RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 234-237
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 54—1 Timotio

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 54—1 Timotio
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RATIMOTIO ROKUTANGA
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Iva Nokutenda Nehana Yakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 55—2 Timotio
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Chii Chingatibatsira Kubata Shoko Rechokwadi Zvakarurama?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 234-237

Bhuku reBhaibheri Nhamba 54—1 Timotio

Munyori: Pauro

Nzvimbo Yakanyorerwa: Makedhonia

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 61–64 C.E.

1, 2. (a) Musiyanoi unooneka pakati perondedzero dzokuiswa kwaPauro mutorongo mubhuku raMabasa netsamba yaTimotio Yechipiri? (b) Kunoratidzika kuti tsamba yaTimotio Yokutanga yakanyorwa rini, uye neiko?

NHOROONDO yaRuka youpenyu hwaPauro iri mubhuku raMabasa inoguma naPauro ari muRoma achimirira mugumisiro wokukwirira kwake kuna Kesari. Pauro anoratidzwa seanogara muimba yake amene yakahayiwa, achiparidza Umambo hwaMwari kuna vose vaiuya kwaari, uye achiita saizvozvo “asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu.” (Mabasa 28:30, 31) Asi mutsamba yake yechipiri kuna Timotio, Pauro anonyora, kuti: “[Ndiri kutambura zvakaipa, NW] kusvikira pakusungwa somunyangadzi,” uye anotaura nezverufu rwake sorwava pedyo. (2 Tim. 2:9; 4:6-8) Ichinjo yakadini! Muchiitiko chokutanga, iye akabatwa somusungwa anokudzwa, mune chechipiri, somuiti wezvakaipa. Chii chakanga chaitika pakati penguva yetsinhiro yaRuka pamusoro pomugariro waPauro muna 61 C.E., pakupera kwamakore maviri muRoma, nokunyora kwaPauro amene mugariro wake kuna Timotio, uko kunoratidzika kuva kwakanyorwa chinguvana asati afa?

2 Chinetso chokuisa kunyorwa kwetsamba dzaPauro kuna Timotio naTito munhambo inofukidzwa nebhuku raMabasa chakatungamirira vamwe vatsinhiri veBhaibheri kumhedziso yokuti Pauro akabudirira mukukwirira kwake kuna Kesari uye akasunungurwa munenge muna 61 C.E. The New Westminster Dictionary of the Bible, rinoti: “Ndima yokugumisa yaMabasa inowirirana zviri nani nouyu murangariro [wokuti Pauro akasunungurwa pashure pokupfigirwa kwamakore maviri] kupfuura nokufungidzira kuti kuiswa mutorongo uko kwarondedzerwa kwakaguma nokushurikidzwa kwomuapostora norufu. Ruka anosimbisa idi rokuti hakuna munhu akadzivisa basa rake, nokudaro kuchipa zvirokwazvo murangariro wokuti mugumo womubato wake wakanga usiri pedyo.”a Ipapoka, kunyorwa kwetsamba yaTimotio Yokutanga ndokwenhambo iri pakati pokusunungurwa kwake mukuiswa mutorongo kwokutanga muRoma nokuiswa kwake mutorongo kwokupedzisira ikoko, kana kuti munenge muna 61-64 C.E.

3, 4. (a) Pakusunungurwa kwake mutorongo, sezviri pachena Pauro akaitei? (b) Akanyora tsamba yaTimotio Yokutanga ari kupi?

3 Pakusunungurwa kwake mutorongo, Pauro sezviri pachena akatangazve mubato wake woufundisi pamwe chete naTimotio naTito. Kana Pauro akambosvika Spania, sokufungidzira kunoita vamwe, hazvina chokwadi. Clement weRoma akanyora (munenge muna 95 C.E.) kuti Pauro akasvika “kurutivi rwuri kuresa rwokuM[adokero],” uko kungave kwakabatanidza Spania.b

4 Pauro akanyora tsamba yake yokutanga kuna Timotio ari kupi? Timotio Wokutanga 1:3 inoratidzira kuti Pauro akaronga kuti Timotio atarisire nhau dzakati dzeungano muEfeso apo iye amene aienda kuMakedhonia. Ari pano, kunoratidzika kudaro, akanyora tsamba yacho shure kuna Timotio muEfeso.

5. Chipupuriroi chiripo chouchokwadi hwetsamba kuna Timotio?

5 Tsamba mbiri kuna Timotio dzave dzichigamuchirwa kubvira munguva dzapakuvamba zvikurusa sedzakanyorwa naPauro uye sedziri rutivi rwaMagwaro akafuridzirwa. Vanyori vapakuvamba vechiKristu, kubatanidza Polycarp, Ignatius, uye Clement weRoma, vose vanobvumirana pana ikoku, uye tsamba dzacho dzinobatanidzwa mundaza dzamazana amakore mashomanene okutanga samanyoro aPauro. Chimwe chiremera chinonyora, kuti: “Kune manyoro mashomanene e[T]estamente [I]tsva ane chipupuriro chakasimba zvikuru . . . Kurambwa kwouchokwadi naizvozvo kunofanira kurangarirwa sechinjo dzazvino uno dzinopesana noufakazi hwakasimba hwomuchechi yapakuvamba.”c

6. (a) Pauro akanyora Timotio Wokutanga nokuda kwezvikonzeroi zvinoverengeka? (b) Ndeapi akanga ari mamirire ezvinhu ekare aTimotio, uye chii chinoratidzira kuti iye akanga ari mushandi akakura mumudzimu?

6 Pauro akanyora iyi tsamba yokutanga kuna Timotio kuti aratidze nenzira yakajeka miitiro yakati yesangano muungano. Kwakanga kunewo kudikanwa kwokuti anyevere Timotio kungwarira dzidziso dzenhema nokusimbisa hama kuti dzidzivise ‘zivo yenhema’ yakadaro. (1 Tim. 6:20) Guta rezvokutengeserana reEfeso raizogoverawo miedzo yokudisa zvenyika no“kuda mari,” ndizvo kwaizova kwakakodzera nguva kupa zano rakati pamusoro paikokuwo. (6:10) Timotio zvirokwazvo akanga ane mamirire ezvinhu akare akaisvonaka oruzivo rwokuzviwanira nerovedzo kuti ashandiswe nokuda kweiri basa. Iye akaberekwa nababa vechiGiriki naamai vanotya Mwari vechiJudha. Hazvizivikanwi chaizvoizvo kuti Timotio akava neonano yake yokutanga nechiKristu rini. Apo Pauro akashanyira Ristra pashanyo yake yechipiri youfundisi, sezvingabvira mukupera kwa49 C.E. kana kuti pakuvamba kwa50 C.E., Timotio (zvichida mukupera kwamakore ake ouduku kana kuti mukuvamba kwama20) akanga ato“pupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.” Naizvozvo Pauro akaronga kuti Timotio afambe naSirasi naye amene. (Mabasa 16:1-3) Timotio anodudzwa nezita mu11 dzetsamba 14 dzaPauro pamwe chete nomubhuku raMabasa. Pauro nguva dzose aiva nefariro youbaba maari uye panhambo dzinoverengeka akamugovera kushanyira ndokubatira ungano dzakasiyana-siyana—ufakazi hwokuti Timotio akanga aita basa rakanaka mumunda woufundisi uye akanga akakwaniriswa kutarisira mitoro yakakomba.—1 Tim. 1:2; 5:23; 1 VaT. 3:2; VaF. 2:19.

ZVIRI MUBHUKU RATIMOTIO ROKUTANGA

7. Neiko Pauro ari kukurudzira Timotio kugara muEfeso?

7 Kurudziro kukutenda nehana yakanaka (1:1-20). Pashure pokukwazisa Timotio se“mwana wangu chaiye pakutenda,” Pauro anomukurudzira kuramba ari muEfeso. Iye anofanira kururamisa avo vanodzidzisa “dzidziso yakasiyana” (NW), iyo iri kutungamirira kumibvunzo isingabetseri panzvimbo pokuparadzirwa kwokutenda. Pauro anotaura kuti chinangwa chouyu murayiro “rudo runobva pamwoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri.” Anowedzera, kuti: “Vamwe vakarashika pazvinhu izvozvi, vakatsaukira kukutaura kusina maturo.”—1:2, 3, 5, 6.

