RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 29 pp. 642-677
  • “Vanyajambwa Vokuvengwa Namarudzi Ose”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vanyajambwa Vokuvengwa Namarudzi Ose”
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vafundisi Vanoda Kurukurirano Yapachena
  • Kutendeukira Kukunyomba Nokuchera
  • Kushandisa Nyongano Yehondo Kuti Vawane Vavariro Dzavo
  • Vanopomerwa Utsori
  • Neiko Chirango Chakakomba Chakadaro?
  • Ndiani Chaizvoizvo Akakunyandura?
  • Vaprista Vanomanikidza Mapurisa
  • Vatungamiriri Vorudzidziso Vanotendeukira Kumasimba Masimba
  • Kubatwa Kwoutsinye Mumisasa Yechibharo
  • Zvakapinzwa Mutorongo Nemhaka Yokutenda Kwazvo
  • Vafundisi Vanopfuurira Kurwisa
  • Nemhaka Yokuti Zvinonamata Jehovha Bedzi
  • Kuvengwa Nokuda Kwokuva “Vasati Vari Rutivi Rwenyika”
  • Vanotambudzwa Mumarudzi Ose
  • Nhau Yacho
  • ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Havasati Vari Rutivi Rwenyika”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Nguva Yokuedza (1914-1918)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 29 pp. 642-677

Ganhuro 29

“Vanyajambwa Vokuvengwa Namarudzi Ose”

MUKATI mamanheru okupedzisira ayo Jesu akapedza ane vaapostora vake asati afa, akavayeuchidza, kuti: “Muranda haazi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta renyuwo. Asi vachakuitirai zvinhu zvose izvozvi nokuda kwezita rangu, nemhaka yokuti havazivi uyo akandituma.”—Joh. 15:20, 21, NW.

Zvakanga zvisati zviriwo hazvo zvinoitika zvishomanene zvokusashivirira izvo Jesu airangarira. Mazuva matatu chete ikoku kusati kwaitika, iye akanga ati: “Muchava vanyajambwa vokuvengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.”—Mat. 24:9, NW.

Bva, Jesu akapa zano vateveri vake kuti apo vanenge vatarisana nechitambudzo, havafaniri kutendeukira kuzvombo zvokunyama. (Mat. 26:48-52) Vakanga vasingafaniri kutuka vatambudzi vavo kana kuti kutsvaka kutsiva. (VaR. 12:14; 1 Pet. 2:21-23) Kungasava here kuti kunyange vatambudzi ivavo rimwe zuva vaizova vatendi? (Mabasa 2:36-42; 7:58–8:1; 9:1-22) Kupedzwa kupi nokupi kwezvinhu kwaifanira kusiyirwa kuna Mwari.—VaR. 12:17-19.

Kunosanozivikanwa kuti vaKristu vapakuvamba vakatambudzwa nenzira youtsinye nehurumende yeRoma. Asi kunokoshawo kuti vatambudzi vakurusa vaJesu Kristu vakanga vari vatungamiriri vorudzidziso uye kuti Pontio Pirato, gavhuna weRoma, akaita kuti Jesu aurawe nemhaka yokuti vakakurayira. (Ruka 23:13-25) Pashure porufu rwaJesu vakanga vari zvakare vatungamiriri vorudzidziso avo vakanga vari pamberi savatambudzi vavateveri vaJesu. (Mabasa 4:1-22; 5:17-32; 9:1, 2) Ikoko kwave kusati kuriwo muitiro munguva pfupi dzapfuura zvikuru here?

Vafundisi Vanoda Kurukurirano Yapachena

Sezvo kuparadzirwa kwamanyoro aC. T. Russell kwakakurumidza kuwedzera kuva makumi amamiriyoni amakopi mumitauro yakawanda, vafundisi veKaturike nePurotesitendi vaisagona kufuratira nenzira iri nyore zvaakanga achitaura. Vatsamwiswa nokufumurwa kwedzidziso dzavo sedzisati dziri dzapamagwaro, uye vakangaidzwa nokurasikirwa nemitezo, vakawanda vavafundisi vakashandisa zvikuva zvavo kuti vazvidze manyoro aRussell. Vairayira mapoka avo kusagamuchira mabhuku aiparadzirwa naVadzidzi veBhaibheri. Vakati kuti vavo vakatsvaka kupesvedzera vakuru vakuru vehurumende kuti vamise iri basa. Mune dzimwe nzvimbo muUnited States—pakati padzo Tampa, Florida; Rock Island, Illinois; Winston-Salem, North Carolina; uye Sacranton, Pennsylvania—vakatarisira kupiswa pachena kwamabhuku akanyorwa naRussell.

Vamwe vavafundisi vakanzwa kudikanwa kwokuparadza pesvedzero yaRussell kupfurikidza nokumufumura mukurukurirano yapachena. Pedyo nedzimbahwe romubato wake, boka ravafundisi rakatsigira somutauriri wavo Dr. E. L. Eaton, mufundisi weChechi yeNorth Avenue Methodist Episcopal muAllegheny, Pennsylvania. Muna 1903 iye akakarakadza kurukurirano yapachena, uye Hama Russell vakagamuchira kokero yacho.

Mapfundo matanhatu akaoneswa, sezvinotevera: Hama Russell vakabvuma, asi Dr. Eaton vakaramba, kuti mweya yavakafa haizivi; kuti “kuuya kechipiri” kwaKristu kunotangira Mireniyumu uye kuti chinangwa chezvose zviri zviviri “kuuya kechipiri” neMireniyumu kukomborerwa kwemhuri dzose dzapasi; uyewo kuti vasande bedzi ve“nguva yeEvhangeri” vanogoverana murumuko rwokutanga asi kuti vazhinji zvikuru vachava nemukana woruponeso kupfurikidza norumuko runotevera. Dr. Eaton vakabvuma, asi Hama Russell vakaramba, kuti kwaisazova nemuedzo pashure porufu nokuda kwomunhu upi noupi; kuti vose vanoponeswa vachapinda mudenga; uye kuti vakaipa zvisingachinjiki vachaiswa mukutambura kusingagumi. Nhevedzano yekurukurirano nhanhatu pamusoro pamapfundo iwaya yakaitwa, kurukurirano imwe neimwe pamberi pavateereri vakazadza horo kuCarnegie Hall muAllegheny muna 1903.

Chii chakanga chiri seri kwedenho iyoyo yekurukurirano? Achirangarira nhau yacho mumurangariro wenhau, Albert Vandenberg akanyora gare gare, kuti: “Kurukurirano dzacho dzakaitwa nomufundisi akabva kusangano rechiPurotesitendi rakasiyana aiita somuteramisi mukati mekurukurirano imwe neimwe. Mukuwedzera, vafundisi vakabva kuchechi dzakasiyana-siyana dzomunharaunda vakagara pachikuva chomukurukuri naRevherendi Eaton, vainzi vamutsigire neMagwaro nekurudziro. . . . Kuti kunyange mubatanidzwa usingabvumiranwi wavafundisi vePurotesitendi waigona kuumbwa kwakaratidzira kuti vaitya simba raRussell rokutendeutsa mitezo yamasangano avo.”—“Charles Taze Russell: Pittsburgh Prophet, 1879-1909,” yakabudiswa muThe Western Pennsylvania Historical Magazine, January 1986, p. 14.

Kurukurirano dzakadaro dzakanga dziri shomanene zvikuru. Hadzina kuparira migumisiro iyo mubatanidzwa wavafundisi waishuva. Vamwe veungano yaDr. Eaton amene, vaororwa nezvavakanzwa mukati menhevedzano yekurukurirano muna 1903, vakasiya chechi yake ndokusarudza kusonganirana naVadzidzi veBhaibheri. Kunyange mumwe mufundisi akanga aripo akabvuma kuti Russell akanga ‘aisa pombi pahero ndokudzima mwoto wacho.’ Kunyange zvakadaro, Hama Russell vamene vakanzwa kuti chinangwa chezvokwadi chaigona kubatirwa zviri nani kupfurikidza nokushandiswa kwenguva nenhamburiko nokuda kwemibato isiri kurukurirano.

Vafundisi havana kurega kudenha kwavo. Apo Hama Russell vakataura muDublin, Ireland, uye Otley, Yorkshire, England, vakadyara varume muvateereri kuti vadanidzire kurambidza nepomero dzenhema pana Russell pachake. Hama Russell vakabata nounyanzvi mamirire iwayo ezvinhu, nguva dzose vachivimba neBhaibheri sechiremera chemhinduro dzavo.

Vafundisi vePurotesitendi, pasinei zvapo nesangano, vakanga vakabatanidzwa mune unozivikanwa soMubatanidzwa weEvhangeri. Vamiriri vavo munyika dzakawanda vakatsamwira Russell naavo vaiparadzira mabhuku ake. MuTexas (U.S.A.), somuenzaniso, Vadzidzi veBhaibheri vakawana kuti muparidzi ari wose, kunyange mumataundi madukusa nematunhu emumaruwa, akanga akashongedzerwa nepomero dzimwe chetedzo dzenhema pana Russell nokukanganiswa kumwe cheteko kwezvaaidzidzisa.

Zvisinei, idzi denho pana Russell pane dzimwe nguva dzakanga dzine migumisiro iyo vafundisi vakanga vasingakariri. MuNew Brunswick, Canada, apo mumwe muparidzi akashandisa chikuva chake nokuda kwemharidzo inozvidza pamusoro paRussell, kwakanga kune mumwe murume aiva muvateereri akanga arava somunhu oga mabhuku akanyorwa naHama Russell. Iye akasemburwa apo muparidzi akatendeukira kunhema dzamaune. Panenge pakati pemharidzo yacho, murume wacho akasimuka, akabata ruoko rwomudzimai wake, uye akadanidzira kuvanasikana vake vanomwe vaiimba mukwaya, kuti: “Uyai, vasikana, tave kuenda kumba.” Vose vari vapfumbamwe vakabuda, uye mufundisi akatarira sezvo murume uyo akanga avaka chechi uye akanga ari anotsigira nemari mukuru weungano aienda. Ungano yacho yakakurumidza kuparara, uye muparidzi akaenda.

Kutendeukira Kukunyomba Nokuchera

Munhamburiko dzavo dzokupererwa nezano rose kuti vauraye pesvedzero yaC. T. Russell navasonganiri vake, vafundisi vakazvidza kutaura kwokuti akanga ari mushumiri wechiKristu. Nokuda kwezvikonzero zvakafanana, vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha muzana rokutanga ramakore vakabata vaapostora Petro naJohane sa“vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu.”—Mabasa 4:13.

Hama Russell vakanga vasina kupedza kudzidza pachimwe chezvikoro zvavafundisi zvechiKristudhomu. Asi ivo vakati noushingi: “Tinodenha [vafundisi] kuti vabvumikise kuti vakambogadzwa naMwari kana kuti kuti vanombofunga nezvako. Vanongofungawo zvavo nezvokugadzwa nesekete, kana kuti kubvumira, mumwe nomumwe achibva kusekete rake amene kana kuti bato. . . . Kugadza kwaMwari, kana kuti kubvumira, kuti munhu upi noupi aparidze kuri kupfurikidza nokupiwa kwoMudzimu Mutsvene kwaari. Upi kana upi akagamuchira Mudzimu Mutsvene akagamuchira simba nechiremera zvokudzidzisa nokuparidza muzita raMwari. Upi kana upi asina kugamuchira Mudzimu Mutsvene haana chiremera chaMwari kana kuti tendero kukuparidza kwake.”—Isa. 61:1, 2.

Kuti vaite kuti mukurumbira wake upanikirwe, vamwe vavafundisi vakaparidza ndokuzivisa nhema dzakakomba pamusoro pake. Imwe yavaishandisa kazhinji kazhinji—uye vachiri kudaro—inobatanidza mamirire ezvinhu eroorano yaHama Russell. Murangariro uyo vakatsvaka kuti vape ndewokuti Russell akanga ane unzenza. Ndeapi ari maidi acho?

Muna 1879, Charles Taze Russell akaroora Maria Frances Ackley. Vakanga vane ukama hwakanaka kwamakore 13. Ipapo unyengeri hwaMaria nezvikumbiro zvokuti adade zvaiitwa navamwe zvakavamba kunetesa ukama ihwohwo; asi apo vavariro yavo yakava pachena, akaratidzika kuva akawanazve dzikamo yake. Pashure pokunge aichimbova musonganiri aparadzira nhema pamusoro paHama Russell, akatokumbira mvumo yomurume wake yokuti ashanyire ungano dzakati kuti apindure pomero dzacho, sezvo kwakanga kwataurwa kuti iye aimubata zvisina kufanira. Zvisinei, kugamuchirwa kwakaisvonaka kwaakava nako parwendo irworwo muna 1894 sezviri pachena kwakaparira chinjo yapashoma napashoma mumurangariro wake pamusoro pake amene. Iye akatsvaka kuzviwanira amene simba guru mukurayira zvaizooneka muNharireyomurindi.a Apo akaziva kuti hapana chinhu chaakanyora chaizobudiswa kutoti murume wake, mupepeti wemagazini yacho, akabvumirana nezviri mukati macho (pahwaro hwokubvumirana kwacho naMagwaro), iye akatsamwiswa zvikuru. Iye akashandisa nhamburiko yapachokwadi yokumubetsera, asi muna November 1897 akamusiya. Kunyange zvakadaro, akamugovera nzvimbo yokuti agare nemari yokutsigira nayo. Makore akati gare gare, pashure pokutonga kwedare uko kwakanga kwatangwa naye muna 1903, akapiwa, muna 1908, chisarudzo, kwete chechatanuro yakakwana, asi chokusagara naye, ane kodzero yokupiwa mari.

Akundikana kumanikidza murume wake kuti abvume zvaaida, akashandisa nhamburiko huru pashure pokunge amusiya kuti aite kuti zita rake rive nomukurumbira wakashata. Muna 1903 iye akabudisa turakiti rakazadzwa, kwete nezvokwadi dzapaMagwaro, asi nokukwenengerwa kukuru kwaHama Russell. Iye akatsvaka kukumbira vafundisi vamasangano akasiyana-siyana kuti aaparadzire uko Vadzidzi veBhaibheri vakanga vachiva nemisangano chaiyo. Kukurumbidzwa kwavo havasati vari vakawanda panguva iyoyo vakanga vachidisa kushandiswa nenzira iyoyo. Zvisinei, vamwe vafundisi kubvira panguva iyoyo vakaratidza chimiro chendangariro chakasiyana.

Pakuvamba zvikuru, Maria Russell akanga ashora, nemashoko uye nokunyora, avo vakapomera Hama Russell rudzi rwomufambiro wakaipa urwo iye amene akataura zvino. Achishandisa kutaura kwakati kusina kubvumikiswa kuva kwechokwadi kwakaitwa mukati mokutonga kwedare muna 1906 (uye kuri kutaura kwakabviswa muchinyorwa nokurayira kwedare), vashori vakati vorudzidziso vaHama Russell vakabudisa pomero dzakagadzirirwa kuita kuti kuratidzike kuti ivo vakanga vari murume ane unzenza uye nokudaro asina kukodzera kuva mushumiri waMwari. Zvisinei, chinyorwa chedare chakajeka chokuti pomero dzakadaro ndedzenhema. Gweta rake amene rakabvunza Mai Russell kana vaidavira kuti murume wavo akanga ane mhaka youpombwe. Vakapindura, kuti: “Aiwa.” Kunokoshawo kuti apo dare ravakuru vechiKristu rakateerera pomero dzaMai Russell pamurume wavo muna 1897, havana kududza zvinhu zvavakataura gare gare mudare kuti vapesvedzere vatongi kuti chatanuro inofanira kubvumwa, kunyange zvazvo izvi zvinonzi zviitiko zvakaitika musangano iwoyo usati wasvika.

Makore mapfumbamwe pashure pokunge Mai Russell vatanga kuunza mhaka yacho kudare, Mutongi James Macfarlane akanyora tsamba yemhinduro kumurume akanga achitsvaka kopi yechinyorwa chedare kuti mumwe wavasonganiri vake agogona kufumura Russell. Mutongi akamuudza nenzira yakajeka kuti zvaaida kwaizova kupambadzwa kwenguva nemari. Tsamba yake yakati: “Chikonzero chokukumbira kwake nechomurayiro zvakanyorwa pachisarudzo chedare chakanga chiri ‘kuzvidzwa’ uye kwete upombwe uye umboo, sokunzwisisa kwandinoita, hahuratidzi kuti Russell akanga ari kurarama ‘upenyu hwoupombwe nemhombwe.’ Kutaura idi pakanga pasina mhombwe.”

Kubvuma kwaMaria Russell amene kwakanonoka kwakauya panguva yamariro aHama Russell paCarnegie Hall muPittsburgh muna 1916. Akapfeka renda, akafamba nomunofambwa namo muhoro achienda kubhokisi ndokuisa ipapo sumbu ramaruva omumupata. Yakanga yakasungirirwa paari yakanga iri ribhoni yaiva nemashoko anoti, “Kumurume Wangu Anodiwa.”

