvapupu kuti zvifunde Bhaibheri navo

Kiev, Ukraine

Misangano munyika ino (kazhinji kazhinji muhoro dzinorendwa) inopindwa zvakanaka, zvikurukuru kubvira apo Zvapupu zvaJehovha zvakapiwa kuzivikanwa kwapamutemo muna 1991

[Mifananidzo iri papeji 679]

Mumhaka 138 dzinobatanidza Zvapupu zvaJehovha, kukwirira nezvikumbiro zvakapiwa kuDare Gurusa reUnited States. Nokuda kwe111 dzaidzodzi, kubvira muna 1939 kusvikira kuna 1963, Hayden Covington (anoratidzwa pano) akabatira segweta

[Mufananidzo uri papeji 681]

Maurice Duplessis, mutungamiriri wehurumende weQuebec, achipfugama pachena pamberi paCardinal Villeneuve mukupera kwema1930 uye achiisa mhete pamunwe wake soufakazi hwezvisungo zvakasimba pakati peChechi neHurumende. MuQuebec, kutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha kwakanga kwakakomba zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 683]

W. K. Jackson, uyo akanga ari muvashandi vezvemutemo vapadzimbahwe reSosaiti, akabatira kwamakore gumi somutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha

[Mufananidzo uri papeji 685]

Rosco Jones, ane mhaka inobatanidza ushumiri hweZvapupu zvaJehovha yakaenda kaviri kuDare Gurusa reUnited States

[Mifananidzo uri papeji 686]

Vatongi veDare Gurusa reUnited States avo, kupfurikidza nokuvhota kwe6 ku3 mumhaka ya“Barnette,” vakaramba kukwazisa mureza kwokumanikidza vachida rusununguko rwokunamata. Ikoku kwakachinja chisarudzo chapakuvamba zvikuru cheDare rimene mumhaka ya“Gobitis”

Vana vaibatanidzwa mumhaka

Lillian naWilliam Gobitas

Marie naGathie Barnette

[Mufananidzo uri papeji 689]

Aimé Boucher, akanzi haana mhaka neDare Gurusa reCanada muchisarudzo chakaramba pomero dzokumukira paZvapupu zvaJehovha

[Mifananidzo iri papeji 691]

Iri turakiti, riri mumitauro mitatu, rakazivisa Canada yose nezvoutsinye hwaiitirwa Zvapupu zvaJehovha muQuebec

[Mifananidzo iri papeji 692]

Kwakava kuri madikanwa kudzidzisa Zvapupu zvaJehovha miitiro yapamutemo kuti zvigogona kubata nechishoro kuushumiri hwazvo; izvi ndezvimwe zvezvinyorwa zvezvemitemo zvazvakashandisa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe