RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 21 pp. 166-173
  • Ndinogona Sei Kuwana (Ndokuchengeta!) Basa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kuwana (Ndokuchengeta!) Basa?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikoro—Nzvimbo Yokudzidzira Basa
  • Kusimbirira Kunobetsera
  • Kwokuwana Mabasa
  • Kuchengeta Basa Rako
  • Kukurira Kutya
  • Wirirana Navashandi Biyako
  • Kudzivisa Guhwa
  • Kusvika Nenguva Kunokosha
  • Ukoshi Hwokutendeseka
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 18—Jobho
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Tarisira Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Murume Aiva Nomuenzaniso Wakanaka Akabvuma Kururamiswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jobho Akarumbidza Zita raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 21 pp. 166-173

Ganhuro 21

Ndinogona Sei Kuwana (Ndokuchengeta!) Basa?

NZVERO, yakabudiswa mumagazini yeSenior Scholastic, yakakumbira vadzidzi vapachikoro chapamusoro cheAmerica kukamuranisa kuti ndedzipi nharidzano dzoupenyu dzavanorangarira kuva “dzinokosha zvikuru.” Vane makumi masere navana muzana vakapindura, kuti: “Kuva anokwanisa kuwana basa rakatsiga.”

Zvimwe iwe unofarira basa rapashure pechikoro uye kubetsera nendyiko dzomunhu oga kana kuti dzapamba. Kana kuti ungave uchitsvaka basa renguva isina kuzara kuti uzvitsigire iwe umene somuevhangeri wenguva yakazara. (Ona Ganhuro 22.) Mune chinoitika chipi nechipi, kuderera kwoukoshi hwemari munyika yose nokudikanwa kwakaganhurirwa kwavashandi vasina kudzidzira mabasa kwakaita kuti mabasa ave akaoma kuwanwa kana iwe uri pwere. Ko zvino, unogona sei kupinda zvakanaka munyika yebasa?

Chikoro—Nzvimbo Yokudzidzira Basa

Cleveland Jones, mupinzi webasa ane makore mazhinji oruzivo rwokuzviwanira, anopa iyi pangiro, inoti: “Wana dzidzo yakanaka yechikoro chapamusoro. Handigoni kusimbisa zvakaringanira ukoshi hwokudzidza kurava nokunyora nokutaura nomazvo. Dzidzawo nzira yakafanira yokuremekedza, kuti ugone kubata navanhu munyika yebasa.”

Muchairi webhazi anofanira kukwanisa kurava rudungwe rwenguva dzokusvika nedzokusimuka. Vashandi vomufekitari vanodikanirwa kuziva mazadzirwe amatikiti ebasa kana kuti mishumo yakafanana. Vanamabharani vezvokutengesa vanokarirwa kuziva michina yokunyora nayo. Mune runenge rudzi rwuri rwose rwebasa, unyanzvi hwokukurukura hunodikanwa. Uhwu ndihwo unyanzvi hwaunogona kudzidza muchikoro.

Kusimbirira Kunobetsera

“Usatongorega kana wapedza chikoro uye uchitsvaka basa,” anodaro Jones. “Rega kuenda kubvunzurudzo dzebasa mbiri kana kuti nhatu, dzokonokei woenda kumba ndokugara pasi uchimirira. Hauzati uchizotongodanirwa basa nenzira iyeyo.” Sal muduku akatsvaka basa kwemwedzi minomwe asati apinzwa basa. “Ndaizozviudza ndimene, kuti: ‘Basa rangu nderokutsvaka basa,’” anotsanangura kudaro Sal. “Ndaipedza maawa masere pazuva rimwe nerimwe revhiki kwemwedzi minomwe ndichitsvaka basa. Ndaifumotanga mangwanani mamwe namamwe ndo‘kushanda’ kutozosvikira paawa rechina mumasikati. Usiku huzhinji tsoka dzangu dzaizorwadza. Mangwanani anotevera ndaizvi‘mutsidzira mundangariro ndimene’ kuti nditange kutsvakazve.”

Chii chakadzivisa Sal kurega? “Nguva ipi neipi yandakanga ndiri muhofisi inotsvakirwa basa,” iye anopindura kudaro, “ndaizoyeuka izvo Jesu akataura, kuti: ‘Zvishandise iwe umene nesimba.’ Ndaizoramba ndichifunga kuti pane rimwe zuva ini ndaizove ndichishanda uye kuti iyi nguva yakashata yaizopfuura.”—Ruka 13:24.

Kwokuwana Mabasa

Kana uchigara munharaunda yamaruwa, kutsvaka kwako basa kungatanga mumapurazi omunzvimbomo nomuminda yemichero, kana kuti unogona kutsvaka nokuda kworudzi rwakati rwebasa romumayadhi. Kana uchigara mutaundi hombe kana kuti guta, edza kutarira mumapepanhau ziviso dzavanoda vashandi. Idzi ziviso dzinopa nhungamiro pamusoro pokuti zvikwanirisoi zvinodikanirwa nokuda kwebasa rakati uye zvinogona kukubetsera kutsanangurira mubatirwi chikonzero nei uchigona kuzadza zvinodikanwa izvozvo. Vabereki, vadzidzisi, masangano anopinza basa, mahofisi okutsvaka mabasa, shamwari, navavakidzani ndimamwe manyuko aunogona kuwana mashoko kwaari.

Kuchengeta Basa Rako

Sezvineiwo, apo dzvinyiriro yezvemari inoparira urovha, pwere dziri pabasa dzinowanzova pakati pavanotanga kubudiswa basa. Asi ikoku hakuzati kuchidikanirwa kuitika kwauri. “Vanhu vanochengeta basa ndivanhu vanodisa kushanda uye avo vanoratidzira chimiro chendangariro chokudisa chokuita chipi kana chipi chinokumbira mubatirwi,” vanodaro VaJones.

Chimiro chako chendangariro ndiwo mugariro wako wendangariro—manzwire aunoita pamusoro pebasa rako uyewo vanhu vaunoshandira navaunoshanda navo. Chimiro chako chendangariro chicharatidzirwa muvara rebasa raunoita. Foromani wako achasarudza kukodzera kwako pamusoro pehwaro husati bedzi huri muuyo webasa rako asiwo chimiro chako chendangariro.

“Ita kuti mubatirwi wako aone kuti hauzati uchingogona bedzi kutevera mirairo asi unogona kuita zvakawanda zvinopfuura zvinodikanwa pasina tarisiro inopfuurira,” anopfuurira kudaro Jones. “Nokuti munyika yebasa yakaomarara, vashandi vanoramba varipo havazati havo vari vaya vave varipo kwenguva refu zvikuru, asi avo vanoita basa rine zvibereko.”

Sal akawana ikoku kuva kwechokwadi. Iye anoti: “Ndaigaroedza kurangarira mubatirwi wangu. Ndakanga ndichidisisa kuchinja rudungwe rwangu pakunova kuri madikanwa, kutevera mirairidzo ndokuva anoremekedza kuna vatarisiri vangu.” Ikoku kunoyeuchidza imwe yepangiro yeBhaibheri yo“kuteerera vanatenzi venyu vohunhu, kwete nomufungo wokubata kumeso avo kana kuti kuwana nyasha nechipameso, asi seratidzirwo yapachokwadi yokuzvipira kwako kunaShe.”—VaKorose 3:22, Phillips.

Kukurira Kutya

Kana uri mutsva pabasa, kutya kunzwa kwokuberekwa nakwo kunozivikanwa kwamazuva mashomanana okutanga. Ungazvibvunza, kuti: ‘Vachandida here? Ndinogona here kuita basa? Vachada basa rangu here? Ndinokarira kuti handizati ndichizoratidzika kuva fuza.’ Pano unodikanirwa kuva anongwarira, nokuti ukasadaro kutya kwako kuchakangaidza pachitarisiko chako chakananga.

Unogona kukurumidzisa kugadziridza kwako ndokudzikamisa kutya kwako kupfurikidza nokudzidza zvakawanda pamusoro pekambaniyo. Tarira, teerera, uye rava. Panguva yakafanira bvunza mutarisiri wako mibvunzo ine mufungo pamusoro pebasa rako nokuita kwako—hakuzati kuchizokuita kuti uratidzike kuva fuza. Zvibvunze umene kuti, ‘Ko basa rangu rinokodzerana sei nebato rangu, nevavariro yose yekambani?’ Mhinduro dzinogona kukubetsera kukudziridza miitiro yakanaka yebasa negutsikano yebasa.

Wirirana Navashandi Biyako

Mabasa ose pakupedzisira anobatanidza kubata navamwe vanhu. Kuziva machengeterwe oukama hwakanaka navamwe nokudaro kunodikanwa kukuchengeta basa. “Kana kuchibvira, chero bedzi kuchitsamira pauri, iva norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18) Kuita kudaro kunogona kukubetsera kudzivisa kupopotedzana kusiri madikanwa kana kuti kurwisana kwakakasharara pabasa.

Dzimwe nguva vanhu vaunoshanda navo vane ruzivo rwokuzviwanira nohunhu hwakasiana zvikuru nohwako. Asika rega kufunga kuti mumwe munhu akaderera nemhaka yokuti akasiana. Remekedza maruramiro ake okuva akasiana. Hakuna munhu anoda kubatwa neshaikwo yoruremekedzo; kunomuita kuti anzwe sokunge kuti iye haazati ari munhu. Munhu ari wose anoda kunzwa kuti iye anodiwa uye anodikanwa—mumwe munhu. Wana ruremekedzo rwavabatiri biyako nomubatirwi kupfurikidza nokuvabata noruremekedzo.

Kudzivisa Guhwa

“Musungo wakashata,” anodaro Sal, “nokuti makuhwa anogona kukupa mufungo wakashata waforomani kana kuti vamwe.” Manyerekupe haazati ari manyuko akaisvonakisisa amashoko, uye angakuparira mashoko akakasharara. Mumakuhwa anobuda mumanyerekupe anowanzova kututsira kukurusa kunogona kukuvadza mukurumbira wavamwe—uyewo mukurumbira wako umene. Naizvozvo, dzivisa kuchidziro yamakuhwa.

Yeukawo kuti hakuna munhu anoda munyunyuti. Kana chimwe chinhu chichikunetsa pabasa, rega kuchiparadzira kupfurikidza namakuhwa. Enda undotaura nomutarisiri wako. Zvisinei, rega kungotivhu kupinda muhofisi make mukushatirwa kukurusa ndokuva anourombo gare gare nokuda kwamashoko okukurumidzira. Uyewo, dzivisa musungo wokudenha chaikoiko. Rambira pamaidi. Iva akajeka naakatendeseka napaunogona napo mukurondedzera chinetso chako. Zvimwe ungavamba nokutaura kwokutanga kwakadai souku, ‘Ndinoda betsero yenyu . . . ’ kana kuti, ‘Ndingave ndichikanganisa, asi ndinonzwa neiyi nzira pamusoro . . . ’

Kusvika Nenguva Kunokosha

Zvikonzero zvikuru zviviri nei vanhu vachikundikana kuchengeta basa ndezvokunonoka kusvika pabasa namazuva okurovha basa. Mutarisiri wokupinza mabasa nokurovedza nokuda kweguta guru ramabasa okugadzirwa kwezvinhu akataura pamusoro pavashandi vaduku, kuti: “Vanodikanirwa kudzidza kufumomuka mumangwanani, kudzidza manyorerwe amaodha. Kana vasingatongodzidzi izvi zvinhu, kunongopfuuridzira bedzi denda rourovha.”

Sal akadzidza chidzidzo chokusvika nenguva nenzira yakaoma. “Ndakapererwa nebasa rangu rokutanga pashure bedzi pemwedzi mitatu nokuda kwokunonoka,” iye anochema kudaro, “uye ikoku kwakakuita kwakaoma zvikuru kuwana mamwe mabasa.”

Ukoshi Hwokutendeseka

Jones nyanzvi yokupinza mabasa inoti: “Kutendeseka kuchabetsera munhu kuchengeta basa.” Kuva akatendeseka kunobatanidza kudzivisa kusati bedzi kuri kubiwa kwezvinhu zvokunyama asika kubiwa kwenguva kupfurikidza nokutora tumazororo twokunyanyisa. Mubatiri akatendeseka anokosheswa uye anovimbwa naye. Somuenzaniso, chimwe chapupu chiduku chaJehovha chaishanda pachitoro chapoga chembatya chakava nomukurumbira nokuda kwokutendeseka.

“Rimwe zuva,” iye anoyeuka kuti, “menija akawana chimwe chinhu chiri muimba yokuchengetera zvinhu, chakavanzwa mukati mamamwe machira. Mumwe wavashandi akanga achiba muchitoro. Panguva yokuchaisa ini ndakakwira kuhofisi yamenija uye ndakashamisika kuti vashandiri vose vaivamo. Vashandi vose vakachengetwa imomo kuti vagosechwa. Ini ndakanga ndiri mubatiri bedzi akahesvurwa pakusechwa.”

Pwere zhinji dzechiKristu dzakava nezvinoitika zvakafanana uye dzakava vabatiri vanokosheswa. Shanda nesimba, ipapoka, pakuwana basa. Simbirira. Usaneta. Uye paunowana basa irero rawaitsvaka nesimba zvikuru, shanda nesimba kuti urichengete!

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Ko basa rako rechikoro rinogona sei kutapura mano ako okuwana basa?

◻ Neiko kuchikosha kuva anosimbirira pakutsvaka basa?

◻ Ndedzipi dzimwe nzvimbo dzokutarira uye vanhu vanobvunzwa pakutsvaka basa?

◻ Ndaapi mamwe mazano okubata nawo bvunzurudzo yebasa?

◻ Chii chaunogona kuita kuzvidzivirira iwe umene pakuva anodzingwa basa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 166]

“Handigoni kusimbisa zvakaringanira ukoshi hwokudzidza kurava nokunyora nokutaura nomazvo”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 170]

“Ndaizozviudza ndimene, kuti: ‘Basa rangu nderokutsvaka basa’”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 168, 169]

Kubata Nebvunzurudzo

“Usati waenda pabvunzurudzo yebasa, yeuka, zvitarisiko zvokutanga ndizvo zvitarisiko zvinogara narini,” anopangira kudaro mupi zano webasa Cleveland Jones. Iye anonyevera kudzivisa kupfekwa kwamajini namatenisi pakuenda kubvunzurudzo uye anosimbisa dikanwo yeshambidziko nokutsvinda. Vabatirwi vanowanzotaura kuti mutoo waunopfeka nawo ndiwo waunoshanda nawo.

Pakuita mukumbiro webasa romuhofisi, pfeka sokupfeka kunoita muzvinabhizimisi. Pakuita mukumbiro nokuda kwebasa romufekitari, pfeka bhurukwa nesheti zvakachena uye zvakaainwa, pamwe chete neshangu dzakanaka. Kana uri mukadzi, pfeka nomutoo une mwero uye shandisa zvizoro zvishomanene. Uye kana uchiita mukumbiro nokuda kwebasa romuhofisi, pfeka masokisi neshangu kuti ugova nomupfekero wakaringanira une mwero.

Garoenda uri woga kubvunzurudzo yebasa, anonyevera kudaro Jones. Kana ukaenda naamai vako kana neshamwari kubvunzurudzo, mubatirwi angataura kuti iwe hauzati wakura muzivo.

