RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dg chikamu 3 pp. 4-9
  • Mazivire Atinogona Kuita Kuti Kuna Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazivire Atinogona Kuita Kuti Kuna Mwari
  • Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chisiko Chapose Pose Chedu Chinotyisa
  • Pasi Rakarongedzerwa Nomutoo Wechienzi
  • Sero Benyu Rinoshamisa
  • Uropi Hwedu Hunoshamisa Zvikurusa
  • Gadziriro Yeropa Yechienzi
  • Zvimwe Zvishamiso
  • Muvaki Ari Mhizha
  • Ndiani Anogona Kutiudza?
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Kusika
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kutarisisa Mune Zvisingaoneki—Chii Chinoratidzwa?
    Mukai!—2000
  • “Ndinonyatsobvuma Kuti Musiki Ariko”
    Mukai!—2014
Ona Zvimwe
Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
dg chikamu 3 pp. 4-9

Rutivi 3

Mazivire Atinogona Kuita Kuti Kuna Mwari

1, 2. Inheyoi inotibetsera kuwana kana kuna Mwari?

NZIRA imwe yokuwana nayo kana kuna Mwari ndeyokushandisa iyi nheyo yakasanogadzwa: Icho chinoitwa chinoda muiti. Kana chinhu chakaitwa chakaoma zvikuru kunzwisiswa, muiti anofanira kuva anokwanisa zvikuru.

2 Somuenzaniso, tarira tarira pamusha wako. Matafura, zvigaro, zvibhariro, huvato, mapoto, mapani, ndiro, nemidziyo yokudyisa zvose zvinoda muiti, sezvinoitawo madziro, huriri, uye siringi. Bva, zvinhu izvozvo zvakapfava zvikuru kuita. Sezvo zvinhu zvakapfava zvichida muiti, hakusiri kune mufungo here kuti zvinhu zvakaoma kunzwisiswa zvinoda muiti akatongwara zvikuru?

Chisiko Chapose Pose Chedu Chinotyisa

3, 4. Ko chisiko chapose pose chinotibetsera sei kuziva kuti Mwari ariko?

3 Wachi inoda muiti wewachi. Zvakadiniko negadziriro yedu yenyika dzinotenderera zuva yakaoma kunzwisisa zvikurukuru, ine Zuva nenyika dzayo zvinoritenderera noururami hukuru zana ramakore pashure pezana ramakore? Zvakadiniko negwara rinotyisa ratinogara mariri, rinonzi Gwara Renzou, rine nyeredzi dzaro dzinopfuura mabhirioni ane 100? Wati wambomira here usiku kuti uringe Gwara Renzou? Wakaororwa here? Ipapo funga nezvechisiko chapose pose chikuru chisingadaviriki china mabhirioni amakwara asingatauriki akafanana neGwara redu Renzou! Zvakare, mitumbi yomuchadenga inovimbika zvikuru mukufamba kwayo zana ramakore pashure pezana ramakore zvokuti yakaenzanisirwa newachi dzakarurama.

4 Kana wachi, iri yakapfava zvikuru, ichiratidzira kuvako kwomuiti wewachi, zvamazvirokwazvo chisiko chakaoma kunzwisiswa zvikurukuru kwazvo uye chinotyisa chinoratidzira kuvako kwomurongedzeri uye muiti. Ndicho chikonzero nei Bhaibheri richitikokera kuti ti‘simudze meso edu kumusoro ndokuona,’ uye ipapo rinobvunza, kuti: “Ndianiko akasika zvinhu izvi?” Mhinduro: “Ndiye Uyo [Mwari] ari kubudisa uto razvo kunyange nechiverengero, iye unodana izvo zvose kunyange nezita. Nokuda kwokuwanda kwesimba guru, iyewo zvaari mhare musimba, hakuna chimwe chazvo chinoshaikwa.” (Isaya 40:26) Nokudaro, chisiko chapose pose chinowana kuvapo kwacho kusimba risingaoneki, rinodzora, rakangwara—Mwari.

Pasi Rakarongedzerwa Nomutoo Wechienzi

5-7. Maidii pamusoro papasi anoratidza kuti rakanga rine Murongedzeri?

5 Nyanzvi dzesayenzi zvadzinofunda zvikuru pasi, dzinoziva zvikuru kuti iro rakarongedzerwa nomutoo wechienzi nokuda kwenzvimbo yokugara yavanhu. Rine daro rakakodzera chairo kubva kuzuva nokuda kwokuwana ukuru hwakafanira hwechiedza nokupisa. Kamwe chete pagore rinotenderera zuva, norutivi rwakarurama chaizvo rwokurereka, richiita mwaka ive inobvira mumativi mazhinji apasi. Pasi rinotendererawo pachitenderero charo rimene maawa 24 ari ose, richigovera nhambo dzenguva dzose dzechiedza nerima. Rine mugariro une muvhenganiswa wakanaka chaizvo wamagasi kuti tigone kufema ndokuva vakataviridzirwa pamwaranzi inokuvadza inobva muchadenga. Uyewo rine mvura inokosha nevhu zvinodikanirwa kurima zvokudya.

6 Kana pasina zvinhu izvozvo zvose, uye zvimwe, kushandira pamwe chete, upenyu hungava husingabviri. Zvose izvozvo zvakanga zviri karukano zvaitika here? Science News inoti: “Kunoratidzika sokunge kuti migariro yakadaro chaiyoiyo uye yakarurama yaisatongogona kuve yakakarukana yavapo.” Aiwa, hayaigona. Yakabatanidza rongedzero ine donzo yakaitwa noMurongedzeri mukurusa.

7 Kana wakapinda muimba yakaisvonaka ndokuwana kuti yakanga yakasanorongedzerwa zvokudya, kuti yakanga ine gadziriro yakaisvonaka yokudziya neyokunatsa mwero wemhepo, uye kuti yakanga ine pombi dzakanaka dzokugovera mvura, waizotaurei? Kuti iyo yakangozviita iyo imene here? Aiwa, zvamazvirokwazvo waizogumisa kuti munhu akangwara akairongedzera uye akaiita nokuitira hanya kukuru. Pasi rakarongedzerwawo uye rakaitwa nokuitira hanya kukuru kuti rigovere zvinodikanwa navagari varo, uye rakaoma kunzwisiswa zvikuru kwazvo uye rakasanorongedzerwa kupfuura imba ipi neipi.

8. Chiizve chimwe chiripo pamusoro papasi chinoratidza kutiitira hanya kworudo kwaMwari?

8 Uyewo, rangarira chiverengero chikuru chezvinhu zvinowedzera mufaro kukurarama. Tarira mhatsa hurusa yamaruva ane ruvara rwakaisvonaka ane kunhuwira kwawo kunofadza uko vanhu vanofarikanya. Ipapo kune mhatsa huru yezvokudya zvinonaka zvikuru kukuravidza kwedu. Kune masango, makomo, nyanza, uye zvimwe zvisikwa zvinofadza kutarira. Zvakare, zvakadiniko nokunyura kwezuva kwakaisvonaka kunokudziridza kufarikanya kwedu upenyu? Uye muboka remhuka, hatifadzwi here nemiitiro yokutamba uye maitiro anofadza ehanda, vana vemangoi, uye dzimwe mhuka duku? Nokudaro pasi rinogovera katyamadzo zhinji dzinoshamisa dzisati dzichidikanwa chose chose kuti dzitsigire upenyu. Idzodzi dzinoratidzira kuti pasi rakarongedzerwa nokuitira hanya kworudo, vanhu vachirangarirwa, kuti tisazongovapo bedzi asi tizofarikanya upenyu.

9. Ndianiko akaita pasi, uye akariitireiko?

9 Naizvozvo, mhedziso ine mufungo ndeyokubvuma Mupi wezvinhu izvozvi zvose, sezvakaita munyori weBhaibheri uyo akataura nezvaJehovha Mwari, kuti: “Imi mumene makaita matenga napasi.” Nokuda kwedonzoi? Iye akapindura kupfurikidza nokurondedzera Mwari so“Muumbi wapasi noMuiti waro, Iye Uyo akarisimbisa zvakasimba, asina kungorisikira pasina chinhu, uyo akariita kunyange kuti rive rinogarwa.”—Isaya 37:16; 45:18.

Sero Benyu Rinoshamisa

10, 11. Neiko sero benyu richishamisa zvikuru?

10 Zvakadiniko nezvinhu zvipenyu? Hazvidi muiti here? Somuenzaniso, rangarira zvishomanene zvamativi anoshamisa esero benyu. Mubhuku rake rinonzi Evolution: A Theory in Crisis, wezvoruzivo rwoupenyu wemolecular Michael Denton, anoti: “Kunyange yakapfavisisa yegadziriro dzose mhenyu pasi pano nhasi, masero outachiona, zvinhu zvakaoma kunzwisiswa zvikurukuru. Kunyange zvazvo masero outachiona madukusa ari maduku-duku zvikurusa kwazvo, . . . rimwe nerimwe chaizvoizvo ifekitari yakazadzwa notunhu tuduku-dukusa kwazvo rine zviuru zvezvinhu zvakawandisisa zvakarongedzerwa zvegadziriro yakaoma kunzwisiswa yemolecular . . . rakaoma kunzwisiswa zvikurusa kupfuura muchina upi noupi wakaitwa nomunhu uye usingaenzanisirwi chose chose muzvinhu zvisina upenyu.”

11 Achitaura pamusoro pebumbiro romutemo ramavara anogarwa nhaka musero rimwe nerimwe, iye akati: “Kukwanisa kweDNA kuchengeta mashoko kunopfuura zvikurukuru kuya kwegadziriro imwe ipi neipi inozivikanwa; inokwanisa zvikuru zvokuti mashoko ose anodikanwa kuratidzira chaizvoizvo udzame hwose hwechinhu chakaoma kunzwisiswa somunhu anorema zvisingasviki zvikamu zvishomanene zvezviuru zvegiramu rimwe. . . . Mukuenzanisirwa nomwero woruzivo nokuoma kwokunzwisiswa kunoratidzirwa negadziriro yemolecular youpenyu, kunyange [zviitwa] zvedu zvakakwirira zvikurusa zvinoratidzira kuva zviduku-dukusa chose. Tinonzwa takaderedzwa.”

12. Ko musayendisiti akatii pamusoro pemviromviro dzesero?

12 Denton anowedzera, kuti: “Kuoma kunzwisiswa kworudzi rwakapfavisisa runozivikanwa rwesero kukuru zvikuru zvokuti hakubviri kubvuma kuti chinhu chakadaro chaigona kubatanidzwa pamwe chete pakarepo norudzi rwakati kuti rwechinoitika chechienzi, chisingatongobviri.” Chakanga chichitodikanirwa kuva nomurongedzeri nomuiti.

Uropi Hwedu Hunoshamisa Zvikurusa

13, 14. Neiko uropi huri hunotoshamisa zvikuru kupfuura sero benyu?

13 Uyu musayendisiti ipapo anoti: “Pamusoro pokuoma kwokunzwisiswa, sero rimwe nerimwe harisi chinhu pakuenzanisirwa negadziriro yakafanana nouropi hwezvisikwa zvikurusa zvinoyamwisa. Uropi hwomunhu hunoumbwa namasero etsinga anenge mamirioni ane zviuru zvine gumi. Sero rimwe nerimwe retsinga rinobudisa dzinenge tsinga dzinobatanidza dziri pakati pezviuru gumi nezviuru zvine zana rimwe dzarinobatana kupfurikidza nadzo namamwe masero etsinga omuuropi. Pamwe chete chiverengero chose chekochekedzano dziri muuropi hwomunhu chinosvika . . . mirioni ine chiuru chamamirioni.”