Kuri pachena kuti vafundisi vakashandisa rudzi rumwe cheterwo rwamatandi rwakashandiswa navabiyavo vomuzana rokutanga ramakore. Shure panguva iyeyo, vakavavarira kuparadza mukurumbira waJesu kupfurikidza nokupomera kuti iye aidya navatadzi uye kuti iye amene akanga ari mutadzi nomumhuri waMwari. (Mat. 9:11; Joh. 9:16-24; 10:33-37) Pomero dzakadaro hadzina kuchinja zvokwadi pamusoro paJesu, asi dzakafumura avo vakatendeukira kukuchera kwakadaro—uye dzinofumura avo vanotendeukira kumatandi akafanana nhasi—sokunge vana Dhiyabhorosi sababa vavo vomudzimu, riri zita rinoreva kuti “Mucheri.”—Joh. 8:44.

Kushandisa Nyongano Yehondo Kuti Vawane Vavariro Dzavo

Nenyongano yourudzi iyo yakatekeshera munyika mukati mehondo yenyika yokutanga, chombo chitsva chakawanwa chokushandisa mukurwisana naVadzidzi veBhaibheri. Ruvengo rwavatungamiriri vorudzidziso vePurotesitendi neveRoma Katurike rwaigona kuratidzirwa seri kwokuvimbika kunyika yako. Vakashandisa nyongano yenguva yehondo kuratidzira Vadzidzi veBhaibheri savanopandukira—pomero imwe cheteyo yakanangidzirwa kuna Jesu Kristu nomuapostora Pauro navatungamiriri vorudzidziso veJerusarema romuzana rokutanga ramakore. (Ruka 23:2, 4; Mabasa 24:1, 5) Chokwadika, kuti vafundisi vaite pomero yakadaro, ivo vamene vaifanira kuva vatsigiri vanoshingaira venhamburiko yehondo, asi ikoko hakuna kuratidzika kuva kwakanetsa vakawanda zvikurusa vavo, kunyange zvazvo kwaireva kutumira majaya kundouraya mitezo yorudzidziso rwavo vamene muimwe nyika.

Makanga muri muna July 1917, pashure porufu rwaRussell, apo Watch Tower Society yakabudisa bhuku rinonzi The Finished Mystery, bhuku rinotsinhira pamusoro paZvakazarurwa naEzekieri pamwe chete noRwiyo rwaSoromoni. Bhuku iroro rakafumura zvikuru unyengeri hwavafundisi vechiKristudhomu! Rakaparadzirwa zvikuru munguva pfupi zvikuru. Mukupera kwaDecember 1917 uye pakuvamba muna 1918, Vadzidzi veBhaibheri muUnited States neCanada vakatangawo kuparadzira makopi 10 000 000 eshoko rinopisa muturakiti rinonzi The Bible Students Monthly. Iri turakiti raiva nemapeji mana maduku rakanga rine musoro unoti “Kuwa kweBhabhironi,” uye rakanga rine musoro muduku unoti “Chikonzero Nei chiKristudhomu Chichifanira Kutambura Zvino—Mugumisiro Wokupedzisira.” Rakazivisa masangano orudzidziso eKaturike neePurotesitendi pamwe chete seBhabhironi romuzuva razvino uno, iro nokukurumidza rinofanira kuwa. Mukutsigira zvaitaurwa, yakabudisazve kubva muThe Finished Mystery bhuku rinotsinhira uporofita hwaitaura rutongeso rwaMwari mukurwisana ne“Bhabhironi Rakavanzika.” Papeji yeseri pakanga pane mufananidzo wakajeka wairatidza rusvingo rwuchikoromoka. Mabwe makuru akabva parusvingo aiva nezvakanyorwa zvakadai se“Dzidziso yoUtatu (‘3 X 1 = 1’),” “Kusafa Kwomweya,” “Rondedzero Yokutambudzwa Kusingagumi,” “chiPurotesitendi—zvitendero, vafundisi, uye zvichingodaro,” “chiRoma—vanapapa, vafundisi, zvichingodaro”—uye ose akanga ari kuwa.

Vafundisi vakatsamwira kufumurwa kwakadaro, kungofanana nezvakanga zvaita vafundisi vechiJudha apo Jesu akafumura unyengeri hwavo. (Mat. 23:1-39; 26:3, 4) MuCanada vafundisi vakaita chiito nokukurumidza. Muna January 1918, vafundisi vokuCanada vanopfuura 600 vakasaina chikumbiro chaikumbira hurumende kurambidza zvinyorwa zveInternational Bible Students Association. Sezvakashumwa muWinnipeg Evening Tribune, pashure pokunge Charles G. Paterson, mufundisi weSt. Stephen’s Church muWinnipeg, azvidza ari pachikuva chake The Bible Students Monthly, iyo yaiva nenyaya inoti “Kuwa kweBhabhironi,” Gweta Guru Johnson akaonana naye kuti awane kopi. Nokukurumidza pashure pacho, pana February 12, 1918, murayiro wehurumende yeCanada wakakuita mhaka inorangwa nefaindi nokuiswa mutorongo kuva nebhuku rinonzi The Finished Mystery kana kuti zvimwe turakiti rinoratidzwa pamusoro apa.

Mwedzi mumwe chetewo, pana February 24, Hama Rutherford, purezidhendi akanga achangobva kusarudzwa weWatch Tower Society, akataura muUnited States paTemple Auditorium muLos Angeles, California. Nhau yake yakanga iri inoshamisa inoti: “Nyika Yaguma—Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Angasatongofa.” Mukuratidza ufakazi hwokuti nyika seyaizivikanwa kutozosvikira panguva iyoyo chizvoizvo yakanga yaguma muna 1914, akanongedzera kuhondo yakanga ichirwiwa panguva iyoyo, pamwe chete nenzara yakava pamwe chete nayo, uye akaizivisa sorutivi rwechiratidzo chakafanotaurwa naJesu. (Mat. 24:3-8) Ipapo akanangidzira ngwariro pavafundisi, achiti:

“Seboka, maererano namagwaro, vafundisi vanhu vane mhaka zvikurusa pasi pano nokuda kwehondo huru iyo zvino iri kutambudza rudzi rwomunhu. Kwamakore 1 500 vakadzidzisa vanhu dzidziso yaSatani yamaruramiro oumwari amadzimambo kuti atonge. Vakavhenganisa zvamatongerwe enyika norudzidziso, chechi nehurumende; uye vakabvumikisa kuva vasina kuvimbika kuropafadzo yavo yakapiwa naMwari yokuzivisa shoko roumambo hwaMesiya, uye vakazvipa vamene kukukurudzira vatongi kudavira kuti mambo anotonga ane kodzero dzoumwari, uye naizvozvo chipi kana chipi chaanoita chakarurama.” Achiratidza mugumisiro waikoku, akati: “Madzimambo ane gwinyiro eEurope akashongedzerwa nezvombo nokuda kwehondo, nemhaka yokuti aishuva kubvuta nyika yamamwe marudzi; uye vafundisi vakavakorokotedza ndokuti: ‘Itai zvamunoda, hamugoni kuita chakaipa; chipi kana chipi chamunoita chakarurama.’” Asi vakanga vasati vari bedzi vafundisi veEurope vakanga vari kukuita, uye vaparidzi muAmerica vaikuziva.

Mushumo mukuru weiyi hurukuro wakabudiswa zuva rakatevera muMorning Tribune yeLos Angeles. Vafundisi vakatsamwiswa kwazvo zvokuti boka ravafundisi rakaita musangano zuva iroro rimene ndokutumira purezidhendi wavo kuvanamanija vepepanhau kuti vazivise kusafara kwavo kukuru. Pashure paikoku, kwakanga kune nhambo yokunetswa kwenguva dzose kwehofisi dzeWatch Tower Society nemitezo yebazu rematikitivha rehurumende.

Mukati meiyi nhambo yokushingaira kwourudzi, musangano wavafundisi wakaitwa muPhiladelphia, muUnited States, apo chisarudzo chakagamuchirwa chairayira kuhwirudzurwa kweMutemo Une Chokuita Noutsori (Espionage Act) kuti vanonzi vaputsi vagogona kutongwa nedare rinotonga mhaka dzezvemauto ndokutongerwa rufu. John Lord O’Brian, mubatsiri chaiye wegweta guru rebasa rehondo, akasarudzwa kupa nhau yacho kuDare Ramakurukota. Purezidhendi weUnited States haana kubvumidza kuti mutemo wakakarakadzwa iwoyo uve mutemo. Asi Mukuru Mukuru Wemauto James Franklin Bell, weUto reUnited States, akatsamwa zvikuru akazivisa kuna J. F. Rutherford naW. E. Van Amburgh zvakanga zvaitika pamusangano nevavariro yokushandisa mutemo wakakarakadzwa iwoyo mukurwisana navakuru vakuru veWatch Tower Society.

Faira dzomuhofisi dzehurumende yeUnited States dzinoratidza kuti kubvira panenge pana February 21, 1918, zvichienda mberi, John Lord O’Brian akabatanidzwa iye pachake munhamburiko dzokuita mhaka mukurwisana neVadzidzi veBhaibheri. Chinyorwa choMusangano (Congressional Record) waApril 24 naMay 4 chine tsamba dzakabva kuna John Lord O’Brian umo akataura zvakasimba kuti kudai mutemo waibvumira kutaurwa kwe“zviri zvechokwadi, nevavariro dzakanaka, uye nokuda kwezvinangwa zvinoruramiswa,” sezvinotaurwa muinonzi France Amendment to the Espionage Act uye sezvayakanga yakatsigirwa neDare Ramakurukota reUnited States, iye aisagona kusunga Vadzidzi veBhaibheri nenzira inobudirira.

MuWorcester, Massachusetts, “Rev.” B. F. Wyland akashandisazve mbavarira yehondo kupfurikidza nokutaura kuti Vadzidzi veBhaibheri vakanga vari kupfuuridzira muvengi mashoko anoparadzirwa. Akabudisa nyaya muDaily Telegram umo akazivisa, kuti: “Rimwe ramabasa enyu okuvimbika kunyika ayo anonangana nemi savagari vemo kurambidzwa kweInternational Bible Students Association, nedzimbahwe muBrooklyn. Vave, vakavanda norudzidziso, vachipfuuridzira mashoko anoparadzirwa eGermany muWorcester kupfurikidza nokutengesa bhuku ravo, ‘The Finished Mystery.’” Iye akaudza zvakananga zviremera kuti rakanga riri basa ravo kusunga Vadzidzi veBhaibheri ndokuvadzivisa kuita mimwe misangano.

Chirimo nezhizha zva1918 zvakapupurira kutambudzwa kwakapararira kwaVadzidzi veBhaibheri, mose muri muviri muNorth America nomuEurope. Pakati pavakuchidziri paiva navafundisi veBaptist, Methodist, Episcopal, Lutheran, Roma Katurike, uye dzimwe chechi. Mabhuku eBhaibheri akabvutwa navakuru vakuru vasina gwaro rinobvumira kunzvera zvinhu mudzimba, uye vakawanda vaVadzidzi veBhaibheri vakakandirwa mutorongo. Vamwe vakatandaniswa nenyongori, vakarohwa, vakakwapurwa, vakazodzwa tara ndokuiswa minhenga, kana kuti vakagurwa mbabvu dzavo kana kuti kudimburwa misoro yavo. Vamwe vakaremadzwa zvechigarire. Varume navakadzi vechiKristu vakachengetwa mutorongo pasina pomero kana kuti pasina kutongwa. Zviitiko chaizvoizvo zvinopfuura zana zvokubatwa kwakakasharara kwakadaro zvakashumwa muThe Golden Age yaSeptember 29, 1920.

Vanopomerwa Utsori

Mugumo wakasvika pana May 7, 1918, apo magwaro omubatanidzwa akagoverwa muUnited States nokuda kwokusungwa kwaJ. F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, uye vasonganiri vake vapedyosa.

Zuva rapashure pacho, muBrooklyn, New York, pomero mbiri dzakanyorwa dzakanga dzanyorwa pamusoro paHama Rutherford navasonganiri vavo. Kudai migumisiro yaishuviwa isina kubva mumhaka imwe, imwe pomero yakanyorwa yaigona kuva yakarondwa. Pomero yokutanga, iyo yaipomera nhamba huru zvikuru yavanhu vamwe navamwe, yaibatanidza pomero ina: Mbiri dzakavapomera kurangana kuputsa Mutemo Une Chokuita Noutsori waJune 15, 1917; uye pomero mbiri dzakavapomera kuedza kuita rongedzero dzavo dzisati dziri dzapamutemo kana kuti kuita chaizvoizvo saizvozvo. Kwakataurwa kuti vakanga vari kurangana kuparira kusateerera nokurambwa kwebasa mumauto eUnited States uye kuti vakanga vari kurangana kudzivisa kuunganidzwa nokunyoreswa kwavarume nokuda kwebasa rakadaro apo nyika yakanga ichirwa hondo, uyewo kuti vakanga vaedza kuita kana kuti vakanga vatoita chaizvoizvo zvinhu izvozvi zvose zviri zviviri. Pomero yakadudza zvakananga kubudiswa nokuparadzirwa kwebhuku rinonzi The Finished Mystery. Pomero yechipiri yakatsanangura kutumirwa kwecheki kuEurope (iyo yakanga ichifanira kushandiswa mubasa redzidzo yeBhaibheri muGermany) kuva kunokuvadza fariro dzeUnited States. Apo vaipomerwa mhaka vakaendeswa kudare, yakanga iri pomero yokutanga, iya ine pomero ina, iyo yakarondwa.

Bva kumwe kupomerwa kwaC. J. Woodworth naJ. F. Rutherford muMutemo Une Chokuita Noutsori panguva iyoyo kwakanga kwakamirira muScranton, Pennsylvania. Asi, maererano netsamba yakabva kuna John Lord O’Brian yomusi waMay 20, 1918, mitezo yeDhipatimendi Rekutongwa Kwemhosva yakatya kuti Mutongi weRuwa rweUnited States Witmer, uyo mhaka yacho yakanga ichizotongwa pamberi pake, aisazobvumirana nokushandisa kwavo Mutemo Une Chokuita Noutsori kurambidza mubato wavarume avo, nemhaka yezvitendero zvapachokwadi zvorudzidziso, vaitaura zvinhu izvo vamwe vangatsanangura semashoko anoparadzirwa okurwisana nehondo. Naizvozvo Dhipatimendi Rekutongwa Kwemhosva rakambomisa mhaka yeScranton, richimirira mugumisiro weiyo yaiva muBrooklyn. Hurumende yakatarisirawo mamirire ezvinhu zvokuti Mutongi Harland B. Howe, akabva kuVermont, uye John Lord O’Brian aiziva kuti aibvumirana nomurangariro wake pamusoro penhau dzakadaro, aizogara somutongi mumhaka yacho muDare reRuwa reUnited States reRuwa rweKumabvazuva rweNew York. Mhaka yacho yakatongwa pana June 5, naIsaac R. Oeland naCharles J. Buchner, muRoma Katurike, savanoroverera mhaka mudare. Mukati mokutonga, sokutaura kwakaita Hama Rutherford, vaprista veKaturike vaitaurirana kazhinji kazhinji naBuchner naOeland.

Sezvo mhaka yacho yakapfuurira, kwakaratidzwa kuti vakuru vakuru veSosaiti navarongi vebhuku racho vakanga vasina vavariro yokudzongonyedza nhamburiko yehondo yenyika. Ufakazi hwakapiwa mukati mokutonga hwakaratidza kuti rongedzero dzokunyora bhuku racho—zvirokwazvo, kunyorwa kwamazhinjisa amanyoro—kwakanga kwaitika United States isati yazivisa hondo (pana April 6, 1917) uye kuti bvumirano yapakuvamba yokubudisa yakanga yasainwa United States isati yabvuma mutemo (pana June 15) uyo vainzi vakaputsa.

Kurovererwa kwemhaka kwakasimbisa wedzero dzakaitwa kubhuku racho mukati maApril naJune wa1917, mukugadzirwa kwekopi nokuraviwa kwamapepa okutanga ebhuku racho. Idzodzi dzaibatanidza kunokorwa kwamashoko kwakabva kuna John Haynes Holmes, mufundisi uyo akanga azivisa nesimba kuti hondo yakanga iri kuputswa kwechiKristu. Sezvakaratidzirwa nerimwe ramagweta okudzivirira, tsinhiro dzomufundisi iyeyo, dzakabudiswa pasi pomusoro unoti A Statement to My People on the Eve of War, rakanga richiri kutengeswa muUnited States panguva yokutongwa. Mufundisi kana kuti zvimwe mubudisi vakanga vasiri kutongwa nokuda kwako. Asi vakanga vari Vadzidzi veBhaibheri vakanongedzera kumharidzo yake avo vakanzi vane mhaka yemirangariro yaakaratidzira mairi.

Bhuku racho harina kuudza vanhu venyika kuti vakanga vasina maruramiro okupinda muhondo. Asi, mukutsanangura uporofita, iro rakanokora mashoko zvikamu zvezvinyorwa zveNharireyomurindi yechiNgezi ya1915 kuratidza kusawirirana kwavafundisi avo vaitaura kuti vashumiri vaKristu asi vakanga vari kuita sevaunganidzi vevarwi venyika dzairwa.

