RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dg chikamu 7 pp. 14-17
  • Chii Chave Chiri Muuyo Worupanduko?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chave Chiri Muuyo Worupanduko?
  • Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mugariro Nhasi
  • Icho Nguva Yakaratidza
  • Murangariro Unoona Zviri Kure waMwari
  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura
    Mukai!—1990
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Nei Kune Kutambura Nokusaruramisira Zvakawanda Kwazvo?
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
    Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
Ona Zvimwe
Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
dg chikamu 7 pp. 14-17

Rutivi 7

Chii Chave Chiri Muuyo Worupanduko?

1-3. Ko nguva yakabvumikisa sei Jehovha kuva akarurama?

PAMUSORO penhau yamaruramiro aMwari okubata ushe, chii chave chiri muuyo wamazana amakore ose iwaya oubati ushe hwavanhu husingatsamiri pana Mwari? Ko vanhu vakabvumikisa kuva vabati ushe vari nani zvikuru kupfuura Mwari here? Kana tichisarudza kupfurikidza nechinyorwa choutsinye hwomunhu, zvamazvirokwazvo kwete.

2 Apo vabereki vedu vokutanga vakaramba ubati ushe hwaMwari, ngwavaira yakatevera. Vakaunza kutambura pavari vamene nemhuri yose yomunhu yakabva mavari. Uye vakanga vasina munhu wokushora kunze kwavo vamene. Shoko raMwari rinoti: “Ivo vakaita nomutoo unoparadza pavari vamene; havasi vana vake, urema ndohwavo vamene.”—Dheuteronomio 32:5.

3 Nhau yakaratidza ururami hwenyevero yaMwari kuna Adhama naEvha yokuti kana vakabuda kunze kwegadziriro dzaMwari, vaizopera simba uye pakupedzisira ndokufa. (Genesi 2:17; 3:19) Vakabuda chaizvo muubati ushe hwaMwari, uye mukufambira mberi kwenguva vakapera simba ndokufa.

4. Neiko isu tose tichiberekwa tisina kukwana, takakombamira kuchirwere norufu?

4 Chakaitika pashure pacho kuvana vavo vose chakanga chiri sokurondedzera kunoita VaRoma 5:12, kuti: “Chivi chakapinda munyika kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama, musoro wemhuri yorudzi rwomunhu] uye rufu kupfurikidza nechivi, nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose.” Naizvozvo apo vabereki vedu vokutanga vakapandukira hutariri hwaMwari, vakava vaiti vezvivi vakaremara. Mutsinhirano nemitemo yamavara anogarwa nhaka etodzano, kusakwana kwakavapo somuuyo kwakanga kurikwo bedzi kwavaigona kupfuudzira kuvana vavo. Ndokusaka isu tose takaberekwa tine urema, takakombamira kuchirwere norufu.

5, 6. Ko nhau yakaratidzei pamusoro penhamburiko dzomunhu dzokuunza rugare rwechokwadi norubudiriro?

5 Mazana mazhinji amakore apfuura. Maumambo akavapo ndokupfuura. Rudzi ruri rwose runofungika rwehurumende rwakaedzwa. Bva, mukudzokorora-dzokorora, zvinoitika zvinotyisa zvakaitika kumhuri yomunhu. Pashure pamakore ane zviuru zvitanhatu, mumwe aizofunga hake kuti vanhu vaizove vaenderera mberi kusvikira kupfundo rokugadza rugare, ruramisiro, uye rubudiriro mupasi rose uye kuti pakuzosvika zvino vaizove vakwanisa mipimo chaiyoiyo yomutsa, tsitsi, uye batira pamwe.

6 Zvisinei, huchokwadi hunongova bedzi musiano. Hakuna rudzi rwehurumende yavanhu rwakamboitwa rwakaunza rugare rwechokwadi norubudiriro nokuda kwavose. Muzana rino ramakore rechi 20 bedzi, taona kupondwa kune nhevedzano kwamamirioni mukati moKuparadzanya uye kuurawa kwavanopfuura mamirioni 100 muhondo. Munguva yedu zviverengero zvisingaverengeki zvavanhu zvave zvichitambudzwa, zvichiurawa, uye zvichiiswa mutorongo nokuda kwokusashivirira nokusanzwana kwezvamatongerwe enyika.

Mugariro Nhasi

7. Ko mugariro wemhuri yomunhu nhasi ungarondedzerwa sei?

7 Mukuwedzera, rangarira mugariro wose wemhuri yomunhu nhasi. Utsotsi namasimba masimba zvakapararira. Kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo kwakapararira. Hosha dzinopomeranwa muvatano dzakapararira. Hosha inotyisa yeAIDS iri kutapura mamirioni avanhu. Makumi amamirioni avanhu anofa nenzara kana kuti hosha gore rimwe nerimwe, nepo chiverengero chiduku chine pfuma yakawanda. Vanhu vanoshatisa uye vanosvipisa pasi. Upenyu hwemhuri nemipimo yetsika zvaputsika kunzvimbo iri yose. Zvamazvirokwazvo, upenyu nhasi hunoratidzira ubati ushe hwakashata hwa‘mwari wenyika ino,’ Satani. Nyika iyo ari mwene wayo ine utsinye, upfini, uye yakaora kwazvo.—2 VaKorinte 4:4.

8. Neiko tisingagoni kuidza zviitwa zvorudzi rwomunhu kuva fambiro mberi yechokwadi?

8 Mwari akabvumira nguva yakakwana yokuti vanhu vasvike pafambiro mberi yavo yapamusoro yesayenzi neyezvinhu zvokunyama. Asika ifambiro mberi chaiyoiyo here apo uta nemiseve zvakatsiviwa nezvigwagwagwa, matangi, majeti anokanda mabhomba, nezvitsika zvenyukireya? Ifambiro mberi here apo vanhu vanogona kupinda muchadenga bva vasingagoni kugarisana pamwe chete murugare pasi pano? Ifambiro mberi here apo vanhu vanotya kufamba mumigwagwa usiku, kana kuti kunyange masikati mune dzimwe nzvimbo?

Icho Nguva Yakaratidza

9, 10. (a) Ko mazana amakore akapfuura enguva akasanoratidzei? (b) Neiko Mwari asati achizobvisa kuzvisarudzira?

9 Icho muedzo wamazana amakore enguva wakaratidza ndechokuti hakubviriri vanhu kutungamirira nhano dzavo vamene nomutoo unobudirira kunze kwoubati ushe hwaMwari. Hakuvabviriri chose chose kuita izvozvo kupfuura zvakuri kuti ivo vararame vasingadyi, vasinganwi, uye vasingafemi. Ufakazi hwakajeka: Takaitirwa kuva vanotsamira panhungamiro yoMusiki wedu kungofanana sezvo zvamazvirokwazvo takasikirwa kuva vanotsamira pazvokudya, pamvura, uye mhepo.

10 Kupfurikidza nokubvumidza uipi, Mwari akaratidzira kwechigarire miuyo inosuruvarisa yokushandisa zvisina kufanira kuzvisarudzira. Uye kuzvisarudzira chipo chinokosha icho munzvimbo mokuchibvisa pavanhu, Mwari akavabvumira kuona icho kushandiswa zvisina kufanira kwako kunoreva. Shoko raMwari rinoreva zvokwadi apo rinoti: “Hakusi kwomunhu anofamba kunyange kururamisa nhano yake.” Nderechokwadiwo apo iro rinoti: “Munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.”—Jeremia 10:23; Muparidzi 8:9.

11. Ko chimiro chipi nechipi choubati ushe hwavanhu chakabvisa kutambura here?

11 Kubvumidza kwaMwari ubati ushe hwavanhu kwamakore ane zviuru zvitanhatu kunoenzanisira nomutoo wakasimba kuti munhu haakwanisi kugumisa kutambura. Hapana nguva yaakaita kudaro. Somuenzaniso, muzuva rake Mambo Soromoni waIsraeri, nouchenjeri hwake hwose, pfuma, uye simba, aisagona kururamisa nhamo yakaparirwa noubati ushe hwavanhu. (Muparidzi 4:1-3) Nomutoo wakafanana, muzuva redu vatungamiriri venyika, kunyange kupfurikidza nefambiro mberi dzazvino uno dzoruzivo rwezvinhu, havakwanisi kubvisa kutambura. Zvakatoipisisa, nhau yakaratidza kuti vanhu vasingatsamiri paubati ushe hwaMwari vakawedzera kutambura panzvimbo pokukubvisa.

Murangariro Unoona Zviri Kure waMwari

12-14. Ibetseroi dzokuona zviri kure dzinouya kupfurikidza nokubvumidza kwaMwari kutambura?

12 Kubvumidza kwaMwari kutambura kwave kuchirwadza kwatiri. Asi iye akava nomurangariro unoona zviri kure, achiziva hake miuyo yakanaka yaizouya pakupedzisira. Murangariro waMwari uchabetsera zvisikwa, kwete bedzi kwamakore mashomanene kana kuti zviuru zvishomanene, asi kwamamirioni amakore, hungu, nokusingagumi kose.

13 Kana mugariro uchizombomuka panguva yemberi ipi neipi apo mumwe munhu anoshandisa zvisina kufanira kuzvisarudzira kuti apanikire nzira yaMwari yokuita nayo zvinhu, kungava kusiri madikanwa kumupa nguva kuti aedze kubvumikisa mirangariro yake. Zvaakatobvumidza vapanduki zviuru zvamakore, Mwari akagadza muenzaniso wapamutemo unogona kushandiswa mukusingagumi mose kunzvimbo iri yose muchisiko chapose pose.

14 Nemhaka yokuti Jehovha akabvumidza uipi nokutambura panguva ino, kuchave kwatobvumikiswa zvakakwana kuti hapana chinhu chiri kunze kwetsinhirano naye chinogona kubudirira. Kuchave kwatoratidzirwa pasina panikiro kuti hakuna kuruka mazano kwokuzvimirira kwavanhu kana kuti zvisikwa zvomudzimu kunogona kuunza betsero dzisingaperi. Nokudaro, Mwari ipapo acharuramiswa zvizere mukuputsanya nokukurumidza mupanduki upi noupi. “Uchaparadza vakaipa.”—Pisarema 145:20; VaRoma 3:4.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pashure pokunge vabereki vedu vokutanga vasarudza kusatsamira pana Mwari, ivo pakupedzisira vakakwegura ndokufa

[Mifananidzo iri papeji 16]

Ubati ushe hwavanhu kunze kwaMwari hwakabvumikisa kuva hune ngwavaira

[Kwazvakatorwa]

U.S. Coast Guard photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe