Ndivanaani?
Chishuvo cheZvapupu zvaJehovha kuti iwe uve anorovedzana zviri nani zvikuru nazvo. Ungave wakasangana nazvo savavakidzani uye vabatiri biyako kana kuti mune ipi neipi yemibato yezuva nezuva youpenyu. Ungave wakazviona pamugwagwa, zvichigovera magazini azvo kuvapfuuri. Kana kuti ungave wakataura nazvo mukupfupikisa pasuo rako.
Zvamazvirokwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvinofarira iwe negarikano yako. Izvo zvinoda kuva shamwari yako ndokukuudza zvakawanda pamusoro pazvo zvimene, zvitendero zvazvo, sangano razvo, namanzwire azvinoita pamusoro pavanhu nenyika iyo isu tose tinogara mairi. Kuita iri donzo, izvo zvakakugadzirira iri bhurocha.
Munzira zhinjisa Zvapupu zvaJehovha zvakafanana nomunhu ari wosewo zvake. Izvo zvine zvinetso zvazvo—zvomugariro wemari, zvokunyama, zvendangariro. Zvinoita mhosho padzimwe nguva, nokuti izvo hazvina kukwana, hazvina kufuridzirwa, kana kuti hazvizati zviri zvisingakanganisi. Asi zvinoedza kudzidza mune zvinoitika zvazvo uye zvinofunda nokushingaira Bhaibheri kuita kururamisa kunodikanwa. Izvo zvakaita tsauriro kuna Mwari yokuita kuda kwake, uye zvinozvishandisa zvimene kuzadzika iyi tsauriro. Mumibato yazvo yose zvinotsvaka nhungamiro muShoko raMwari nomudzimu mutsvene wake.
Kunokosha zvikuru kwazviri kuti zvitendero zvazvo zvive zvinovakirwa paBhaibheri uye kwete pafungidzirowo zvadzo dzohunhu kana kuti zvitendero zvorudzidziso. Zvinonzwa sokunzwa kwakaita muapostora Pauro apo iye akataura amene mukufuridzirwa, kuti: “Mwari ngaawanwe kuva wechokwadi, kunyange zvazvo munhu ari wose angave anowanwa kuva wenhema.” (VaRoma 3:4, New World Translationa) Pakunouya kudzidziso dzinogoverwa sezvokwadi yeBhaibheri, izvo zvinosimbisa nzira yakateverwa navaBherea apo ivo vakanzwa muapostora Pauro achiparidza: “Ivo vakagamuchira shoko nokudisa zvikurusa kwendangariro, vachisanonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvozvi zvakanga zvakaita saizvozvo.” (Mabasa 17:11) Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti dzidziso dzose dzeBhaibheri dzinofanira kuedzwa neiyi bvumirano naMagwaro, kunyange dzidziso ichigoverwa nazvo kana kuti nomumwe munhuwo zvake. Zvinokukumbira—zvinokukuchidzira—kuita izvozvi mukurukurirano yako nazvo.
Muna ikoku kuri pamhene kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodavira Bhaibheri seShoko raMwari. Zvinorangarira mabhuku aro ane 66 kuva akafuridzirwa uye akarurama munhau. Izvo zvinonongedzera kune inowanzonzi Testamende Itsva saMagwaro echiGiriki echiKristu, uye izvo zvinoidza Testamende Yekare kuti Magwaro echiHebheru. Zvinotsamira pana ose ari maviri Magwaro echiGiriki neechiHebheru uye zvinoarangarira sezvaari chaizvoizvo kunze kweapo mashoko kana kuti kurongwa kunoratidzira nomutoo unooneka kuti ndeokufananidzira kana kuti edimikira. Izvo zvinonzwisisa kuti huporofita huzhinji hweBhaibheri hwakazadzika, humwe huri kuzadzika, uyewo humwe hunomirira kuzadzika.
ZITA RAZVO
Zvapupu zvaJehovha nhai? Hungu, ndokuzviidza kwazvinozviita zvimene. Izita rinorondedzera, rinoratidzira kuti zvinopupurira pamusoro paJehovha, Humwari hwake, namadonzo ake. “Mwari,” “Ishe,” uye “Musiki”—sa“Purezidhendi,” “Mambo,” uye “Mukuru Mukuru”—mazita ezviratidzo uye angashandiswa kuvanhu vanoverengeka vakasiana. Asi “Jehovha” izita rake chairo uye rinonongedzera kuna Mwari wamasimba ose uye Musiki wenzvimbo yose. Irori rinoratidzirwa paPisarema 83:18, mukuwirirana neKing James Version yeBhaibheri: “Kuti vanhu vagoziva kuti imi, mune zita roga bedzi rinonzi JEHOVHA, ndimi wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.”
Zita rokuti Jehovha (kana kuti Yahweh, sokuriidza kunoita Jerusalem Bible reRoma Katurike navamwe vadzidzi vazvino uno) rinooneka kanenge kane 7 000 muMagwaro echiHebheru apakuvamba. MaBhaibheri mazhinji haazati achiriratidzira serakadaro asi anoritsiva nokuti “Mwari” kana kuti “Ishe.” Zvisinei, kunyange mumaBhaibheri iwawa munhu anogona kuziva apo Magwaro echiHebheru apakuvamba anoshandisa Jehovha nokuti munzvimbo idzodzo mashoko anotsiva anonyorwa mumabhii makuru namaduku, neiyi nzira: MWARI, ISHE. Shanduro dzinoverengeka dzazvino uno dzinoshandisa zita rokuti Jehovha kana kuti zvimwe zita rokuti Yahweh. Nokudaro, New World Translation inorava pana Isaya 42:8, kuti, “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.”
Nhauro yaMagwaro iyo Zvapupu zvaJehovha zvinovakira zita razvo iri muganhuro yechi 43 yaIsaya. Ipapo chinoitika chenyika chinorangarirwa sechinoitika chomukamuri redare: Vamwari vamarudzi vanokokwa kuunza zvapupu zvavo kuzobvumikisa mhaka dzavo dzinokambirwa dzokururama kana kuti kuzonzwa zvapupu zvokurutivi rwaJehovha ndokubvuma zvokwadi. Jehovha ipapo anozivisa vanhu vake, kuti: “Imi muri zvapupu zvangu, anodaro Jehovha, nomuranda wangu wandakasarudza; kuti imi mugoziva ndokundidavira, uye kunzwisisa kuti ndini iye: pamberi pangu pakanga pasina Mwari akaumbwa, uyewo pashure pangu hapazati pachizova nomumwe. Ini, kunyange ini, ndini Jehovha; uye kunze kwangu hakuno mumwe muponesi.”—Isaya 43:10, 11, American Standard Version.
Jehovha Mwari akanga ane zvapupu pasi pano mukati mezviuru zvamakore pamberi paKristu. Pashure pokuronga vamwe vavanhu ivavo vokutenda muna VaHebheru ganhuro 11, VaHebheru 12:1 inoti: “Naizvozvo, zvino, nokuti tine gore rakakura kudai rezvapupu rakatikomberedza, ngatibviseiwo chinorema chiri chose nechivi chisingatani kutipinza mumusungo, uye ngatimhanyei netsungiriro nhangemutange yatakaisirwa pamberi pedu.” Jesu ari pamberi paPontio Pirato akati: “Nokuti ini ndakaberekerwa izvozvi, uye ini ndakauyira izvozvi munyika, kuti ndinofanira kupupurira zvokwadi.” Iye anonzi “chapupu chakatendeka nechechokwadi.” (Johane 18:37; Zvakazarurwa 3:14) Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Imi muchagamuchira simba apo mudzimu mutsvene unosvika kwamuri, uye imi muchava zvapupu zvangu mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea mose uye muSamaria uye kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.”—Mabasa 1:8.
Nokudaro, vanhu vanopfuura 3 750 000 nhasi vanozivisa mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu Jesu munyika dzinopfuura 200 vanonzwa kuti ivo vanozvinongedzera nomutoo wakakodzera seZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunokorwa mashoko kweBhaibheri kuri mubhurocha rino kunobva mune iyi shanduro, kutoti kwakaratidzirwa nomumwe mutoo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Zvinokufarira
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Zvakazvitsaurira kuita kuda kwaMwari
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Zvinodavira kuti Bhaibheri iShoko raMwari
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Zitaro rine chokuita nechinoitika chomukamuri redare
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Zvapupu zvinopfuura 3 750 000 zviri munyika dzinopfuura 200
[Mufananidzo uri papeji 4]
Zita chairo raMwari muchiHebheru chekare