Apo kwakanga kwazivikanwa kuti hurumende yakaramba bhuku racho, Hama Rutherford vakanga vatumira tenigiramu pakarepo kumudhindi kuti arege kuribudisa, uye panguva imwe cheteyo, mumiriri weSosaiti akanga atumwa kuchikamu chematikitivha eUto reUnited States kuti awane chakanga chiri chirambidzo chavo. Apo kwakazivikanwa kuti nemhaka yehondo yaivapo panguva iyoyo, mapeji 247-53 ebhuku racho airangarirwa seakaipa, Sosaiti yakarayira kuti mapeji iwayo abviswe mumakopi ose ebhuku racho asati agoverwa kune vokunze. Uye apo hurumende yakazivisa magweta eruwa kuti kumwe kuparadzirwa kwaizova kuputswa kweMutemo Une Chokuita Noutsori (kunyange zvazvo hurumende yakaramba kutaura mufungo kuSosaiti pamusoro pebhuku racho muchimiro charo chakachinjwa), Sosaiti yakarayira kuti kuparadzirwa kwose kuvokunze kwebhuku racho kuregwe.

Neiko Chirango Chakakomba Chakadaro?

Pasinei zvapo nekwose ikoku, pana June 20, 1918, vatongi vakadzorera chisarudzo vachiwana mumwe nomumwe wevaipomerwa mhaka ane mhaka papomero imwe neimwe. Zuva rakatevera, vanomweb vavo vakatongerwa kunhambo ina dzamakore 20 mumwe nomumwe, dzaifanira kubatirwa panguva imwe cheteyo. Pana July 10, wechiserec akatongerwa kunhambo ina dzapanguva imwe cheteyo dzamakore 10. Mitongo iyoyo yakanga yakakomba sei? Mutsamba kugweta guru pana March 12, 1919, purezidhendi weUnited States Woodrow Wilson akabvuma kuti “nhambo dzokuiswa mutorongo dzakanyanyisa nenzira yakajeka.” Kutaura idi, murume akapfura mabara paSarajevo ayo akauraya muchinda akagadzwa woUmambo hweAustria neHungary—chiitiko icho chakanyandura zviitiko zvakapinza marudzi muHondo Yenyika I—akanga asina kupiwa mutongo wakakomba zvikuru. Mutongo wake wakanga uri makore 20 mutorongo—kwete nhambo ina dzamakore 20, somuchakaitika cheVadzidzi veBhaibheri!

Vavariro yokuiswa kwenhambo dzakakomba zvakadaro dzokugara mutorongo paVadzidzi veBhaibheri yakanga iri yei? Mutongi Harland B. Howe akazivisa, kuti: “Mumurangariro weDare, mashoko anoparadzirwa orudzidziso ayo ava vari kupomerwa mhaka vakatsigira nesimba ndokuparadzira murudzi rwose pamwe chete napakati pemibatanidzwa yedu, ingozi huru zvikuru kupfuura kukamukana kweuto reGermany. . . . Munhu anoparidza rudzidziso kazhinji kazhinji ane pesvedzero huru, uye kana ari wapachokwadi, anobudirira zvikuru kwazvo. Ikoku kunoipisa panzvimbo pokuderedza chakaipa chavakaita. Naizvozvo, sechinhu chokuchenjera bedzi chokuita navanhu vakadaro, Dare ragumisa kuti chirango chinofanira kuva chakakomba.” Kunokoshawo, zvisinei, kuti asati apa mutongo, Mutongi Howe akataura kuti kutaura kwakaitwa namagweta nokuda kwavaipomerwa mhaka kwakanga kwapanikira ndokubata zvakakomba kwete bedzi vakuru vakuru vomutemo vehurumende asi “vafundisi vose munyika yose.”

Chisarudzo chacho chakakwirirwa pakarepo kudare reUnited States romunharaunda rokukwirira. Asi bheroauti yokumirira kutongwa kwokukwirira ikoko yakarambwa nechisimba noMutongi Howe,d uye pana July 4, kukwirira kwechitatu nekwokupedzisira nokuda kwebheroauti kusati kwagona kuitwa, hama nomwe dzokutanga dzakakurumidza kutamisirwa kutorongo romubatanidzwa muAtlanta, Georgia. Pashure paikoko, kwakaratidzirwa kuti kwakanga kune zvikanganiso zvomuitiro 130 mukutonga ikoko kwaiva nokufungira mano akaipa zvikuru. Mwedzi yebasa yakabatanidzwa mukugadzirirwa kwamapepa aidikanwa nokuda kwokutongwa kwokukwirira. Munguvayo, hondo yakaguma. Pana February 19, 1919, hama sere dzaiva mutorongo dzakatumira kukwirira nokuda kwengoni dzavatungamiriri kuna Woodrow Wilson, purezidhendi weUnited States. Dzimwe tsamba dzaikurudzira kusunungurwa kwehama dzakatumirwa navagari vemo vakawanda kugweta guru rakanga richangobva kugadzwa. Ipapo, pana March 1, 1919, mumhinduro kukubvunza kwakabva kugweta guru, Mutongi Howe akarumbidza “kuchinjwa kwapakarepo” kwemitongo. Nepo ikoku kungadai kwakaderedza mitongo, kungadai kwakavawo netapuro pakusimbisa mhaka yavaipomerwa mhaka. Ikoku kusati kwagona kuitwa, magweta ehama akaita kuti murayiro wedare upiwe pagweta reUnited States uyo wakaunza mhaka yacho pamberi pedare rokukwirira.

Mwedzi mipfumbamwe pashure pokunge Rutherford navasonganiri vake vapiwa mutongo—uye hondo yapera—pana March 21, 1919, dare rokukwirira rakarayira bheroauti nokuda kwavaipomerwa mhaka vose vasere, uye pana March 26, vakasunungurwa muBrooklyn pabheroauti ye$10 000 mumwe. Pana May 14, 1919, dare romunharaunda reUnited States rokukwirira muNew York rakatonga, kuti: “Vari kupomerwa muiyi mhaka havana kuva nokutongwa kunyoro nokwokusasarura kwavakanga vakafanirwa nako, uye nokuda kwechikonzero ichocho rutongeso rwacho rwunochinjwa.” Mhaka yacho yakaitwa remaindi nokuda kwokutonga kutsva. Zvisinei, pana May 5, 1920, pashure pokunge vaipomerwa mhaka vaoneka mudare, pakudanwa, kashanu, gweta rehurumende, mudare rapachena muBrooklyn, rakazivisa kubviswa kwokusungwa.e Neiko? Sezvinoziviswa mutsamba dzakachengetwa muNational Archives yeUnited States, Dhipatimendi Rokutongwa Kwemhosva raitya kuti kana nhau dzacho dzikapiwa kuvatongi vasina rusaruro, neupengo hwehondo hwapera, mhaka yacho yaisahwinwa. Gweta reUnited States L. W. Ross rakataura mutsamba kugweta guru, kuti: “Kwaizova kuri nani, ndinofunga kudaro, nokuda kwokukwirirana kwedu nevanhu, kana tichifanira pakuita nhano yokutanga kwedu” kutaura kuti nhau yacho yaisazopfuuridzirwazve.

Pazuva rimwe chetero, May 5, 1920, imwe pomero yakanyorwa yakanga yaiswa mumupakwa muna May 1918 mukurwisana naJ. F. Rutherford navana vavasonganiri vake yakarambwawo.

Ndiani Chaizvoizvo Akakunyandura?

Kwose ikoku kwakanyandurwa chaizvoizvo navafundisi here? John Lord O’Brian akakuramba. Asi maidi aisanozivikanwa naavo vakararama panguva iyoyo. Pana March 22, 1919, Appeal to Reason, pepanhau rakabudiswa paGirard, Kansas, rakaramba, richiti: “Vateveri vaPastor Russell, Vakarondwa Noruvengo Rwavafundisi ve‘Orthodox’, Vakapomerwa Ndokuiswa Mutorongo Pasina Bheroauti, Kunyange Zvazvo Vakaita Nhamburiko Iri Yose Yakanga Ichibvira Kubvumirana Negadziriro dzeMutemo Une Chokuita Noutsori. . . . Tinozivisa kuti, pasinei zvapo nokuti Mutemo Une Chokuita Noutsori wakanga uri webumbiro romutemo nenzira yapamutemo kana kuti wakarurama mutsika, ava vateveri vaPastor Russell vakapomerwa nenzira isina kururama mugadziriro dzayo. Kufundwa kusina kufungira mano akaipa kwoufakazi kuchapwisa nokukurumidza munhu upi noupi kuti ava varume vakanga vasati bedzi vari vasina vavariro yokuputsa mutemo, asi kuti havana kuuputsa.”

Makore akati gare gare, mubhuku rinonzi Preachers Present Arms, Dr. Ray Abrams akati: “Kunokosha kuti vafundisi vakawanda kwazvo vakadenha mukuedza kuparadza Vateveri vaRussell [seizvo Vadzidzi veBhaibheri vaidanwa nenzira yokuzvidza]. Kakavadzano dzorudzidziso noruvengo zvenguva refu, izvo zvisina kutongorangarirwa mumatare munguva yorugare, zvino zvakapinda mukamuri redare mupesvedzero youpengo hwenguva yehondo.” Akatiwo: “Kunzverwa kwemhaka yacho yose kunotungamirira kumhedziso yokuti chechi navafundisi pakuvamba zvaitsigira chiito chokuparadza Vateveri vaRussell.—Map. 183-5.

Zvisinei, mugumo wehondo hauna kugumisa kutambudzwa kwaVadzidzi veBhaibheri. Wakangozarura zvawo nhambo itsva yako.

Vaprista Vanomanikidza Mapurisa

Hondo yapera, dzimwe nhau dzakanyandurwa navafundisi kuti vamise, kana kuchitongobvira, mubato waVadzidzi veBhaibheri. MuBavaria yeKaturike namamwe mativi eGermany, kusungwa kwakawanda zvikurusa kwakakuchidzirwa muma1920 maererano nemitemo yokutengesa. Asi apo mhaka dzacho dzakapinda mumatare okukwirira, vatongi kazhinji kazhinji vaitsigira Vadzidzi veBhaibheri. Pakupedzisira, pashure pokunge matare awandirwa nezviuru zvemhaka dzakadaro, Bazu Rezvemukati Menyika rakaendesa tsamba muna 1930 kuvakuru vakuru vamapurisa vose ichivaudza kurega kutanga chiito chapamutemo paVadzidzi veBhaibheri maererano nemitemo yokutengesa. Nokudaro, kwenguva pfupi, kumanikidza kwaibva mumanyuko iwaya kwakaderera, uye Zvapupu zvaJehovha zvakapfuuridzira mubato wazvo pamwero unopfuura wenguva dzose mumunda weGermany.

Vafundisi vakashandisawo pesvedzero ine simba muRomania mukati mamakore iwayo. Vakabudirira mukuita kuti mirayiro ibudiswe yairambidza mabhuku nomubato weZvapupu zvaJehovha. Asi vaprista vaitya kuti vanhu vangava vanongorava mabhuku ayo vakanga vatova nawo uye somugumisiro vaizodzidza pamusoro pedzidziso dzisati dziri dzapamagwaro nokutaura kwokunyengera kwechechi. Kudzivisa ikoku, vaprista vakaenda chaizvoizvo namapurisa paimba neimba vachitsvaka mabhuku api neapi akanga aparadzirwa neZvapupu zvaJehovha. Vaitobvunza vana vaduku vasinganyumwiri kana vabereki vavo vakanga vagamuchira mabhuku akadaro. Kana api naapi akawanikwa, vanhu vacho vaityisidzirwa nokurohwa netorongo kana vakangogamuchirazve mamwe. Mumimwe misha muprista akanga ariwo meya nomutongi, uye kwakanga kune ruramisiro shomanene zvikuru nokuda kwomunhu upi noupi uyo aisaita izvo muprista aitaura.

Chinyorwa icho vamwe vakuru vakuru vokuAmerica vakaita mukuita kuda kwavafundisi mukati meiyi nhambo hachisati chiri nani. Pashure peshanyo yaBhishopi weKaturike O’Hara kuLa Grange, Georgia, somuenzaniso, meya negweta reguta vakaita kuti makumi eZvapupu zvaJehovha asungwe muna 1936. Mukati mokuiswa kwavo mutorongo, vakaitwa kuti varare parutivi pomurwi womupfudze pametiresi dzakatoteswa neweti yemombe, vaipiwa zvokudya zvine honye, uye vaimanikidzwa kushanda mumapoka avasungwa vanogadzira migwagwa.

MuPolandwo, vafundisi veKaturike vakashandisa mutoo uri wose wavaigona kufunga kuti vadzivise basa reZvapupu zvaJehovha. Vainyandura vanhu kuti vaite masimba masimba, vaipisa mabhuku eZvapupu zvaJehovha pachena, vaizvizvidza savaKomonisiti, uye vaizvizvuzvurudzira mudare papomero yokuti mabhuku azvo akanga ari “anozvidza zvinhu zvinoyera.” Havasati vari vakuru vakuru vose, zvisinei, vakanga vachidisa kuita zvavairayira. Gweta rehurumende redare rokukwirira rePosen (Poznan), somuenzaniso, rakaramba kusunga mumwe weZvapupu zvaJehovha uyo mufundisi akanga azvidza papomero yokuti iye akanga anongedzera kuvafundisi veKaturike se“sangano raSatani.” Gweta rehurumende rimene rakaonesa kuti chimiro chendangariro chakaipa icho chakapararira muchiKristudhomu chose kubvira mudare ravanapapa raAlexander VI (1492-1503 C.E.) chakanga, zvirokwazvo, chiri chimiro chendangariro chaSatani. Uye apo vafundisi vakapomera mumwe weZvapupu zvaJehovha kumhura Mwari kupfurikidza nokuparadzira mabhuku eWatch Tower, gweta rehurumende redare rokukwirira muThorn (Toruń) rakarayira kusunungurwa, richiti: ‘Zvapupu zvaJehovha zvinova nechimiro chimwe chetecho chaizvoizvo nechakava navaKristu vapakuvamba. Zvichikwenengerwa nokutambudzwa, zvinotsigira mifungo yakakwirira zvikurusa mugadziriro yenyika yakashata neiri kuwa.’

Zvinyorwa namagwaro zvehurumende yeCanada zvinoratidzira kuti Zvapupu zvaJehovha zvakarambidzwa muCanada muna 1940 mutsinhirano netsamba yakabva kuimba yamambo yeCatholic Cardinal Villeneuve, yeQuebec, kugurukota rekutongwa kwemhosva, Ernest Lapointe. Vamwe vakuru vakuru vehurumende pashure pacho vakada kutsanangurwa kwakazara kwezvikonzero zvechiito ichocho, asi mhinduro dzaLapointe dzakanga dzisati dzitongori dzinogutsa kumitezo yakawanda yeParamende yeCanada.

Pane rumwe rutivi rwenyika, kwakanga kune kuronga bangano kwakafanana kwaiitwa navafundisi. Zvinyorwa namagwaro zvehurumende yeAustralia zvine tsamba yakabva kuna bhishopi mukuru weRoma Katurike weSydney yakaenda kuGweta Guru W. M. Hughes ichikurudzira kuti Zvapupu zvaJehovha zviziviswe kuva zvisati zviri zvapamutemo. Tsamba iyoyo yakanyorwa pana August 20, 1940, mwedzi mishanu chete chirambidzo chisati chaiswa. Pashure pokuhwirudzura zvainzi zvikonzero zvechirambidzo, VaJustice Williams veDare Rapamusoro reAustralia gare gare vakataura kuti zvakanga zvine “mugumisiro wokuita kuti kutsigirwa kwenheyo nedzidziso zvorudzidziso rwechiKristu zvive zvisati zviri zvapamutemo nomunamato uri wose wechechi unoitwa navatendi mukuberekwa kwaKristu uve musangano usati uri wapamutemo.” Pana June 14, 1943, Dare rakasarudza kuti chirambidzo chakanga chisati chichitsinhirana nomutemo weAustralia.

MuSwitzerland pepanhau reKaturike rakarayira kuti zviremera zvibvute mabhuku eZvapupu ayo chechi yairangarira seanogumbura. Vakatyisidzira kuti kana ikoku kukasaitwa, vaizoita chiito ivo vamene. Uye mumativi akawanda enyika, izvozvo ndizvo chaizvoizvo zvavakaita!

Vatungamiriri Vorudzidziso Vanotendeukira Kumasimba Masimba

Vafundisi veKaturike muFrance vakarangarira kuti vakanga vachingori kudzora vanhu zvakasimba, uye vakanga vakatsunga kusarega chinhu chipi nechipi chichidzongonyedza kudzora ikoko. Mukati ma1924-25, Vadzidzi veBhaibheri munyika dzakawanda vakanga vari kuparadzira turakiti rinonzi Ecclesiastics Indicted. Muna 1925, J. F. Rutherford akarongwa kuti ataure muParis pamusoro penhau inoti “Unyengeri Hwavafundisi Hunofumurwa.” Pamusoro pezvakaitika pamusangano wacho, chimwe chapupu chakaona chakashuma, kuti: “Horo yacho yakanga yakati nde. Hama Rutherford vakaoneka pachikuva, uye kwakanga kune kuombera maoko kwoushamwari. Ivo vakavamba kutaura, apo kamwe kamwe vaprista vanenge 50 nemitezo yeCatholic Action, vakashongedzerwa nemiti, vakamhanya vachipinda muhoro vachiimba La Marseillaise [rwiyo rwenyika rweFrance]. Vakakanda maturakiti vari pamusoro pamasitepisi. Mumwe muprista akakwira pachikuva. Majaya maviri akamukandira pasi. Katatu, Hama Rutherford vakabva pachikuva ipapo ndokudzoka. Pakupedzisira, vakabva zvachose. . . . Matafura airatidza mabhuku edu akasiyana-siyana akapidigurwa uye mabhuku edu akakandwa pose pose. Yakanga iri nyongano chose chose!” Asi chakanga chisati chiri chiitiko chiri choga.

Jack Corr, apo akanga achipupura muIreland, kazhinji kazhinji ainzwa kutsamwa kwavafundisi veKaturike. Pane imwe nhambo mhomho, yakuchidzirwa nomuprista wenharaunda yechechi, vakamuzvuva vachimubvisa pamubhedha pakati pousiku ipapo ndokupisa mabhuku ake ose mumusika wavose. PaRoscrea muRuwa rweTipperary, Victor Gurd naJim Corby vakasvika kudzimba dzavo vakangowana bedzi kuti vashori vakanga vaba mabhuku avo, kuanyika mupeturo, uye kuapisa. Mapurisa omunzvimbomo akanga akamira akapoteredza mwoto muzhinji, vafundisi, uye vana vakabva munharaunda macho, vachiimba “Kutenda Kwamadzibaba Edu.”

Zvapupu zvaJehovha zvisati zvasangana muMadison Square Garden muNew York muna 1939, tyisidziro dzakaitwa navateveri vomuprista weKaturike Charles Coughlin yokuti musangano wacho waizogumiswa. Mapurisa akaziviswa. Pana June 25, Hama Rutherford vakataura kuvane 18 000 kana kuti vanopfuura muhoro imomo, pamwe chete nokuvateereri vakawanda veredhiyo vamarudzi akawanda, pamusoro penhau inoti “Hurumende Norugare.” Pashure pokunge hurukuro yacho yavamba, vaRoma Katurike 200 kana kuti vanopfuura navaNazi, vachitungamirirwa navaprista vanoverengeka veKaturike, vakatsvikinyidzirana mubharukoni. Pachiratidzo chakapiwa, vakaparira ruzha rukuru, vachidanidzira kuti “Heil Hitler!” uye “Viva Franco!” Vakashandisa mutoo wose womutauro wakashata netyisidziro ndokurova vakawanda vavarindiri avo vakaita chiito chokugumisa vhiringidziko yacho. Mhomho haina kubudirira mukugumisa musangano wacho. Hama Rutherford vakapfuurira kutaura nesimba uye vasingatyi. Pakunyanyisa kwenyongano yacho, ivo vakazivisa, kuti: “Cherekedzai nhasi vaNazi navaKaturike avo vangada kugumisa uyu musangano, asi kupfurikidza nenyasha dzaMwari havagoni kukuita.” Vateereri vakatsigira nokurova varovazve maoko nesimba. Vhiringidziko yacho yakava rutivi rwechigarire rwokurekodha kwakaitwa panhambo iyoyo, uye yakanzwikwa navanhu mumativi akawanda enyika.

Uko zvaibvira, zvisinei, somumazuva eBvunzurudzo, vafundisi veRoma Katurike vaishandisa Hurumende kudzvinyirira vapi navapi vaitsunga kusava nechokwadi nedzidziso dzechechi nemiitiro.

Kubatwa Kwoutsinye Mumisasa Yechibharo

Adolf Hitler akanga ari shamwari inodisa yavafundisi. Mukati ma1933, gore rimene iro chibvumirano pakati peVatican neGermany yeNazi chakasainwa, Hitler akatanga nhimbe yokuparadza Zvapupu zvaJehovha muGermany. Pakasvika 1935 zvakarambidzwa munyika yose. Asi ndiani akakusvudzira ikoku?

Mumwe muprista weKaturike, achinyora muDer Deutsche Weg (pepanhau romutauro weGermany rakabudiswa muLodz, Poland), akati muchinyorwa charo chaMay 29, 1938: “Zvino kune nyika imwe pasi pano uko vanonzi . . . Vadzidzi veBhaibheri [Zvapupu zvaJehovha] vanorambidzwa. Iyoyo iGermany! . . . Apo Adolf Hitler akatanga kutonga, uye Boka Remabhishopi eKaturike reGermany rakadzokorora chikumbiro chavo, Hitler akati: ‘Ava vanonzi Vadzidzi veBhaibheri Vapachokwadi [Zvapupu zvaJehovha] vanonetsa; . . . Ndinovarangarira savanyengeri; handishiviriri kuti vaKaturike veGermany vachasvibiswa nomutoo wakadaro nouyu Judge Rutherford wokuAmerica; ndinogumisa [Zvapupu zvaJehovha] muGermany.’”—Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.

Rakanga riri bedzi Boka raMabhishopi eKaturike reGermany raida kuti chiito chakadaro chiitwe here? Sezvakashumwa muOschatzer Gemeinnützige, raApril 21, 1933, muhurukuro yomuredhiyo pana April 20, mufundisi weLutheran Otto akataura pamusoro po“kubatira pamwe zvikurusa” kweChechi yeLutheran yeGermany yeRuwa rweSaxony navatungamiriri vezvematongerwe enyika vorudzi rwacho, uye ipapo akazivisa, kuti: “Migumisiro yokutanga yeiyi batira pamwe inogona kutoshumwa muchirambidzo nhasi chakaiswa paInternational Association of Earnest Bible Students [Zvapupu zvaJehovha] namapoka ayo maduku muSaxony.”

Pashure paikoko, Hurumende yeNazi yakaita kumwe kwokutambudzwa kwoutsinye zvikurusa kwavaKristu munhau yakanyorwa. Zviuru zveZvapupu zvaJehovha—zvakabva Germany, Austria, Poland, Czechoslovakia, Netherlands, France, uye dzimwe nyika—zvakakandirwa mumisasa yechibharo. Muno zvakabatwa noutsinye uye zvinorwadza zvikurusa zvinofungidzirika. Kwakanga kusati kuri kwechienzi kuti zvitukwe nokubanhwa, ipapo kumanikidzwa kupfinya mabvi, kutomuka, uye kukambaira kwamaawa marefu, kutozosvikira zvazheuka kana kuti kudonha nokuneta, apo varindiri vaiseka nokunakidzwa. Zvimwe zvaimanikidzwa kumira zvisina kupfeka kana kuti zvakapfeka zvisingadziyi muruvazhe pakati penguva yechando. Zvakawanda zvaikwapurwa kutozosvikira zvisingachazivi chinhu uye misana yazvo yazara ropa. Zvimwe zvaishandiswa sechinhu chokuongorora nacho mukuedza mishonga. Zvimwe, maoko akasungirirwa kumisana yazvo, zvakaturikwa zvakasungwa zviningoningo zvazvo. Kunyange zvazvo zvakanga zvisina simba nemhaka yenzara uye zvakapfeka zvisingadziyi muchando chikuru, zvakamanikidzwa kuita basa rakaoma, zvichishanda maawa marefu, kazhinji kazhinji zvichishandisa maoko azvo zvimene apo foshoro nezvimwe zvokushandisa zvakanga zvichidikanwa. Vose vari vaviri varume navakadzi nokudaro vaibatwa zvisina kufanira. Mazera avo aibvira pavechiduku kusvikira mumakumi manomwe. Vatambudzi vavo vaidanidzira kuzvidzwa kwaJehovha.

Munhamburiko yokuputsa mudzimu weZvapupu, mutungamiriri womusasa paSachsenhausen akarayira August Dickmann, Chapupu chiduku, kuurawa vasungwa vose varipo, Zvapupu zvaJehovha zviri pamberi chaipo apo zvaizotapurwa zvakazara. Pashure paikoko, vasungwa vose vakasara vakaendeswa, asi Zvapupu zvaJehovha zvaifanira kusara. Nesimbiso huru mutungamiriri akazvibvunza kuti, ‘Ndiani zvino agadzirira kusaina ziviso?’—ziviso yokuramba kutenda kwomunhu uye yokuratidzira kudisa kuva murwi. Hapana mumwe weZvapupu zvine 400 kana kuti zvinopfuura akapindura. Ipapo zviviri zvakazvipira! Aiwa, kwete kuti zvisaine, asi kuti zvikumbire kuti masiginicha azvo akapiwa rinenge gore ikoku kusati kwaitika akanzurwe.

Mumusasa weBuchenwald, dzvinyiriro yakafanana yakashandiswa. Mukuru mukuru weNazi Rödl akazivisa Zvapupu, kuti: “Kana munhu upi noupi wenyu akaramba kurwisa France kana kuti England, mose zvenyu munofanira kufa!” Mapoka maviri akashongedzwa zvizere nezvombo eSS akanga akamirira paimba yaiva pasuo. Hapana nomumwe weZvapupu akatera. Kubatwa nehasha kwakatevera, asi tyisidziro yomukuru mukuru haina kuitwa. Kwakasvika pakusanozivikanwa kuti, nepo Zvapupu mumusasa zvaiita runodokuva rudzi rwupi nerwupi rwebasa rwazvaigoverwa, bva, kunyange zvazvo zvairangwa nokuziya nenzara kwenguva dzose nokunyanyoshanda, zvairamba zvakasimba kuita chinhu chipi nechipi mukutsigirwa kwehondo kana kuti icho chakanga chakanangidzirwa kumusungwa biyazvo.

Zvazvakatambura zvakaoma kurondedzera. Mazana azvo akafa. Pashure pokunge vapukunyuki vasunungurwa mumisasa pakuguma kwehondo, chimwe Chapupu chokuFlanders chakanyora, kuti: “Chishuvo chisingazununguki bedzi chokurarama, tariro nechivimbo Maari, Jehovha, uyo ane simba rose, uye kuda ubati Ushe hwaMwari, zvakaita kuti kubvire kutsungirira kwose ikoku ndokuwana rukundo.—VaRoma 8:37.”

Vabereki vakaparadzaniswa navana vavo. Vakwanyina veroorano vakaparadzaniswa, uye vamwe havana kutongonzwazve kune mumwe nomumwe. Chinguvana pashure pokunge aroora, Martin Poetzinger akasungwa ndokuendeswa kumusasa une mukurumbira wakaipa kuDachau, ipapo kuMauthausen. Mudzimai wake, Gertrud, akapfigirwa mutorongo muRavensbrück. Havana kuonana kwamakore mapfumbamwe. Achiyeuka zvinoitika zvake muMauthausen, iye akanyora gare gare, kuti: “Gestapo yakaedza mutoo uri wose wokutipesvedzera kuputsa kutenda kwedu muna Jehovha. Zvokudya zvishomanene, ushamwari hwokunyengera, utsinye, kufanira kumira makamanikidzika zuva nezuva, kuturikwa pabango rine mamita matatu akasungwa pazviningoningo zvakamonyerwa kushure, kukwapurwa—zvose izvozvi nezvimwe zvinonyadzisa zvikuru kududza zvakaedzwa.” Asi iye akaramba akavimbika kuna Jehovha. Akanga ariwo pakati pavapukunyuki, uye gare gare akabatira somutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.

Zvakapinzwa Mutorongo Nemhaka Yokutenda Kwazvo

Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisati zviri mumisasa yechibharo nemhaka yokuti zvakanga zviri matsotsi. Apo vakuru vakuru vaida kuti mumwe munhu avaveure, ivo vaipa Chapupu reza, nemhaka yokuti vaiziva kuti hapana Chapupu chaizomboshandisa chishandiso chakadaro sechombo chokukuvadza mumwe munhu. Apo vakuru vakuru veSS pamusasa wokuparadza weAuschwitz vaida mumwe munhu kuti achenese misha yavo kana kuti kutarisira vana vavo, vaisarudza Zvapupu, nemhaka yokuti vaiziva kuti izvozvi zvaisazoedza kuvapa chepfu kana kuti kuedza kupukunyuka. Apo musasa weSachsenhausen wakanga uri kubudiswa vanhu pakuguma kwehondo, varindiri vakamisa ngoro umo vaiva nezvinhu zvavakapamba pakati peboka reZvapupu. Neiko? Nemhaka yokuti vaiziva kuti Zvapupu zvaisazovabira.

Zvapupu zvaJehovha zvakapinzwa mutorongo nemhaka yokutenda kwazvo. Zvaivimbiswa zvavimbiswazve kusunungurwa mumisasa kana bedzi zvaizosaina ziviso yokuramba kutenda kwazvo. SS yakaita chinhu chiri chose chayaigona kunyengera kana kuti kumanikidza Zvapupu kusaina ziviso yakadaro. Kupfuura zvose hazvo, izvozvi ndizvo zvavaida.

Zvose kunze kwezvishomanene zveZvapupu zvakabvumikisa kuva zvisingaputsiki muperero yazvo. Asi zvakaita zvinopfuura kutambura nemhaka yoruvimbiko rwazvo kuna Jehovha nokuzvipira kwazvo kuzita raKristu. Zvakaita zvinopfuura kutsungirira kutambudzwa kwokubvunzurudzwa kwazvakaitirwa pazviri. Zvakachengeta zvisungo zvakasimba zvechinzwano chomudzimu.

Wazvo wakanga usati uri mudzimu wokupukunyuka kwomunhu oga pasinei zvapo nomugumisiro. Zvakaratidzirana rudo rwokuzvipira. Apo mumwe wazvo akava akaneta, vamwe vaigoverana mugove wazvo muduku wezvokudya. Apo zvaisarapwa chose, izvo zvaitarisirana nenzira yorudo.

Pasinei zvapo nenhamburiko dzose dzavatambudzi vazvo dzokuadzivisa, mashoko efundo yeBhaibheri akasvika Zvapupu—akavanzwa mumapakiti ezvipo aibva kunze, aitaurwa navasungwa vaingobva kusvika, kunyange akavanzwa mugumbo romuti romusungwa mutsva, kana kuti kupfurikidza nomumwe mutoo apo zvakanga zviri pamigove yebasa kunze kwemisasa. Makopi akapfuudzwa achibva kune mumwe achienda kune mumwe; pane dzimwe nguva aidhindwa pamichina muhofisi chaimo dzavakuru vakuru vemisasa. Kunyange zvazvo kwakanga kune ngozi huru zvikuru yaibatanidzwa, mimwe misangano yechiKristu yaiitirwa kunyange mumisasa.

Zvapupu zvakapfuurira kuparidza kuti Umambo hwaMwari ndiyo tariro bedzi yorudzi rwomunhu—uye zvakakuita imomo mumisasa yechibharo! Mukati meBuchenwald, somugumisiro womubato wakarongwa, zviuru zvavasungwa zvakanzwa mashoko akanaka. Mumusasa paNeuengamme, pedyo neHamburg, nhimbe yokupupura kukuru yakasanorongwa ndokuitwa pakuvamba muna 1943. Makadhi oumboo akagadzirwa mumitauro yakasiyana-siyana yaitaurwa mumusasa. Nhamburiko dzakaitwa dzokusvika akapfigirwa mumusasa mumwe nomumwe. Gadziriro dzakaitwa dzefundo yomunhu oga yenguva dzose yeBhaibheri navanofarira. Zvapupu zvakanga zvichishingaira kwazvo mukuparidza kwazvo zvokuti vamwe vasungwa vezvamatongerwe enyika vakanyunyuta, kuti: “Kupi nokupi kwaunoenda, zvaunongonzwa bedzi kutaura pamusoro paJehovha!” Apo mirayiro yakabva kuBerlin yokuparadzira Zvapupu pakati pavamwe vasungwa kuti vazvinetese, ikoku chaizvoizvo kwakaita kuti kuzvibvirire kupupurira kuvanhu vakawanda.

Pamusoro peZvapupu zvaiva vanhukadzi zvakatendeka 500 kana kuti kupfuura zvaiva muRavensbrück, hama yokunyama yeMukuru Wemauto Charles de Gaulle weFrance akanyora pashure pokusunungurwa kwayo imene, kuti: “Ndinozviyemura zvechokwadi. Zvaiva zvamarudzi akasiyana-siyana: zvokuGermany, zvokuPoland, zvokuRussia uye zvokuCzechoslovakia, uye zvakatsungirira kutambura kukuru zvikuru nokuda kwezvitendero zvazvo. . . . Zvose hazvo zvakaratidza ushingi hukuru zvikuru uye chimiro chazvo chendangariro chakarayira pakupedzisira kunyange kuremekedzwa neS.S. Zvaigona kuve zvakasunungurwa pakarepo kudai zvakanga zvaramba kutenda kwazvo. Asi, mukupesana, hazvina kurega kudzivisa, zvichitobudirira mukupinza mabhuku namaturakiti mumusasa.”

Kufanana naJesu Kristu, zvakazvibvumikisa zvimene kuva vakundi venyika iyo yaitsvaka kuzviita kuti zviwirirane nechimiro chayo chaSatani. (Joh. 16:33) Christine King, mubhuku rinonzi New Religious Movements: A Perspective for Understanding Society, anoti pamusoro pazvo: “Zvapupu zvaJehovha zvakadenha murangariro woudzvinyiriri wenzanga itsva, uye iyi denho, pamwe chete nokupfuurira kwokuvapo kwayo, zvakavhiringidza nenzira yakajeka varongi venhevedzo itsva. . . . Mitoo inokudzwa nemhaka yokuvapo kwenguva refu yechitambudzo, kutambudza, kupinzwa mutorongo nokunyombwa yakanga isati iri kuguma nokutendeutsirwa kweZvapupu zvipi nezvipi kuchimiro cheNazi uye kutaura idi yakanga iri kuita zvakapesana nezvaidikanwa navakuchidziri vayo. . . . Pakati pouku kutaura kuviri kunorwisana pamusoro poruvimbiko, kurwa kwacho kwakanga kwakakasharara, zvinotova zvikuru kwazvo, sezvo vaNazi vakasimba zvikuru mumuviri vakanga vane chokwadi zvishomanene munzira dzakawanda, vane hwaro hwakasimba zvishomanene hwokupwiswa kwavo vamene, vane chokwadi zvishomanene nezvokupukunyuka kweHurumende yavo yamakore ane 1 000. Zvapupu hazvina kupanikira hwaro hwazvo zvimene, nokuti kutenda kwazvo kwakanga kwave kuri pachena kubvira panguva yaAbheri. Nepo vaNazi vakanga vachifanira kugumisa chishoro ndokupwisa vatsigiri vavo, kazhinji kazhinji vachikumbira mutauro nenhema kuchiKristu chine masekete, Zvapupu zvakanga zvine chokwadi choruvimbiko rwakakwana, rusingachinjiki rwemitezo yazvo, kunyange kusvikira kurufu.”—Rakabudiswa muna 1982.

Pamugumo wehondo, Zvapupu zvakasara zvinopfuura chiuru zvakabuda mumisasa, kutenda kwazvo kwakakwana uye kudanana kwazvo kwakasimba. Sezvo mauto eRussia akaswedera pedyo, varindiri vakakurumidza kubudisa vanhu muSachsenhausen. Vakaunganidza vasungwa maererano norudzi. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakagara pamwe chete seboka rimwe—230 vazvo vakabva muuyu musasa. VokuRussia vava pedyo shure kwavo, varindiri vakanyanduka. Kwakanga kusina zvokudya, uye vasungwa vakanga vasina simba; bva, munhu upi noupi aisarira shure kana kuti aidonha nemhaka yokuneta aipfurwa. Zviuru zvavakadaro zvakati rabada mumutsara wokufora. Asi Zvapupu zvakabetserana zvokuti hapana kunyange asina simba zvikurusa akanga akarara mumugwagwa! Bva vamwe vazvo vakanga vari pakati pamakore 65 ne72 okukura. Vamwe vakasungwa vakaedza kuba zvokudya munzira, uye vakawanda vakapfurwa apo vakanga vari kukuita. Mukupesana, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa mikana yacho kuudza vanhu munzira yokubuda nayo pamusoro pezvinangwa zvorudo zvaJehovha, uye vamwe vaivava, nemhaka yokuonga shoko rinonyaradza, vakazvigovera zvokudya nokuda kwazvo zvimene nehama dzazvo dzechiKristu.

Vafundisi Vanopfuurira Kurwisa

Pashure peHondo Yenyika II, vafundisi murutivi rwokumabvazuva rweCzechoslovakia vakapfuurira kunyandura kutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha. Mukati menguva yokudzora kweNazi, vakanga vapomera kuti Zvapupu zvakanga zviri vaKomonisiti; zvino vakataura kuti Zvapupu zvakanga zvichirwisana nehurumende yechiKomonisiti. Padzimwe nguva, apo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichishanyira misha yavanhu, vaprista vakakurudzira vadzidzisi kubudisa mazana avana muchikoro kuti vakandire Zvapupu matombo.

Nenzira yakafanana, vaprista veKaturike muSanta Ana, El Salvador, vakarwisa Zvapupu muna 1947. Apo hama dzakanga dziri kuva neFundo yadzo yeNharireyomurindi yevhiki nevhiki, vakomana vakakanda matombo napasuo rakazaruka. Ipapo kwakauya boka raitungamirirwa navaprista. Vamwe vakanga vakatakura tochi; vamwe vakanga vakatakura mifananidzo. “Pamberi Nemhandara!” vakadanidzira kudaro. “Jehovha ngaafe!” Kweawa mbiri, chivako chacho chakatemwa namatombo.

Pakati pema1940, Zvapupu zvaJehovha muQuebec, Canada, zvakabatwawo zvisina kufanira zvinotyisa, nemhomho dzeKaturike navakuru vakuru zvakafanana. Nhume dzakabva kuimba yakaisvonaka yabhishopi dzaishanyira zuva nezuva bato ramapurisa kuti dzirayire kuti mapurisa aparadze Zvapupu. Kazhinji kazhinji, kusungwa kusati kwaitwa, mapurisa aioneka achibuda nokusuo reseri rechechi. Muna 1949, vafundisi veZvapupu zvaJehovha vakabudiswa muJoliette, Quebec, nemhomho dzeKaturike.

Asi havasati vari vanhu vose muQuebec vaibvumirana nezvakanga zvichiitwa. Nhasi, kune Horo yoUmambo yakaisvonaka yeZvapupu zvaJehovha mumumwe wemigwagwa mikuru muJoliette. Chaimbova chikoro imomo chakavharwa, chakatengwa nehurumende, uye chakachinjwa kuva koreji yenzanga. Uye muMontreal, Zvapupu zvaJehovha zvakaita kokorodzano huru dzamarudzi akawanda, nenhamba yevapindi yakasvika ku80 008 muna 1978.

Kunyange zvakadaro, Chechi yeKaturike yakashandisa mutoo uri wose unobvira kudzora vanhu zvakasimba. Kupfurikidza nokudzvinyirira vakuru vakuru vehurumende, vakava nechokwadi chokuti vafundisi vaiva Zvapupu vakarayirwa kubva muItaly muna 1949 uye kuti, apo kwaibvira, mvumo dzakawanwa neZvapupu dzemagungano imomo dzakakanzurwa mukati mema1950. Pasinei zvapo naikoku, nhamba dzeZvapupu zvaJehovha dzakapfuurira kuwedzera, uye pakasvika 1992 kwakanga kune vaparidzi veevhangeri vaiva Zvapupu vanopfuura 190 000 muItaly.

Somunguva yeBvunzurudzo, vafundisi muSpain vakazvidza uye ipapo vakasiyira Hurumende kuita basa rakashata. Somuenzaniso, muBarcelona, umo bhishopi mukuru akatanga nhimbe yokurwisana neZvapupu muna 1954, vafundisi vakashandisa zvikuva zvavo pamwe chete nezvikoro neredhiyo kuzivisa vanhu kuti apo Zvapupu zvinovashanyira, vanofanira kuzvikumbira kupinda—uye ipapo kukurumidza kudana mapurisa.

Vaprista vaitya kuti vanhu veSpain vangadzidza zvakanga zviri muBhaibheri uye zvichida kunyange kuratidza vamwe zvavakanga vaona. Apo Manuel Mula Giménez akapinzwa mutorongo muGranada muna 1960 nokuda kwe“mhaka” yokudzidzisa vamwe pamusoro peBhaibheri, muprista womutorongo (muprista weKaturike) akaita kuti Bhaibheri bedzi muraibhurari yetorongo ribviswe. Uye apo mumwe musungwa akakweretesa Manuel kopi yeEvhangeri, akabvutirwa irori. Asi Bhaibheri zvino rasvika vanhuwo zvavo muSpain, vakava nemukana wokuzvionera vamene zvarinotaura, uye pakasvika 1992, kwakanga kune vanopfuura 90 000 avo vakanga vatanga kunamata Jehovha seZvapupu zvake.

MuDominican Republic, vafundisi vakashandira pamwe noMudzvinyiriri Trujillo, vachimushandisa kuita vavariro dzavo kunyange sezvo akavashandisa nokuda kwezvinangwa zvake amene. Muna 1950, pashure pokunge nyaya dzemapepanhau dzakanyorwa navaprista dzazvidza Zvapupu zvaJehovha, mutariri webazu reWatch Tower Society akadanwa noMunyori Wezvomukati Menyika Namapurisa. Sezvo aimirira kunze kwehofisi, mutariri webazu akaona vaprista veJesuit vachipinda ipapo ndokuenda. Nokukurumidza pashure ikoko, iye akadanwa kuti apinde muhofisi yoMunyori, uye Munyori wacho akarava achitya murayiro wairambidza mubato weZvapupu zvaJehovha. Pashure pokunge chirambidzo chacho chabviswa kwechinguvana muna 1956, vafundisi vakashandisa zvose zviri zviviri redhiyo nezvinobudisa nhau mukucherwa kwakamutsidzirwa kweZvapupu. Ungano dzose dzakasungwa ndokurayirwa kusaina kutaura kwairamba kutenda kwazvo nokupika kudzokera kuChechi yeRoma Katurike. Apo Zvapupu zvakaramba, zvakarohwa, zvakabanhwa, zvakakwapurwa, uye zvakarohwa zviso zvazvo nokushure kwepfuti. Asi zvakamira zvakasimba, uye nhamba dzazvo dzakakura.

MuSucre, Bolivia, makanga mune masimba masimba akawanda. Panguva yegungano reZvapupu zvaJehovha muna 1955, boka ravakomana rakabva kuSacred Heart Catholic School rakakomba nzvimbo yegungano, rakadanidzira, uye rakakanda matombo. Riri muchivako chechechi chiri mhiri kwomugwagwa, gudzanzwi rine simba rakakurudzira vaKaturike vose kudzivirira chechi ne“Mhandara” pa“vapanduki vePurotesitendi.” Bishopi navaprista vakaedza pachavo kudzongonyedza musangano wacho asi vakarayirwa kubuda muhoro namapurisa.

Gore rakapfuura racho, apo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri kuva negungano muRiobamba, Ecuador, purogiramu yazvo yakasimbisa hurukuro yavose yaiva nomusoro unoti “Rudo, Runoshanda Munyika Ine Udyire Here?” Asi muprista weJesuit akanga anyandura vanhu veKaturike, achivakurudzira kudzivisa musangano iwoyo. Nokudaro, sezvo hurukuro yacho yakatanga, mhomho yaigona kunzwika ichidanidzira, kuti: “Pamberi neChechi yeKaturike!” uye, “Pasi navaPurotesitendi!” Mapurisa akavadzivisa nenzira inorumbidzwa, neminondo yakavhomorwa. Asi mhomho yakakandira matombo kunzvimbo yemisangano uye, gare gare, kuchivako umo vafundisi vaigara.

Vafundisi veRoma Katurike vave vari pamberi pechitambudzo, asi vave vasati vari ivo bedzi. Vafundisi veOrthodox yeGreece vave vachityisa zvakafanana uye vakashandisa mitoo mimwe cheteyo, munharaunda yavo yakaganhurirwa zvikuru yepesvedzero. Mukuwedzera, uko vainzwa kuti vaigona kukuita, vakawanda vavafundisi vePurotesitendi vakaratidzira mudzimu wakafanana. Somuenzaniso, muIndonesia vakatungamirira mhomho idzo dzakagumisa fundo dzeBhaibheri mumisha yavanhu uye idzo dzakarova nenzira youtsinye Zvapupu zvaJehovha zvaivapo. Mune dzimwe nyika dzeAfrica, vakaedza kupesvedzera vakuru vakuru kubvisa Zvapupu zvaJehovha munyika kana kuti kuzvinyima rusununguko rwokutaura pamusoro peShoko raMwari navamwe. Kunyange zvazvo vangasiyana padzimwe nhau, vafundisi veKaturike nevePurotesitendi vose zvavo vanobvumirana pakushora kwavo Zvapupu zvaJehovha. Panhambo nenhambo vakatobatana mukuedza kupesvedzera vakuru vakuru vehurumende kumisa mubato weZvapupu. Umo marudzidziso asati ari echiKristu akadzora upenyu, iwowo kazhinji kazhinji akashandisa hurumende kudzivirira vanhu vawo pakuratidzirwa kupi nokupi kudzidziso dzingavaparira kupanikira rudzidziso rwavakaberekerwa marwuri.

Padzimwe nguva, aya mapoka asati ari echiKristu akabatana nevanonzi vaKristu mukuronga kuchengeta chimiro chorudzidziso chaivapo. PaDekin, muDahomey (zvino Benin), muprista wejuju nomuprista weKaturike vakarangana pamwe chete kuita kuti vakuru vakuru vadzvinyirire mubato weZvapupu zvaJehovha pakuvamba muma1950. Mukupererwa kwavo nezano rose zvaro vakaronga pomero dzakarongedzerwa kunyandura marudzi ose emirangariro youtsinye. Vakapomera kuti Zvapupu zvakanga zviri kukurudzira vanhu kupandukira hurumende, zvakanga zvisiri kuripira mitero, zvakanga zviri chikonzero nei majuju asina kunaisa mvura, uye zvakaparira kusashanda kweminyengetero yomuprista. Vatungamiriri vorudzidziso vose vakadaro vaitya kuti vanhu vavo vangadzidza zvinhu zvaizovasunungura muzvitendero zvokudavira mashura noupenyu hwokuteerera kwoupofu.

Zvishoma nezvishoma, zvisinei, pesvedzero yavafundisi yakaderera munzvimbo dzakawanda. Vafundisi zvino havachawani kuti mapurisa anovatsigira nguva dzose apo vanonetsa Zvapupu. Apo muprista weOrthodox yeGreece akaedza kugumisa gungano reZvapupu zvaJehovha kupfurikidza namasimba masimba emhomho muLarissa, Greece, muna 1986, gweta reruwa rwacho pamwe chete neboka guru ramapurisa rakapindira nokuda kweZvapupu. Uye padzimwe nguva mapepanhau ave akajeka chaizvo mukuzvidza kwawo mabasa okusashivirira kworudzidziso.

Kunyange zvakadaro, mumativi akawanda enyika, dzimwe nhau dzakatungamirira kumafungu echitambudzo. Imwe yenhau idzodzi yakabatanidza chimiro chendangariro cheZvapupu zvaJehovha kuzviratidzo zvenyika.

Nemhaka Yokuti Zvinonamata Jehovha Bedzi

Munguva dzazvino uno kutanga makanga muri muGermany yeNazi umo Zvapupu zvaJehovha zvakanangana nenzira yakatanhamara nenhau dzinobatanidza zvinoitika zvourudzi. Hitler akaedza kubatanidza rudzi rweGermany kupfurikidza nokuita kuti kwaziso yechiNazi yokuti “Heil Hitler!” ive yokumanikidza. Sezvakashumwa nomunyori wenhau weSweden nomutepfenyuri weBBC Björn Hallström, apo Zvapupu zvaJehovha muGermany zvakasungwa mukati menguva yeNazi, pomero dzaizviitirwa kazhinji kazhinji dzaibatanidza “kuramba kukwazisa mureza nokupa kwaziso yeNazi.” Nokukurumidza dzimwe nyika dzakavamba kurayira kuti munhu ari wose akwazise mureza wadzo. Zvapupu zvaJehovha zvakaramba—kwete nemhaka yokusavimbika asi nokuda kwezvikonzero zvehana yechiKristu. Zvinoremekedza mureza asi zvinorangarira kukwaziswa kwomureza sechiito chokunamata.f

Pashure pokunge Zvapupu 1 200 zvapinzwa mutorongo muGermany pakuvamba munguva yeNazi nokuda kwokuramba kupa kwaziso yeNazi nokushatisa kusatora rutivi kwazvo kwechiKristu, zviuru zvakarohwa muUnited States nemhaka yokuti zvakarega kukwazisa mureza weAmerica. Mukati mevhiki yaNovember 4, 1935, vana vakati vechikoro muCanonsburg, Pennsylvania, vakaendeswa kukamuri rechikoro raiva nechinoita kuti mvura ipise ndokukwapurwa nokuda kwokuramba kukwazisa. Grace Estep, mudzidzisi, akabviswa panzvimbo yake muchikoro ichocho nokuda kwechikonzero chimwe chetecho. Pana November 6, William naLillian Gobitas vakaramba kukwazisa mureza uye vakadzingwa pachikoro kuMinersville, Pennsylvania. Baba vavo vakandomhangara kuti vaite kuti vana vavo vagamuchirwezve. Ose ari maviri dare reruwa rehurumende yomubatanidzwa nedare redunhu rokukwirira akatonga nhau yacho achitsigira Zvapupu zvaJehovha. Zvisinei, muna 1940, nyika yacho yodokupinda muhondo, Dare Gurusa reUnited States, muMinersville School District v. Gobitis, nechisarudzo che8 kwa1, yakatsigira kukwazisa mureza kwokumanikidza muzvikoro zvehurumende. Ikoku kwakatungamirira kutanga munyika yose kwamasimba masimba mukurwisana neZvapupu zvaJehovha.

Kwakanga kune kudenha kwamasimba masimba kwakawanda kwazvo paZvapupu zvaJehovha zvokuti Mai Eleanor Roosevelt (mudzimai waPurezidhendi F. D. Roosevelt) vakateterera vanhu kuti varege. Pana June 16, 1940, gweta guru reUnited States, Francis Biddle, mukutaura muredhiyo kubva kumhenderekedzo yegungwa kusvikira kumhenderekedzo yegungwa, rakanongedzera zvakananga kuutsinye hwakaitirwa Zvapupu ndokutaura kuti ihwohwu hwakanga husati huchizoshivirirwa. Asi ikoku hakuna kumisa utsinye hwacho.

Mumamirire ezvinhu ari ose anocherekedzwa—mumigwagwa, kumabasa, apo Zvapupu zvaishanyira misha muushumiri hwazvo—mireza yaisaidzwa pamberi pazvo, nomurayiro wokuti zvikwazise—kana kuti zvikasadaro zvaizozvishatira! Pakupera kwa1940, Yearbook of Jehovah’s Witnesses yakashuma, kuti: “Vatungamiriri vorudzidziso neUto reAmerica, kupfurikidza nemhomho dzakadaro idzo dzakaita zvisiri pamutemo, vakaparira kuvadziko isingarondedzereki nenzira yemasimba masimba. Zvapupu zvaJehovha zvakadenhwa, zvakarohwa, zvakanyerudzwa, zvakabudiswa mumataundi, mumaruwa nenyika, zvakazorwa tara ndokuiswa minhenga, zvakamanikidzirwa kunwa castor oil, zvakasungwa pamwe chete ndokutandaniswa sezvikara zvisingariri mumigwagwa, zvakatemwa ndokuremadzwa, zvakanyombwa nokutukwa namapoka akapindwa nemadhemoni, zvakapinzwa mutorongo mumazana pasina pomero uye zvaiva nemazvaigara zviri zvoga ndokunyimwa ropafadzo yokukurukura nehama dzokunyama, shamwari kana kuti magweta. Mamwe mazana akawanda akapinzwa mutorongo ndokuchengetwa muinonzi ‘nzvimbo yokudzivirira’; zvimwe zvakapfurwa usiku; zvimwe zvakatyisidzirwa nokuturikwa ndokurohwa kusvikira zvisingachazivi chinhu. Mhatsa dzakawanda dzamasimba masimba emhomho dzakaitika. Zvakawanda zvakabvarurirwa mbatya dzazvo, maBhaibheri azvo namamwe mabhuku zvakabvutwa ndokupiswa pachena; motokari dzazvo, maturera, misha nenzvimbo dzemagungano zvakaparadzwa ndokupiswa . . . Muzviitiko zvakawanda umo kutongwa kwakaitwa munzanga dzaitongwa nemhomho, magweta pamwe chete nezvapupu vakadenhwa nemhomho ndokurohwa apo vakanga vari mudare. Muchinodokuva chiitiko chiri chose umo mave mune masimba masimba emhomho vakuru vakuru vehurumende hapana zvavakaita uye vakaramba kupa dziviriro, uye muzviitiko zvakawanda mapurisa akatora rutivi mukudenha kwemhomho uye pane dzimwe nguva akatungamirira chaizvoizvo mhomho.” Kubvira muna 1940 kusvikira kuna 1944, mhomho ine masimba masimba inopfuura 2 500 yakadenha Zvapupu zvaJehovha muUnited States.

Nemhaka yokudzingwa kwavakawanda vavana veZvapupu zvaJehovha kuchikoro, kwenguva yakati mukati mokupera kwema1930 nokuvamba kwema1940 kwakanga kuri madikanwa kuti zvive nezvikoro zvazvo zvimene muUnited States neCanada kuti zvigovere dzidzo nokuda kwavana vazvo. Izvozvi zvaidanwa kunzi Zvikoro zvoUmambo.

Dzimwe nyikawo dzakatambudza nehasha Zvapupu nemhaka yokuti zvinoramba kukwazisa kana kuti kutsvoda zviratidzo zvenyika. Muna 1959, vana veZvapupu zvaJehovha muCosta Rica avo vaisazoita izvo mutemo unorondedzera se‘kunamatwa kweZviratidzo Zvenyika’ vakadzingwa kuchikoro. Kubatwa kwakafanana kwakaitwa kuvana veZvapupu muParaguay muna 1984. Dare Gurusa muPhilippines rakasarudza muna 1959 kuti, pasinei zvapo nezvirambidzo zvorudzidziso, vana veZvapupu zvaJehovha vaigona kumanikidzwa kukwazisa mureza. Kunyange zvakadaro, zviremera zvechikoro ikoko, muzviitiko zvakawanda zvikurusa, zvakabatira pamwe neZvapupu zvokuti vana vazvo vaigona kupinda chikoro vasingashatisi hana dzavo. Muna 1963, vakuru vakuru muLiberia, West Africa, vakapomera Zvapupu kusavimbika kuHurumende; vakadzongonyedza nesimba gungano reZvapupu paGbarnga ndokurayira kuti munhu ari wose akanga aripo—vose vari vaviri vokuLiberia nevokumwe—vapike ruvimbiko kumureza wenyika. Muna 1976 mushumo une musoro unoti “Zvapupu zvaJehovha muCuba” wakataura kuti mukati mamakore maviri akapfuura, vabereki vane chiuru, vose vari vaviri varume navakadzi, vakanga vaendeswa kutorongo nemhaka yokuti vana vavo vaisakwazisa mureza.

Haasati ari munhu ari wose akabvumirana nezviito zvinodzvinyirira zvakadaro mukurwisana navanhu avo, nokuda kwezvikonzero zvehana, vanorega nenzira yokuremekedza kutora rutivi mumitambo yokuvimbika kunyika yako. The Open Forum, inobudiswa neSouthern California Branch of the American Civil Liberties Union, yakati muna 1941: “Yava nguva yokuti tifunge zvakanaka pamusoro peiyi nhau yokukwazisa mureza. Zvapupu zvaJehovha hazvisati zviri vaAmerica vasina kuvimbika. . . . Izvo hazviputsi mitemo yose zvayo, asi zvinorarama upenyu hwakanaka, hune nhevedzano, zvichipa mugove wazvo kuzvakanaka zvose.” Muna 1976 munyori wezvikamu zvepepanhau muArgentina, muHerald yeBuenos Aires, akataura zvakajeka kuti “zvitendero [zveZvapupu] zvinogumbura bedzi kuavo vanofunga kuti kuvimbika kunyika yako zvikurukuru inhau yokusimudza mureza nokuimba rwiyo rwenyika, kwete nhau yomwoyo.” Iye akawedzera, kuti: “Hitler naStalin vakawana [Zvapupu] kuva zvakaoma, uye vakazvibata nenzira yakaipa zvikuru. Vamwe vadzvinyiriri vakawanda vachida kuwirirana vakaedza kuzvidzvinyirira. Uye vakakundikana.”

Kunosanozivikanwa kuti mamwe mapoka orudzidziso akatsigira masimba masimba akashongedzerwa nezvombo mukurwisana nehurumende idzo aisatendera. Asi hakuna nzvimbo pasi pano uko Zvapupu zvaJehovha zvakatongopinda mukupandukira kwezvamatongerwe enyika. Hakusati kuri nemhaka yokusavimbika—nemhaka yokutsigira imwe hurumende yomunhu yakati—kuti zvinoramba kukwazisa chiratidzo chenyika. Zvine chimiro chimwe chetecho munyika iri yose kwazvinowanwa. Chimiro chazvo chendangariro hachisati chiri chokuzvidza. Hazvisati zvichiridza mheterwa kana kuti kudanidzira kuti zvidzongonyedze mitambo yokuvimbika kunyika yako; hazvipfiri mureza mate, hazviutsiki, kana kuti kuupisa. Hazvipikisi hurumende. Chimiro chazvo chakavakirwa paizvo Jesu Kristu amene akataura, sezvakanyorwa pana Mateo 4:10 (NW), kuti: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndokwaari oga kwaunofanira kuita basa rinoyera.”

Chimiro chinotorwa neZvapupu zvaJehovha chakafanana neicho chakatorwa navaKristu vapakuvamba mumazuva oUmambo hweRoma. Pamusoro pavaKristu ivavo vapakuvamba, bhuku rinonzi Essentials of Bible History rinoti: “Chiito chokunamata mambo chaiumbwa nokusasa upfu hushomanene hwechinonhuhwira kana kuti madonhwe mashomanene ewaini paartari iyo yaiva pamberi pomufananidzo wamambo. Zvichida nemhaka yenguva refu yakapfuura kubvira panguva iyoyo hapana chinhu chatinoona chakasiyana muchiito . . . chokusimudza ruoko mukukwazisa mureza kana kuti mumwe mutongi akatanhamara wenyika, ratidzirwo yorupfave, rukudzo, uye ruvimbiko kunyika yako. Sezvinobvira vanhu vakawanda zvikuru muzana rokutanga ramakore vakanzwa nenzira iyoyo chaizvo pamusoro pako asi vaKristu havana kudaro. Vairangarira nhau yacho yose seyokunamata kworudzidziso, vachibvuma mambo samwari uye naizvozvo vachiva vasina kuvimbika kuna Mwari naKristu, uye vakaramba kukuita.”—Elmer W. K. Mould, 1951, p. 563.

Kuvengwa Nokuda Kwokuva “Vasati Vari Rutivi Rwenyika”

Nemhaka yokuti Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizova “vasati vari rutivi rwenyika,” Zvapupu zvaJehovha hazvigoverani muzvinhu zvayo zvezvamatongerwe enyika. (Joh. 17:16, NW; Joh. 6:15) Muna ikokuwo, zvakafanana navaKristu vapakuvamba, nezvavo vezvenhau vanotaura kuti:

“ChiKristu chapakuvamba chainzwisiswa zvishomanene uye chaifanirwa zvishomanene naavo vaitonga nyika yechihedheni. . . . VaKristu vairamba kugoverana mumabasa akati avagari vemo veRoma. . . . Ivo vaisava nenzvimbo yezvamatongerwe enyika.” (On the Road to Civilization—A World History, A. K. Heckel naJ. G. Sigman, 1937, map. 237-8) “Vairamba kuva norutivi rwupi norwupi rwokushingaira mukutongwa kwenyika kana kuti kudzivirirwa namauto kwamambo. . . . Kwakanga kusingabviri kuti vaKristu, vasingarambi basa rinoyera zvikuru, vaigona kugamuchira nzvimbo yavarwi, yavatongi, kana kuti yamachinda.”—History of Christianity, Edward Gibbon, 1891, map. 162-3.

Ichi chimiro hachirangarirwi nenyasha nenyika, zvikurukuru kwete munyika umo vatongi vanoda kuti munhu ari wose atore rutivi mumibato yakati soufakazi hwokutsigira sangano rezvamatongerwe enyika. Mugumisiro wacho uri sezvakataura Jesu, kuti: “Kudai maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda vari vayo imene. Zvino nemhaka yokuti hamusati muri rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika, pamusoro paikoku nyika inokuvengai.”—Joh. 15:19, NW.

Mune dzimwe nyika, kuvhota musarudzo dzezvamatongerwe enyika kunorangarirwa somusengwa. Kukundikana kuvhota kunorangwa nefaindi, kupinzwa mutorongo, kana kuti zvakaipisisa. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinotsigira Umambo hwaMesiya hwaMwari, uhwo, sokutaura kwakaita Jesu, “husati huri rutivi rwenyika ino.” Naizvozvo, hazvitori rutivi muzvinhu zvezvamatongerwe enyika zvamarudzi enyika ino. (Joh. 18:36, NW) Chisarudzo chacho ndechomunhu oga; hazvimanikidziri mirangariro yazvo pavamwe. Uko kushivirirwa kworudzidziso kunenge kuchishayikwa, vakuru vakuru vehurumende vakashandisa kusatora rutivi kweZvapupu sepembedzo yokutambudza kunotyisa. Mukati menguva yeNazi, somuenzaniso, ikoku kwakaitwa munyika dzaidzorwa navo. Kwakaitwawo muCuba. Zvisinei, vakuru vakuru munyika dzakawanda vave vachishivirira zvikuru.

Bva, mune dzimwe nzvimbo avo vari kutonga vakarayira kuti munhu ari wose aratidzire kutsigira bato rezvamatongerwe enyika riri kudzora kupfurikidza nokudanidzira ziviso dzakati. Nemhaka yokuti zvaisagona kuita izvozvo nenzira yokutungamirirwa nehana, zviuru zveZvapupu zvaJehovha mumativi okumabvazuva eAfrica zvakarohwa, zvakanyimwa zvinozviraramisa, uye zvakadzingwa mumisha yazvo mukati mema1970 nema1980. Asi Zvapupu zvaJehovha munyika dzose, kunyange zvazvo zvichishingaira uye zvichiteerera mutemo, ndivasingatori rutivi vechiKristu pamusoro penhau dzezvamatongerwe enyika.

MuMalawi, mune bato rimwe bedzi rezvamatongerwe enyika, uye kuva nekadhi rebato kunoratidzira kuva mutezo. Kunyange zvazvo Zvapupu zviri zvomuenzaniso mukuripira mitero yazvo, mutsinhirano nezvitendero zvazvo zvorudzidziso, zvinoramba kutenga makadhi ebato rezvamatongerwe enyika. Kuita saizvozvo kwaizova kurambwa kwokutenda kwazvo muUmambo hwaMwari. Nemhaka yaikoku, mukupera kwa1967, nekurudziro yavakuru vakuru vehurumende, mapoka epwere muMalawi mose akatanga denho yachose chose paZvapupu zvaJehovha iyo yakanga isina muenzaniso mukuipa kwayo noutsinye hunosuruvarisa. Vakadzi vechiKristu vakazvipira vanopfuura chiuru vakabatwa chibharo. Vamwe vakabvisirwa mbatya dzose vachiva mushutu pamberi pamapoka makuru emhomho, vakarohwa nemiti nezvibhakera, uye ipapo vakabatwa chibharo nomunhu mumwe pashure pomumwe. Zvipikiri zvakaroverwa mutsoka dzavarume uye zvipokisi zvebhasikoro mumakumbo avo, uye ipapo vakarayirwa kumhanya. Munyika macho mose misha yavo, fanicha, zvipfeko, uye migove yezvokudya zvakaparadzwa.

Zvakare, muna 1972, makanga mune kutangwa kwakamutsidzirwa kwoutsinye hwakadaro pashure pekokorodzano yegore negore yeMalawi Congress Party. Pakokorodzano iyoyo kwakasarudzwa pamutemo kunyima Zvapupu zvaJehovha basa rose rokunyika ndokuzvidzinga mumisha mazvo. Kunyange kukumbira kwavashandirwi kuchengeta ava vashandi vanovimbwa navo hakuna kubetsera. Misha, mbesa, uye zvipfuyo zvakatorwa kana kuti zvakaparadzwa. Zvapupu zvakarambidzwa kuchera mvura mutsime romumusha. Zvakawanda zvakarohwa, zvakabatwa chibharo, zvakaremadzwa, kana kuti kuurawa. Munguvayi yose, zvainyombwa nokusekwa nokuda kwokutenda kwazvo. Zvinopfuura 34 000 pakupedzisira zvakatiza munyika yacho kudzivisa kuurawa.

Asi zvakanga zvichigere kupera. Kutanga kubva munyika imwe uye ipapo kubva kune imwe, zvaimanikidzwa kudzokera nepamuganho ndokuva mumaoko avatambudzi vazvo, kuti zvingotambura bedzi humwe utsinye. Bva, pasinei zvapo nako kwose, hazvina kubvumirana pane zvisina kufanira, uye hazvina kusiya kutenda kwazvo muna Jehovha Mwari. Zvakabvumikisa kuva zvakafanana navabatiri vaya vakatendeka vaMwari nezvavo Bhaibheri rinoti: “Vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo; vakatakwa namabwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakaurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguvo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; (nyika haina kufanirwa navo).”—VaH. 11:36-38.

Vanotambudzwa Mumarudzi Ose

Marudzi mashomanene zvikuru bedzi here enyika akaratidzira kutaura kwawo rusununguko kupfurikidza nechitambudzo chorudzidziso chakadaro? Nyangwe! Jesu Kristu akanyevera vateveri vake, kuti: “Muchava vanyajambwa vokuvengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.”—Mat. 24:9, NW.

Mukati mamazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu, kubvira muna 1914, ruvengo irworwo rwazova rwakakomba zvikuru. Canada neUnited States zvakatungamirira denho yacho kupfurikidza nokuisa zvirambidzo pamabhuku eBhaibheri mukati mehondo yenyika yokutanga, uye dzakakurumidza kukumbanirwa neIndia neNyasaland (zvino inodanwa kunzi Malawi). Mukati mema1920, ganhuriro dzoudzvinyiriri dzakaiswa paVadzidzi veBhaibheri muGreece, Hungary, Italy, Romania, uye Spain. Mudzimwe dzenzvimbo idzodzi, kuparadzirwa kwamabhuku eBhaibheri kwakarambidzwa; padzimwe nguva, kunyange misangano yomudzimba dzavanhu yairambidzwa. Nyika dzakawanda dzakakumbanira mukudenha kwacho mukati mema1930, apo zvirambidzo (zvimwe paZvapupu zvaJehovha, zvimwe pamabhuku azvo) zvakaiswa muAlbania, Austria, Bulgaria, Estonia, Latvia, Lithuania, Poland, zvikamu zvakati zveSwitzerland, yaiva Yugoslavia panguva iyoyo, Gold Coast (zvino Ghana), nyika dzeFrance muAfrica, Trinidad, uye Fiji.

Mukati meHondo Yenyika II, kwakanga kune zvirambidzo paZvapupu zvaJehovha, ushumiri hwazvo hwapachena, uye mabhuku azvo eBhaibheri mumativi akawanda enyika. Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi kwete bedzi muGermany, Italy, uye Japan—dzose dzakanga dziri mukutonga kwokudzvinyirira—asiwo munyika dzakawanda idzo nenzira yakananga kana kuti nenzira isina kunanga dzakava muudzori hwadzo hondo iyoyo isati yaitika kana kuti mukati mayo. Dzaibatanidzwa pakati paidzodzi dzaiva Albania, Austria, Belgium, Czechoslovakia, Korea, Netherlands, Netherlands East Indies (zvino Indonesia), uye Norway. Mukati mamakore ehondo iwayo, Argentina, Brazil, Finland, France, uye Hungary dzose dzakapa mirayiro yehurumende mukurwisana neZvapupu zvaJehovha kana kuti mubato wazvo.

Britain haina kurambidza zvakananga mubato weZvapupu zvaJehovha mukati mehondo, asi yakadzinga mutariri webazu reWatch Tower Society akaberekerwa kuAmerica uye yakaedza kudzvinyirira mubato weZvapupu kupfurikidza nokurambidza munguva yehondo kutumirwa kwamabhuku eBhaibheri azvo. MuUmambo hweBritain mose neBritish Commonwealth of Nations, zvirambidzo zvakakwana paZvapupu zvaJehovha kana kuti kurambidzwa kwamabhuku azvo kwakaiswa. Australia, Bahamas, Basutoland (zvino Lesotho), Bechuanaland (zvino Botswana), British Guiana (zvino Guyana), Burma (zvino Myanmar), Canada, Ceylon (zvino Sri Lanka), Cyprus, Dominica, Fiji, Gold Coast (zvino Ghana), India, Jamaica, Leeward Islands (B.W.I.), New Zealand, Nigeria, Northern Rhodhesia (zvino Zambia), Nyasaland (zvino Malawi), Singapore, South Africa, Southern Rhodesia (zvino Zimbabwe), uye Swaziland dzose dzakaita chiito chakadaro kuratidzira utsinye kuvabatiri vaJehovha.

Pashure pokupera kwehondo, kwakanga kune kuderera muchitambudzo chakabva kumamwe mapoka asi wedzero yakabva kumamwe. Mukati mamakore 45 akatevera, mukuwedzera kuidi rokuti Zvapupu zvaJehovha zvakanyimwa zivikanwo yapamutemo munyika dzakawanda, zvirambidzo zvakakwana zvakaiswa pazviri kana kuti mibato yazvo munyika 23 muAfrica, 9 muAsia, 8 muEurope, 3 muLatin America, uye 4 munyika dzakati dziri zvitsuwa. Kuvambira muna 1992, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichine ganhuriro munyika 24.

Ikoku hakusati kuchireva kuti vakuru vakuru vose vehurumende vanoshora somunhu oga basa reZvapupu zvaJehovha. Vakuru vakuru vakawanda vanotsigira rusununguko rworudzidziso uye vanoziva kuti Zvapupu zvinokosha kunzanga. Vanhu vakadaro havabvumirani naavo vanonyandura chiito chehurumende mukurwisana neZvapupu. Somuenzaniso, Ivory Coast (zvino Côte d’Ivoire) isati yava nyika yakazvimirira, apo muprista weKaturike nomufundisi weMethodist vakaedza kupesvedzera mumwe mukuru mukuru kuti abudise Zvapupu zvaJehovha munyika macho, vakawana kuti vakanga vari kutaura kuvakuru vakuru avo vakanga vasingadisi kuva vanodzorwa navafundisi. Apo mumwe mukuru mukuru akaedza kuumba mutemo weNamibia, muna 1990, kuti asarure vapoteri vaizivikanwa kuva Zvapupu zvaJehovha, Sangano Rinodzora harina kukubvumira. Uye munyika dzakawanda umo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichirambidzwa pane imwe nguva, zvino zvinofarikanya zivikanwo yapamutemo.

Bva, munzira dzakasiyana-siyana, murutivi rwuri rwose rwapasi, Zvapupu zvaJehovha zvinotambudzwa. (2 Tim. 3:12) Mune dzimwe nzvimbo, chitambudzo ichocho chingabva zvikurukuru kuvanasaimba vanotuka, hama dzokunyama dzinoshora, kana kuti vashandi biyazvo kana kuti vomukirasi biyazvo avo vasingaratidziri kutya Mwari. Pasinei zvapo nokuti vatambudzi vacho ndivanaani kana kuti vanoedza sei kururamisa zvavari kuita, zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa chiri chaizvoizvo seri kwokutambudzwa kwavaKristu vechokwadi.

Nhau Yacho

Zvinyorwa zveWatch Tower zvanguve zvichionesa kuti mumutauro wokufananidzira bhuku rokutanga reBhaibheri rakafanotaura ruvengo, kana kuti daka, rwaSatani Dhiyabhorosi naavo vari muudzori hwake kusangano rokudenga raJehovha amene navamiriri varo vapasi. (Gen. 3:15; Joh. 8:38, 44; Zvak. 12:9, 17) Zvikurukuru kubvira muna 1925, Nharireyomurindi yakaratidza muMagwaro kuti kune masangano makuru maviri chete—raJehovha neraSatani. Uye, sokutaura kunoita 1 Johane 5:19, “nyika yose”—ndiko kuti, rudzi rwose rwomunhu rwuri kunze kwesangano raJehovha—“igere muna iye wakaipa.” Ndicho chikonzero nei vaKristu vose vechokwadi vachitambura chitambudzo.—Joh. 15:20.

Asi neiko Mwari achikubvumidza? Chakanaka chipi nechipi chiri kuitwa here? Jesu Kristu akatsanangura kuti iye saMambo wokudenga asati apwanya Satani nesangano rake rakashata, vanhu vaizopiwa mukana wokunzwa pamusoro poUmambo hwaMwari nokuhutsigira. Apo vazivisi voUmambo ihwohwo vanotambudzwa, mubvunzo unotanhamariswa zvinotova zvikuru kwazvo: Avo vanonzwa pamusoro pahwo vachaita zvakanaka ku“hama” dzaKristu navasonganiri vadzo here ndokudarozvo kuratidza kuda Kristu amene? Kana kuti vachakumbanira avo vanotutira kubata zvisina kufanira ava vamiriri voUmambo hwaMwari here—kana kuti zvichida kuramba vakanyarara apo vamwe vanoita kudaro? (Mat. 25:31-46; 10:40; 24:14) Vamwe muMalawi vakaona nenzira yakajeka vakanga vari kubatira Mwari wechokwadi uye naizvozvo vakakumbanira Zvapupu zvinotambudzwa. Vasungwa vakawanda pamwe chete navarindiri mumisasa yechibharo yeGermany vakaita zvimwe chetezvo.

Kunyange zvazvo pomero dzokureva nhema dzichizviitirwa uye zvichirohwa, kunyange kunyombwa nokuda kwokutenda kwazvo muna Mwari, Zvapupu zvaJehovha hazvinzwi zvasiyiwa naMwari. Zvinoziva kuti Jesu Kristu akatambura zvinhu zvimwe chetezvo. (Mat. 27:43) Zvinozivawo kuti kupfurikidza noruvimbiko rwake kuna Jehovha, Jesu akabvumikisa Dhiyabhorosi kuva murevi wenhema ndokubetsera kutsveneswa kwezita raBaba vake. Chishuvo cheChapupu chiri chose chaJehovha kuita zvimwe chetezvo.—Mat. 6:9.

Nhau haisati iri yokuti vanogona kukurira chitambudzo ndokupukunyuka rufu here. Jesu Kristu akafanotaura kuti vamwe vavateveri vake vaizourawa. (Mat. 24:9) Iye amene akauraiwa. Asi haana kutongobvumirana pane zvisina kufanira noMuvengi mukuru waMwari, Satani Dhiabhorosi, “muchinda wenyika.” Jesu akakunda nyika. (Joh. 14:30; 16:33) Nhau yacho, ipapoka, ndeyokuti vanamati vaMwari wechokwadi vacharamba vakatendeka kwaari here pasinei zvapo nenhamo ipi kana ipi yavangatambura. Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino uno zvakapa ufakazi hukuru hwokuti zvine ndangariro imwe cheteyo neyomuapostora Pauro, uyo akanyora, kuti: “Zvose zviri zviviri kana tichirarama, tinoraramira Jehovha, uye kana tichifa, tinofira Jehovha. Naizvozvo zvose zviri zviviri kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.”—VaR. 14:8, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Vadzidzi veBhaibheri havana kunzwisisa nenzira yakajeka panguva iyoyo izvo Zvapupu zvino zvinoziva muBhaibheri pamusoro pavarume savadzidzisi muungano. (1 VaK. 14:33, 34; 1 Tim. 2:11, 12) Somugumisiro, Maria Russell akanga ave ari mupepeti biyake weNharireyomurindi nomugoveri wenguva dzose wezvikamu zvayo wenguva dzose.

b Joseph F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society; William E. Van Amburgh, munyori nomutarisiri wemari weSosaiti; Robert J. Martin, manija wehofisi; Frederick H. Robison, mutezo wedare rokupepeta nyaya dzeNharireyomurindi; A. Hugh Macmillan, mutungamiriri weSosaiti; George H. Fisher naClayton J. Woodworth, varongi veThe Finished Mystery.

c Giovanni DeCecca, uyo aishandira muBato rechiItalian rehofisi yeWatch Tower Society.

d Mutongi Wedunhu Martin T. Manton, muRoma Katurike anoshingaira, akaramba kukwirira kwechipiri nokuda kwebheroauti pana July 1, 1918. Apo dare rokukwirira romubatanidzwa rakachinja gare gare kutongwa kwevaipomerwa mhaka, Manton akakanda kuvhota kumwe kusingabvumirani. Kunokosha kuti pana December 4, 1939, dare chairo rokukwirira rakagadzwa rakatsigira kupwiswa kwaManton kwokushandiswa zvisina kufanira kwesimba rokutonga, kusatendeseka, uye kukorovhera.

e Kuti ava varume vakaiswa mutorongo nenzira isina kururama, uye vakanga vasina mhaka, kunoratidzirwa neidi rokuti J. F. Rutherford akaramba ari mutezo weboka ramagweta reDare Gurusa reUnited States kubvira pakupinda kwake muna May 1909 kutozosvikira parufu rwake muna 1942. Mumhaka 14 dzakakwirirwa kuDare Gurusa kubvira muna 1939 kutozosvikira 1942, J. F. Rutherford akanga ari mumwe wamagweta. Mumhaka dzinozivikanwa seSchneider v. State of New Jersey (muna 1939) uye Minersville School District v. Gobitis (muna 1940), iye pachake akataura chibvumikiso pamberi peDare Gurusa. Uyewo, mukati meHondo Yenyika II, A. H. Macmillan, mumwe wavarume vakaiswa mutorongo nenzira isina kururama muna 1918-19, akagamuchirwa nomutungamiriri weBureau of Prisons yomubatanidzwa somushanyi wenguva dzose kumatorongo omubatanidzwa muUnited States kuti atarisire fariro dzomudzimu dzamajaya ayo akanga arimo nemhaka yokuva akava nechimiro chokusatora rutivi kwechiKristu.

f The Encyclopedia Americana, Vhoriyamu 11, 1942, peji 316, inoti: “Mureza, kufanana nomuchinjikwa, unoyera. . . . Mitemo nemirayiro zvine chokuita nechimiro chendangariro chomunhu kumipimo yenyika zvinoshandisa mashoko akasimba, akajeka, sokuti, ‘Basa Kumureza,’ . . . ‘Kukudza Mureza,’ ‘Kuzvipira Kumureza.’” MuBrazil, Diário da Justiça, February 16, 1956, peji 1904, yakashuma kuti pamutambo wavose, mumwe mukuru mukuru wamauto akati: “Mireza yazova mwari worudzidziso rwokuvimbika kunyika yako . . . Mureza unokudzwa uye unonamatwa.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 642]

Vatambudzi vakurusa vaJesu Kristu vakanga vari vatungamiriri vorudzidziso

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 645]

“Kugadza kwaMwari, kana kuti kubvumira, kuti munhu upi noupi aparidze kuri kupfurikidza nokupiwa kwoMudzimu Mutsvene kwaari”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 647]

Bhuku rinonzi “The Finished Mystery” rakafumura zvikuru unyengeri hwavafundisi vechiKristudhomu!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 650]

Varume navakadzi vechiKristu vakadenhwa nenyongori, vakakandirwa mutorongo, uye vakachengetwa imomo pasina pomero kana kuti pasina kutongwa

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 652]

“Nhambo dzokuiswa mutorongo dzakanyanyisa nenzira yakajeka”—Purezidhendi weUnited States Woodrow Wilson

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 656]

Kwakanga kune ruramisiro shomanene zvikuru nokuda kwomunhu upi noupi uyo aisaita izvo muprista aitaura

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 666]

Vaprista vakakurudzira vadzidzisi kubudisa vana muchikoro kuti vakandire Zvapupu matombo

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 668]

Vafundisi vakakumbanira kushora Zvapupu

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 671]

Mhomho yakadenha Zvapupu zvaJehovha muUnited States

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 676]

Murutivi rwuri rwose rwapasi, Zvapupu zvaJehovha zvinotambudzwa

[Bhokisi riri papeji 655]

Vafundisi Vanoratidza Mirangariro Yavo

Kuita kwamagazini orudzidziso anobuda panhambo nenhambo kukutongwa kwaJ. F. Rutherford navasonganiri vake muna 1918 kunokosha:

◆ “The Christian Register”: “Icho Hurumende pano inorova nokunanga kunouraya murangariro wokuti pfungwa dzorudzidziso, pasinei zvapo nokuti ndedzoupenzi uye dzinokuvadza sei, dzingaparadzirwa pasina kurangwa. Unyengeri hwekare, uye kusvikira panguva ino tave tiri vasingangwariri chose chose zvikuru pamusoro pako. . . . Kunoratidzika kuva kupera kwedzidziso dzaRussell.”

◆ “The Western Recorder,” chinyorwa cheBaptist, chakati: “Hakutongoshamisi kuti mutungamiriri weiri sangano rinoshatirisa anofanira kupfigirwa murimwe ramasangano avasingateereri. . . . Chinetso chinoshamisa chaizvoizvo muna ikoku ndechokuti vakwirirwi vanofanira kuva vakatumirwa kuchipatara chamapenzi here kana kuti torongo.”

◆ “The Fortnightly Review” yakakwevera ngwariro kutsinhiro yaiva mu“Evening Post” yeNew York, iyo yakati: “Tinovimba kuti vadzidzisi vorudzidziso kunzvimbo iri yose vachacherekedza murangariro wouyu mutongi wokuti kudzidzisa rudzidziso rupi norupi kunze kwourwo runowirirana chose chose nemitemo yehurumende imhaka inokombeswa iyo inowedzerwa kana, uchiva mufundisi weevhangeri, uchifanira kuva achiri wapachokwadi.”

◆ “The Continent” yakadana nenzira yokuzvidza vakwirirwi sa“vateveri vomushakabvu ‘Pastor’ Russell” ndokuvhiringidza zvitendero zvavo kupfurikidza nokutaura kuti vaitaura “kuti vose kunze kwavatadzi vanofanira kuhesvurwa mukurwisa mambo weGermany.” Yakataura kuti maererano negweta guru muWashington, “hurumende yeItaly pane imwe nguva yakapfuura yakanyunyutira United States kuti Rutherford navasonganiri vake . . . vakanga vaparadzira mumauto eItaly mashoko akawanda anopesana nehondo.”

◆ Vhiki imwe gare gare “The Christian Century” yakabudisa rutivi rukurusa rwenyaya iri pamusoro apa mumashoko mamwe chetewo, kuchiratidza kuti vakanga vachibvumirana zvakazara.

◆ Magazini yeKaturike inonzi “Truth” yakashuma nokupfupikisa mutongo wakaiswa uye ipapo yakaratidzira mirangariro yavapepeti vayo, ichiti: “Mabhuku eiri sangano akazadzwa zvikuru nedenho dzakashata paChechi yeKaturike nouprista hwayo.” Ichiedza kuisa chiratidzo cho“kupandukira” pane vapi navapi vangasabvumirana pachena neChechi yeKaturike, yakawedzera, kuti: “Kuri kuva pachena zvikuru kwazvo kuti mudzimu wokusashivirira wakasanobatanidzwa nouyo wokupandukira.”

◆ Dr. Ray Abrams, mubhuku rake rinonzi “Preachers Present Arms,” akati: “Apo mashoko emitongo yamakore makumi maviri akasvika vapepeti vemapepanhau orudzidziso, chinodokuva chiri chose chezvinyorwa izvozvi, chikuru nechiduku, chakafarira chiitiko chacho. Ndave ndisingakwanisi kuwana mashoko api naapi etsitsi muapi naapi amagazini orudzidziso anogamuchirwa.”

[Bhokisi riri papeji 660]

“Vanotambudzwa Pamusoro Pezvikonzero Zvorudzidziso”

“Kwaiva neboka ravanhu muMusasa Wechibharo weMauthausen avo vaitambudzwa pamusoro pezvikonzero zvorudzidziso bedzi: mitezo yesekete rinonzi ‘Vadzidzi veBhaibheri Vapachokwadi,’ kana kuti ‘Zvapupu zvaJehovha’ . . . Kuramba kwavo mhiko yoruvimbiko kuna Hitler nokuramba kwavo kuita rudzi rwupi norwupi rwebasa rehondo—mugumisiro wezvamatongerwe enyika wechitendero chavo—zvakanga zviri zvikonzero zvokutambudzwa kwavo.”—“Die Geschichte des Konzentrationslagers Mauthausen” (Nhau Yomusasa Wevasungwa weMauthausen), rakanyorwa naHans Maršálek, Vienna, Austria, 1974.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 661]

Kushandurwa Kweziviso Iyo SS Yakaedza Kumanikidza Zvapupu Kusaina

Musasa wechibharo . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . .

Dhipatimendi II

ZIVISO

Ini, . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . .

ndakaberekwa pana . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . mu . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . .

pano ndinoita ziviso inotevera:

1. Ndasvika pakuziva kuti International Bible Students Association iri kuzivisa dzidziso dzakaipa uye yakavanda murudzidziso inotevera zvinangwa zvoutsinye mukurwisana neHurumende.

2. Naizvozvo ndakasiya sangano racho zvachose chose ndokuzvisunungura ndimene chose chose padzidziso dzeiri sekete.

3. Pano ndinovimbisa kuti handisati ndichizotongotorazve rutivi rwupi norwupi mumubato weInternational Bible Students Association. Vanhu vapi navapi vanondisvika nedzidziso yaVadzidzi veBhaibheri, kana kuti avo mumutoo upi noupi vanozivisa batano dzavo nayo, ndichazvidza pakarepo. Mabhuku ose aVadzidzi veBhaibheri ayo anofanira kutumirwa kukero yangu ndichaaendesa pakarepo kukamba yamapurisa iri pedyosa.

4. Munguva yemberi ndicharemekedza mitemo yeHurumende, zvikurukuru kana hondo ikavapo ini, nechombo muruoko, ndichadzivirira nyika yangu, uye kukumbanira munzira iri yose nzanga yavanhu.

5. Ndaziviswa kuti pakarepo ndichapinzwazve mutorongo yokudzivirira kana ndikafanira kuita mukurwisana neziviso yapiwa nhasi.

. . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . , Yomusi wa. . . . . . . . . . . . . .

. . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . . .

Siginicha

[Bhokisi riri papeji 662]

Tsamba Dzakabva Kuvamwe Vakatongerwa Rufu

Yakabva kuna Franz Reiter (uyo akanga atarisana norufu nokuchekwa musoro nomuchina) ichienda kuna amai vake, January 6, 1940, ari munzvimbo yokuchengetedzwa yeBerlin-Plötzensee:

“Ndinopwiswa zvakasimba muchitendero changu chokuti ndiri kuita nenzira yakarurama. Zvandiri muno, ndingagona kungochinja pfungwa yangu, asi kuna Mwari ikoku kungava kusavimbika. Tose zvedu tiri muno tinoda kuva vakatendeka kuna Mwari, kukukudzwa kwake. . . . Nezvandaiziva, kudai ndakanga ndaita mhiko [yamauto], ndingadai ndakaita chivi chakafanirwa norufu. Ikoko kungadai kwakava kwakaipa kwandiri. Ndaisazomuka. Asi ndinoomerera kune icho Kristu akataura, kuti: ‘Ani naani achaponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, mumwe cheteyo achahugamuchira.’ Uye zvino, Amai vangu vanodiwa navanamukoma vangu vose nehanzvadzi, nhasi ndaudzwa mutongo wangu, uye musatyiswa, rufu, uye ndichaurawa mangwana mangwanani. Ndine simba rangu rinobva kuna Mwari, zvimwe chetezvo sezvazvakanga zvakaita nguva dzose navaKristu vose vechokwadi shure munguva yakapfuura. Vaapostora vanonyora kuti, ‘Ani naani anoberekwa naMwari haagoni kutadza.’ Ndizvo zvazvakaita neni. Ndakabvumikisa ikoku kwamuri, uye maigona kukuziva. Mudiwa wangu, usasuruvariswa. Kungava kwakanaka kuti mose zvenyu muzive Magwaro Matsvene zvitori nani. Kana muchizomira makasimba kutozosvikira kurufu, tichasangana zvakare murumuko. . . .

“Wenyu Franz

“Kutosvikira tasanganazve.”

Yakabva kuna Berthold Szabo, akaurawa neboka rinopfura, muKörmend, Hungary, pana March 2, 1945:

“Hanzvadzi yangu inodiwa, Marika!

“Awa imwe nehafu ino yandasarirwa nayo, ndichaedza kukunyorera kuti ugokwanisa kuzivisa vabereki vedu pamusoro pemamiriro ezvinhu angu, ndakatarisana norufu nokukurumidza.

“Ndinovashuvira rugare rumwe cheterwo rwendangariro rwandinarwo muidzi nguva dzokupedzisira munyika ino yakazadzwa nengwavaira. Zvino yava 10 kiroko, uye ndichaurawa na11:30; asi ndakaterama zvikuru. Humwe upenyu hwangu ndinoisa mumaoko aJehovha noMwanakomana wake Anodiwa, Jesu Kristu, Mambo, avo vasati vachizotongokanganwa avo vanovada zvapachokwadi. Ndinozivawo kuti kuchakurumidza kuva norumuko rwaavo vakafa kana kuti, panzvimbo pezvo, vakavata, muna Kristu. Ndinofanirawo kuda kududza zvikurukuru kuti ndinokushuvirai mose zvikomborero zvikurusa zvaJehovha nokuda kworudo rwamakandiratidza. Ndapota nditsvodere Baba naAmai, uye Annuswo. Havafaniri kunetseka pamusoro pangu; tichave tichionana zvakare nokukurumidza. Ruoko rwangu rwaterama zvino, uye ndichazorora kutozosvikira Jehovha andidanazve. Kunyange zvino ndichachengeta mhiko yandakamuitira.

“Zvino nguva yangu yapera. Mwari ngaave nemi uye neni.

“Norudo rukuru, . . .

“Berthi”

[Bhokisi riri papeji 663]

Vanocherekedzwa Nokuda Kwoushingi Nokupwiswa

◆ “Pasinei zvapo nezvingaitika, Zvapupu zvaiva mumisasa zvaisangana ndokunyengetera pamwe chete, zvaidhinda mabhuku uye zvaitendeutsa. Zvichitsigirwa noushamwari hwazvo, uye, mukusafanana navamwe vasungwa vakawanda, zvichisanoziva zvikonzero nei nzvimbo dzakadaro dzaivako uye chikonzero nei zvaifanira kudarozvo kutambura, Zvapupu zvakabvumikisa kuva boka duku asi rinokosha ravasungwa, rairatidzirwa ne“triangle” yepepuro uye zvakatanhamara nokuda kwoushingi hwazvo nokupwiswa kwazvo.” Akanyora kudaro Dr. Christine King, mu“The Nazi State and the New Religions: Five Case Studies in Non-Conformity.”

◆ “Values and Violence in Auschwitz,” rakanyorwa naAnna Pawełczyńska, rinoti: “Iri boka ravasungwa rakanga riri simba guru repfungwa uye vakakunda hondo yavo mukurwisana nechiNazi. Boka reGermany reiri sekete rakanga rave riri vashomanene vaidzivisa nguva dzose apo vakanga vakapoteredzwa navanhu vaityiswa, uye mumudzimu mumwe chetewo wokusatyiswa vaishanda mumusasa uri paAuschwitz. Vakakwanisa kuwana ruremekedzo rwavasungwa biyavo . . . rwavatarisiri vetorongo, uye kunyange rwavakuru vakuru veSS. Munhu ari wose aiziva kuti hakuna ‘Bibelforscher’ [Chapupu chaJehovha] aizoita murayiro unopesana nechitendero chake chorudzidziso.”

◆ Rudolf Hoess, munhoroondo youpenyu hwake yaakanyora iye amene, yakabudiswa mubhuku rinonzi “Commandant of Auschwitz,” akataura nezvokuurawa kwavakati kuti veZvapupu zvaJehovha nokuda kwokuramba kupunza kusatora rutivi kwazvo kwechiKristu. Iye akati: “Ndinofungidzira kuti vafiri kutendeka vechiKristu vokutanga vanofanira kuva vakadarozvo kuoneka sezvavaimirira vari munhandare kuti zvikara zvivabvambure. Vakafa zviso zvavo zvakashandurwa chose chose, maziso avo akatarira kudenga, uye maoko avo akasungwa akapfumbatwa uye akasimudzwa mumunyengetero. Vose vakavaona vachifa vakaororwa zvikuru, uye kunyange boka rokuuraya rimene rakatapurwa.” (Iri bhuku rakabudiswa muPoland pasi pomusoro unoti “Autobiografia Rudolfa Hössa-komendanta obozu oświęcimskiego.”)

[Bhokisi riri papeji 673]

“Ivo Havasati Vachirwisana Nenyika”

“Ivo havasati vachirwisana nenyika; vanongotsigira Jehovha chete.” “Havapisi makadhi okunyoreswa mari nokubhangi, havapandukiri . . . kana kuti kupinda muchimiro chipi nechipi chokupandukira.” “Kutendeseka neperero zveZvapupu ndezvenguva dzose. Chipi kana chipi icho munhu angafunga pamusoro peZvapupu—uye vanhu vakawanda vanofunga zvinhu zvakaipa zvakawanda—zvinorarama upenyu hwomuenzaniso.”—“Telegram,” Toronto, Canada, July 1970.

[Bhokisi riri papeji 674]

Ndiani Ari Kutarisira?

Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti basa razvo rokuparidza harisati richitsamira pakushanda kweWatch Tower Society kana kuti rimwe sangano ripi neripi rapamutemo. “Watch Tower Society ngairambidzwe nehofisi dzayo dzeBazu dziri munyika dzakasiyana-siyana ngadzivharwe nechisimba nokupindira kwehurumende! Ikoko hakusati kuchigumisa kana kuti kubvisa tarisiro youmwari pavarume navakadzi avo vakazvitsaurira kuita kuda kwaMwari uye avo Iye akaisa mudzimu wake pavari. Kuti ‘paridzai!’ kwakanyorwa zvakajeka muShoko rake. Uyu murayiro unotangira uyo wavanhu vapi navapi.” (“Nharireyomurindi” [yechiNgezi], December 15, 1949) Zvichiziva kuti mirayiro yazvo inobva kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu, zvinopfuurira mukuzivisa shoko roUmambo pasinei zvapo nechishoro chazvinonangana nacho.

[Bhokisi riri papeji 677]

Kufanana navaKristu Vapakuvamba

◆ “Zvapupu zvaJehovha zvine rudzidziso rwazvinorangarira zvakakomba zvikuru kwazvo kupfuura voruzhinji vavanhu. Nheyo dzazvo dzinotiyeuchidza nezvavaKristu vapakuvamba avo vakanga vari vasina kukurumbira kwazvo uye avo vaitambudzwa nenzira youtsinye kwazvo navaRoma.”—“Akron Beacon Journal,” Akron, Ohio, September 4, 1951.

◆ “Ivo [vaKristu vapakuvamba] vairarama upenyu hwakanyarara, hwakanaka, zvirokwazvo hwomuenzaniso. . . . Murutivi rwuri rwose kunze kwenhau imwe iya yokupisa zvinonhuwira vakanga vari vagari vemo vomuenzaniso.” Nepo chibayiro kuna Mambo chakaramba chiri muedzo wokuvimbika kunyika, zviremera zvehurumende zvaigona kukwanisa kurerutsa kusateerera kwaava vaKristu vasina kuvimbika kunyika yavo here? Chinetso icho vaKristu vakazviwana vamene vari machiri somugumisiro chakanga chisati chiri chisina kufanana zvizere nechinetso icho, mukati mamakore ehondo, sekete riya rinodenha rinozivikanwa seZvapupu zvaJehovha rakazviwana rimene riri machiri muUnited States pamusoro penhau yokukwazisa mureza wenyika.”—“20 Centuries of Christianity,” rakanyorwa naPaul Hutchinson naWinfred Garrison, 1959, p. 31.

◆ “Zvichida chinhu chinocherekedzwa zvikurusa pamusoro peZvapupu kuomerera kwazvo paruvimbiko rwazvo rukuru kuna Mwari, pamberi perimwe simba ripi neripi riri munyika.”—“These Also Believe,” rakanyorwa naDr. C. S. Braden, 1949, p. 380.

[Mifananidzo iri papeji 644]

“The Pittsburgh Gazette” yakazivisa kurukurirano dzakabva mudenho yaDr. Eaton kuna C. T. Russell

[Mufananidzo uri papeji 646]

Nhema huru pamusoro penhau dzeroorano dzaCharles naMaria Russell dzakaparadzirwa zvakafara navashori

[Mifananidzo iri papeji 648]

Vafundisi vakatsamwa apo makopi 10 000 000 eiri turakiti akaparadzirwa achifumura dzidziso dzavo nemiitiro nebetsero yeShoko raMwari

[Mifananidzo iri papeji 649]

Mapepanhau akanyandura marimi okutambudzwa kwaVadzidzi veBhaibheri muna 1918

[Mifananidzo iri papeji 651]

Mukati mokutongwa pano kwemitezo yavashandi vapadzimbahwe reSosaiti, ngwariro huru yakanangidzirwa pabhuku rinonzi “The Finished Mystery”

Dare rehurumende yomubatanidzwa neposvo, Brooklyn, N.Y.

[Mufananidzo uri papeji 653]

Vatongerwa chirango chakakomba zvikuru kupfuura zvakaitwa mhondi ine kupfura kwakatanga Hondo Yenyika I. Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: W. E. Van Amburgh, J. F. Rutherford, A. H. Macmillan, R. J. Martin, F. H. Robison, C. J. Woodworth, G. H. Fisher, G. DeCecca

[Mifananidzo iri papeji 657]

Apo iri gungano reZvapupu rakaitwa muNew York muna 1939, nyongori dzine 200 dzaitungamirirwa navaprista veKaturike dzakaedza kurigumisa

[Mifananidzo iri papeji 659]

Mukati meHondo Yenyika II, zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvakakandirwa mumisasa iyi yechibharo

Chiratidzo chedehenya chavarindiri veSS (kuruboshwe)

[Mufananidzo uri papeji 664]

Rutivi rwebhuku refundo yeBhaibheri rwakadukupiswa mumufananidzo, rwakaiswa mubhokisi remachisi, uye rwakaverevedzwa kuZvapupu mumusasa wevasungwa

[Mifananidzo iri papeji 665]

Zvimwe zveZvapupu zvine kutenda kwakatsungirira muedzo wemisasa yevasungwa yeNazi

Mauthausen

Wewelsburg

[Mufananidzo uri papeji 667]

Masimba masimba emhomho pedyo neMontreal, Quebec, muna 1945. Masimba masimba akadaro ainyandurwa navafundisi mukurwisana neZvapupu akanga akawanda mukati mema1940 nema1950.

[Mufananidzo uri papeji 669]

Zviuru zveZvapupu zvaJehovha (kubatanidza John Booth, anoratidzwa pano) zvakasungwa apo zvaiparadzira mabhuku eBhaibheri

[Mifananidzo iri papeji 670]

Pashure pechisarudzo cheDare Gurusa mukurwisana neZvapupu muna 1940, masimba masimba emhomho akapararira muUnited States mose, misangano yakadzongonyedzwa, Zvapupu zvakarohwa, uye zvinhu zvakaparadzwa

[Mifananidzo iri papeji 672]

Munzvimbo dzakawanda kwakanga kuri madikanwa kutanga Zvikoro zvoUmambo nemhaka yokuti vana vari Zvapupu vakanga vadzingwa muzvikoro zvehurumende

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe