RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dg chikamu 6 pp. 12-14
  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura
  • Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhau Youchangamire Hwapose Pose
  • Kupanduka Kwezvisikwa Zvomudzimu
  • Nhau Mbiri
  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura
    Mukai!—1990
  • Chirevo Chinobatanidza Iwe
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Kutambura Kwavanhu—Nei Mwari Achikubvumidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nyaya Yatinofanira Kutarisana Nayo Tose
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
dg chikamu 6 pp. 12-14

Rutivi 6

Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura

1, 2. Vabereki vedu vokutanga vakashatsa sei kutanga kwakaisvonaka kwavakapiwa naMwari?

CHII chakava chisina kururama? Chii chakaitika chakashatsa kutanga kwakaisvonaka uko Mwari akapa vabereki vedu vokutanga muParadhiso yeEdheni? Chokwadika, panzvimbo porugare netsinhirano yeParadhiso, uipi nokutambura zvakakurira kwezviuru zvamakore here?

2 Chikonzero ndechokuti Adhama naEvha vakashandisa zvisina kufanira kuzvisarudzira kwavo. Vakakundikana kurangarira idi rokuti havana kusikirwa kuti vabudirire kunze kwaMwari nemitemo yake. Vakasarudza kuva vasingatsamiri pana Mwari, vachifunga kuti ikoku kwaizovandudza upenyu hwavo. Naizvozvo vakabuda kunze kweganhuriro dzakagadzwa naMwari dzokuzvisarudzira.—Genesi, ganhuro 3.

Nhau Youchangamire Hwapose Pose

3-5. Neiko Mwari asina kungoparadza bedzi Adhama naEvha ndokutanga patsva?

3 Neiko Mwari asina kungoparadza chete Adhama naEvha ndokutangazve vamwe vaviri vohunhu? Nokuti uchangamire hwake hwapose pose, ndiko kuti, maruramiro ake asingaputswi okubata ushe, akanga adenhwa.

4 Mubvunzo wakanga uri wokuti: Ndianiko ane maruramiro okubata ushe, uye kubata ushe kwaaniko kuri kwakarurama? Kuva kwake wamasimba ose uye Musiki wezvisikwa zvose kunopa Mwari maruramiro okubata ushe pazviri. Sezvo iye ari wokuchenjera kose, ubati ushe hwake hwakanakisisa nokuda kwezvisikwa zvose. Asi ubati ushe hwaMwari zvino hwakanga hwadenhwa. Uyewo, kwakanga kune chimwe chinhu chisina kururama here pachisiko chake—munhu? Gare gare tichanzvera mabatanidzirwe akaitwa nhau yeperero yomunhu.

5 Kupfurikidza nokuva kwomunhu asingatsamiri pana Mwari, mumwe mubvunzo wakavapo: Vanhu vangaita zviri nani zvikuru kana vasingabatwi ushe naMwari here? Musiki zvamazvirokwazvo aiziva mhinduro yacho, asi nzira yechokwadi yokuti vanhu vawane yakanga iri yokuvabvumira rusununguko rwakakwana rwavaida. Vakasarudza nzira iyeyo yokuzvisarudzira yavo vamene, naizvozvo Mwari akaibvumira.

6, 7. Neiko Mwari akabvumira vanhu rusununguko rusina ganhuriro kwenguva refu?

6 Kupfurikidza nokubvumira vanhu nguva yakakwana yokuedza rusununguko rusina ganhuriro, Mwari aizogadzikisa nokuda kwenguva yose kana vanhu vachigarisika zvikuru pasi poubati ushe hwaMwari kana kuti pachavo vamene. Uye nguva yakabvumidzwa yaizotofanira kuva yakareba zvakakwana kuti ibvumire vanhu kuti vasvike kune icho vakarangarira kuva zviitwa zvavo zvapamusoro zvezvamatongerwe enyika, zvamabasa okugadzirwa kwezvinhu, zvesayenzi, uye zvezvokurapa.

7 Naizvozvo, Mwari akabvumira munhu banza rakakwana kusvikira kuzuva redu kuti aratidze pasina panikiro ipi neipi kana ubati ushe hwavanhu husingatsamiri paari huchigona kubudirira. Nokudaro munhu ave achikwanisa kusarudza pakati petsitsi noutsinye, pakati porudo noruvengo, pakati pokururama nokusarurama. Asi azonanganawo nemiuyo yechisarudzo chake: runako norugare kana kuti uipi nokutambura.

Kupanduka Kwezvisikwa Zvomudzimu

8, 9. (a) Ko kupanduka kwakatanga sei munzvimbo yomudzimu? (b) Ndivanaani kunze kwaAdhama naEvha vakapesvedzerwa naSatani kuti vapanduke?

8 Pane chimwe chinhu chokurangarira. Vabereki vedu vapakuvamba vakanga vasati vari ivo bedzi vakapandukira ubati ushe hwaMwari. Asi ndivanaanizve vakanga variko panguva iyeyo? Zvisikwa zvomudzimu. Mwari asati asika vanhu, akasika chimiro chakakwirira zvikuru choupenyu, zviverengero zvikuru zvengirozi, kuti zvigare munzvimbo yokudenga. Izvowo zvakasikwa zvichizvisarudzira uyewo zvine chinodikanwa chokudzorwa noubati ushe hwaMwari.—Jobho 38:7; Pisarema 104:4; Zvakazarurwa 5:11.

9 Bhaibheri rinoratidza kuti kupandukira kwakatanga kuitika munzvimbo yemidzimu. Chimwe chisikwa chomudzimu chakada rusununguko rusina ganhuriro. Chakada kunyange kuti vanhu vachinamate. (Mateo 4:8, 9) Uyu mupanduki womudzimu akava chinhu chikuru mukupesvedzera Adhama naEvha kuti vapanduke, achitaura zvenhema kuti Mwari akanga achivanyima chimwe chinhu chakanaka. (Genesi 3:1-5) Naizvozvo anonzi Dhiabhorosi (Mucheri) uye Satani (Muvengi). Gare gare, akakurudzira zvimwe zvisikwa zvomudzimu kuti zvipanduke. Izvo zvakava zvinozivikanwa samadhemoni.—Dheuteronomio 32:17; Zvakazarurwa 12:9; 16:14.

10. Chii chakava muuyo wokupandukira kwavanhu nezvisikwa zvomudzimu?

10 Vanhu, kupfurikidza nokupandukira Mwari, vakazvizarurira vamene kupesvedzero yaSatani namadhemoni ake. Ndokusaka Bhaibheri richiidza Satani kuti “mwari wetsika ino yezvinhu,” uyo “akapofumadza ndangariro dzavasingatendi.” Nokudaro, Shoko raMwari rinoti “nyika yose iri musimba rowakaipa.” Jesu amene akaidza Satani kuti “mubati ushe wenyika ino.”—2 VaKorinte 4:4; 1 Johane 5:19; Johane 12:31.

Nhau Mbiri

11. Satani akadenha Mwari pamusoro penhaui imwe?

11 Satani akamutsa imwe nhau yakadenha Mwari. Chokwadika, akapomera kuti Mwari akaposha munzira yaAkasika nayo vanhu uye kuti hakuna munhu aizoda kuita chinhu chakarurama pakudzvinyirirwa. Kutaura idi, akataura kuti pakuedzwa vaizotuka Mwari. (Jobho 2:1-5) Neiyi nzira Satani akapanikira perero yechisikwa chohunhu.

12-14. Ko nguva yaizowadzanyura sei zvokwadi pamusoro penhau mbiri dzakamutswa naSatani?

12 Naizvozvo, Mwari akabvumidza nguva yakakwana yokuti zvisikwa zvose zvakachenjera zvione mapindurirwe aizoitwa iyi nhau pamwe chete nenhau youchangamire hwaMwari. (Enzanisa naEksodho 9:16.) Zvinoitika zvokupedzisira zvenhau yomunhu zvaizowadzanyura zvokwadi pamusoro peidzi nhau mbiri.

13 Kutanga, nguva yaizowadzanyurei pamusoro penhau youchangamire hwapose pose, ururami hwoubati ushe hwaMwari? Vanhu vaigona kuzvibata ushe vamene zviri nani kupfuura Mwari here? Ko gadziriro ipi neipi youbati ushe hwavanhu kunze kwaMwari yaizopinza nyika inofara isina hondo, utsotsi, uye kusaruramisira here? Ko ipi neipi yaizobvisa urombo ndokugovera rubudiriro nokuda kwavose here? Ko ipi neipi yaizokurira chirwere, kukwegura, uye rufu here? Ubati ushe hwaMwari hwakarongedzererwa kuita zvose izvozvo.—Genesi 1:26-31.

14 Pamusoro penhau yechipiri, nguva yaizowadzanyurei pamusoro pokukodzera kwechisiko chohunhu? Yakanga iri mhosho here kuna Mwari kuve akasika vanhu nenzira yaakaita nayo? Ko vapi navapi vavo vaizoita chinhu chakarurama pakuedzwa here? Ko vanhu vapi navapi vaizoratidza kuti vaida ubati ushe hwaMwari panzvimbo poubati ushe hwavanhu hwokuzvimirira here?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mwari akabvumidza nguva yakakwana yokuti vanhu vasvike pazviitwa zvavo zvapamusoro

[Kwazvakatorwa]

Shuttle: Based on NASA photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe