Zviroto
Tsanangudzo: Zvinouya mupfungwa dzemunhu kana kuti zvaanoona mupfungwa paanenge akarara. Bhaibheri rinotaura nezvekurota kunongoita munhu wose, zviroto zvinobva kuna Mwari uye zviroto zvine chokuita nokushopera.—Job. 20:8; Num. 12:6; Zek. 10:2.
Zviroto zvemazuva ano zvine zvazvinonyatsoreva here?
Vanotsvakurudza vakawanei pamusoro pezviroto?
The World Book Encyclopedia (1984, Vol. 5, peji 279) inoti “Munhu wose anorota. Vanhu vakawanda vabva zera vanorota kwemaminitsi 100 mumaawa masere okurara.” Saka kurota chinhu chinongoitwa nevanhu.
Dr. Allan Hobson wepaHarvard Medical School akati: “Zvinhu zvinoreva zvinhu zvakasiyana-siyana zvinogona kutsanangurwa nechero nzira inenge ichidiwa nenyanzvi. Asi zvazvinoreva zvinoenderana neari kutsanangura wacho—kwete chiroto chacho pachacho.” Pachaitaura izvi, chikamu chakanzi, “Science Times” cheThe New York Times chakawedzera kuti: “Vanhu vanokoshesa zviroto, vane nzira dzakawanda dzokuwana zvinorehwa nechiroto, imwe neimwe ichiratidza pfungwa dzakasiyana.—July 10, 1984, peji C12.
Zviroto zvinoita sokuti zvinopa zivo inokosha zvinobva kune mumwe munhu asiri Mwari here?
Jer. 29:8, 9: “Zvanzi naJehovha wemauto . . . : ‘Vaprofita venyu vari pakati penyu nevashoperi venyu ngavarege kukunyengerai, uye musateerera hope dzavo dzavari kurota. Nokuti “vari kukuprofitirai nhema nezita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.’”
Harper’s Bible Dictionary rinoti: “VaBhabhironi vaivimba kwazvo nezviroto zvokuti usiku hwokuti mangwana acho avaida kuzeya zvinhu zvinokosha vairara mutemberi dzavo, vachitarisira kupiwa mazano. VaGiriki vaida kuwana mirayiridzo yaiva nechokuita noutano vairara mututemberi twamwari ainzi Aesculapius [aimiririrwa nomufananidzo wenyoka], uye vaRoma vairara mutemberi dzaSerapis [dzimwe nguva aimiririrwa nomufananidzo wenyoka yakazvimonerera]. VaIjipiti vakanyora mabhuku emhando yepamusoro aidudzira zviroto.”—(New York, 1961), Madeleine Miller naJ. Lane Miller, peji 141.
Kare, Mwari aishandisa zviroto kunyevera, kurayiridza, uye kuprofita, asi achiri kutungamirira vanhu vake saizvozvo here mazuva ano?
Magwaro anotaura nezvezviroto zvakadaro zvakabva kuna Mwari ndeaya: Mateu 2:13, 19, 20; 1 Madzimambo 3:5; Genesisi 40:1-8.
VaH. 1:1, 2: “Mwari, uyo akataura kare kare panguva zhinji uye nenzira zhinji [kusanganisira zviroto] nemadzitateguru edu achishandisa vaprofita, akataura nesu pakuguma kwemazuva ano achishandisa Mwanakomana [Jesu Kristu, ane dzidziso dzakanyorwa muBhaibheri].”
1 VaK. 13:8: “Kana zviri zvipo zvokuprofita [uye pane dzimwe nguva Mwari aiudza vashumiri vake uprofita achishandisa zviroto], zvichagumiswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana iri zivo, ichagumiswa.”
2 Tim. 3:16, 17: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa . . . kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.”
1 Tim. 4:1: “Zvisinei, kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa [dzimwe nguva kunoziviswa muzviroto] nedzidziso dzemadhimoni.”