14 Denton anopfuurira, kuti: “Kunyange kana bedzi chikamu chimwe chezana chekochekedzano muuropi chairongwa chaizvoizvo, ichochi chaizomirirazve gadziriro ine chiverengero chikurusa zvikuru chekochekedzano chaidzo inopfuura iri mugadziriro yose yekurukurirano Pasi pano.” Ipapo, iye anobvunza, kuti: “Ko rudzi rupi norupi rwomuitiro weerekano chaitika chose chose rwakamboumba gadziriro dzakadaro here?” Sezvinooneka, mhinduro inofanira kuva yokuti: kwete. Uropi hunofanira kuva hwakava noMurongedzeri anoitira hanya uye Muiti.

15. Itsinhiroi dzinoitwa navamwe pamusoro pouropi?

15 Uropi hwomunhu hunoita kuti kunyange makomupiyuta akakwirira zvikurusa aratidzike kuva echinyakare. Munyori wesayenzi Morton Hunt akati: “Yeuko dzedu dzinoshanda dzine mashoko akawanda nakane bhirioni kupfuura komupiyuta huru yokunzvera yazvino uno.” Nokudaro, nyanzvi yokuvhiya uropi Dr. Robert J. White akati: “Ndinosiiwa ndisina chisarudzo kunze kwokubvuma kuvapo kwaNyakungwara Mukurusa, akaita rongedzero nokuitwa kwewirirano youropi nendangariro inoshamisa zvikurusa—chimwe chinhu chisingagoni zvikuru kunzwisiswa nesimba romunhu. . . . Ndinotofanira kudavira kuti zvose izvozvi zvakanga zvine mavambo oungwaru, kuti Mumwe munhu akahuita kuti huvepo.” Aitofanirawo kuva Mumwe munhu aiitira hanya.

Gadziriro Yeropa Yechienzi

16-18. (a) Ko gadziriro yeropa ndeyechienzi munzirai? (b) Tinofanira kukweverwa kumhedzisoi?

16 Rangarirawo, gadziriro yeropa yechienzi inofambisa zvokudya nemhepo uye kutaviridzira kutapurwa nehosha. Pakureva nezvemasero matsvuku eropa, rutivi rukuru rweiyi gadziriro, bhuku rinonzi ABC’s of the Human Body rinoti: “Donhwe rimwe reropa rine masero akaparadzana eropa anopfuura mamirioni 250 . . . Zvimwe muviri una mabhirioni 25 awo, akakwana, kana akaparadzirwa, kuzadza nhandare ina dzetenisi. . . . Anotsiva anoitwa, pamwero wamasero matsva ana mamirioni 3 pasekondi riri rose.”

17 Pamusoro pamasero machena eropa, rumwe rutivi rwegadziriro yechienzi yeropa, iri bhuku rimwe chetero rinotiudza, kuti: “Nepo kune rudzi rumwe bedzi rwesero dzvuku, masero machena eropa anovapo mumhatsa dzakawanda, rudzi rumwe norumwe ruchikwanisa kurwa hondo dzomuviri munzira yakasiana. Somuenzaniso, rudzi rumwe runoparadza masero akafa. Mamwe marudzi anobudisa varwi vomuviri vanorwisa utachiona, kusurukisa nduru yezvinhu zvokumwe, kana kuti kupedza chaizvoizvo ndokuparadza utachiona.”

18 Igadziriro inoshamisa uye yakarongwa nomutoo wakakwirira zvikuru zvakadini! Zvamazvirokwazvo chinhu chipi nechipi chakasanobatanidzwa pamwe chete zvikuru uye chinotaviridzira kwazvo chinofanira kuva nomurongi akangwara zvikuru uye anoitira hanya—Mwari.

Zvimwe Zvishamiso

19. Ko ziso rakadini pakuenzanisirwa nemichina yakaitwa nomunhu?

19 Kune zvimwe zvishamiso zvakawanda mumuviri womunhu. Chimwe iziso, rakarongedzerwa nomutoo wakakwirira zvikuru zvokuti hakuna kamera inogona kuritevedzera. Nyanzvi yezvomuchadenga Robert Jastrow yakati: “Ziso rinoratidzika kuva rakarongedzerwa; hakuna murongedzeri wamabheko aigona kuita zviri nani zvikuru.” Uye chinyorwa chinonzi Popular Photography chinoti: “Maziso omunhu anoona daro guru zvikurusa rezvinhu zvakawanda kupfuura zvinoita firimu. Anoona mumativi matatu, rutivi rukurusa rwakafara, mukusakanganisa, mukufamba kunopfuurira . . . Kufananidzira ziso romunhu nekamera hakusi fananidziro yakanaka. Ziso romunhu rakafanana zvikuru nekomupiyuta yemberi-mberi kwazvo ine ungwaru hwokuita zvinhu, mano okuita mashoko, sipidhi, uye mitoo yokushanda zvinopfuura zvikurusa muchina upi noupi wakaitwa nomunhu, komupiyuta kana kuti kamera.”

20. Ndaapi ari mamwe mativi anoshamisa omuviri womunhu?

20 Fungawo, nezvenzira iyo mitezo yose yomuviri yakaoma kunzwisiswa inobatira pamwe pasina nhamburiko yedu yesimba. Somuenzaniso, tinopinza marudzi akawanda akasiana ezvokudya nezvokunwa munhumbu dzedu, bva muviri unozvishandisa ndokubudisa simba. Edza kuisa mhatsa yakadaro yezvinhu mutangi repeturo remotokari ugoona manyungudikire azvinoita! Tevere pane chishamiso chokubereka, kubudiswa kwomwana akanaka—mufananidzo wavabereki vake—mumwedzi mipfumbamwe bedzi. Uye zvakadiniko namano omwana ane zera ramakore mashomanene okudzidza mutoo wokutaura nawo mumutauro wakaoma kudzidza?

21. Vachirangarira zvishamiso zvomuviri, vanhu vane mufungo vanotii?

21 Hungu, chiverengero chikuru chezvisiko zvinoshamisa, zvakaoma kunzwisiswa zviri mumuviri womunhu zvinotityisa. Hakuna injiniya angagona kutevedzera zvinhu izvozvo. Ko izvo zvingagona kuva kushandawo zvako kwekarukano zvavapo here? Nyangwe napaduku pose zvapo. Panzvimbo pezvo, pakurangarira mativi ose anoshamisa omuviri womunhu, vanhu vane mufungo vanotaura sezvakaita wezvamapisarema, kuti: “Ndichakurumbidzai [Mwari] nokuti ini ndakaitwa nomutoo unotyisa. Mabasa enyu anoshamisa.”—Pisarema 139:14.

Muvaki Ari Mhizha

22, 23. (a) Neiko tichifanira kubvuma kuvapo kwoMusiki? (b) Ko Bhaibheri rinotii pamusoro paMwari nenzira yakarurama?

22 Bhaibheri rinoti: “Chokwadika, imba iri yose inovakwa nomumwe munhu; asi Mwari akavaka chinhu chiri chose chiripo.” (VaHebheru 3:4, The Jerusalem Bible) Sezvo imba ipi neipi, zvisinei nokuti ingava isina kuoma sei kuvakwa, ichifanira kuva nomuvaki, ipapo chisiko chapose pose chakaoma zvikuru kwazvo kunzwisiswa, pamwe chete nemhatsa hurusa dzoupenyu dziri pasi pano, zvinofanirawo kuva zvakava nomuvaki. Uye sezvatinobvuma kuvapo kwavanhu vakaita michina yakadai sendege, terevhizheni, uye makomupiyuta, hatifaniriwo kubvuma kuvapo kwoUyo akapa vanhu uropi hwokuita zvinhu zvakadaro here?

23 Bhaibheri rinodaro, richimuidza kuti “Mwari wechokwadi, Jehovha, . . . Musiki wamatenga uye Mukurusa anoatatamura; Uyo anovanzarika pasi nezvibereko zvaro, Uyo anopa chifemo kuvanhu vari pariri.” (Isaya 42:5) Bhaibheri rinozivisa nenzira yakarurama, kuti: “Imi makafanirwa, Jehovha, kunyange Mwari wedu, kugamuchira mbiri norukudzo uye simba, nokuti imi makasika zvinhu zvose, uye nokuda kwokuda kwenyu izvo zvakavapo uye zvakasikwa.”—Zvakazarurwa 4:11.

24. Tinogona sei kuziva kuti kuna Mwari?

24 Hungu, tinogona kuziva kuti kuna Mwari kupfurikidza nezvinhu zvaakaita. “Nokuti mavara asingaoneki [aMwari] anosanooneka muchisiko chenyika zvichienda mberi, nokuti iwo anoonwa kupfurikidza nezvinhu zvakaitwa na[Mwari].”—VaRoma 1:20.

25, 26. Neiko kushandiswa zvisina kufanira kwechimwe chinhu kusiri chibvumikiso chinorwisana nokuva kwacho chine muiti?

25 Idi rokuti chimwe chinhu chakaitwa chinoshandiswa zvisina kufanira harirevi kuti icho hachina kuva nomuiti. Ndege inogona kushandisirwa madonzo orugare, sendege yokutakura vanhu. Asi inogonawo kushandiswa nokuda kwokuparadza, sendege inokanda mabhomba. Mukushandiswa kwayo munzira inouraya hakurevi kuti iyo yakanga isina muiti.

26 Nomutoo wakafanana, idi rokuti vanhu vakava vakashata kazhinji kazhinji zvikuru harirevi kuti ivo havana kuva noMuiti, kuti hakuna Mwari. Nokudaro, nomutoo wakarurama Bhaibheri rinoti: “Kutsauka kwenyu imi vanhu! Muumbi wehari amene anofanira kurangarirwa sedongo here? Nokuti chinhu chakaitwa chinofanira kutaura pamusoro pomuiti wacho kuti: ‘Iye haana kundiita’ here? Uye chinhu chimene chakaumbwa chinotaura chaizvoizvo pamusoro pomuumbi wacho, kuti: ‘Iye akaratidzira kusanzwisisa’ here?”—Isaya 29:16.

27. Neiko tichigona kukarira Mwari kupindura mibvunzo yedu pamusoro pokutambura?

27 Musiki akaratidza uchenjeri hwake kupfurikidza nokuoma kunzwisiswa kunoshamisa kweizvo iye akaita. Akaratidza kuti iye anotiitira hanya zvomenemene kupfurikidza nokuita pasi rakanakira chaizvo kugara pariri, kupfurikidza nokuita miviri yedu nendangariro nenzira yakadaro inoshamisa, uye kupfurikidza nokuita zvinhu zvakanaka zvizhinji kwazvo nokuda kwokuti tifarikanye. Zvamazvirokwazvo aizoratidzira uchenjeri hwakafanana nokuitira hanya kupfurikidza nokuzivisa mhinduro dzemibvunzo yakadai seyokuti: Neiko Mwari akabvumidza kutambura? Achaitei pamusoro pakwo?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pasi, nomugariro waro unotaviridzira, musha wechienzi watakarongedzererwa naMwari anoitira hanya

[Mufananidzo uri papeji 6]

Pasi rakaitwa nokuitira hanya kworudo kuti tigofarikanya upenyu zvizere

[Mufananidzo uri papeji 7]

‘Uropi humwe hune kochekedzano dzakawanda kupfuura gadziriro yose yekurukurirano Pasi pano.’—Wezvoruzivo rwoupenyu we“Molecular”

[Mufananidzo uri papeji 8]

“Ziso rinoratidzika kuva rakarongedzerwa; hakuna murongedzeri wamabheko aigona kuita zviri nani zvikuru.”—Nyanzvi yezvomuchadenga

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe