Ganhuro 20
Ndinogona Sei Kubatira Pamwe Nomudzidzisi Wangu?
“HANDIGONI kushivirira mudzidzisi wangu anosarudza,” anodaro Vicky muduku. Pasina panikiro unonzwa nenzira imwe cheteyo. Asi, kunzverwa kwepwere dzeAmerica dzine 160 000 kwa 1981, vane 76 muzana vakapomera vadzidzisi vavo nezvorunenge rusaruro rwakati kuti!
Pwere dzinoshatirwa apo dzinowana mamakisi akaderera nokuda kwezvadzinorangarira kuti ibasa ramamakisi akakwirira. Dzinoshatirwa apo chirango chinoratidzika kuva chakanyanyisa kana kuti chisiri madikanwa kana kuti chinoratidzika kuva chinosundwa kupfurikidza norusaruro rwedzinza. Idzo dzinoshatirwa apo ngwariro chaiyo kana kuti kubatwa kwokudiwa kunoitirwa nyachide womudzidzisi.
Sezvinobvumwa, vadzidzisi havazati vari vasingakanganisi. Vane mavara avo asina kwaakarerekera, zvinetso, uye, hungu, fungira mano dzakaipa. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Usazvikurumidzisa iwe umene muchimiro chako chendangariro kuva anotsamwa.” (Muparidzi 7:9) Kunyange vadzidzisi “vanogumbuka kazhinji. Kana munhu upi noupi asingagumburwi mushoko, iye munhu akakwana, anokwanisa kudzorawo muviri wake wose.” (Jakobho 3:2) Naizvozvo unogona kudavira kuti mudzidzisi wako haane mhaka apo iwe usine chokwadi here?
Imwe pwere inonzi Freddy yakacherekedza kuti mudzidzisi wayo “akanga asingaseki nomunhu upi noupi.” Freddy nomutoo wokuchenjera akasvika mudzidziso ndokuwana chikonzero cheichi chiito chakaipa. “Kunongova hakwo bedzi kuti ndava nechinetso nemotokari mangwanani ano,” mudzidzisi akatsanangura kudaro. “Yanyanyopisa pakuuya kuchikoro nokudaro ndanonoka kusvika kubasa.”
Vadzidzisi Navananyachide Vavo
Zvakadiniko nokudiwa chaikwo kunoitirwa vananyachide vomudzidzisi? Yeuka kuti mudzidzisi anonangana nezvinhu zvinodiwa zvisingaenzanisirwi uye dzvinyiriro. Bhuku rinonzi Being Adolescent rinorondedzera vadzidzisi savanonangana no“mugariro wakakomba” umo ivo vanofanira kuedza kubata ngwariro yeboka repwere “rine ndangariro dzinowanzova kumwe . . . Pamberi pavo vane boka ravechiduku vane chimiro chendangariro chakakwirira, chinovhiringidzika, chinowanzova chisina kurovedzeka kukufungisisa pamusoro pechinhu chipi nechipi kwaanopfuura maminiti 15.”
Ipapoka, kunoshamisa here kuti mudzidzisi angaisa ngwariro pane mudzidzi anofunda zvakasimba, anoteerera, kana kuti anomubata noruremekedzo? Chokwadi, kungakunyangadza apo vanoratidzika kuva vanoita kuti vadiwe vanowana ngwariro yakawanda kupfuura yaunowana. Asika kunyangadzirwei kana kuti huvirei negodo kana mudzidzi wakati anoshingaira ari nyachide womudzidzisi chero bedzi zvinodikanwa zvako zvedzidzo zvisingafuratirwi? Kunze kwezvo, ungava mufungo wakanaka kuti iwe umene uve anoti shingairei zvikuru.
