Nzira Dzazvinoshandisa Kuazivisa Kwauri
MaKristu anorairwa ku“ita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose,” asi ikoko hakusati kuchireva kuti iwo anofanira kushandisa dzvinyiriro kana kuti kutendeutsa vamwe negombedzero. Kutuma kwaJesu kwakanga kuri kwo“kuzivisa mashoko akanaka kuvanyoro,” ku“sunga vakaputsika mwoyo,” ku“nyaradza vose vanochema.” (Mateo 28:19; Isaya 61:1, 2; Ruka 4:18, 19) Zvapupu zvaJehovha zvinotsvaka kuita ikoku kupfurikidza nokuzivisa mashoko akanaka anobva muBhaibheri. Somuporofita Ezekieri wekare, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoedza kuwana avo vano“gomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza zviri kuitwa.”—Ezekieri 9:4.
Nzira inoisvozivikanwa yazvinoshandisa kuwana avo vanotambudzwa nemigariro iripoyi iri kupfurikidza nokuenda paimba neimba. Nokudaro izvo zvinoita nhamburiko yakananga yokusvika vanhu, sezvakaita Jesu apo “iye akaenda paguta neguta nomusha nomusha, achiparidzira nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” Vadzidzi vake vapakuvamba vakaita nenzira imwe cheteyo. (Ruka 8:1; 9:1-6; 10:1-9) Nhasi, uko kwakunobvira, Zvapupu zvaJehovha zvinotamburira kushanya pamusha kanoverengeka pagore, zvichitsvaka kukurukurirana nasaimba nokuda kwamaminiti mashomanene pamusoro pomusoro wakati womunzvimbomo kana kuti wenyika wefariro kana kuti weitiro hanya. Rugwaro kana kuti maviri rungapiwa nokuda kwerangariro, uye kana fariro ichiratidzirwa nasaimba, Chapupu chingarongedzera kushanyazve panguva yakakodzera nokuda kweimwezve kurukurirano. MaBhaibheri namabhuku anotsanangura Bhaibheri zvinoitwa kuti zviwanike, uye kana saimba achida hake, fundo yapamusha yeBhaibheri inoitiswa pasina mutengo upi noupi. Mukati ma 1988 avhareji yefundo dzeBhaibheri dzine 3 250 000 dzakaitiswa nomutoo iwowo nguva dzose munyika yose.
Imwe nzira iyo “mashoko akanaka oumambo” anoziviswa kuna vamwe nomairi iri kupfurikidza nemisangano inoitirwa muHoro dzoUmambo dzomunzvimbomo. Zvapupu zvaJehovha zvinoitisa misangano imomo vhiki nevhiki. Mumwe musangano unonzi hurukuro yavose pamusoro pomusoro wefariro wazvino uno, ichiteverwa nefundo yomusoro wakati weBhaibheri kana kuti wouporofita, inoshandisa magazini yeNharireyomurindi samanyuko amashoko. Mumwe musangano unonzi chikoro chokurovedza Zvapupu kuva vaparidzi vari nani zvikuru vamashoko akanaka, unoteverwa norutivi rwakapirwa kukukurukura basa rokupupurira mundima yomunzvimbomo. Uyewo, kamwe pavhiki Zvapupu zvinoungana mumisha yazvo, mumapoka maduku, nokuda kwefundo dzeBhaibheri.
Misangano yose iyoyi yakazarukira vanhu vose. Hapana mipiro inombotorwa. Misangano yakadaro inobetsera nokuda kwavose. Bhaibheri rinoti: “Tinofanira kuona kuti mumwe nomumwe wedu angamutsira sei zvakanakisisa vamwe kurudo nokurunako runoshingaira, tisingaregi kuuya kumisangano yedu, sezvinoita vamwe, asi panzvimbo pezvo tikurudzirane, zvikuru kwazvo nokuti munoona Zuva richiswedera pedyo.” Fundo yapachivande nenzvero zviri madikanwa, asika kusangana navamwe kunokuchidzira: “Simbi zvainorodza simbi, naizvozvo mumwe munhu anorodza mano omumwe.”—VaHebheru 10:24, 25; Zvirevo 27:17, The New English Bible.
Zvapupu zvinoitawo kushandiswa kwakanaka kwokutanga nokuda kwokutaura pamusoro pamashoko akanaka sezvazvinosangana navamwe vanhu muupenyu hwazvo hwezuva nezuva. Angava hawo mashoko mashomanene anotsinhanwa nomuvakidzani kana kuti nomurwendo biyazvo pabhazi kana kuti mundege, kutaura kurefu neshamwari kana kuti hama yokunyama, kana kuti kurukurirano nomushandi biyamwe mukati meawa yokudya. Kupupurira kwakawanda kwakaitwa naJesu apo aiveri pasi pano kwakanga kuri kwouru rudzi—sezvo aifamba nomumahombekombe egungwa, akagara mujinga megomo, akadya mumusha womumwe munhu, akapinda muchato, kana kuti akafamba ari muigwa rokuredza hove paGungwa reGarirea. Iye akadzidzisa mumasinagoge napatembere muJerusarema. Kuri kwose kwaakanga ari, aiwana mabanza okukurukura pamusoro poUmambo hwaMwari. Zvapupu zvaJehovha zvinotamburira kutevera tsoka dzake muna ikokuwo.—1 Petro 2:21.
KUPARIDZIRA KUPFURIKIDZA NOMUENZANISO
Hapana neimwe yeidzi nzira dzokukuzivisa nadzo mashoko akanaka yaizova ine revo kwauri kudai uyo anokuzivisa akanga asingashandisiri dzidziso yaizova ine revo kwauri kudai uyo anokuzivisa akanga asingashandisiri dzidziso kwaari amene. Kutaura chimwe chinhu ndokuita chimwe chinhu hunyengeri, uye hunyengeri hworudzidziso hwakatsausa mamirioni paBhaibheri. Bhaibheri rinopomerwa zvisina kururama. Vanyori navaFarise vakanga vanaMagwaro echiHebheru, asi Jesu akavashurikidza savanyengeri. Iye akataura nezvokurava kwavo muMutemo waMosesi, dzokonokei owedzera kuvadzidzi vake, kuti: “Zvinhu zvose zvavanokuudzai, itai ndokuchengeta, asi musaita mukuwirirana namabasa avo, nokuti ivo vanotaura asi vasingaiti.” (Mateo 23:3) Kuva kwomuKristu muenzaniso wokurarama kwakarurama kunoreva zvakawanda zvinopfuura maawa okupa mharidzo. Ikoku kwakaratidzirwa kuvadzimai vechiKristu vakanga vana varume vasingatendi: “Vagowanwa pasina shoko kupfurikidza nomufambiro wavadzimai wavo, nokuda kwokuve vakava zvapupu zvakaona zvomufambiro wenyu wakachena.”—1 Petro 3:1, 2.
Naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kurumbidza mashoko akanaka kuna vamwe neiyi nzirawo: kupfurikidza nokuva muenzaniso mumufambiro wechiKristu wazvinorumbidza kuna vamwe. Zvinoedza ku‘itira vamwe sezvazvaizoda kuti vamwe vazviitirewo.’ (Mateo 7:12) Zvinoedza kuita neiyi nzira navanhu vose, kwete bedzi neZvapupu biyazvo, shamwari, vavakidzani, kana kuti hama dzokunyama. Zvazviri zvisina kukwana, hazvisati zvichigarobudirira kane 100 muzana. Asi chishuvo chemwoyo yazvo kuitira zvakanaka vanhu vose musati bedzi muri mukuvazivisa mashoko akanaka Umambo asiwo mukubetsera pari pose pakunobvira.—Jakobho 2:14-17.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
Vanowanwa pasina shoko
[Mifananidzo iri papeji 20]
Horo dzoUmambo, dzakanaka murongedzero, inzvimbo dzekurukurirano yeBhaibheri
[Mifananidzo iri papeji 22]
Muupenyu hwazvo zvimene hwemhuri, uye muonano navamwe vanhu, Zvapupu zvinoedza zvapachokwadi kuita zvinhu zvazvinoreverera kuna vamwe