Zvinodhaka
Tsanangudzo: Shoko rokuti “zvinodhaka” rinotsanangurwa zvakasiyana-siyana. Mune zvichakurukurwa muchikamu chino, zvinodhaka zvinhu zvisiri chikafu, zvinhu zvinochinja pfungwa dzomunhu kwete nechinangwa chokurapa asi zvinoshandiswa nechinangwa chokutiza zvinetso zvoupenyu, kunzwa uchinakidzwa, kana kunzwa uine utano hwakanaka kana uchifara.
Bhaibheri rinorambidza kushandiswa kwezvinodhaka nechinangwa chemafaro here?
Haritauri zvinhu zvakadai seheroin, cocaine, LSD, PCP, mbanje, uye fodya. Asi rinotipa mashoko atinoda kuti tizive zvokuita nezvekusaita kuti tifadze Mwari. Saizvozvowo, Bhaibheri haritauri kuti kushandisa pfuti kuuraya munhu kwakaipa, asi rinorambidza kuponda.
Ruka 10:25-27: “‘Ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?’ . . . ‘“Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose nepfungwa dzako dzose,” uye, “muvakidzani wako sezvaunozviita.”’” (Munhu anenge achinyatsoda Mwari nemweya wake wose nepfungwa dzake dzose here kana achigara achiita zvinhu zvinomuurayisa uye zvinoita kuti pfungwa dzake dzidzimaidzwe? Anenge achida muvakidzani wake here kana achibira vamwe kuti akwanise kuramba achiita tsika yake yokushandisa zvinodhaka?)
2 VaK. 7:1: “Vadiwa, zvatiine zvipikirwa izvi [zvokuva naJehovha saMwari wedu uye Baba vedu], ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (Asi tingatarisira kufarirwa naMwari here kana tichiita nemaune zvinhu zvinosvibisa miviri yedu?)
Tito 2:11, 12: “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unounza ruponeso kuvanhu vemarudzi ose wakaratidzwa pachena, uchitirayiridza kuti tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari nokuchiva kwenyika uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka [“kuzvidzora,” BD] nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Kushandisa zvinodhaka zvinokanganisa mafungiro emunhu kana kuti zvinoita kuti munhu atadze kuzvidzora kunoenderana nezano iroro here?)
VaG. 5:19-21: “Zvino mabasa enyama anooneka, uye ndeaya, . . . kuita zvemidzimu, kuvengana, . . . mitambo yemafaro akanyanyisa, nezvinhu zvakaita seizvi. Ndiri kufanokunyeverai pamusoro pezvinhu izvi. . . . Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (Shoko rechiGiriki rokuti phar·ma·kiʹa, rakashandurwa pano kuti “kuita zvemidzimu,” rinoreva “kupa zvinodhaka.” Duramazwi rinonzi An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine, richitaura nezveshoko iri rechiGiriki, rinoti: “Mune zvouroyi, kushandiswa kwezvinodhaka, zvine simba kana kuti zvisina, kwaiwanzoteverwa nokuteterera nokukumbira masimba ezvemashiripiti, pachishandiswa madumwa akasiyana-siyana, mazango, zvichingodaro, zvichinzi zvaive zvakagadzirirwa kuti munhu aizvishandisa kana kuti murwere asakuvadzwa nemadhimoni, asi kuti zvipe aizvishandisa simba rokuita zvinhu zvemashiripiti uye rokuroya.” [London, 1940, Vol. IV, mapeji 51, 52] Saizvozvowo mazuva ano, vakawanda vanoshandisa zvinodhaka vanoita zvemidzimu kana kuti vanoshamwaridzana nevanozviita, nokuti munhu asingazivi kana kuti anoona nokunzwa zvisipo anobatwa mumusungo wemadhimoni nyore nyore. Enzanisa naRuka 11:24-26.)
Tito 3:1: ‘Zviisei pasi uye teererai hurumende nevanhu vane masimba sevatongi.’ (Munzvimbo dzakawanda, mutemo haubvumiri kuva nezvimwe zvinodhaka kana kuzvishandisa.)
Sezvo zvimwe zvinodhaka zvingabatsira munhu kuti afare, zvinombonyatsokuvadza here?
2 Tim. 3:1-5: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava . . . vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari . . . Usiyane naivava.” (Zviri pachena kuti Bhaibheri rinonyevera nezvokudisa mafaro zvakadaro zvokubva taaisa pokutanga kupfuura kuda kuteerera zvinotaurwa neShoko raMwari uye kufarirwa naye.)
Zvimwe zvinodhaka zvinonzi NARCOTICS zvinoderedza marwadzo uye zvinogona kuita kuti munhu anzwe kugutsikana, asiwo zvinopinda muropa uye zvinogona kuuraya kana zvikashandiswa zvakapfurikidza. Kufemba zvimwe zvinodhaka zvinonzi maSOLVENTS kungaita kuti munhu afare, asiwo kungakanganisa kutaura kwomunhu, kuona, tsandanyama, kuwedzera pakukuvadza kusingarapiki kwazvinoita uropi, chiropa, neitsvo. Zvinodhaka zvinonzi HALLUCINOGENS zvinoita kuti munhu anzwe achifara kwazvo uye sezvinopa simba, asiwo zvinotadzisa munhu kuziva daro, kufunga zvakanaka, kuchinja zvachose unhu hwomunhu, uye kuita kuti munhu angonzwa achida kuzviuraya kana kuuraya.
Zvakadii nembanje—inokuvadza here? Vamwe vanachiremba vanoti inokuvadza
David Powelson, M.D., aimbova mukuru mukuru wezvekurapa pfungwa paCowell Hospital, University of California, Berkeley, pane imwe nguva akatsigira kuti mbanje ishandiswe zviri pamutemo. Pava paya, humwezve uchapupu hwakawanika, akanyora kuti: “Iye zvino ndava kuziva kuti mbanje ndicho chinhu chinodhaka chakaipa kwazvo chatinofanira kukunda: 1. Munhu paanotanga kuishandisa inomukwezva kuti ade kuramba achiishandisa. Anoishandisa anonzwa achifara; haaoni kuti inenge ichimukuvadza sei achichinjwa pfungwa nemafungiro. 2. Munhu akaramba achiishandisa anotanga kuona zvinhu zvisingaitiki sezvinoitika. Pashure pokuishandisa kwegore kana kuti matatu, munhu anotanga kuonekwa kuti pfungwa dzake hadzichatori zvakanaka.”—Executive Health Report, October 1977, peji 8.
Dr. Robert L. DuPont, aimbova mukuru mukuru wesangano rokuUnited States rinonzi National Institute on Drug Abuse, uyo akanga ambotaura achiti mbanje haina ngozi yakanyanya kukura, panguva ichangobva kupfuura akazotaura kuti: “Nyaya iripo ndeyokuti sezvo mazera echiduku ari kunyanya kuishandisa, zviri kuparira ngozi kuutano, ngozi dzacho imbiri kana kudarika. Zvinopedzisira zvaitika kana munhu adhakwa, zvinhu zvakadai sokutyaira kune ngozi kana kuti kusava nehanya nezvinhu zvose. Chimwe chinokuvadzwa muviri. Izvi zvinogona kubva pakukanganiswa kwemapapu evanhu vanosvuta mbanje kusvika pakukanganisa masoja emuviri uye kunyange kenza.”—Montreal Gazette, March 22, 1979, peji 9.
Imwe magazini inonzi Science Digest inotaura mashoko aya anoti: “Kana munhu akagara achisvuta mbanje, nokufamba kwenguva, manerves emuuropi hwake anokanganiswa zvinobva zvaita kuti asakwanisa kunyatsoyeuka, kunyatsofunga zvakanaka, uye zviito zvake zvinokanganiswawo. Kuti uropi hunyatsoshanda zvakanaka, manerves anofanira kunyatsosvitsana mashoko zvakanaka.” Payaitaura zvakabuda pakushandiswa kwakaitwa mbanje pamhuka, yakaenderera mberi ichiti: “Chakanyanya kukanganisika manerves ane chokuita nemafungiro adzo; uye ane chokuita nokuyeuka uyewo maitiro adzo.”—March 1981, peji 104.