Hondo Mukirasi
Mumwe mudzidzi akataura nezvomudzidzisi wake, kuti: “Iye airamba achifunga kuti isu tose takanga taronga kurwisana naye ndokurangarira kutanga kutidenha. Iye akanga ari mumwe munhu anopenga.” Zvisinei, vadzidzisi vazhinji vanorangarira kuti vane maruramiro okuva vanoti “pengei.” Sokudeya kutaura kwakaita Bhaibheri, dzino ndidzo “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” uye vadzidzi vanowanzova “vasingazvidzori, vanotyisa, vasine rudo rworunako.” (2 Timotio 3:1-3) U.S.News & World Report nokudaro yakati: “Vadzidzisi mumaruwa mazhinji ezvikoro zvomutaundi vanorarama mukutya masimba masimba.”
Aichimbova mudzidzisi Roland Betts anoti pamusoro pavadzidzisi: “Vana vanouona somutoro wavo wokuberekwa nawo . . . [nomutoo wokufananidzira] kuvasundidzira nokuvanyofora ndokuona kuti chaizvoizvo vanowira kure kwakadini kana kuti vanosvika kure kwakadini vasati vashatirwa pakupedzisira . . . Apo vana vanowana kuti ivo vasundidzira mudzidzisi mutsva kusvikira pakutera ivo vanomusundidzirazve.” Ko iwe kana vafundi biyako wati wambova mukutsirani wokutambudzwa kwomudzidzisi here? Ipapoka rega kukatyamara nechiito chomudzidzisi wako.
Bhaibheri rinoti: “Dzvinyirirowo zvayo inoita kuti akachenjera aite noupengo.” (Muparidzi 7:7) Mumugariro worutyo nokusaremekedza unopararira muzvikoro zvakati kuti, vamwe vadzidzisi nomutoo unonzwisisika vanoita nokunyanyisa uye vanova varangi vane hasha. Rinocherekedza kudaro The Family Handbook of Adolescence: “Vadzidzi . . . avo vanoratidzika kupfurikidza nokuzvibata kwavo kuva vanozvidza zvitendero zvavadzidzisi vanowanzozvidzwawo.” Hungu, mudzidzisi ane utsinye anowanzoumbwa navadzidzi vake!
Uyewo, rangarira miuyo yemiitiro youtsinye yomukirasi. Valerie muduku anotiwedzerei apo iye anotaura nezvo“kutambudza, nokurwadzisa,” uko vechiduku vanoitira vadzidzisi vanobatirira nzvimbo. Roland Betts anowedzera, kuti: “Vabatiriri nzvimbo vanonetswa noutsinye namapoka avo, vanowanzosundidzirwa kusvikira kupfundo rokujwiririka uye kukarara.” Vane chokwadi chokuti ivo vanogona kukuita vasingarangwi, vadzidzi vanofarira kuita denho dzakamwe kamwe dzouipi—vachiwisira mabhuku avo pamwe chete kana kuti mapenzura pauriri. Kana kuti vangaedza kukangaidza mudzidzisi wavo kupfurikidza ‘nokuita sematsi’ ndokuita sokunge kuti ivo havagoni kunzwisisa shoko raanotaura. “Tinoparadza nokuda kwokufara,” anotsanangura kudaro Bobby muduku.
Hunyanguvezvo, kana iwe uchidyara utsinye hwekirasi, usakatyamadzwa kana iwe ukakohwa mudzidzisi ane utsinye, ane upfini. (Enzanisa VaGaratia 6:7.) Yeuka murairo mukurusa, unoti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imi munofanira kuvaitirawo.” (Mateo 7:12) Ramba kukumbanira miitiro yekirasi. Iva anoteerera zvinotaurwa nomudzidzisi wako. Iva anobatira pamwe chete. Zvimwe mukufambira mberi kwenguva iye anganzwa ane upfini hwakati dererei—zvichida kwauri.
‘Mudzidzisi Wangu Haandidi’
Padzimwe nguva bonderano yohunhu kana rudzi rwakati rwokusanzwana runoita kuti mudzidzisi wako arwisane newe; kuda kuziva kunovhiringidzwa norupanduko kana ratidzirwo yomufungo unongozviuyira hune upenzi. Uye kana mudzidzisi asingakudi, iye angarerekera kukukushatirisa kana kukukudukupisa. Kuvengana kungamuka.
Bhaibheri rinoti: “Musatsiva munhu chakaipa nokuda kwechakaipa. . . . Kana kuchibvira, chero bedzi kuchitsamira pamuri, ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:17, 18) Usaedze kupokanidzana nomudzidzisi wako. Dzivisa kunangana kusiri madikanwa. Usapa mudzidzisi wako chikonzero chapamutemo chokunyunyuta. Chokwadi, edza kuva noushamwari. ‘Ushamwari nhai? Naye here?’ ungabvunza kudaro. Hungu, ratidzira tsika kupfurikidza nokukwazisa noruremekedzo mudzidzisi wako apo iwe unopinda mukirasi. Rupfave rwako rwunopfuurira—kunyange nyemwerero panguva nenguva—rungachinja bedzi mufungo wake nezvako.—Enzanisa naVaRoma 12:20, 21.
Chokwadi, haungagoni kugaronyemwerera kuti ubve pamugarirowo. Asi Muparidzi 10:4 inopangira, kuti: “Kana chimiro chendangariro chomubati ushe [kana kuti munhu ari muchiremera] chikakumukira [kupfurikidza nokukuranga], usasiya nzvimbo yako umene, nokuti ruteramo irwo rumene rwunobvisa zvivi zvikuru.” Yeukawo kuti “mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.”—Zvirevo 15:1.
‘Ndaifanirwa Namamakisi Ari Nani Zvikuru’
Ichi chichemo chinozivikanwa. Edza kutaura chinetso chacho nomudzidzisi wako. Bhaibheri rinotiudza nezvokuti Natani akanangana sei nebasa rakaoma rokuisa pachena chikanganiso chakakomba chaMambo Dhavhidhi. Natani haana kungotivhu kupinda muimba youmambo achidanidzira namashoko epomero, asi iye akasvika Dhavhidhi nomutoo wokungwaririra pakutaura.—2 Samueri 12:1-7.
Nenzira imwe cheteyo iwe ungasvika nokuzvininipisa, uye noruteramo, mudzidzisi wako. Bruce Weber aichimbova mudzidzisi wechikoro anotiyeuchidza, kuti: “Rupanduko mumudzidzi runonyandura chisimbwa mumudzidzisi. Kana uchitaura nokutuka uye uchitaura zvisina mufungo kana kutaura kusaruramisira kukuru uye uchipikira kutsiva, hakuna kwaunosvika.” Edza kusvika nomutoo woukuru zvikuru. Zvimwe unogona kuvamba kupfurikidza nokukumbira mudzidzisi wako kukubetsera kunzwisisa mutoo wake wokunyora mamakisi nawo. Ipapo, anodaro Weber, iwe unogona “kuzvibvumikisa umene kuva mukanganisi kana kukanganisa kuverenga panzvimbo pechisarudzo chakashata. Shandisa mutoo wokunyora nawo mamakisi womudzidzisi wako amene; muratidzire paunoona chikanganiso mumamakisi ako.” Kunyange kana mamakisi ako asingachinjwi, ukuru hwako muzivo zvimwe huchaita mufungo wakanaka pamudzidzisi wako.
Ita Kuti Vabereki Vako Vazive
Padzimwe nguva, kunyange zvazvo zvakadaro, kungotaurawo zvako kunogona kuva kusina maturo. Rangarira chinoitika chaSusan. Somudzidzi anobudirira, iye akakatyamadzwa apo mumwe wavadzidzisi vake akatanga kumupa mamakisi okukundikana. Chii chaiva chinetso? Susan akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye mudzidzisi wake akabvuma zvikuru kuti iye akanga asingadi Susan nokuda kwaikoku. “Kwakanga kuchikangaidza zvomenemene,” anodaro Susan, “uye handina kuziva chokuita.”
