Ganhuro 3
Ndinogona Sei Kuita Kuti Vabereki Vangu Vandipe Rusununguko Rukuru?
IWE unoti wakura zvakaringanira kunonoka kuuya pakupera kwamavhiki. Ivo vanoti iwe unotofanira kuva pamusha nokukurumidza. Iwe unoti unoda kuona bhaisikopo idzva riya munhu ari wose ari kutaura pamusoro paro. Ivo vanoti haungagoni kuriona. Iwe unoti wakasangana nepwere dzakanaka dzaunoda kuenda nadzo. Ivo vanoti vangada kusangana neshamwari dzako pakutanga.
Apo iwe unenge uri wechiduku, padzimwe nguva kunogona kunzwika sokunge kuti vabereki vako vane chidziviso paupenyu hwako. Kunoratidzika kuti “Ndinoda” ari wose waunotaura anoteverwa na“Aiwa, haungagoni” asingadzivisiki. Uye rutivi rupi norupi rwoupenyu hwako haruna kukotsekana pa“meso anoda kuona zvakavanzika” avabereki vako. Anodaro Debbie wezera ramakore 15: “Baba vangu nguva dzose vanoda kuziva kwandinenge ndiri, nguva yandichava pamusha. Vabereki vazhinjisa vanodaro. Ko ivo vanofanira kuziva chinhu chiri chose here? Vanofanira kundipa rusununguko rukuru.”
Pwere dzinonyunyutazve kuti vabereki vadzo havadziremekedzi. Panzvimbo pokuva dzinovimbwa nadzo, idzo dzinotongwa kuva dzine mhaka pasina kutambwa kwemhaka apo chimwe chinhu chinoipa. Panzvimbo pokuva dzinobvumidzwa kuzvisarudzira dzimene, dzinoganhurirwa nemirau.
“Nhamo Yendangariro”
Padzimwe nguva vabereki vako vanokubata somwana muduku here? Kana zvakadaro, yeuka kuti kasati kari kare zvikurusa iwe zvomenemene waiva mwana. Mufananidzo wako wavabereki vako somucheche asina betsero uchiri mutsva mundangariro dzavo uye hauiswe parutivi nyore nyore kudaro. Vachiri kuyeuka mhosho dzouhwana dzawaisiita nokudaro vanoda kukutaviridzira—kunyange uchida taviridziro yakadaro kana kuti kwete.
Kuchidziro iyoyo yokukutaviridzira ndiimwe ine simba zvikurukuru. Apo Amai naBaba vanenge vasina kubatikana nokukugadzirira musha, nokukupfekedza, kana kuti kukudyisa, kazhinji kazhinji ivo vanobata nezvinetso zvokuti vanokudzidzisa sei, vanokurovedza sei, uye, hungu, vanokutaviridza sei. Fariro yavo mauri inopfuura zvikuru yapanhambo nenhambo. Vane mutoro pamberi paMwari nokuda kwenzira iyo ivo vanokurera nayo mairi. (VaEfeso 6:4) Uye apo chimwe chinhu chinoratidzika kuva chinotyisidzira garikano yako, ivo vanonetseka.
Rangarira vabereki vaJesu Kristu. Pashure pokushanyira Jerusarema, ivo mukusaziva vakadzoka kumusha vasinaye. Apo ivo vakaziva nezvokusavapo kwake, vakaedza kutsvaka kwokushingaira—kunyange neshungu—nokuda kwake! Uye apo ivo pakupedzisira “vakamuwana mutembere,” amai vaJesu vakataura vachiti, “Mwana, watibatirei neiyi nzira? Tarira baba vako neni taiva tichikutsvaka munhamo yendangariro.” (Ruka 2:41-48) Zvino kana Jesu—mwana akakwana—akaparira vabereki vake kuva neshungu, funga nezvokuti kunetsekana kukuru kwakadini kwaunofanira kuparira vabereki vako!
Somuenzaniso, rangarira rwisano iyeyo isingatongogumi pamusoro pokuti inguvai yaunofanira kusvika pamusha. Zvimwe iwe hauoni chikonzero chokuva anoganhurirwa nenzira iyoyi. Asi wati wamborangarira nhau mumurangariro wavabereki vako here? Vanyori vezera rechikoro vebhuku rinonzi The Kids’ Book About Parents vakaedza kuita kudaro. Vakaronga ndaza yezvavanoti “fungidziro dzinofanira kupinda mumisoro yavabereki pamusoro peizvo vana vavo vari kuita kana ivo vasingavi pamusha panguva yakafanira.” Zvakabatanidzwa mune iyi ndaza zvaiva zvinhu zvakadai so‘kushandisa mirimo, kupinda mutsaona yemotokari, kufamba-famba muminhanga, kuva vanosungwa, kuenda kumabhaisikopo outere, kutengesa mirimo, kubatwa chibharo kana kuti kudenhwa ndokubirwa, kuguma wava mutorongo, uye kunyadzisa zita remhuri.’
Havazati vari vabereki vose vangasvika padzinoratidzika kuva mhedziso dzakadaro dzisingadavirike nechimbi-chimbi. Asi hakuzati kuri kwechokwadi here kuti vechiduku vazhinji vari kubatanidzwa muzvinhu zvakadaro? Nokudaro iwe unofanira kushatirirwa here chikarakadzo chokuti kuva nezvose zviri zviviri kunonoka kuuya norudzi rwakaipa rweboka zvingava zvinokuvadza? Chokwadika kunyange vabereki vaJesu vaida kuziva kwaaiveri!
Chikonzero Nei Ivo Vachidzivisa
Dzimwe pwere dzinotaura kuti kutya kwavabereki vadzo kuvadziko inouya kwadziri kunenge kunova upengo! Asika yeuka, nguva yakawanda norudo zvakashandiswa kwamuri. Mufungo wokukura kwako uye pakupedzisira kusiya kukangaidza vabereki vako. Mumwe mubereki akanyora, kuti: “Mwana wangu bedzi, mukomana, ava namakore gumi namapfumbamwe zvino, uye handingatongogoni kutsungirira mufungo wokutama kwake.”
Vamwe vabereki nokudaro vanokombamira kukudzivisa kana kuti kukunyanyotaviridzira vana vavo. Kwaizova mhosho chaiyo, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti iwe unyanyisewo mukudzorera. Imwe mhandara yakati: “Kutozosvikira ndasvika zera ramakore anenge 18, amai vangu neni taiva pedyo zvikuru. . . . [Asi] sezvandaikura takatanga kuva nezvinetso. Ini ndakanga ndichida kushandisa kuzvimirira kwakati kuti, ukwo ivo vanofanira kuva vakaona setyisidziro paukama hwedu. Ivowo, vakatanga kuedza kubatisisa pandiri zvikuru kwazvo, uye ini ndakaitawo kupfurikidza nokuzvibvisira kure zvikuru.”
Mwero wakati kuti wokuzvimirira wakaisvonaka, asika rega kukuwana pakugurwa kwezvisungo zvemhuri yenyu. Ko zvino unogona sei kuisa ukama hwako navabereki vako pamwero woukuru, hwakavakirwa pakunzwisisana, shiviriro, noruremekedzo? Kutanga, ruremekedzo runofanirwa noruremekedzo. Muapostora Pauro akamboyeuka, kuti: “Isu taichimbova namadzibaba vaiva venyama yedu vokutiranga, uye isu taisivaremekedza.” (VaHebheru 12:9) Vabereki vaaya maKristu apakuvamba vakanga vari vasati vasingakanganisi. Pauro akapfuurira (mundima 10) kuti: “Vabereki vedu vohunhu . . . vaigona bedzi kuita zvavaifunga kuva zvakanakisisa.”—The Jerusalem Bible.
Padzimwe nguva ava vanhu vaikanganisa muchisarudzo chavo. Asi vaikodzerwa noruremekedzo rwavana vavo. Ndozvinoitawo vabereki vako. Idi rokuti ivo vangava rudzi runodzivisa hachizi chikonzero chokuva anopandukira. Vape ruremekedzo rumwe cheterwo rwaunoda nokuda kwako umene.
Kusanzwisisana
Wati wambononoka kusvika pamusha nokuda kwemigariro yausingagoni kudzora here? Ko vabereki vako vakanyanyisa here? Kusanzwisisana kwakadaro kunogovera rimwe banza rokuti iwe uwane ruremekedzo. Yeuka kuti Jesu muduku akazvibata sei amene apo vabereki vake vakashatirwa pakupedzisira vakamuwana ari mutembere, achikurukura hake nomutoo wokusava nemhaka Shoko raMwari navadzidzisi. Ko Jesu akapinda mukutaura kwokutuka, kwokudanidzira, kana kuti kukarara pamusoro pokuti kwakanga kusina kunaka sei kwavari kupanikira vavariro dzake here? Cherechedza kupindura kwake kwakaterama, kwokuti: “Nei maifanira kuenda muchinditsvaka? Hamuna kuziva here kuti ini ndinofanira kuva muimba yaBaba vangu?” (Ruka 2:49) Pasina panikiro vabereki vaJesu vakaororwa noukuru mumudzimu hwaakaratidzira pano. “Mhinduro, kana iri nyoro,” haizati ichingo“dzora bedzi kutsamwa” asi inogonawo kubetsera kuwana ruremekedzo rwavabereki vako.—Zvirevo 15:1.
Mirau Nemirairo
Maitire aunoita kuzvirairo zvavabereki vako kune zvizhinjiwo zvakunoita namabatirwe aunoitwa. Dzimwe pwere dzinorundumwara, dzinoreva nhema, kana kuti dzinosateerera nomutoo uri pamhene. Edza mutoo woukuru zvikuru. Kana uchida kubvumidzwa kunonoka kuuya, usaita zvirairo zvouhwana kana kuti kunyunyuta kuti “vamwe vana vose vanogona kunonoka kuuya.” Munyori Andrea Eagan anopangira, kuti: “Va[udze] napaunogona napo pose pamusoro pechinhu chaunoda kuita, kuti ivo vanzwisise zvomenemene mugariro wacho. . . . Kana ukavaudza zvose pamusoro pokwauchava uye navanaani uye chikonzero nei kuchikosha kwauri kunonoka kuuya zvikuru . . . , ivo vangangoti bedzi hungu.”
Kana kuti kana vabereki vako vachida kudzivisa shamwari dzako—vanofanirawo—rega kutaura mashoko okutya somwana. Magazini yeSeventeen yakarumbidza, kuti: “Uya neshamwari kumba panguva nenguva, kuti apo iwe unotaura kuti uchaenda kubhaisikopo naTavengwa, baba vako havana chikonzero chokudzvova vari mune rimwe kamuri, ‘Tavengwa? Tavengwa wokwaaniko?’”
“Rukuru Ruchapiwa”
Jim anonyemwerera apo iye anotaura pamusoro pomunin’ina wake Ron. “Panongova bedzi nemwedzi 11 yemusiano pakati pedu,” iye anodaro, “asi vabereki vedu vaitibata nomutoo wakasiana zvikuru. Vaindipa rusununguko rukuru. Ndaishandisa motokari yemhuri. Rimwe gore vakatondibvumira kuenda nomumwe munin’ina parwendo Kuguta reNew York.”
“Kunyange zvazvo zvakadaro, kwakanga kwakasiana naRon,” Jim anopfuurira kudaro. “Iye akanga asingatongopiwi rusununguko rukuru. Baba havana kutongozvinetsa kumudzidzisa mutoo wokuchaira nawo motokari apo iye akanga abva zera. Uye apo iye akanzwa kuti akanga akura zvakaringanira kuti atange kuronga misi yomuvhakacho, vabereki vangu havati vaizomubvumira.”
Chizivano nhai? Aiwa. Anotsanangura kudaro Jim: “Ron aikombamira kukuva asingavimbiki. Aishaiwa kuzvitangira amene. Aiwanzokundikana kuita zvaaigoverwa. Uye kunyange zvazvo ndisina kutongopindura nokuvirima kuvabereki vangu, Ron aizovaita kuti vazive kuti iye haabvumire. Ikoku nomutoo usingachinji kwakava nomuuyo usingakarirwi paari.” Jesu akati pana Mateo 25:29: “Nokuti kumunhu upi noupi unazvo, zvakawanda zvichapiwa uye iye achava nezvakawanda; asi kana ari iye uyo asina, kunyange zvaanazvo zvichamutorerwa.”
Unoda rusununguko rukuru nokuva nomutoro here? Ipapo zvibvumikise umene kuva anovimbika. Fungisisa mabasa api naapi vabereki vako vanokugovera. Usava akafanana nepwere yomuno mumwe wemifananidzo yaJesu. Pashure pokunge audzwa nababa vake kuti, “Mwana, enda undoshanda nhasi mumunda womuzambiringa,” iye akati, “Ndichaenda, ishe,” asi “haana kuenda.” (Mateo 21:28, 29) Pwisa vabereki vako kuti kana vakakukumbira kuita chimwe chinhu, pasinei hapo nokuti chiduku sei, chakaita sechaitwa.
“Ini ndakaratidzira vabereki vangu kuti ndaigona kutarisira mutoro,” Jim anoyeuka kudaro. “Ivo vaindituma kubhangi, vachindirega ndichiripira zvikwereti zvezvinhu, ndichienda kumusika mukuru ndokutenga. Uye apo Amai vaitofanira kuenda ndokushanda kunze, ini ndaitobika kunyange zvokudya zvemhuri.”
Kushandisa Mano Okusamirira Kuudzwa
Zvakadiniko kana vabereki vako vasina kumbokugovera mabasa akadaro okuita? Ronda mano okusamirira kuudzwa akasiana-siana. Magazini yeSeventeen yakakarakadza, kuti: “Zvipire kubika zvokudya zvemhuri yenyu, uyewo udza vabereki vako kuti iwe unoda kuita chinhu chiri chose: kugadzirira zvokudya, kuronga ndaza yegirosari, kuronga mari inoshandiswa, kutenga, kubika, kutsvaira.” Uye kana kubika kusati kuri chipo chako, tsvaka-tsvaka ndokuona chimwezve chinogona kutarisirwa. Hauzati uchida murairo chaiwoiwo unobva kuvabereki vako kuti uite chinhu apo panenge paine ndiro dzinoda kusukwa, huriri hunoda kutsvairwa, kana kuti makamuri anoda kutarisirwa.
Pwere zhinji dzinoita basa renguva isina kuzara mukati mamadziya kana kuti pakupera kwamavhiki. Kana ikoku kwakadaro mune chinoitika chako, wati wabvumikisa here kuti iwe unokwanisa kuchengeta ndokutarisira mari yako? Wati wazvipira here kuita mupiro nokuda kwekamuri rako nenzvimbo yokugara? (Ungakuwana kuchisvinudza kunzvera mari inoshandiswa nokuda kwokurenda kamuri munzanga yokwenyu.) Kuita kudaro kungareva mari shomanene yomuhomwe, asi vabereki vako zvavanocherechedza nzira yako yokukura yokutarisira nayo mari, pasina panikiro ivo vachakombamira kukukupa rusununguko rukuru.
Kuzvisarudzira
Vabereki vanofanira kuva shamwari dzedu dzatinovimba nadzo, manyuko makuru epangiro nezano. (Enzanisa naJeremia 3:4.) Zvisinei, ikoku hakuzati kuchireva kuti iwe unofanira kutsamira pavari kuita chisarudzo chiri chose chisingakoshi. Unowana chivimbo mumano ako okuita zvisarudzo kupfurikidza bedzi nokushandisa “masimba okunzwisisa” ako.—VaHebheru 5:14.
Naizvozvo panzvimbo pokumhanyira kuna vabereki vako pachiratidzo chokutanga chenhamo duku, edza kutanga kupedza chinetso chacho mundangariro mako. Panzvimbo pokuva “anonyanyokurumidzisa,” kana kuti anoita mukusafunga, pamusoro pezvinhu, tevera pangiro yeBhaibheri yokutanga “kurangarira zivo.” (Isaya 32:4) Ita nzvero yakati kuti, zvikurukuru kana nheyo dzeBhaibheri dzichibatanidzwa. Pashure pokusanonzvera nhau nomutoo wakaterama, zvino chisvika vabereki vako. Panzvimbo pokugaroti, ‘Baba, ndinofanira kuiteiko?’ kana kuti ‘Amai, imi maizoitei?’ tsanangura mugariro wacho. Ita kuti vanzwe nzira yawarangarira nayo mugariro wacho. Ipapo kumbira nokuda kwecherechedzo dzavo.
Vabereki vako zvino vanokuona uchitaura kwete somwana asi somukuru. Waita nhano huru yokukubvumikisa kuti wavakuva mukuru anofanirwa nomwero wakati worusununguko. Vabereki vako vangasanovamba kukubata somukuru.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko vabereki vachiwanzova vanoitira hanya zvikuru kutaviridzira vana vavo uye kuziva kwavanenge vari?
◻ Neiko kuchikosha kuti iwe ubate vabereki vako noruremekedzo?
◻ Ko kusawirirana navabereki vako kunogona kutarisirwa zvakanakisisa sei?
◻ Unogona sei kubatira pamwe nemirau nemirairo yavabereki vako asi uchiva hako norusununguko rwakati kuti?
◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzaunogona kubvumikisa nadzo kuvabereki vako kuti unovimbwa newe?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
“Baba vangu nguva dzose vanoda kuziva kwandinenge ndiri, nguva yandichava pamusha. . . . Ko ivo vanofanira kuziva chinhu chiri chose here?”
[Mufananidzo uri papeji 27]
Unofunga kuti vabereki vako vanokuvharidzira here?
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kuramba wakaterama apo kusanzwisisana kunenge kwaitika ndiimwe nzira yokuwana nayo ruremekedzo