RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ti pp. 30-31
  • Namata Mwari Mukuwirirana Nokuda Kwake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Namata Mwari Mukuwirirana Nokuda Kwake
  • Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzvidza Mwari
  • Ramba Utatu
  • Utatu Hunostsanangurwa Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Rutivi 1—Jesu Navadzidzi Vake Vakadzidzisa Dzidziso yoUtatu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Zivo Yakarurama yaMwari noMwanakomana Wake Inotungamirira Kuupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Unofanira Kudavira Here?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
Ona Zvimwe
Unofanira Kudavira Utatu Here?
ti pp. 30-31

Namata Mwari Mukuwirirana Nokuda Kwake

JESU mumunyengetero wake kuna Mwari akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi neyomumwe wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3) Rudzii rwezivo? “Kuda [kwaMwari] ndokwokuti marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.” (1 Timotio 2:4) The Amplified Bible rinoshandura chikamu chamashoko chapashure neiyi nzira, kuti: “Ziva chaizvoizvo uye nomutoo wakarurama Zvokwadi yo[umwari].”

Naizvozvo Mwari anoda kuti timuzive uye madonzo ake nomutoo wakarurama, mukuwirirana nezvokwadi youmwari. Uye Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, ndiwo manyuko ezvokwadi iyeyo. (Johane 17:17; 2 Timotio 3:16, 17) Apo vanhu vanodzidza nomutoo wakarurama icho Bhaibheri rinoreva pamusoro paMwari, ipapo ivo vachadzivisa kuva vakafanana naavo vanodudzwa pana VaRoma 10:2, 3, avo vakanga vane “shingairo nokuda kwaMwari; asi kwete mukuwirirana nezivo yakarurama.” Kana kuti savaSamaria, avo Jesu akati kwavari: “Imi munonamata chamusingazivi.”—Johane 4:22.

Naizvozvo, kana tichida tendero yaMwari, tinodikanirwa kuzvibvunza isu timene, kuti: Ko Mwari anotii pamusoro pake iye amene? Ko iye anoda kunamatwa sei? Ndaapi ari madonzo ake, uye isu tinofanira kukodzera sei maari? Zivo yakarurama yezvokwadi inotipa mhinduro dzakarurama dzemibvunzo yakadaro. Ipapo tinogona kunamata Mwari mukuwirirana nokuda kwake.

Kuzvidza Mwari

“AVO vanondikudza ini ndichavakudzawo,” anodaro Mwari. (1 Samueri 2:30) Ko kunokudza Mwari here kuidza munhu upi noupi somuenzani wake? Ko kunomukudza here kuidza Maria kuti “amai vaMwari” uye “Mureverikadzi . . . pakati poMusiki nezvisikwa Zvake,” sezvinoita New Catholic Encyclopedia? Nyangwe, pfungwa idzodzo dzinovirimira Mwari. Hapana nomunhu ari muenzani wake; uyewo iye haana kuva naamai vokunyama, sezvo Jesu akanga asati ari Mwari. Uye hakuna “Mureverikadzi,” nokuti Mwari akagadza bedzi “mureveri mumwe pakati paMwari navanhu,” Jesu.—1 Timotio 2:5; 1 Johane 2:1, 2.

Nomutoo usingapanikiriki, dzidziso yoUtatu yakanyonganisa uye yakashatsa kunzwisisa kwavanhu nzvimbo yechokwadi yaMwari. Inodzivisa vanhu kuziva nomutoo wakarurama Changamire weNzvimbo yose, Jehovha Mwari, napakumunamata mukuwirirana nokuda kwake. Sokutaura kwakaita wezvoruzivo rwoumwari Hans Küng: “Ko munhu upi noupi anofanirireiko kuda kuwedzera chinhu chipi nechipi kumufungo wohumwe hwaMwari nomusiano icho chinogona bedzi kushatsa kana kuti kuparadza humwe ihwohwo nomusiano?” Asika izvozvo ndozvakaita kudavira Utatu.

Avo vanodavira Utatu havazati vari “kurangarira Mwari muzivo yakarurama.” (VaRoma 1:28) Ndima iyeyo inotiwo: “Mwari akavaisa kumugariro wendangariro usingatenderwi, kuti vaite zvinhu zvisina kukodzera.”VaRoma Ndima 29 kusvikira ku 31 dzinoronga zvimwe zvezvinhu izvozvo ‘zvisina kukodzera,’ zvakadai so‘kuponda, kakavaro, kuva wenhema kubvumirano, kusava norudo chairwo, kusava nengoni.’ Zvinhu izvozvo zvave zvichiitwa namarudzidziso anodavira Utatu.

Somuenzaniso, vezvokudavira Utatu vave vachiwanzotambudza uye kunyange kuuraya avo vairamba dzidziso yoUtatu. Uye vakatonyanyisa. Vakatouraya vanodavira Utatu biyavo munguva yehondo. Chii chingagona kuva ‘chisino kukodzera’ zvikuru kupfuura kuti Vakaturike vauraye Vakaturike, maOrthodox auraye maOrthodox, vaPurotesitendi vauraye vaPurotesitendi—kwose ikoku muzita raMwari mumwe cheteyo woUtatu?

Asika, Jesu akataura pamhene, kuti: “Kupfurikidza naikoko vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana imi mune rudo pakati penyu mumene.” (Johane 13:35) Shoko raMwari rinofutunuka pana ikoku, richiti: “Vana vaMwari navana vaDhiabhorosi vanooneka kupfurikidza neiri idi: Upi noupi usingaiti kururama haazati achibva kuna Mwari, uye naiye asati achida hama yake haazatiwo.” Rinofananidzira avo vanouraya hama dzavo dzomudzimu na“Kaini, uyo akabva kuno wakaipa [Satani] ndokuuraya munun’una wake.”—1 Johane 3:10-12.

Nokudaro, dzidziso yedzidziso dzinonyonganisa pamusoro paMwari dzakaparira zviito zvinoputsa mitemo yake. Zvamazvirokwazvo, icho chakaitika muchiKristudhomu chose ndicho icho wezvoruzivo rwoumwari weDenmark Søren Kierkegaard akarondedzera, kuti: “ChiKristudhomu chakaparadza chiKristu chisingazivi zvikuru nezvako.”

Mugariro womudzimu wechiKristudhomu unokodzerana neicho muapostora Pauro akanyora, kuti: “Ivo vanozivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba kupfurikidza namabasa avo, nokuti ivo vanonyangadza uye havateereri nokudaro havatenderwi nokuda kwebasa rakanaka rorudzi rwupi norwupi.”—Tito 1:16.

Nokukurumidza, apo Mwari anogumisa iyi tsika yakaipa yezvinhu iripoyi, chiKristudhomu chinodaviva Utatu chichazvidavirira. Uye chichatongwa nomutoo wakashata nokuda kwezviito nedzidziso inozvidza Mwari.—Mateo 24:14, 34; 25:31-34, 41, 46; Zvakazarurwa 17:1-6, 16; 18:1-8, 20, 24; 19:17-21.

Ramba Utatu

HAPANGAGONI kuva nebvumirano pane zvisino kufanira pakureva nezvezvokwadi dzaMwari. Nokudaro, kunamata Mwari mukuwirirana nokuda kwake kunoreva kuramba dzidziso yoUtatu. Inopokanidza icho vaporofita, Jesu, vaapostora, namaKristu apakuvamba aidavira uye akadzidzisa. Inopokanidza icho Mwari anotaura pamusoro pake amene muShoko rake amene rakafuridzirwa. Nokudaro, iye anopa zano, kuti: “Bvumai kuti ini ndoga bedzi ndini Mwari uye kuti hakuno mumwezve akafanana neni.”—Isaya 46:9, TEV.

Fariro dzaMwari hadzizati dzichibatirwa kupfurikidza nokumuita anonyonganisa naakavanzika. Panzvimbo pakwo, kana vanhu vakava vakanyonganiswa zvikuru pamusoro paMwari namadonzo ake, kunova kunokodzera zvikuru Muvengi waMwari, Satani Dhiabhorosi, ‘mwari wenyika ino.’ Iye anosimudzira dzidziso dzakadaro dzenhema ku‘pofumadza ndangariro dzavadaviri.’ (2 VaKorinte 4:4) Uyewo dzidziso yoUtatu inobatira fariro dzavakuru vakuru vorudzidziso vanoda kuchengeta pesvedzero yavo pavanhu, nokuti ivo vanoda kukuita kuti kuoneke sokunge kuti vezvoruzivo rwoumwari bedzi vanogona kuinzwisisa.—Ona Johane 8:44.

Zivo yakarurama yaMwari inovigira sununguro huru. Inotisunungura padzidziso dzinorwisana neShoko raMwari napamasangano akatsauka pakutenda. Sokureva kwakaita Jesu: “Imi muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:32.

Kupfurikidza nokukudza Mwari somukuru ndokumunamata mukuwirirana nokuda kwake, tinogona kudzivisa rutongeso urwo iye achakurumidza kuunza pachiKristudhomu chakatsauka pakutenda. Panzvimbo pakwo, tinogona kutarisira mberi kunyasha dzaMwari apo tsika ino inoguma: “Nyika inopfuura uye saizvozvo ruchiva rwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Uyu mufananidzo wakavezwa una mazana amakore womuFrance unoratidzira kugadzwa kwe“mhandara” Maria noUtatu. Kudavira Utatu kwakaparira kukudzwa kwaMaria sa“Amai vaMwari”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe