Kutambura
Tsanangudzo: Zvinoitika munhu paanenge achitsungirira kurwadziwa kana kuti nhamo. Anogona kutambura mumuviri, mupfungwa, kana mumwoyo. Zvinhu zvakawanda zvinogona kukonzera kutambura; somuenzaniso kukuvadzwa kunoparirwa nehondo kana makaro evezvokutengeserana, zvinhu zvinokuvadza zvavakawana muropa revabereki vavo, kurwara, tsaona, “njodzi dzinongoitika dzoga,” zvimwe zvinotaurwa kana kuitwa nevamwe zvisingaratidzi mutsa, kutambudzwa nemadhimoni, kuziva nezvedambudziko riri kuuya, kana upenzi hwomunhu oga. Kutambura kunokonzerwa nezvinhu izvi ndiko kuchakurukurwa. Zvisinei, mumwe munhu anogona kutambudzwa nokunzwira vamwe tsitsi kana kurwadziwa nokuona tsika dzisingafadzi Mwari.
Nei Mwari achibvumira kutambura?
Ndiani chaizvo anokonzera kutambura?
Vanhu ndivo vanokonzera kutambura kwakawanda. Vanorwa hondo, vanopara mhosva, vanosvibisa nyika, vanowanzoita zvemabhizimisi vachikurudzirwa nokukara pane kuti vave nehanya nevamwe vanhu, uye dzimwe nguva vanoita zvinhu zvavanoziva kuti zvinokanganisa utano hwavo. Pavanoita izvi, vanozvikuvadza ivo nevamwe. Tingatarisira here kuti vanhu varege kukuvadzwa nezvavanoita? (VaG. 6:7; Zvir. 1:30-33) Zvine musoro here kuti tipe Mwari mhosva pamusana pezvinoitwa nevanhu?
Satani nemadhimoni ake vanokonzerawo kutambura. Bhaibheri rinobudisa pachena kuti kutambura kwakawanda kunokonzerwa nemidzimu yakaipa. Mwari haasi iye anokonzera kutambura kwaanopomerwa nevanhu vakawanda.—Zvak. 12:12; Mab. 10:38; onawo mapeji 336-338 pasi pomusoro unoti “Satani Dhiyabhorosi.”
Kutambura kwakatanga sei? Kuongorora zvakakonzera kutambura kunoita kuti tifunge nezvevabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha. Jehovha Mwari akavasika vakakwana ndokuvaisa muparadhiso. Kudai vakateerera Mwari vaisazomborwara kana kufa. Vangadai vakararama upenyu hwakakwana nokusingaperi. Jehovha akanga asina chinangwa chokuti vanhu vatambure. Asi Jehovha akanyatsoudza Adhamu kuti vaizoramba vachinakidzwa nezvaakanga avapa kana vaizomuteerera chete. Zviri pachena kuti vaifanira kufema, kudya, kunwa, uye kurara kuti varambe vachirarama. Uye vaifanira kuramba vachiita tsika dzinodiwa naMwari kuti varambe vachinyatsonakidzwa noupenyu uye kuti vararame upenyu hwakadaro nokusingaperi. Asi vakasarudza kuita zvavo voga, kuzvisarudzira mitemo yezvakanaka nezvakaipa, saka vakasiya Mwari, Mupi Woupenyu. (Gen. 2:16, 17; 3:1-6) Chivi chakaita kuti vafe. Adhamu naEvha vakabereka vana vatova nechivi, uye vakanga vasingakwanisi kubereka vana vakakwana. Vose vakaberekerwa muchivi, vaine manzwiro okuda kutadza, vasina kusimba zvaizoita kuti varware, vakagara nhaka yechivi chaizoita kuti vafe. Nhasi tose tinotambura munzira dzakasiyana-siyana nokuti vanhu vose vari panyika vakaberekerwa muchivi.—Gen. 8:21; VaR. 5:12.
Muparidzi 9:11 inotaura kuti, “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” zvinokonzerawo zvinoitika kwatiri. Tingakuvara, kwete nokuti Dhiyabhorosi anenge azvikonzera kana kuti mumwe munhu anenge azviita, asi nokuti tange tiri pane imwe nzvimbo panguva isiri iyo.
Nei Mwari asingaiti chimwe chinhu kuti asunungure vanhu? Nei tose tichifanira kutambura pamusana pechimwe chinhu chakaitwa naAdhamu?
MuBhaibheri, Mwari anotiudza zvatingaita kuti tisanyanya kutambura. Akatipa mazano akanakisisa pamusoro poupenyu. Kana tikaashandisa, upenyu hwedu hunova nezvahunoreva, tinova noupenyu hwemhuri hunofadza, tinova noushamwari hwepedyo nevanhu vanonyatsodanana, uye tinodzivirirwa patsika dzinogona kuita kuti titambure nezvinhu zvataikwanisa kudzivisa. Kana tikasateerera mazano iwayo, zvingava zvakarurama here kuti tipomere Mwari kuti ndiye anokonzera kutambura kwatinenge takonzera isu?—2 Tim. 3:16, 17; Pis. 119:97-105.
Jehovha akaita urongwa hwokupedza kutambura kwose. Akasika vanhu vaviri vokutanga vakakwana, uye norudo akavapa zvose kuti vanakidzwe noupenyu. Pavakarega zvavo nemaune kuteerera Mwari, Mwari aisungirwa here kuti apindire kuti adzivirire vana vavo pane zvakanga zvakonzerwa nevabereki vavo? (Dheut. 32:4, 5; Job. 14:4) Sezvatinoziva tose, vanhu vakaroorana vangava nomufaro wokubereka vana, asi vanewo mitoro. Mafungiro nezviito zvevabereki zvine zvazvinoita pavana vavo. Kunyange zvakadaro, achiratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa, Jehovha akatumira mwanakomana wake waanoda kwazvo pasi pano kuti ape upenyu hwake sorudzikinuro, kuti asunungure vana vaAdhamu vaizoratidza kuonga nokutenda rudzikinuro rwacho. (Joh. 3:16) Naizvozvo, vanhu vari kurarama nhasi vanokwanisa kuva nomukana wokuwana zvakaraswa naAdhamu—upenyu hwakakwana somunhu, pasina kutambura, muparadhiso pasi pano. Chokwadi, uhu urongwa hwakazonaka hwokupa!
Onawo mapeji 299-301, pasi pomusoro unoti “Rudzikinuro.”
Asi Mwari ane rudo aizobvumira sei kuti kutambura kupfuurire kwenguva yakareba zvakadaro?
Takabatsirwa here nokuti akakubvumira kusvikira iye zvino? “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Pet. 3:9) Kudai Mwari akaparadza Adhamu naEvha pashure chaipo pokunge vaita chivi, hapana kana mumwe wedu aizodai aripo nhasi. Chokwadi handizvo zvataizoda. Uyewo, kudai pane imwe nguva Mwari akanga aparadza vanhu vose vaitadza, tingadai tisina kuberekwa. Kubvumira kwakaita Mwari kuti vanhu vanotadza varambe varipo kusvikira iye zvino kwakatipa mukana wokuva vapenyu uye wokudzidza nzira dzake, wokuchinja upenyu hwedu, uye wokuita zvinoita kuti tibatsirwe nourongwa hwake hwerudo hwokuti tizorarama nokusingaperi. Kupiwa kwatakaita mukana uyu kunoratidza rudo rwaJehovha rukuru. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akaronga nguva yokuparadza mamiriro ezvinhu akaipa aripo uye achazviita munguva pfupi iri kuuya.—Hab. 2:3; Zef. 1:14.
Mwari anokwanisa uye achabvisa zvinhu zvose zvingawira vashumiri vake mumamiriro ezvinhu aripo iye zvino. Mwari haasi iye ari kukonzera kutambura. Asi kuburikidza naJesu Kristu, Mwari achamutsa vakafa, achaporesa zvirwere zvose zvevaya vanoteerera, achabvisa chivi chose, uye achaita kuti tikanganwe kurwadziwa kwose kwataimboita.—Joh. 5:28, 29; Zvak. 21:4; Isa. 65:17.
Nguva yakapfuura yaidiwa kuti nyaya dzakamutswa muEdheni dzigadziriswe. Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 337, 338, uyewo 345-347.
Somunhu mumwe nomumwe tinoda zvikuru kusunungurwa. Asi Mwari paachagadzirisa zvinhu, achazviitira vose vanoda zvakarurama, kwete vanhu vashoma chete. Mwari haasaruri.—Mab. 10:34.
Mienzaniso: Hachisi chokwadi here kuti mubereki ane rudo angabvumira kuti mwana wake avhiyiwe zvinorwadza nokuti zvinozomubatsira? Uyewo, hachisi chokwadi here kuti “marapiro okupodza ipapo ipapo” zvirwere zvinorwadza kazhinji haarapi zvechigarire? Kazhinji panodiwa nguva yakawanda yokupedza chinokonzera kurwara kwacho.
Nei Mwari asina kukanganwira Adhamu zvichizodzivisa kutambura zvakaoma kuri kuita vanhu?
Chokwadi izvozvo zvingadai zvakadzivisa kutambura here kana kuti zvingadai zvakaita kuti Mwari azova ndiye anokonzera kutambura? Chii chinoitika kana baba vakangorerutsa kukanganisa nemaune kunenge kuchiita vana vavo pane kuti vatore matanho okuvaranga zvakasimba? Kazhinji vana vanoita chikanganiso chimwe chete vozoita chimwezve uye mhosva huru inenge iri yababa vacho.
Saizvozvowo, kudai Jehovha akakanganwira chivi chaAdhamu chaakaita nemaune, angadai akabatanawo naye pakutadza. Izvozvo zvingadai zvisina kutomboita kuti zvinhu zvive nani panyika. (Enzanisa naMuparidzi 8:11.) Uyewo, zvingadai zvakaita kuti ngirozi dzisaremekedze Mwari, uye zvaizoreva kuti paisazova nechikonzero chaicho chokuva netariro yechimwe chinhu chiri nani. Asi izvozvo zvaisazomboitika, nokuti kutonga kwaJehovha kunodzorwa nokururama.—Pis. 89:14.
Nei Mwari achibvumira kuti vana vaberekwe vakaremara zvakaipisisa mumuviri uye vaine pfungwa dzisingatori zvakanaka?
Mwari haakonzeri urema hwakadaro. Akasika vanhu vaviri vokutanga vakakwana, vachikwanisa kubereka vana vakakwana vakafanana navo.—Gen. 1:27, 28.
Takaberekwa tiine chivi chaAdhamu. Izvozvo zvinoita kuti tiremare mumuviri nomupfungwa. (VaR. 5:12; kuti uone mamwe mashoko ona peji 173.) Takagara nhaka chivi ichi kubva panguva yatakanambwa. Ndosaka Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Amai vangu vakandinambira muchivi.” (Pis. 51:5) Kudai Adhamu akanga asina kutadza, unhu hwakanaka chete ndihwo hwaizongopfuudzwa kwatiri. (Kuti uwane dzimwe tsanangudzo dzaJohani 9:1, 2, ona mapeji 169, 170.)
Vabereki vanogona kukuvadza vana vavo vanenge vari mudumbu—somuenzaniso, nokushandisa zvinodhaka kana kuti kusvuta fodya pavanenge vaine nhumbu. Chokwadi, handizvo hazvo kuti nguva dzose amai kana kuti baba ndivo vanenge vaita kuti mwana wavo aberekwe akaremara kana kuti ave noutano husina kunaka.
Jehovha norudo anoita kuti vana vabatsirwe nechibayiro chorudzikinuro chaKristu. Nemhaka yokuti ane hanya nevabereki vanoshumira Mwari vakatendeka, anoona vana vavo vaduku sevatsvene. (1 VaK. 7:14) Izvi zvinoita kuti vabereki vanotya Mwari vangwaririre ukama hwavo hwakanaka naMwari, nokuti vane hanya nevana vavo. Kana vari vechiduku vakura zvokukwanisa kuratidza kutenda uye kuteerera mirayiro yake, Jehovha anovapa ropafadzo yokuva vashumiri. (Pis. 119:9; 148:12, 13; Mab. 16:1-3) Kunyange naJesu uyo akanga akakwana saBaba vake, akaratidza kuti aifarira zvikuru kugara zvakanaka kwevechiduku uye akatomutsa mwana akanga afa. Zvechokwadi acharamba achiita izvozvo ari Mambo Mesiya.—Mat. 19:13-15; Ruka 8:41, 42, 49-56.
Nei Mwari achibvumira “njodzi dzinongoitika dzoga,” dzinokuvadza vanhu uye zvinhu zvakawanda?
Mwari haasi iye anokonzera kudengenyeka kwenyika, madutu, mafashamo, kusanaya kwemvura uye kuputika kwemakomo zvinowanzobuda munhau dzemazuva ano. Haasi kushandisa izvi kuti arange vamwe vanhu. Kazhinji, izvi zvinokonzerwa nemasimba agara aripo kubva pakasikwa nyika. Bhaibheri rakafanotaura nezvokudengenyeka kwenyika kukuru uye kuperevedza kwezvokudya zvemuzuva redu, asi izvozvo hazvirevi kuti Mwari kana kuti Jesu ndivo vanozvikonzera, kungofanana neanoona nezvemamiriro okunze asiri iye anokonzera mamiriro okunze aanenge ataura. Sezvo izvi zviri kuitika panguva imwe chete nezvimwe zvinhu zvose zvakafanotaurwa muchiratidzo chinoumbwa nezvizhinji chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino, izvo zvinoratidzawo kuti zvikomborero zvoUmambo hwaMwari zvava pedyo.—Ruka 21:11, 31.
Vanhu ndivo vanowanzokonzera zvakaipa zvinoitika. Sei? Kunyange kana vakanyeverwa zvakakwana, vanhu vakawanda vanoramba kubva panzvimbo ine ngozi kana kuti vanokundikana kutora matanho anodiwa.—Zvir. 22:3; enzanisa naMateu 24:37-39.
Mwari anogona kudzora masimba akadaro. Akapa Jesu Kristu simba rokunyaradza dutu paGungwa reGarireya, zvichiratidza zvaachazoitira vanhu paanenge ava kutonga saMesiya. (Mako 4:37-41) Nokupira Mwari gotsi, Adhamu akaramba kuti Mwari amubatsire iye nevana vake. Vaya vachapiwa upenyu Kristu paanenge ava kutonga saMesiya vachatarisirwa zvakadaro, zvinogona kuitwa chete nehurumende inopiwa simba naMwari.—Isa. 11:9.
Vanhu vanotambura vari kurangwa naMwari pamusana pezvakaipa zvavanoita here?
Vaya vanotyora mitemo yaMwari yokurarama vanotambura nezvinozoguma zvaitika. (VaG. 6:7) Dzimwe nguva vanokurumidza kukohwa zvakaipa zvavanodyara. Dzimwe nguva vanoita sevari kubudirira kwenguva refu. Kusiyana neizvi, Jesu Kristu, uyo asina kumboita zvakaipa, akaitirwa utsinye ndokuurayiwa. Saka mumamiriro ezvinhu epanguva ino hatifaniri kuona kubudirira sokukomborerwa naMwari kana kuti nhamo sokusafarirwa naye.
Jobho paakarasikirwa nepfuma yake uye paakatambudzwa nechirwere chaisemesa, zvakanga zvisiri pamusana pokuti Mwari akanga asisamufariri. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Satani ndiye akazvikonzera. (Job. 2:3, 7, 8) Asi shamwari dzakauya kuzomuona dzakati nhamo yake yairatidza kuti akanga aita chimwe chinhu chakaipa. (Job. 4:7-9; 15:6, 20-24) Jehovha akavatsiura achiti: “Ndakutsamwira kwazvo iwe . . . nokuti hamuna kutaura chokwadi pamusoro pangu sezvakaita mushumiri wangu Jobho.”—Job. 42:7.
Kutaura zvazviri, vanhu vakaipa vangabudirira kwekanguva. Asafi akanyora kuti: “Ndakaitira shanje vanozvirumbidza, pandaiona rugare rwevanhu vakaipa. Havatombonetseki zvinoita munhuwo zvake, havatambudzwi sevamwe vanhu. Vanozvidza uye vanotaura pamusoro pezvakaipa; vanotaura nezvokubiridzira vachizvikwidziridza. Tarirai! Ava ndivo vakaipa, vanogara zvakanaka nokusingagumi. Ivo vakawedzera zvavanorarama nazvo.”—Pis. 73:3, 5, 8, 12.
Zuva rokuzvidavirira kuna Mwari richauya. Panguva iyoyo acharanga vakaipa, achivaparadza zvachose. Zvirevo 2:21, 22 inoti: “Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.” Zvadaro vakarurama, vakawanda vavo vave vachitambura, vachava noutano hwakakwana uye vachanakirwa nemafashafasha ezvibereko zvepasi.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Nei Mwari achibvumira kutambura kwose uku?’
Ungapindura kuti: ‘Iyoyo inyaya inonetsa tose zvedu. Ndingabvunzawo here, Nei nhasi mabvunza mubvunzo iwoyo?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘(Shandisa mashoko ari pamapeji 172-175.)’ (2) ‘(Taurawo mamwe magwaro anomuzorodza pamamiriro ake ezvinhu anoita kuti atambure.)’
Kana kuti ungati (kana vachinetseka pamusana pokusaruramisira kuri kuitwa munyika): ‘Bhaibheri rinoratidza kuti nei zvinhu izvi zviri kuitika mazuva ano. (Mup. 4:1; 8:9) Maiziva here kuti rinoratidzawo zvichaitwa naMwari kuti atizorodze? (Pis. 72:12, 14; Dhan. 2:44)’
Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: ‘Zviri pachena kuti munodavira muna Mwari. Munotenda kuti Mwari rudo here? . . . Munotenda here kuti akachenjera uye kuti ane masimbaose? . . . Saka anofanira kuva nezvikonzero chaizvo zvokuti abvumire kutambura. Bhaibheri rinoratidza zvikonzero zvacho. (Ona mapeji 172-175.)’