Susan anoyeuka, kuti: “Ndakava noushingi ndokuudza amai vangu [mubereki mumwe bedzi] pamusoro pouyu mudzidzisi. Ivo vakati, ‘Zvakanaka, zvimwe ndinogona kutaura nomudzidzisi wako.’ Uye mukati menguva yokugamuchirwa kwavaenzi ivo vakaenda ndokubvunza mudzidzisi wangu chakanga chiri chinetso. Ndakafunga kuti amai vangu vaizoshatirwa zvomenemene, asi havana. Ivo vakataura naye bedzi murunyararo.” Mudzidzisi akagadzirira kuti Susan ave nomudzidzisi akasiana.
Sezvinobvumwa, hadzizati dziri nhau dzose dzakaoma kubata nadzo dzinopera zvakanaka, uye padzimwe nguva unotofanira hako kutsungirira bedzi. Asi kana uchigona kugarisana norugare nomudzidzisi wako temu ino, kunogarova negore rinotevera, apo uchava namavambo matsva, zvimwe vafundi biyako vakasiana—uye zvimwe kunyange mudzidzisi mutsva wokudzidza kubatira pamwe naye.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Unogona sei kurangarira mudzidzisi anokubata nomutoo usakafanira?
◻ Neiko vadzidzisi vachiwanzotutira ngwariro pavanonzi vananyachide?
◻ Unogona sei kudzidza kumudzidzisi anoratidzika kuva anonetsa?
◻ Neiko vamwe vadzidzisi vachiratidzika kuva vane utsinye kuna vadzidzi vavo?
◻ Unogona sei kushandisa murairo mukurusa mukirasi?
◻ Chii chaunogona kuita kana ukanzwa kuti uri nyajambwa wokupiwa mamakisi asakafanira kana kuti kubatwa zvisakafanira?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 158]
Ngwariro inopiwa kuna nyachide womudzidzisi inowanzonyandura pfunde-pfunde
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 163]
“Vadzidzisi vari mumaruwa mazhinji ezvikoro zvomutaundi vanorarama mukutya masimba masimba.”—U.S.News & World Report
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 160, 161]
‘Mudzidzisi Wangu Anonetsa!’
The Family Handbook of Adolescence rinoti: “Kumwe kunzvera kunoratidzira kuti voruzhinjisa vavadzidzi vari kuyaruka vanotsoropodza vadzidzisi, vachigurukuta kuti ivo vanonetsa kana kuti vanoshaiwa chimiro chokusetsa.” Nokukurumidza kana kuti gare gare ungawana mudzidzisi anongokunetsa bedzi ‘kusvikira pakuchema.’ Unogona kuiteiko?
Kumwe kuedza kwemisi ichangobva kupfuura kwakawadzanyura mwero wowechiduku wokufungisisa kwakakwirira zvikuru muzvidzidzo zvakadai sounyanzvi hwamabasa okugadzirwa kwezvinhu, dzidzo yamabasa amaoko, uye marimba. Zvisinei, mwero wokufungisisa unodzikira muzvidzidzo zvinobata nemitauro nenhau.
Ko varaidzi vedzidzo yamabasa amaoko kana kuti vamarimba vana mano kupfuura vadzidzisi vezvidzidzo zvavose here? Hakubviri. Sezvinooneka, vadzidzi vazhinji vanongova havo nechimiro chendangariro chisina kutsarukana kuzvidzidzo zvavose. Uye kana vadzidzi vakasarudza pachine nguva mberi kuti chidzidzo chinonetsa, kunyange mudzidzisi ane unyanzvi hwaSocrates angava nenguva yakaoma yokubata ngwariro yavo! Ipapoka, kungava here kuti chimiro chako chendangariro kuzvimwe zvidzidzo chinongoda hacho kugadziridzwa? Kufarira zvikuru zvaunodzidza kungabvisa kufinhwa muchikoro.
Padzimwe nguva kunyange vadzidzi vanofarira kudzidza vanonyunyuta kuti vane vadzidzisi va“kashata.” Asika chaizvoizvo mudzidzisi “akanaka” chii? Akadaro mumwe musikana muduku: “Ini ndinoda mudzidzisi wangu wesvomhu nokuti iye anoita musere zvikuru.” Mumwe mukomana akarumbidza mudzidzisi wake wechiNgezi nokuda kwoku‘taura majee akawanda.’
Asi kuva anodiwa kana kunyange anovaraidza kuchigona kuva chinhu chinokosha nokuda kwomudzidzisi, iko hakuzati kuchiva kunobatirira nzvimbo nokuda kwokuva “anokwaniriswa zvakaringanira kudzidzisa vamwe.” (2 Timotio 2:2) Kunyange zvazvo Bhaibheri richinongedzera pano kuzvikwaniriso zvomudzimu, rinosimbisa idi rokuti mudzidzisi akanaka anofanira kuziva chidzidzo chake.
Sezvineiwo, zivo nohunhu hwakanaka hazvigaropinda munzvimbo imwe chete. Muapostora Pauro, somuenzaniso, akanga achikwaniriswa zvikuru somuraidzi weShoko raMwari. Asi mamwe maKristu omuzuva raPauro ainyunyuta kuti “kuvapo kwake iye amene [kwakanga] kwakaneta uye kutaura kwake kwaizvidzwa.” Pauro akapindura, kuti: “Kunyange kana ndisina unyanzvi mukutaura, zvamazvirokwazvo handina kudaro muzivo.” (2 VaKorinte 10:10; 11:6) Kana vamwe vakafuratira izvo Pauro aifanira kutaura ndokuona bedzi hurema hwake hwaaipomerwa somukurukuri, vakarashikirwa pakuwana zivo inokosha. Usaita mhosho imwe cheteyo kana toreva nezvechikoro! Usati warega mudzidzisi saari “akaipa,” zvibvunze umene kuti, ‘Ko iye anoziva zvaari kutaura pamusoro pazvo here? Ndinogona kudzidza kwaari here?’
Ungatofanira kuteerera zvikuru kupfuura nguva dzose mudzidzisi uyo ari mukurukuri anofinha. Edza kunyora zvinonyorwa kuti uite kuti ngwariro yako irambe yakanangidzirwa pane zvaanotaura. Wedzera kurukurirano dzeboka dzinofinha nefundo yewedzero yokumba.
Barbara Mayer, ari mudzidzisi amene, anowedzera, kuti: “Vadzidzisi, avo zvimwe vakadzokorora vadzokororazve izvi zvifundo zvimwe chetezvo kazhinji zvikuru kupfuura zvavanoitira hanya kuyeuka, vanokombamira mukupinda mumuitiro.” Chii chaunogona kuita kumutsidzira zvinhu? “Simudza ruoko rwako nokuda kwechinjo ndokukumbira mamwe mashoko . . . Muite chaizvoizvo kuti akuudze zvose zvaanoziva.” Mudzidzisi achashatirirwa ikoku here? Kwete kana uchiita kudaro mururemekedzo. (VaKorose 4:6) Anodaro Mayer: “Uchaona kuti mudzidzisi wako anouya kukirasi akati gadzirirei zvikuru, uye aina mashoko anopfuura apamusoro bedzi.”
Mbavarira inotapukira, uye chishuvo chako chokudzidza chingapinza mbavarira mumudzidzisi wako. Chokwadi, usakarira chinjo hurusa. Uye pangava nezvimwe zvidzidzo zvaungatofanira kutambura mazviri. Asi kana uri muteereri akanaka uye uchifarira chaizvo zviri kuitika, unogona kufundazve—kunyange kumudzidzisi anofinha.
[Mufananidzo uri papeji 162]
Mbavarira inonyandura yamasimba masimba echikoro yakaita kuti basa ravadzidzisi rive riya rakaoma
[Mufananidzo uri papeji 164]
Kana uchinzwa kuti kusaruramisira kwakati kuti kwakaitika, nomutoo woruremekedzo svika mudzidzisi wako