Ganhuro 1
Nei Jehovha Achifanira Kuva Nezvapupu?
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwokupfuurira kwazvo kutaura kuvanhu munzvimbo iri yose pamusoro paJehovha Mwari noUmambo hwake. Zvinewo mukurumbira wokuva vanhu vanoomerera pazvitendero zvavo pasinei hapo nomutoo wose wechishoro, kunyange rufu.
“Vanyajambwa vakuru vechitambudzo chorudzidziso muUnited States muzana rechimakumi maviri ramakore vaiva Zvapupu zvaJehovha,” rinodaro bhuku rinonzi The Court and the Constitution, rakanyorwa naArchibald Cox (1987). “Zvapupu zvaJehovha . . . zvakanetswa uye zvakatambudzwa nehurumende munyika yose,” anotaura kudaro Tony Hodges. “MuGermany yeNazi zvakaunganidzwa pamwe chete ndokuendeswa kumisasa yevasungwa. Mukati meHondo yeNyika yeChipiri, [Watch Tower] Society yakarambidzwa muAustralia neCanada. . . . Zvino [muma1970] Zvapupu zvaJehovha zviri kunetswa muAfrica.”—Jehovah’s Witnesses in Africa, Chinyorwa cha1985.
Neiko zvichitambudzwa? Chii chiri vavariro yokuparidza? Zvapupu zvaJehovha zvakatumwa chaizvoizvo naMwari here? Zvisinei neiko Jehovha ane zvapupu—uye mukuwedzera zvapupu zviri vanhu vasina kukwana? Mhinduro dzacho dzine chokuita nenhau dziri kuonwa munhau yedare rechisiko chose—nhau yakakomba zvikurusa yati yamboitiranwa nharo. Tinofanira kunzvera idzi nhau kuti tinzwisise chikonzero nei Jehovha ane zvapupu uye chikonzero nei izvi zvapupu zvichidisa kutsungirira kunyange chishoro chikurusa.
Uchangamire hwaJehovha Hwakadenhwa
Idzi nhau dzinokosha dzinobatanidza maruramiro ouchangamire kana kuti utongi hukurusa hwaJehovha Mwari. Jehovha ndiye Changamire Wechisiko Chose kupfurikidza nokuva kwake Musiki, kuva kwake Mwari, uye kuva kwake Wamasimba Ose. (Gen. 17:1; Eks. 6:3; Zvak. 4:11) Nokudaro iye ane udzori hune maruramiro pachinhu chiri chose chiri mudenga napasi pano. (1Mako. 29:12, NW, mashoko omuzasi) Asi iye anogaroshandisa uchangamire hwake norudo. (Enzanisa naJeremia 9:24.) Chii, ipapoka, chaanoda kuzvisikwa zvake zvakangwara? Kuti zvimude ndokuratidza kuonga uchangamire hwake. (Pis. 84:10) Bva, zviuru zvamakore zvakapfuura denho yakaitirwa uchangamire hune maruramiro hwaJehovha. Seiko? Naaniko? Genesi, bhuku rokutanga reBhaibheri, rinojekesa nhau yacho.
Rinoshuma kuti Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, uye akavapa musha webindu wakaisvonaka. Akaisawo uyu murayiro pavari, unoti: “Ungadya hako mumuti uri wose kusvikira waguta. Asi kana uri muti wokuziva chakanaka nechakashata hausati uchifanira kudya mauri, nokuti muzuva raunodya mauri uchafa zvirokwazvo.” (Gen. 2:16, 17, NW) Chii chaiva “muti wokuziva chakanaka nechakashata,” uye kudya muchero wawo kwaizoratidzirei?
Waiva muti chaiwoiwo, asi Mwari akaushandisa nokuda kwechinangwa chokufananidzira. Nemhaka yokuti akauidza kuti “muti wokuziva chakanaka nechakashata” uye nemhaka yokuti akarayira kuti vanhu vaviri vokutanga vasadya pauri, nomutoo wakakodzera muti wacho wakafananidzira maruramiro aMwari okusarudzira vanhu chiri “chakanaka” (chinofadza Mwari) nechiri “chakashata” (chisingafadzi Mwari). Kuvapo kwouyu muti nokudaro kwakaedza kuremekedza kwomunhu uchangamire hwaMwari. Nenzira inosuruvarisa, vanhu vaviri vokutanga havana kuteerera Mwari uye vakadya muchero wakarambidzwa. Vakakundikana uyu muedzo wakapfava bva wakakomba wokuteerera nokuonga.—Gen. 3:1-6.
Ichi chakaratidzika kuva chiito chiduku chakaumba kupandukirwa kwouchangamire hwaJehovha. Chakadaro sei? Kunzwisisa nzira yatakaitwa nayo isu vanhu chinhu chinokosha kukunzwisisa revo yeicho Adhama naEvha vakaita. Apo Jehovha akasika vanhu vaviri vokutanga, akavapa chipo chinoshamisa—rusununguko rwokuzvisarudzira zvavaida. Achiita kuti ichi chipo chikwane, Jehovha akavapa mano endangariro aibatanidza masimba echerekedzo, kurangarira, uye kusarudza. (VaH. 5:14) Vakanga vasina kufanana namarobhoti asina ndangariro; uyewo vakanga vasina kufanana nemhuka, idzo dzinoita zvinhu zvikurukuru nesimba romuzvarirwo. Rusununguko rwavo, kunyange zvazvo zvakadaro, rwakanga rwusina kukwana, rwuchizviisa pasi pokutonga kwemitemo yaMwari. (Enzanisa naJeremia 10:23, 24.) Adhama naEvha vakasarudza havo kudya muchero wakarambidzwa. Nokudaro vakashandisa zvisina kufanira rusununguko rwavo. Chii chakavatungamirira kuiyi nzira?
Bhaibheri rinotsanangura kuti chisikwa chomudzimu chaMwari chakanga chatora nzira youne yokushora nokudzivisa Mwari. Ichochi, icho gare gare chakazozivikanwa saSatani, chakataura kupfurikidza nenyoka muEdheni ndokubvisa Evha, uye kupfurikidza naye, Adhama mukuzviisa pasi pouchangamire hwaMwari. (Zvak. 12:9) Kupfurikidza nokudya mumuti wacho, Adhama naEvha vakaisa chisarudzo chavo pamusoro pechaMwari, vachiratidzira kuti vaida kuzvisarudzira vamene chiri chakanaka nechiri chakashata.—Gen. 3:22.
Nokudaro nhau yakamutswa yakanga iri yokuti, Jehovha ane maruramiro okutonga rudzi rwomunhu here, uye anoshandisa uchangamire hwake nokuda kwokubetserwa kwakanakisisa kwavadzorwi vake here? Iyi nhau yakarehwa zvakajeka namashoko eNyoka kuna Evha: “Ko ndizvo chaizvoizvo here kuti Mwari akataura kuti imi hamusati muchifanira kudya mumuti uri wose webindu?” Revo yakanga iri yokuti Mwari akanga achinyima mukadzi nomurume wake chimwe chinhu nomutoo usina kururama.—Gen. 3:1, NW.
Kupanduka muEdheni kwakamutsa imwe nhau: Ko vanhu vanogona kuva vakatendeka kuna Mwari here vachiedzwa? Iyi nhau yakafanana yakajekeswa mazana amakore 24 gare gare pamusoro paJobho akatendeka. Satani, ‘inzwi’ raiita kuti nyoka itaure, akadenha Jehovha pachena, achiti: “Jobho anotya Mwari pasina chinhu here?” Satani akapomera, kuti: “Imi mumene hamuna kumupoteredza norumhanda here uye kupoteredza imba yake nechinhu chiri chose chaanacho kumativi ose? Imi makakomborera mabasa amaoko ake, uye zvipfuyo zvake zvimene zvakapararira mupasi.” Satani nokudaro akaratidzira kuti kururama kwaJobho kwakanga kuchisundwa noudyire. Akapomerazve, kuti: “Ganda nokuda kweganda, uye chinhu chiri chose icho munhu anacho achachipa nokuda kwomweya wake.” Sezvo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, ‘kwakanga kusina munhu akafanana naJobho mupasi,’ Satani akanga achitaura chaizvoizvo kuti aigona kubvisa mubatiri upi noupi waMwari kwaAri. (Jobho 1:8-11; 2:4, NW) Vabatiri vose vaMwari nokudaro vakadenhwa nomutoo usina kunanga pamusoro peperero yavo noruvimbiko kuuchangamire Hwake.
Dzamutswa bedzi, nhau dzacho dzaitofanira kupedzwa. Kupfuura kwenguva—anenge makore 6 000 zvino—uye kukundikana kunosuruvarisa kwehurumende dzavanhu kunoratidzira zvakajeka kuti vanhu vanoda uchangamire hwaMwari. Asika vanohuda here? Kuna vanhu here vacharatidzira kuzivikanwa kwapachokwadi kwouchangamire hwakarurama hwaJehovha? Hungu! Jehovha ane zvapupu zvake! Asi tisati hedu tarangarira chipupuriro chazvo, ngatitangei kunzvera chinobatanidzwa mukuva chapupu.
Chakunoreva Kuva Chapupu
Mashoko omutauro wapakuvamba anoshandurwa kuti “chapupu” anogovera nzwisiso mune chakunoreva kuva chapupu chaJehovha. MuMagwaro echiHebheru, zita rinoshandurwa kuti “chapupu” (ʽedh) rinotorwa muchiito (ʽudh) chinoreva kuti “dzokera” kana kuti “dzokorora, itazve.” Pamusoro pezita (ʽedh), Theological Wordbook of the Old Testament inoti: “Chapupu munhu, uyo kupfurikidza nokutaurazve, anotaura zvakasamarara chipupuriro chake. Shoko rokuti [ʽedh] rakarovedzeka mumutauro wedare. A Comprehensive Etymological Dictionary of the Hebrew Language for Readers of English inowedzera, kuti: “Revo yapaku[vamba] [yechiito chokuti ʽudh] zvi[mwe] yakanga iri yokuti ‘iye akataura ataurazve uye nomutoo une simba.’”
MuMagwaro echiKristu, mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti “chapupu” (marʹtys) uye “pupura” (mar·ty·reʹo) akanga anewo revo yapamutemo, kunyange zvazvo pashure penguva yakati akava nerevo yakafara zvikuru. Maererano neTheological Dictionary of the New Testament, “mufungo wokupupura [unoshandiswa] mose muri muviri mupfungwa yechapupu kumaidi anobvumikiswa kuva echokwadi uyewo mune iyo yechapupu kuzvokwadi, ndiko kuti, kuziviswa uye kubvumwa kwezvinopwisa.” Naizvozvo chapupu chinorondedzera maidi kubva muzivo yomunhu oga yakananga, kana kuti iye anozivisa mirangariro kana kuti zvokwadi idzo iye anopwiswa nadzo.a
Muitiro wokutendeka wavaKristu vomuzana rokutanga ramakore wakapfuudzirazve mberi revo ye“chapupu.” Vakawanda vavaKristu vapakuvamba ivavo vakapupura muchitambudzo uye mukutarisana norufu. (Mabasa 22:20; Zvak. 2:13) Somugumisiro, pakasvika rinenge zana rechipiri ramakore C.E., shoko rechiGiriki rokuti chapupu (marʹtys, umo munotorwawo shoko rokuti “muponderwi kutendeka”) rakawana revo yakashanda kuvanhu vakanga vachidisa ku“simbisa kukomba kwokupupura kwavo kana kuti kuzivisa kupfurikidza norufu.” Vakanga vasingadanwi kuti zvapupu nemhaka yokuti vakafa; vakafa nemhaka yokuti vakanga vari zvapupu zvakavimbika.
Ndivanaani, ipapoka, vaiva zvapupu zvapakuvamba zvaJehovha? Ndivanaani vaidisa kuzivisa “vazivisazve uye nomutoo une simba”—mumashoko uye kupfurikidza namararamire avo—kuti Jehovha ndiChangamire ana maruramiro, akafanirwa? Ndivanaani vaidisa kuchengeta perero kuna Mwari, kunyange kusvikira kurufu?
Zvapupu Zvapakuvamba zvaJehovha
Muapostora Pauro anoti: “Tine gore rakakura kwazvo [chiGir., neʹphos, kuratidzira gore guru] rezvapupu rakatikomberedza.” (VaH. 12:1, NW) Iri ‘gore rakakura’ rezvapupu rakavamba kuumbika chinguvana pashure pokupandukirwa kwouchangamire hwaMwari muEdheni.
Pana VaHebheru 11:4 (NW), Pauro anozivisa Abheri sechapupu chokutanga chaJehovha, achiti: “Kupfurikidza nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro choukoshi hukuru zvikuru kupfuura Kaini, icho iye akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupura pamusoro pezvipo zvake; uye kupfurikidza nacho iye, kunyange zvazvo akafa hake, achiri kutaura.” Abheri akabatira sechapupu chaJehovha munzirai? Mhinduro iri pachikonzero nei chibayiro chaAbheri chakanga chiri cho“ukoshi hukuru zvikuru” kupfuura chaKaini.
Kuchitaurwa zvakapfava, Abheri akaita chipiriso chakarurama ane vavariro yakarurama uye akachitsigira namabasa akarurama. Sechipo chake, akapa chibayiro cheropa chaimirira upenyu hwemhongora dzamakwai ake—nepo Kaini akapa zvibereko zvisina upenyu. (Gen. 4:3, 4) Chibayiro chaKaini chaishayiwa sundo yokutenda yakaita kuti chipiriso chaAbheri chive chinogamuchirika. Kaini aifanira kuchinja kunamata kwake. Panzvimbo pako, akaratidzira chimiro chake chomwoyo chakashata kupfurikidza nokuramba zano raMwari nenyevero uye kupfurikidza nokuponda Abheri akatendeka.—Gen. 4:6-8; 1 Joh. 3:11, 12.
Abheri akaratidzira kutenda uko vabereki vake vakashayiwa. Kupfurikidza nokutendeka kwake, akazivisa kupwiswa kwake kuti uchangamire hwaJehovha hwakarurama uye hwakafanira. Mukati mezana ramakore kana kuti kupfuura iro akararama, Abheri akaratidzira kuti munhu anogona kuva akatendeka kuna Mwari kusvikira pakusimbisa chipupuriro chake norufu. Uye ropa raAbheri rinopfuurira ‘kutaura,’ nokuti chinyorwa chakafuridzirwa chokuponderwa kutendeka kwake chakachengetwa muBhaibheri nokuda kwezvizvarwa zveramangwana!
Anenge mazana mashanu amakore pashure porufu rwaAbheri, Enoki akavamba ‘kufamba naMwari,’ achironda nzira yaiva mutsinhirano nemipimo yaJehovha yechakanaka nechakashata. (Gen. 5:24) Panguva iyeyo, kurambwa kwouchangamire hwaMwari kwakanga kwaparira kuwanda kwemiitiro yaisava youmwari pakati porudzi rwomunhu. Enoki akapwiswa kuti Changamire Mukuru aizoita chiito mukurwisana navanhu vasina umwari, uye mudzimu waMwari wakamusunda kuzivisa kuparadzwa kwavo mune ramangwana. (Judha. 14, 15) Enoki akaramba ari chapupu chakatendeka kusvikira kurufu, nokuti Jehovha aka“mutora,” sezviri pachena achidzivisira rufu rwamasimba masimba rwaizoparirwa navavengi vake. (VaH. 11:5) Zita raEnoki nokudaro raigona kuwedzerwa kundaza inowedzera ye‘gore rakakura rezvapupu’ chiKristu chisati chasvika.
Mudzimu wokusava noumwari wakapfuurira kutekeshera munhau dzavanhu. Mukati menduramo yaNoa, uyo akaberekwa anenge makore 70 pashure porufu rwaEnoki, vanakomana vengirozi vaMwari vakauya kupasi, sezviri pachena vachipfeka chimiro chavanhu, uye vakagara navakadzi vakaisvonaka. Vana vavakabereka vaizivikanwa savaNefirimi; vakanga vari hofori pakati pavanhu. (Gen. 6:1-4) Ndoupi wakanga uri mugumisiro wouyu mubatanidzwa waisava womuzvarirwo wezvisikwa zvomudzimu navanhu uye worudzi rwomubatanidzwa wakaparirwa nokudaro? Chinyorwa chakafuridzirwa chinopindura, kuti: “Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambiro wavo panyika.” (Gen. 6:5, 12) Kwaisuruvarisa sei kuti pasi, chitsiko chetsoka dzaMwari, rakanga ra“zadzwa namasimba masimba.”—Gen. 6:13, NW; Isa. 66:1.
Mukusiyana, “Noa wakanga ari munhu wakarurama,” munhu “asina mhosva mumarudzi ake.” (Gen. 6:9) Akaratidzira kuzviisa kwake pasi pouchangamire hwaMwari kupfurikidza nokuita ‘seizvo chaizvo Mwari akarayira.’ (Gen. 6:22) Achibata nokutenda, iye “akagadzira areka . . . kuti aponese mhuri yake.” (VaH. 11:7) Asi Noa aipfuura kuva muvaki; so“muparidzi [kana kuti muzivisi] wokururama,” akanyevera nezvoruparadziko rwaiuya. (2 Pet. 2:5) Pasinei hapo nokupupura kwoushingi kwaNoa, zvisinei, chizvarwa ichecho chakaipa hachi“na kucherekedza kutozosvikira mafashamo asvika ndokuvaparadza vose.”—Mat. 24:37-39, NW.
Pashure pezuva raNoa, Jehovha aiva nezvapupu pakati pamadzitateguru apashure paMafashamo. Abrahama, Isaka, Jakobho, uye Josefa vanodudzwa sorutivi rwapakuvamba rwegore rezvapupu zvakatangira chiKristu. (VaH. 11:8-22; 12:1) Vakaratidzira kutsigira kwavo uchangamire hwaJehovha, vachiita kudaro kupfurikidza nokuchengeta perero. (Gen. 18:18, 19) Nokudaro vakabetsera kutsveneswa kwezita raJehovha. Panzvimbo pokutsvaka chengeteko muumambo hwakati hwapasi, ivo “vakazivisa pachena kuti vakanga vari vaeni navagari vechinguvana munyika,” mukutenda “vachimirira guta rine nheyo chaidzoidzo, guta iro Mwari ari muvaki nomuiti waro.” (VaH. 11:10, 13, NW) Vakagamuchira Jehovha soMutongi wavo, vachisimbisa tariro yavo muUmambo hwokudenga hwakapikirwa seratidzirwo youchangamire hwake hwakarurama.
Muzana ramakore rechi16 B.C.E., vazukuru vaAbrahama vaiva varanda vaida kununurwa muusungwa hweEgipita. Pakanga pari panguva iyeyo apo Mosesi nomukoma wake Aroni vakava vanhu vakatanhamara mu‘hondo yavamwari.’ Vakaoneka pamberi paFarao ndokupa kutaura kwokupedzisira kwaJehovha: “Tendera vanhu vangu kuenda.” Asi Farao aidada akaomesa mwoyo wake; haana kuda kurasikirwa norudzi rukuru rwavashandi vari varanda. “Jehovha ndiye aniko,” akapindura kudaro, “kuti nditeerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsraeri kuenda.” (Eks. 5:1, 2) Kupfurikidza nemhinduro iyeyo yokuzvidza, Farao, uyo akanga achidavirwa kuva mwari mupenyu iye amene, akaramba kuziva kuva Mwari kwaJehovha.
Nhau yokuva mwari zvayakanga yamutswa, Jehovha zvino akapfuurira kubvumikisa kuti iye ndiMwari wechokwadi. Farao, kupfurikidza navaprista vake vanoshandisa mashiripiti, akaunganidza simba rakabatanidzwa ravamwari veEgipita mukuzvidzwa kwesimba raJehovha. Asi Jehovha akatumira matambudziko gumi, rimwe nerimwe richiziviswa naMosesi naAroni, kuratidzira simba rake pazvinhu zvapasi nezvisikwa pamwe chete noukuru hwake pavamwari veEgipita. (Eks. 9:13-16; 12:12) Pashure pedambudziko rechigumi, Jehovha akabudisa Israeri muEgipita no“ruoko rune simba.”—Eks. 13:9.
Kwakada ushingi hukuru nokutenda kuti Mosesi, ‘munyoro zvikurusa pavanhu vose,’ aoneke pamberi paFarao, kwete kamwe, asi kazhinji. (Num. 12:3) Mosesi, zvisinei, haana kutongopfavisa shoko iro Jehovha akamurayira kupa kuna Farao. Kunyange tyisidziro yorufu yaisagona kunyaradza chipupuriro chake! (Eks. 10:28, 29; VaH. 11:27) Mosesi akanga ari chapupu mupfungwa yechokwadi yeshoko racho; akapupurira “apupurirazve uye nomutoo une simba” kuva Mwari kwaJehovha.
Pashure pokununurwa ikoko muEgipita muna 1513 B.C.E., Mosesi akanyora bhuku raGenesi. Nokudaro nguva itsva yakavamba—nguva yokunyorwa kweBhaibheri. Sezvo Mosesi sezviri pachena akanyora bhuku raJobho, akanga ane nzwisiso yakati yenhau yaiva pakati paMwari naSatani. Asi kunyorwa kweBhaibheri zvakwakafambira mberi, nhau dzaibatanidza uchangamire hwaMwari neperero yomunhu dzainyorwa nomutoo wakajeka; nokudaro vose vaibatanidzwa vaigona kuwana zivo yakakwana yenhau huru dzaibatanidzwa. Munguvayo, muna 1513 B.C.E., Jehovha akaita hwaro hwokubudisa rudzi rwezvapupu.
Rudzi rweZvapupu
Mumwedzi wechitatu pashure pokubva kwavo muEgipita, Jehovha akapinza vaIsraeri muukama hwakakwana hwesungano naye, achivaita “fuma [yake] chaiyo.” (Eks. 19:5, 6) Kupfurikidza naMosesi, iye zvino akabata navo sorudzi, achivapa hurumende youtongi hwaMwari yakavakirwa pasungano yoMutemo sebumbiro ravo remitemo rorudzi. (Isa. 33:22) Vakanga vari vanhu vakasarudzwa vaJehovha, vakarongwa kuti vamumirire saChangamire Ishe wavo.
Zvisinei, mumazana amakore akatevera, rudzi rwacho haruna kugarobvuma uchangamire hwaJehovha. Pashure pokunge agadzikana muNyika Yakapikirwa, Israeri padzimwe nguva aitsaukira kukunamata vamwari voudhemoni vamarudzi. Nemhaka yokukundikana kwavo kumuteerera saChangamire ane maruramiro, Jehovha akavabvumira kuti vapambwe, uye nokudaro kwakaratidzika sokunge kuti vamwari vamarudzi vakanga vakasimba zvikuru kupfuura Jehovha. (Isa. 42:18-25) Asi muzana rechisere ramakore B.C.E., Jehovha akadenha pachena vamwari vamarudzi kuti abvise murangariro iwoyo usina kururama ndokupedza nhau yokuti, Mwari wechokwadi ndiani?
Kupfurikidza nomuporofita Isaya, Jehovha akabudisa denho yokuti: “Ndiani aripo pakati pavo [vamwari vamarudzi] anogona kuzivisa ikoku [kuporofita nomutoo wakarurama]? Kana kuti vanogona here kutisakisa kunzwa kunyange zvinhu zvokutanga [ndiko kuti, zvinhu zvichiri mberi]? Ivo [savamwari] ngavagovere zvapupu zvavo, kuti vagonzi vakarurama, kana kuti ivo [vanhu vamarudzi] ngavanzwe vati: ‘Izvokwadi!’” (Isa. 43:9, NW) Hungu, vamwari vamarudzi ngavagovere zvapupu zvingagona kupupura pamusoro pouporofita hwavamwari vavo kuti, “Izvokwadi!” Asi hapana nomumwe wavamwari vakadaro aigona kuburitsa zvapupu zvechokwadi zvokuva kwavo vamwari!
Jehovha akajekesera Israeri mutoro wavo mukupedza nhau yokuti, Mwari wechokwadi ndiani? Akati: “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe. Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari.”—Isa. 43:10-12.
Naizvozvo vanhu vaJehovha Israeri vakaumba rudzi rwezvapupu. Vaigona kusimbisa nomutoo wakasamarara uchangamire hune maruramiro, hwakafanira hwaJehovha. Pahwaro hwezvakaitika zvavo zvakapfuura, vaigona kuzivisa nokupwiswa kuti Jehovha ndiye Mununuri Mukuru wavanhu vake uye Mwari wouporofita hwechokwadi.
Kupupura Pamusoro paMesiya
Pasinei hapo nechipupuriro chikuru che‘gore guru’ irero rezvapupu zvakatangira chiKristu, rutivi rwaMwari rwenhau harwuna kupedzwa zvakakwana. Rwakakona neiko? Nemhaka yokuti panguva yake amene yakagadzwa yaMwari, pashure pokunge kwaratidzirwa zvakajeka kuti vanhu vanoda utongi hwaJehovha uye kuti havagoni kutonga nenzira inobudirira ivo vamene, Jehovha achafanira kuita rutongeso pavose avo vanoramba kuremekedza chiremera chake chakarurama. Uyezve, nhau dzakamutswa dzinopfuura nzvimbo yavanhu. Sezvo ngirozi yakanga yapanduka muEdheni, nhau yeperero kuuchangamire hwaMwari yakasvika kumusoro uye yakabatanidza zvisikwa zvokudenga zvaMwari. Nokudaro, Jehovha akaronga kuti mwanakomana womudzimu auye kupasi, uko Satani aizova nomukana wakazara wokumuedza. Mwanakomana womudzimu iyeyo aizopiwa mukana wokupedza, munzira yakakwana, mubvunzo wokuti, Ko munhu upi noupi achava akatendeka kuna Mwari mumuedzo upi noupi here ungaunzwa paari? Adarozvo kubvumikisa ruvimbiko rwake, uyu mwanakomana waMwari aizopiwa simba somurevereri mukuru waMwari, uyo achaparadza vakaipa ndokuita zvizere chinangwa chaMwari chapakuvamba pamusoro papasi.
Asika iyeyu aizoziviswa sei? MuEdheni, Jehovha akanga apikira “mbeu” yaizopwanya Muvengi akafanana nenyoka mumusoro ndokureverera uchangamire hwaMwari. (Gen. 3:15, NW) Kupfurikidza navaporofita vechiHebheru, Jehovha akagovera udzame hwakawanda pamusoro pe“mbeu” iyeyo youMesiya—mugariro wake wekare nemibato, kunyange nguva yaaizooneka.—Gen. 12:1-3; 22:15-18; 49:10; 2 Sam. 7:12-16; Isa. 7:14; Dhan. 9:24-27; Mika 5:2.
Pakasvika pakati pezana rechishanu ramakore B.C.E., nokupedzwa kwaMagwaro echiHebheru, uporofita hwakanga hwanyorwa, huchimirira kusvika kwaMesiya kuti ahuzadzike. Chipupuriro cheichi chapupu—kutaura idi, chapupu chikurusa chaMwari—chicharangarirwa muganhuro rinotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vaigona kupupurira maidi enhau pamusoro paJesu—pamusoro poupenyu hwake, rufu, uye rumuko—kubva muzivo yokuzviwanira. (Mabasa 1:21, 22; 10:40, 41) Zvisinei, vanhu avo gare gare vakatenda Jesu vaigona kupupura kupfurikidza nokuzivisa kuvamwe ukoshi hwoupenyu hwake, rufu, uye rumuko.—Mabasa 22:15.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Vanhu vanogona kusarudza kubetserwa nouchangamire hwaJehovha. Asi kutanga vanofanira kunzwa pamusoro pahwo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
Abheri akanga ari chapupu chokutanga chaJehovha
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Enoki akapupura pamusoro porutongeso rwaMwari pavanhu vasina umwari
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Jehovha akajekesera rudzi rwose mutoro wavo sezvapupu zvake
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]
“Imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari”
[Mufananidzo uri papeji 10]
Zviitiko zvomuEdheni zvakamutsa nhau dzinokosha: Uchangamire hwaJehovha hwakarurama here? Zvisikwa zvake zvichava zvakatendeka kwaari here?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Noa akanga ari muparidzi wokururama Mwari asati aparadza nyika kupfurikidza neboporodzi
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Mosesi naAroni vakapupura nomutoo une simba kuna Farao pamusoro pokuva Mwari kwaJehovha