‘Ngatiti mushandirwi anondibvunza kana ndakambova noruzivo rwokuzviwanira rwebasa kare, ndinopindura sei?’ ungazvibvunza kudaro. Usanyengera. Vashandirwi vanowanzoona nomukututsira mashoko. Iva akatendeseka.

Ungave usingakuzivi, asi sezvingabvira ungave wakambova noruzivo rwokuzviwanira rwebasa kare kunyange kana uri kutsvaka basa “chairoiro” rokutanga. Wakamboita basa romumadziya here? Kana wakamborera mwana here? Kana wakambova nomugove webasa wenguva dzose mumusha mako uchitarisira mabasa emhuri here? Wakambopiwa mutoro wokutarisira misengwa yakati kuti panzvimbo yokunamatira here? Wakamborovedzwa here kutaura pamberi pavanhu? Kana zvakadaro, ipapoka izvi zvinhu zvinogona kududzwa pabvunzurudzo kana kurongwa murésumé kuratidzira kuti unogona kutarisira mutoro.

Imwe itiro hanya inokosha yavabatirwi ndeyomutoo waunofarira nawo kambani yavo nebasa riri kupiwa. Unofanira kuvapwisa kuti iwe unoda kuita basa uye unogona kuriita. Rudzi rwechimiro chendangariro chokuti “zvichandiitirei” ruchakurumidza kubvisa fariro yomubvunzurudzi mauri.

Kuita mukumbiro uye kuwana basa renguva yakazara kana isina kuzara chinetso chaunogona kunangana nacho murubudiriro. Uye apo basa irero rinoshandiswa somudziyo wokubetsera vamwe, kwete iwe umene bedzi, gutsikano ine betsero yakaringana.

[Bhokisi riri papeji 171]

Chokuita Mukati Mebvunzurudzo Yebasa

Iva munhu akura, ane donzo rakanaka. Kwazisa mubatirwi noruremekedzo rwakafanira. Muidze kuti “Va.”—kwete kuti “Jack,” “Bhururu,” kana “Shamwari.”

Gara wakati twasu muchigaro, tsoka dzakatsika pauriri; ratidzika kuva akasvinurira. Kurongedzera pachine nguva mberi kuchakubetsera kuva akaterama, akagadzikana, naakafaranuka.

Funga usati wapindura mubvunzo. Iva munyoro, akarurama, akatendeseka, uye akajeka. Ipa mashoko azere. Usazvitutumadza.

Iva nepepa rinokutungamirira, rinoronga mabasa ako ose, misi yebasa, miripo, rudzi rwamabasa awakaita, zvikonzero nei wakarega.

Iva akagadzirira kuratidzira kuti rovedzo yako noruzivo rwako rwokuzviwanira rwebasa zvichakubetsera sei kuenderera mberi pabasa rauri kutsvaka.

Nokuda kwenongedzero, ipa mazita (amakero akakwana) avanhu vatatu vakavimbika vanokuziva uye basa rako.

Iva ane chivimbo, ane mbavarira, asika rega kunyengera. Shandisa chiNgezi chakanaka uye sanotaura zvinonzwika. Rega kunyanyotaurisa.

Sanoteerera; iva munyoro naakachenjerera pakutaura. Kupfuura zvose, rega kupinda mukakavadzano dzipi nedzipi nomubatirwi wako anokarirwa.

Mubatirwi anofarira bedzi mukuti uchakodzera sei mubasa. Rega kududza zvinetso zvako umene, zvomusha, kana zvemari.

Kana kuchiratidzika kuti hauzati uchizowana basa, tsvaka pangiro yomubatirwi wako pamusoro pamamwe mabasa ayo femu ingava nawo.

Tumira mubatirwi tsamba pfupi yokuonga nokukurumidza pashure pebvunzurudzo.a

[Mashoko Omuzasi]

a Manyuko: Bhurocha reNew York State Employment Service Office rinonzi How to “Sell Yourself” to an Employer.

[Mifananidzo iri papeji 167]

Unyanzvi hwaunodzidza muchikoro rimwe zuva hungabvumikisa kuva hunokosha pabasa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe