Ganhuro 1
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Unofadza!
1. Tinoziva seiko kuti Mwari anoda kuti tive vanofara?
ZVAKAZARURWA ZVAKAPIWA KUNA JOHANE—iri bhuku rinofadza reBhaibheri rinogumisa chinyorwa choumwari nomutoo unofadza. Neiko tichiti “unofadza”? Eya, Munyori weBhaibheri anorondedzerwa sa“Mwari anofara,” uyo anoronzesa “mashoko akanaka ane mbiri” kuna avo vanomuda. Anoda kuti isu tive vanofarawo. Nokudaro, pakuvamba Zvakazarurwa inotisimbisira, kuti: “Anofara ndiye uyo anorava . . . mashoko ouhu uporofita.” Muganhuro yaro yokupedzisira tinoudzwa, kuti: “Anofara ndiye munhu upi noupi anochengeta mashoko ouporofita hwouyu mupumburu wamanyoro.”—1 Timotio 1:11; Zvakazarurwa 1:3; 22:7.
2. Chii chatinofanira kuita kuwana mufaro kupfurikidza nebhuku raZvakazarurwa?
2 Ko isu tinowana sei mufaro kupfurikidza nebhuku raZvakazarurwa? Tinodaro kupfurikidza nokunzvera revo yezviratidzo zvazvo zvakajeka, kana kuti zvipangidzo, uye kuita mutsinhirano nezvazvinazvo. Nhau yamasimba masimba yavanhu nokukurumidza ichasvika mugumo une ngwavaira, apo Mwari naJesu Kristu vanoita rutongeso patsika yakaipa yanhasi, vachiitsiva ne“denga idzva nepasi idzva” umo kunyange “rufu rusati ruchizovamozve.” (Zvakazarurwa 21:1, 4) Ko isu tose hatizati tichida kurarama munyika itsva yakadaro here, murugare rwechokwadi nechengeteko? Tinogona kana tikavaka kutenda kwedu kupfurikidza nefundo yeShoko raMwari, kubatanidza nouporofita hunonyandura hwaZvakazarurwa.
Apocalypse—Chii?
3. Vanhu vazhinji vanofunga kuti Apocalypse neArmagedhoni anorevei?
3 Zvakazarurwa hazvisati zvichinziwo Apocalypse here? Ndizvozvo, “zvakazarurwa” zvairi shanduro yeShona yaa·po·kaʹly·psis murugwaro rechiGiriki. Vanhu vazhinji vanoenzanisira Apocalypse noruparadziko rwenyika runoitwa nehondo yenyukireya. Muguta reTexas, U.S.A., umo zviverengero zvikuru zvembumburu zvenyukireya zvakaitwa, vanhu vakakombamira kurudzidziso vaigara vachiti, “Isu tichave vokutanga kuenda.” Vafundisi vomunharaunda iyeyo vanoshumwa kuve vakave “vanopiswa kuti Armagedhoni haizati bedzi iri isingadzivisiki asi yava pedyowo, uye kuti hondo yokupedzisira pakati pamauto ezvakanaka nezvakashata, aMwari naSatani, ichaitika sokuparadzanya kwenyukireya.”a
4. Ko shoko rokuti “apocalypse” rinorevei chaizvoizvo, uye nei bhuku rokupedzisira reBhaibheri nomutoo wakakodzera richinzi “Zvakazarurwa”?
4 Asika chii chaizvoizvo chiri apocalypse? Kunyange zvazvo dudzira mashoko dzichirirondedzera kupfurikidza nokushandisa mashoko akadai sokuti “ngwavaira yenyika yava pedyo,” a·po·kaʹly·psis yechiGiriki zvikurukuru inoreva “kufudugura” kana kuti “kufukura.” Nokudaro, bhuku rokupedzisira reBhaibheri nomutoo wakakodzera rinonzi “Zvakazarurwa.” Muno tinowana, risati richingovawo zvaro shoko rengwavaira neshurikidzwo yenyika, asi kufukurwa kwezvokwadi dzoumwari dzinofanira kuumba mumwoyo medu tariro yakajeka nokutenda kusingatsuguduki.
5. (a) Ndivanaani vachaparadzwa paArmagedhoni, uye ndivanaani vachapukunyuka? (b) Inguva yemberi yakadini yakaisvonaka inomirira vapukunyuki veArmagedhoni?
5 Chokwadi, Armagedhoni inorondedzerwa mubhuku rokupedzisira reBhaibheri se“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Asi ichava yakasiyana zvikurukuru nokuparadzanya kwenyukireya! Kuparadzanya kwakadaro sezvingabvira kungareva ruparadziko rwoupenyu hwose pasi pano. Mukusiyana nezvo, Shoko raMwari rinopa simbisiro inofadza yokuti vashori vakaipa bedzi vaMwari vachaparadzwa—kupfurikidza namauto anodzorwa naMwari. (Pisarema 37:9, 10; 145:20) Boka guru ravanhu, rinobva mumarudzi ose, richapukunyuka mugumo worutongeso rwoumwari paArmagedhoni. Panguva iyeyo Kristu Jesu achafudza ndokutungamirira ivava kuupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Hauzati uchida kuva mumwe wavo here? Nomutoo unofadza, Zvakazarurwa zvinoratidza kuti ungava akadaro!—Zvakazarurwa 7:9, 14, 17.
Kunzvera Zvakavanzika Zvoumwari
6. Kwamakore, mabhukui akabudiswa neZvapupu zvaJehovha kujekesa Zvakazarurwa?
6 Mukuvamba somuna 1917, Watch Tower Society yakabudisa bhuku rinonzi The Finished Mystery. Irori rakanga riri tsinhiro yendima nendima pamusoro pebhuku reBhaibheri raEzekieri naZvakazarurwa. Ipapo, zvinoitika zvenyika zvazvakapfuurira kuwadzanyurika mukuzadzika kwouporofita hweBhaibheri, bhuku rinowirirana nomusi ramavhoriyamu maviri rinonzi Light rakagadzirwa, richiva rinobudiswa muna 1930. Irori rakagovera kufundwa kunowirirana nomusi kwaZvakazarurwa. Chiedza chakapfuurira ku‘penya nokuda kwavakarurama,’ zvokuti muna 1963 Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa bhuku ramapeji 704 rinonzi “Babylon the Great Has Fallen!” God’s Kingdom Rules! Irori rakapa mumashoko ose oudzame zvikuru nhau yokumuka nokuwa kweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, uye rakagumiswa nokukurukurwa kwamaganhuro mapfumbamwe okupedzisira aZvakazarurwa. Sezvo ‘gwara ravakarurama rakaramba richijeka zvikuru,’ zvikurukuru pamusoro pemibato yeungano, kwakatevera muna 1969 vhoriyamu ramapeji 384, “Then Is Finished the Mystery of God,” iro rakakurukura maganhuro 13 okutanga aZvakazarurwa.—Pisarema 97:11; Zvirevo 4:18.
7. (a) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvakagovera iri bhuku raZvakazarurwa? (b) Iyamuroi dzokudzidzisa dzinogoverwa mubhuku nokuda kwebetsero yavaravi?
7 Neiko rimwe bhuku raitsanangura Zvakazarurwa rakabudiswa uye rakadhindwa panguva ino iripoyi? Mashoko akawanda akatooneka ane mashoko ose oudzame zvikuru, uye ave asati achibvira kushandura ndokuabudisa munyika yose mumitauro mizhinji. Nokuda kwechikonzero ichocho, kwakaonwa kwakakodzera kugovera bhuku pamusoro paZvakazarurwa muvhoriyamu rimwe bedzi uye muchimiro chinogona nomutoo uri nyore kubudiswa muchiverengero chakati kuti chemitauro. Kupfuurirazve, banza rinoshandiswa mune iri vhoriyamu kugovera yamuro dzokudzidzisa, kubatanidza mienzanisiro, machati, nokupeta, zvinofanira kubetsera varavi kunzwisisa zvakajeka revo inofadza youhu uporofita hunoshamisa.
8. Chikonzeroi chinotova chakasimba zvikuru chokubudisa iri bhuku?
8 Chimwe chikonzero chinotova chakasimba zvikuru nokuda kwokubudisa iri bhuku ndiko kudikanwa kwokuwirirana nezvokwadi yazvino. Jehovha ari kupfuurira kujekesa zvikuru revo yeShoko rake, uye tinogona kukarira kuti kunzwisisa kwedu Zvakazarurwa, pamwe chete nohumwe uporofita, kuchakuriswa sezvatinoswedera pedyo zvikuru nedambudziko guru. (Mateo 24:21; Zvakazarurwa 7:14) Kunokosha kuti tive vanosanoziviswa. Muapostora Petro akanyora pamusoro pouporofita hwoumwari, kuti: “Imi muri kuita zvakanaka mukupa ngwariro kwahuri sokurambi rinopenya munzvimbo yerima, kutozosvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase yabuda, mumwoyo yenyu.”—2 Petro 1:19.
9. (a) Pamwe chete nohumwe uporofita, Zvakazarurwa zvinoratidzira kuti Mwari achasikei? (b) Chii chiri nyika itsva, uye ungapukunyuka sei ndokupinda mairi?
9 Zvakazarurwa zvinowedzera chipupuro chazvo kuno humwe uporofita huzhinji hweBhaibheri, zvichiratidzira kuti Jehovha Mwari anoita donzo rokusika matenga matsva nepasi idzva. (Isaya 65:17; 66:22; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-5) Zvikurukuru, shoko razvo rinotaurwa kuna maKristu akazodzwa, awo Jesu akadzikinura neropa rake kuva vabati ushe pamwe chete naye mumatenga matsva. (Zvakazarurwa 5:9, 10) Hunyanguvezvo, aya mashoko akanaka achasimbisawo kutenda kwaawo mamiriyoni anokarira upenyu husingaperi muUmambo hwaKristu. Ko iwe uri mumwe waivava here? Ipapo Zvakazarurwa zvichasimbaradza kariro yako yokurarama muParadhiso, sorutivi rwepasi idzva, nokufarikanywa kworugare rwakawanda, utano hwakasimba, nefashukiro yegadziriro dzaMwari dzisati dzichizotongoguma. (Pisarema 37:11, 29, 34; 72:1, 7, 8, 16) Kana uchida kupukunyuka ndokupinda munyika itsva iyoyo, ndokwokukurumidzira, hungu, kuri madikanwa, kuti iwe upe ngwariro kurondedzero yakajeka yaZvakazarurwa yomugumo unovamba nguva itsva zvino wava pedyo.—Zefania 2:3; Johane 13:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Süddeutsche Zeitung, Munich, Germany, January 24, 1987.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 7]