Rutivi 2
Pasi Risina Kutambura
1, 2. Murangariroi wakasiana une vakawanda?
ZVISINEI, mamirioni avanhu munyika yose vane murangariro wakasiana chose chose. Vanodeya kuona nguva yemberi inoshamisa nokuda kworudzi rwomunhu. Vanotaura kuti pano pasi chaipo nokukurumidza pachava nenyika isina chose chose uipi nokutambura. Vanovimba kuti icho chiri chakashata nokukurumidza chichabviswa uye nyika itsva chose chose ichatangwa. Vanototaura kuti nheyo yeiyi nyika itsva iri kuvanzarikwa iye zvino!
2 Ava vanhu vanodavira kuti nyika itsva ichava isina hondo, utsinye, utsotsi, kusaruramisira, uye urombo. Ichava nyika isina chirwere, rusuruvaro, misodzi, uye kunyange rufu. Panguva iyeyo vanhu vachava vakakwana ndokurarama nokusingaperi mumufarwa muparadhiso yapasi. Chokwadika, avo vakafa vachatomutswa ndokuva nebanza rokurarama nokusingaperi!
3, 4. Neiko vanhu vakadaro vachivimba nomurangariro wavo?
3 Ko uyu murangariro wenguva yemberi unongova hawo fungidziro, kariro yechimwe chinhu zvimwe chisingawaniki zvikuru here? Aiwa, nyangwe napaduku pose zvapo. Wakavakirwa zvakasimba pakutenda kwokuti iyi Paradhiso inouya haidzivisiki. (VaHebheru 11:1) Neiko vane chokwadi zvikuru kudaro? Nokuti Musiki wamasimba ose wechisiko chapose pose akaipikira.
4 Pamusoro pezvipikirwa zvaMwari, Bhaibheri rinoti: “Hakuna shoko rimwe ramashoko ose akanaka ayo Jehovha Mwari wako akataura kwauri rakakundikana. Iwo ose akazadzika nokuda kwako. Hakuna shoko rimwe rawo rakakundikana.” “Mwari haasiri munhu zvokuti anofanira kureva nhema . . . Chaakataura iye amene haazochiiti here, uye iye akataura haangachiiti here?” “Jehovha wamauto akapika, achiti: ‘Zvamazvirokwazvo sezvandakafunga, zvinofanira kuitika saizvozvo; uye sezvandakarairidza, ndizvo zvichaitika.’”—Joshua 23:14; Numeri 23:19; Isaya 14:24.
5. Mibvunzoi inoda kupindurwa?
5 Zvisinei, kana donzo raMwari rakanga riri rokugadza paradhiso yapasi isina kutambura, neiko iye akabvumidza zvinhu zvakashata kuti zvitongoitika? Akamirireiko makore ane zviuru zvitanhatu kutozosvikira zvino kuti aruramise chisina kururama? Mazana amakore ose iwayo okutambura angaratidzira here kuti Mwari haatiitiri hanya zvomenemene, kana kuti kunyange kuti iye haako?