Kushandisa mbanje kwakanyanya kuipa here kudarika kunwa doro?
Doro chikafu uye rinoita kuti muviri uwane simba; zvimwe zvinenge zvisingachashandi mumuviri zvinoraswa setsvina. Zvisinei, imwe nyanzvi yakati: “Mbanje chinhu chinodhaka chaizvo, uye tinokanganisa zvikuru patinoienzanisa nedoro.” “Tichienzanisa zvikamu zviduku, mbanje inopfuura doro kakapetwa ka10 000 pakuita kuti munhu adhakwe zvishoma . . . Mbanje inopera mumuviri zvishoma nezvishoma, uye zvinoda mwedzi yakawanda kuti zvainenge yakanganisa zvipere.” (Executive Health Report, October 1977, peji 3) Musiki anoziva masikirwo atakaitwa, uye Shoko rake rinobvumira kuti doro rinwiwe zvine mwero. (Pis. 104:15; 1 Tim. 5:23) Asi anoshorawo kunwa doro zvisina mwero, sokushora kwaanongoita makaro.—Zvir. 23:20, 21; 1 VaK. 6:9, 10.
Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiona kusvuta fodya sechivi chikuru?
Zvinoratidza kusaremekedza chipo choupenyu
Mab. 17:24, 25: “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi . . . anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose.”
“Kune uchapupu hwakawanda zvikuru hunoratidza kuti fodya inodimburira upenyu panzira; izvi zvakanyatsopupurirwa mune zvokurapa.”—Science 80, September/October, peji 42.
Maererano neWorld Health Organization, “vanhu vanosvika mamiriyoni mana vanofa gore negore nezvirwere zvine chokuita nokusvuta fodya, kureva kuti pamasekondi masere panofa munhu mumwe chete.” Mashoko acho anoenderera mberi achiti: “Kubvira muna 1950 kusvika muna 2000, fodya ichange yauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni 60 munyika dzichiri kusimukira, vanhu vakawanda kupfuura vakafa muHondo Yenyika II.”—World Health Organization, Fact Sheet No. 221, April 1999.
Aimbova Munyori Wezvoutano, Dzidzo neMagariro Akanaka Evanhu kuU.S, anonzi Joseph Califano, akati: “Mazuva ano hapana mubvunzo kuti zvechokwadi kusvuta kuzviuraya zvishoma nezvishoma.”—Scholastic Science World, March 20, 1980, peji 13.
Hakupindirani nezvinodiwa naMwari kuti vaKristu vamuitire
VaR. 12:1: “Ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga.”
Mumwe chiremba wokuvhiya wokuUnited States, C. Everett Koop, akati: “Kusvuta midzanga yefodya ndiko chinhu chikuru chiri kukonzera rufu pavanhu asi chiri chinhu chaigona kudziviswa.” (The New York Times, February 23, 1982, peji A1) “Ongororo dzezvokurapa dzinoratidza kuti . . . paavhareji yemakore anorarama munhu, makore anorarama uya asingasvuti anenge akawanda nematatu kana kuti nemana kupfuura uya anosvuta. Makore omunhu anosvuta fodya zvikuru—uya anosvuta mabhokisi maviri kana kupfuura emidzanga pazuva—angatodzika nemasere kana zvichienzaniswa nouya asingasvuti.” (The World Book Encyclopedia, 1984, Vol. 17, peji 430) Zvakakodzera here kuti munhu ashandise upenyu hwake kushumira Mwari uku achiparadza upenyu hwacho zvishoma nezvishoma?
“Kusvuta kunokanganisa kwazvo zvinhu zvakadai semwoyo nemapapu, zvokuti mimwe mishonga inorapa zvimwe zvirwere inoshaya basa kana munhu achisvuta.” (University of Southern California News Service, February 18, 1982) “Kusvuta fodya ndechimwe chinhu chikuru chimwe chete chinokanganisa utano munyika asi chaigona kudziviswa.” (Dr. H. Mahler, mukuru mukuru weWorld Health Organization, muWorld Health, February/March 1980, peji 3) Zvingaita here kuti munhu ati anoda kuitira Mwari basa dzvene uku achikanganisa utano hwake nemaune?
Kusvuta kutyora mutemo waMwari wokuda muvakidzani wedu
Jak. 2:8: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Enzanisa naMateu 7:12.
“Imwe ongororo ichangobva kuitwa . . . yakaratidza kuti vakadzi vane varume vanosvuta asi ivo vasingasvuti, paavhareji vanofa vachiri vaduku nemakore mana pane vaya vane varume vasingasvuti.” (The New York Times, November 22, 1978, peji C5) “Kusvuta uine pamuviri kunoita kuti vana vave nezvirwere vachiri mudumbu zvokuti vanogona kufa vasati vazvarwa kana nguva pfupi vazvarwa.” (Family Health, May 1979, peji 8) Kubata vamwe vomumhuri zvakaipa kudaro kunoratidza zvakajeka kuti munhu anenge asingaiti somuKristu.—Enzanisa na1 Timoti 5:8.
Dzimwe ongororo dzakaratidza kuti munhu anosvuta fodya yake zvishoma nezvishoma panguva yaanenge achisvuta, uya asingasvuti angamanikidzwa kufema chiutsi chacho chinenge chiine tara nenicotine kungofanana nouya anenge agere pedyo naye achisvuta.” (Today’s Health, April 1972, peji 39) Saka munhu asingadi mumwe wake haaratidzi kuti anodawo Mwari.—Ona 1 Johani 4:20.
Mwari akasikirei miti inogadziriswa zvinodhaka kana zvakaipa kuzvishandisa?
Zvinhu zvinowanzoshandiswa zvisirizvo zvine pazvinoshandiswawo zvakanaka. Kungofanana nokushandiswa kunoitwa nhengo dzokubereka nadzo. Zvakafananawo nokushandiswa kwewaini. Marijuana (mbanje) inogadzirwa nemashizha akaomeswa netumaruva twepamusoro twemuti unonzi hemp, muti uyu unogona kugadziriswawo tambo kana machira. Mashizha efodya, anoshandiswa zvisiri izvo nevanosvuta, anogonawo kushandiswa kugadzira mishonga yokuuraya utachiona netwupukanana. Nezvezvinhu zvakawanda zviri pasi pano, pane zvakawanda zvatichiri kuda kuziva kuti zvingashandiswa sei zvakanaka. Kunyange uswa chaiwo hunobatsira kuti ivhu risakukurwe uye kuti ivhu riorere kana risina kurimwa.
Munhu angaitei kana akaedza kurega kusvuta kana kushandisa zvinodhaka asi asingabudiriri?
Chokutanga, kana ukadzidza Bhaibheri uchifungisisa unofanira kuva nechido chakasimba chokufadza Mwari uye kurarama munyika itsva yakarurama. Kana ukaswedera pedyo naye, iye achaswederawo pedyo newe okubatsira.—Jak. 4:8.
Zvinokosha kuti uone kuipa kwokuita zvinhu izvi uye kuti uzvivenge nomwoyo wose. (Pis. 97:10) Unogona kuzviita nokuverengazve mashoko ataurwa muchitsauko chino woafungisisa, kwete kufungisisa mufaro wenguva pfupi ungabva pamiitiro iyi, asi kufungisisa zvinofadza Mwari uye kuti migumisiro yokuita zvakaipa inosemesa sei.
Kana ukanzwa havi yakasimba yefodya kana yokushandisa zvimwe zvinodhaka, nyengetera nemwoyo wose kuna Mwari kuti akubatsire. (Ruka 11:9, 13; enzanisa naVaFiripi 4:13.) Ibva wazviita pakarepo. Uyewo, tora Bhaibheri rako woverenga zvinonzwika, kana kuti taura nomumwe muKristu akakura mune zvokunamata. Muudze zvinenge zvichiitika uye mukumbire kuti akubatsire.