Ukoshi Hunoshanda Hwamashoko Akanaka Kunzanga Yenyu
Munyika yanhasi tinowanzonzwa mufungo unotaurwa, wokuti: “Nheyo dzechiKristu hadzizati dzichishanda. Hadzizomboshandi muchaunga chine mirangariro yakaoma kunzwisisa chanhasi.” Zvisinei, mukurukurirano yakashumwa pakati pomutungamiriri wechiHindu Mohandas K. Gandhi nowaichimbova Mumiriri wehurumende yeBritain weIndia, Lord Irwin, mufungo wakasiana zvikuru wakaratidzirwa. Lord Irwin akabvunza Gandhi chaaifunga kuti chaizova chigadzikiso chezvinetso pakati peGreat Britain neIndia. Gandhi akanhonga Bhaibheri ndokurizarura paganhuro yechishanu yaMateo ndokuti: “Apo nyika yako neyangu zvichawirirana pamusoro pedzidziso dzakavanzarikwa naKristu mune iyi Mharidzo yapaGomo, tichave tagadzikisa zvinetso kwete bedzi zvenyika dzedu asi izvo zvenyika yose.”
Mharidzo iyeyo inotaura nezvokutsvaka umudzimu nokuva munyoro, ano rugare, ane ngoni, mudi wokururama. Inoshora kusati bedzi kuchingova kuponda asi kuva anotsamwira vamwe, husati bedzi huchingova hupombwe asi mifungo yoruchivawo. Inoshorawo zviito zvisine mhaka zvechatanuro zvinoputsanya misha ndokupinza vana muchinetso. Inotizivisawo, kuti: ‘Idai kunyange avo vasingakudii, ipai vanoshaiwa, regai kutonga vamwe mukusava nengoni, batai vamwe sezvamaizoda kubatwa.’ Pangiro yose iyoyi, kana ikashandiswa, ingaparira betsero hombe. Kana munzanga yenyu muna vanhu vakawanda vanodzishandisa, nzanga yenyu ichava iri nani zvikuru!
Zvapupu zvaJehovha ipesvedzero mune iyi nhungamiro. Bhaibheri rinozvidzidzisa kuremekedza roorano. Vana vazvo vanorovedzwa munheyo dzakarurama. Ukoshi hwemhuri hunosimbiswa. Mhuri dzakabatana chipo kunzanga yenyu, kunyange kurudzi rwenyu. Nhau izerwe nemienzaniso yamasimba enyika anoputsanyika apo zvisungo zvemhuri zvinoneta uye utere huchiwedzera. Kana Zvapupu zvaJehovha zvikapesvedzera vanhu vakawanda uye mhuri kurarama mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri, imi muchava nousindimari, utere, uye utsotsi hushoma munzanga yenyu.
Chimwe chezvinetso zvikuru zvatambudza nzanga namarudzi ndechokufungira mano akaipa kwourudzi. Mukusiana, muapostora Petro akati: “Ndinoona kuti Mwari haazati ari musaruri, asi murudzi rwuri rwose munhu uyo anomutya achiita zvakarurama anogamuchirika kwaari.” Uye Pauro akanyora, kuti: “Hakuna muJudha kana kuti muGiriki, hakuna muranda kana kuti munhu akasununguka, hakuna munhurume kana kuti munhukadzi; nokuti imi mose muri munhu mumwe muhumwe naKristu Jesu.” (Mabasa 10:34, 35; VaGaratia 3:28) Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira ikoku. Marudzi ose noruvara vanogara pamwe chete uye vanoshandira pamwe chete padzimbahwe ravo renyika, mumabazu, nomudziungano.
MuAfrica mamwe marudzi haagoni kuvhengana pamwe chete pasina bonderano. Zvisinei, mumagungano eZvapupu zvaJehovha muna, vanhu vanobva mumadzinza akasiana-siana vanodyira pamwe chete, vanovata pamwe chete, uye vanonamatira pamwe chete mutsinhirano yakakwana noushamwaridzani hunofadza. Vakuru vakuru vehurumende vanoshamiswa apo ivo vanoona ikoku. Muenzaniso wechinoitika chinobatanidza chechiKristu chechokwadi wakatsinhirwa pamusoro pawo neAmsterdam News yeNew York yaAugust 2, 1958. Tsinhiro yakakuchidzirwa kupfurikidza nokuona gungano ramarudzi ose rakadudzwa pakuvamba apo vanopfuura Zvapupu zvine rutivi rumwe rwamana rwemirioni zvakaungana muguta reNew York.
“Munzvimbo iri yose maNegro, vachena navokuMabvazuva, vanobva mumigariro yose muupenyu nomumativi ose enyika, vaivhengana nomufaro uye norusununguko. . . . Zvapupu zvinonamata zvinobva munyika 120 zvakagara pamwe chete uye zvakanamatira pamwe chete murugare, zvichiratidza vaAmerica kuti kunogona kuitwa nyore nyore sei. . . . Gungano muenzaniso unopenya wokuti vanhu vanogona kushandira pamwe chete nokugara pamwe chete.”
Vazhinji vangataura havo kuti nheyo dzechiKristu hadzizati dzichishanda nokuda kwenyika ino yazvino uno. Zvisinei, chiizve chimwe chakashanda kana kuti chichashanda? Nheyo dzechiKristu dzinogona kuva dzoukoshi chaihwo kana dzikashandisirwa kunzanga yenyu zvino, uye dzichava hwaro hwokubatanidza ‘marudzi ose, ndudzi, uye madzinza’ mupasi rose muubati ushe hwoUmambo hwaMwari pavanhu.—Zvakazarurwa 7:9, 10.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]
Madzinza ose noruvara vanoshandira pamwe chete
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]
ChiKristu chinoshanda. Chiizve chimwe chakashanda?