8. Kuratidzwa ngoni kwaPauro kunosimbisei, uye ihondoi yakaisvonaka yaanokurudzira Timotio kurwa?

8 Kunyange zvazvo Pauro aimbova mumhuri waMwari nomutambudzi, kunyange zvazvo zvakadaro, mutsa usakafanirwa waShe wa“kawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri muna Kristu Jesu,” zvokuti akaratidzwa ngoni. Iye akanga ave ari mukurusa wavatadzi; uye nokudaro akava kuratidzirwa kwomwoyo murefu waKristu Jesu, uyo “wakauya panyika kuzoponesa vatadzi.” Mambo asingagumi akafanirwa sei nokugamuchira rukudzo nembiri nokusingaperi! Pauro anokurudzira Timotio kurwa hondo yakaisvonaka, a“kabata kutenda nehana yakarurama.” Haafaniri kufanana naavo “vakarashikirwa nokutenda,” vakadai saHimenio naAreksandro, avo Pauro akaranga nemhaka yokumhura Mwari.—1:14, 15, 19.

9. (a) Minyengeteroi inofanira kuitwa, uye neiko? (b) Chii chinotaurwa pamusoro pavakadzi vari muungano?

9 Mirayiridzo pamusoro pokunamata nokurongeka muungano (2:1–6:2). Minyengetero inofanira kuitwa pamusoro pamarudzi ose avanhu, kubatanidza avo vari munzvimbo yapamusoro, nechinangwa chokuti vaKristu vagorarama nenzira ine rugare mukuzvipira kwoumwari. Kuda kwaMwari, Muponesi, kuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi. Nokuti kunongova naMwari mumwe chete, noMureveri mumwe chetewo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose.” (2:4-6) Pauro akagadzwa kuva muapostora nomudzidzisi weizvi zvinhu. Naizvozvo anokumbira varume kuti vanyengetere noruvimbiko navakadzi kuti vapfeke nenzira ine mwero uye nenzira ine mufungo, sezvakakodzera avo vanonamata Mwari. Mukadzi anofanira kudzidza akanyarara uye kwete kushandisa chiremera pamurume, “nokuti Adhama wakatanga kuumbwa, tevere Evha.”—2:13.

10. Ndezvipi zviri zvikwaniriso zvavatariri navabatiri vanoshumira, uye neiko Pauro achinyora zvinhu izvozvi?

10 Murume anosvasvavirira kuva mutariri anoshuva basa rakaisvonaka. Pauro ipapo anoronga zvikwaniriso zvavatariri navabatiri vanoshumira. Mutariri anofanira kuva “munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, wakangwara, wakachenjera, une mugarire wakafanira, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa, usingadi waini, usingarwi, asi munyoro, usina gakava, usingakariri mari, unobata imba yake zvakanaka, una vana vanozviisa pasi nomugarire wose unokudzwa . . . , asava mutendi mutsva . . . unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze.” (3:2-7) Kune zvinodikanwa zvakafanana nokuda kwavabatiri vanoshumira, uye vanofanira kuedzwa pamusoro poukodzeri vasati vabatira. Pauro anonyora zvinhu izvi kuti Timotio agoziva kuti anofanira kuzvibata amene sei muungano yaMwari, iyo iri “mbiru nechitsigiro chezvokwadi.”—3:15.

11. (a) Zvinetsoi zvichaoneka gare gare? (b) Timotio anofanira kupa ngwariro kuchii, uye neiko?

11 Munguva dzapashure vamwe vachabva pakutenda kupfurikidza nedzidziso dzamadhemoni. Varume vanonyengera vanotaura nhema vacharambidza roorano ndokurayira kurega zvokudya izvo Mwari akasika kuti zvidyiwe nokuonga. Somushumiri akaisvonaka, Timotio anofanira kuramba nyaya dzenhema ne‘ngano dzechembere.’ Pane rumwe rutivi, anofanira kuva achizvirovedza amene nokuzvipira kwoumwari sevavariro yake. “Ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira,” anodaro Pauro, “nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.” Naizvozvo Timotio anofanira kuramba achipa iyi mirayiro nokuidzidzisa. Haafaniri kurega munhu achizvidza upwere hwake asi, mukupesana, ave muenzaniso mumufambiro nebasa roumwari. Anofanira kunyura muzvinhu izvozvi uye kupa ngwariro yenguva dzose kwaari amene nokukudzidzisa kwake, nokuti mukugara maererano nezvinhu izvozvi, iye acha‘ponesa vose vari vaviri iye amene naavo vanomuteerera.’—4:7, 10, 16.

12. Izanoi rinopiwa pamusoro pokubata nechirikadzi navamwe vari muungano?

12 Pauro anopa zano Timotio pamusoro penzira yokubata nayo navanhu vamwe navamwe: varume vakuru samadzibaba, varume vaduku savanun’una, vakadzi vakuru samadzimai, vakadzi vaduku sehanzvadzi. Gadziriro yakakodzera inofanira kuitirwa avo vari chaizvoizvo chirikadzi. Zvisinei, mhuri yechirikadzi inofanira kuitarisira kana zvichibvira. Kukundikana muna ikoku kwaizova kuramba kutenda. Apo inenge yava namakore anenge 60 ezera, chirikadzi ingaiswa pandaza kana ichi“rumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka.” (5:10) Pane rumwe rutivi, chirikadzi duku, idzo dzinorega sundo dzadzo dzevatano dzichidzidzora, dzinofanira kurambwa. Panzvimbo pokufamba-famba nokuita makuhwa, ngadziroorwe ndokubereka vana, kuti dzisape pesvedzero kumushori.

13. Kurangarirai kunofanira kuratidzwa kuvarume vakuru, uye vanhu vanoita chivi vanofanira kubatwa sei, uye mutoroi unova pavaranda?

13 Varume vakuru avo vanotungamirira nenzira yakaisvonaka vanofanira kurangarirwa savakafanirwa norukudzo rwakapetwa kaviri, “zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.” (5:17) Pomero haifaniri kugamuchirwa mukurwisana nomurume mukuru kunze kwapaufakazi hwezvapupu zviviri kana kuti zvitatu. Vanhu vanoita chivi vanofanira kutsiurwa pamberi pavaoni vose, asi hapafaniri kuva nokutonga pachine nguva mberi kana kuti rusaruro muzvinhu izvozvi. Varanda vanofanira kuremekedza vatenzi vavo, vachipa basa rakanaka, zvikurukuru kuhama, idzo dziri “vatendi navanodikanwa.”—6:2.

14. Pauro anei chokutaura pamusoro porudado nokuda mari pamusoro po“ku[zvipira kwoumwari, NW] nokutenda nezvatinazvo”?

14 Zano pamusoro po“ku[zvipira kwoumwari, NW] pamwe chete nokutenda nezvatinazvo” (6:3-21). Murume asingabvumi mashoko akanaka anodada uye anorwara mundangariro pamusoro pemibvunzo, inotungamirira kukukakavara kwamasimba masimba pamusoro penhau duku. Pane rumwe rutivi, “ku[zvipira kwoumwari, NW] pamwe chete nokutenda nezvatinazvo” mutoo wemhindu huru. Munhu anofanira kugutswa nezvokudya nezvokupfeka. Kutsunga kuva akapfuma musungo unotungamirira kuruparadziko, uye kuda mari “ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.” Pauro anokurudzira Timotio, somunhu waMwari, kuti atize zvinhu izvozvi, kuti aronde zvakanaka zvechiKristu, kuti arwe kurwa kwakaisvonaka kwokutenda, uye kuti a“batisise upenyu husingaperi.” (6:6, 10, 12) Anofanira kuchengeta murayiro a“sina ruvara [a]sina cha[a]ngapomerwa” kutozosvikira pakuratidzwa kwaShe Jesu Kristu. Avo vakapfuma vanofanira kurega “kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari,” kuti vabatisise upenyu chaihwoihwo. Pauro, mukupfiga, anokurudzira Timotio kuchengeta chakaronzeswa chake chedzidziso nokubva pakutaura kunoshatisa no“kuramba kunobva pazivo inonzi zivo.”—6:14, 17, 20.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

15. Inyeveroi inopiwa mukurwisana nefungidziro nenharo?

15 Iyi tsamba inogovera nyevero yakakomba nokuda kwaavo vanoita fungidziro dzisina maturo nenharo dzouzivi. “Nharo” dzinobatanidzwa norudado uye dzinofanira kudziviswa, nokuti Pauro anotiudza kuti dzinodzivisa kukura kwechiKristu, dzichigovera bedzi “nharo, zvisingatendisi zvakarayirwa naMwari, zviri mukutenda.” (6:3-6; 1:4) Pamwe chete namabasa enyama, uku kukakavadzana kuno“pesana nedzidziso yakarurama; sezvinoreva Evhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro.”—1:10, 11.

16. Pauro akapa zanoi pamusoro pokudisa zvenyika?

16 VaKristu vari muEfeso ine makaro emari sezviri pachena vaida zano pamusoro pokurwisa kudisa zvenyika nezvinotsausa zvako. Pauro akapa zano iroro. Nyika yakamunokora mashoko yakasununguka mukutaura kuti, ‘Kuda mari ndiko mavambo ezvakaipa zvose,’ asi vanoteerera mashoko ake vashomanene sei! Mukupesana, vaKristu vechokwadi vanofanira kuteerera iri zano nguva yose. Rinoreva upenyu kwavari. Vanofanira kutiza musungo unokuvadza wokudisa zvenyika, vachiisa tariro yavo, “kwete papfuma isina chokwadi, asi pana Mwari, uyo anotigovera zvinhu zvose zvakawanda kuti tifarikanye.”—6:6-12, 17-19, NW.

17. Izanoi kuna Timotio rakakodzera nguva nokuda kwavashumiri vaduku vose vanoshingaira nhasi?

17 Tsamba yaPauro inoratidza kuti Timotio amene akanga ari muenzaniso wakaisvonaka weizvo muKristu muduku anofanira kuva. Kunyange zvazvo akanga ari muduku zvikuru mumakore, iye akanga akakura muukuru hwomudzimu. Akanga asvasvavirira kuti akwanirise somutariri uye akakomborerwa zvikuru muropafadzo dzaakafarikanya. Asi kufanana navashumiri vaduku vose vanoshingaira nhasi, aifanira kuramba achifungisisa pamusoro pezvinhu izvozvi uye kunyura mazviri kuti aite fambiro mberi inopfuuridzirwa. Rakakodzera nguva izano raPauro kuna vose vanotsvaka mufaro unopfuuridzirwa mukuita fambiro mberi yechiKristu: “Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.”—4:15, 16.

18. Igadziriroi dzine nhevedzano muungano dzinorondedzerwa nenzira yakajeka, uye Pauro anoshandisa sei Magwaro echiHebheru sechiremera?

18 Iyi tsamba yakafuridzirwa inoroverera kuonga gadziriro dzaMwari dzine nhevedzano. Inoratidza kuti vose vari vaviri varume navakadzi vangaita sei rutivi rwavo mukuchengeta tsinhirano youbati ushe hwaMwari muungano. (2:8-15) Ipapo inopfuurira kukurukura zvikwaniriso zvavatariri navabatiri vanoshumira. Nokudaro mudzimu mutsvene unoratidzira zvinodikanwa zvinofanira kusvitswa naavo vanobatira munzvimbo chaidzo. Tsamba yacho inokurudzirawo vashumiri vose vakazvitsaurira kusvitsa iyi mipimo, ichiti: “Kana munhu achitsvaka basa romutariri unoda basa rakanaka.” (3:1-13) Chimiro chendangariro chakafanira chomutariri kumapoka ezera uye vanhurume navanhukadzi muungano chinokurukurwa nenzira yakakodzera sezvinoitwa kutarisirwa kwepomero pamberi pezvapupu. Mukusimbisa kuti varume vakuru avo vanoshanda zvakaoma mukutaura nokudzidzisa vakafanirwa norukudzo rwakapetwa kaviri, Pauro anonongedzera kaviri kuMagwaro echiHebheru sechiremera: “Nokuti Rugwaro runoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uyezve: Mubati wakafanirwa nomubayiro wake.”—1 Tim. 5:1-3, 9, 10, 19-21, 17, 18; Dheut. 25:4; Revh. 19:13.

19. Tariro yoUmambo inosimbiswa sei, uye izanoi rinopiwa pahwaro ihwohwu?

19 Pashure pokupa iri zano rose rakaisvonaka, Pauro anowedzera kuti murayiro wacho unofanira kuchengetwa nenzira isina kusvibiswa uye isina chaingapomerwa ‘kutozosvikira pakuratidzwa kwaShe Jesu Kristu saMambo waavo vanotonga samadzimambo naShe waavo vanotonga samadzishe.’ Pahwaro hweiyi tariro yoUmambo, tsamba yacho inopfiga nekurudziro ine simba yokuti vaKristu “vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana; vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:14, 15, 18, 19) Murayiridzo wose wakaisvonaka waTimotio Wokutanga unobetsera zvirokwazvo!

[Mashoko Omuzasi]

a 1970, rakapepetwa naH. S. Gehman, peji 721.

b The Ante-Nicene Fathers, Vhor. I, peji 6, “The First Epistle of Clement to the Corinthians,” ganhuro V.

c New Bible Dictionary, chinyorwa chechipiri, 1986, chakapepetwa naJ. D. Douglas, peji 1203.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe