RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • tp chits. 15 pp. 163-174
  • Huitirei Hanya Vamwe Vanhu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Huitirei Hanya Vamwe Vanhu?
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuremekedza Munhu Nepfuma Yavamwe
  • Kukurira Rusaruro Rwedzinza, Rwourudzi, Rwamagariro Avanhu
  • Kuitira Hanya Kworudo Garikano Isingagumi Yavamwe
  • Kuitira Hanya Chinoitika Kumhuri Yako Umene
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Kupfuura Zvinhu Zvose, Dananai Zvikuru”
    Rambai Makarinda!
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
tp chits. 15 pp. 163-174

Ganhuro 15

Huitirei Hanya Vamwe Vanhu?

1. (a) Chii chakaparira vanhu kutsvaka zvavo vamene ndokusava vanonyanyoitira hanya vamwe? (b) Chii chave chiri muuyo?

KUITIRA HANYA vamwe hakuwanzoitwa nhasi. Kunyange zvazvo munhu ari wose achiberekwa ane simba rokuda, apo vamwe vanotsvaka nomutoo usina kufanira chimuko chavo vamene kana kuti apo nhamburiko dzomunhu amene dzokuratidzira rudo dzinonzwisiswa zvisinokufanira, munhu angasarudza hake kuti zviri nani zvikuru kuti agozvitarisira hake iye amene. Vamwe, vachiona kuti vamwe vanodyeredzera munhu biyavo vanobudirira muzvinhu zvokunyama, vangafunga havo kuti iyeyo ndiyo nzira yokubudirira nayo. Muuyo wacho ndowokuti vanhu vazhinji vano mudzimu wokusavimba uye vane shamwari shomanene chaidzoidzo, kana dziripo. Chii chinoparira mugariro iwowu wokusafara wezvinhu.

2. (a) Bhaibheri rinoratidzira sei chisakiso chechinetso? (b) Ko kuziva Mwari kunorevei?

2 Rudo rwuri kushaika, rudzi rworudo rwunozviratidzira irwo rwumene mukuitira hanya kwapachokwadi garikano inogara nariini yavamwe. Asika neiko rwuri kushaikwa? Richisvika chaizvoizvo pachisakiso chechinetsocho, Bhaibheri rinoti: “Uyo asati achida haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Chokwadi, vanhu vazhinji vanozvitsvakira zvavo vamene vanokambira kudavira Mwari uye kunyange kupinda chechi. Asi idi nderekuti ivo havasati vachiziva zvomenemene Mwari. Kuziva Mwari kunoreva kuva vanosanorovedzana nohunhu hwake, kuziva chiremera chake, dzokonokei kwakuita mukutsinhirana nezvatinoziva pamsoro pake. (Jeremia 22:16; Tito 1:16) Naizvozvo, ipapoka, kuti tiwane kufarikanya kwechokwadi muupenyu hunovapo bedzi apo munhu anoratidzira rudo ndokuruwana, tinofanira kusvika pakusanoziva Mwari ndokushandisa zvatinodzidza.

3. Ko Mwari akaratidzira sei rudo rwake rukuru nokuda kwavanhu?

3 “Kupfurikidza naikoku rudo rwaMwari rwakaratidzirwa muchinoitika chedu, nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga munyika kuti tigowana upenyu kupfurikidza naye,” akanyora kudaro muapostora Johane. “Rudo ruri munaikoku, kusati kuri kuti isu taka[tanga] kuda Mwari, asi kuti iye akatida ndokutumira Mwanakomana wake sechibairo cheyananisiro nokuda kwezvivi zvedu. Vadikanwa, kana ikoku kuri madire akatiita Mwari, isu timene tinogombedzerwa kudanana.” (1 Johane 4:9-11) Mwari haana kurega mufambiro usina rudo wavanhu uchidzivisa rudo rwake amene. Sezvinorondedzerwa pana VaRoma 5:8: “Mwari anorumbidza rudo rwake amene kwatiri mukuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.”

4. Ko ikoko kunoita kuti iwe pachako urangarire sei Mwari?

4 Vanhu vanganiko vaunoda zvikuru zvokuti waizovanzarika upenyu hwako nokuda kwavo—vanhu vasina kutongokuitira chinhu chipi nechipi? Kana uri mubereki, ndiani aripo wawaizova anodisisa kuita kuti mwana wako amufire? Irworwo ndirwo rudzi rworudo urwo Mwari akaratidzira nokuda kwedu. (Johane 3:16) Ko kuziva ikoku kunokuita unzwe sei kuna Mwari? Kana tichionga zvomenemene izvo iye akaita, tichawana kuti hakusati kuri mutwaro kuteerera murairo wake.—1 Johane 5:3.

5. (a) Ndoupi uri “murairo mutsva” uyo Jesu akapa vadzidzi vake? (b) Ko kuzvipira kwedu kuna Mwari somubati ushe kunobatanidzwa sei makuri? (c) Ipapoka, kuteerera kunodei kuno uyu “murairo mutsva”?

5 Pausiku hwapamberi porufu rwake Jesu akapa vadzidzi vake mumwe wemirairo iyoyo. Waizovazivisa savakatsaukana navamwe vasara vose venyika. Iye akati: “Ini ndinokupai murairo mutsva, kuti mudanane.” Murairo waJesu wakanga uri “mutsva” mukuti iye akanga achitaura kuda vamwe, kwete bedzi sokuzvida kwavaiita ivo vamene, asi “kungofanana neni ndakakudai”—kuva vanodisisa kuvanzarika upenyu hwavo nokuda kwomumwe nomumwe. (Johane 13:34, 35; 1 Johane 3:16) Urwu rudzi rworudo runoratidzira kuzvipira kwedu kuna Mwari kupfurikidza nokubvumikisa kutaura kwaDhiabhorosi kwokuti hakuna munhu achateerera Mwari pangozi youpenyu hwake amene kuva kwenhema. (Jobho 2:1-10) Sezvinooneka, kuteerera uyu “murairo mutsva” kunoda kuitirana hanya zvikurukuru.—Jakobho 1:27; 2:15, 16; 1 VaTesaronika 2:8.

6. Ko rudo runoda kuratidzirwa kuna vanaanizve, uye neiko?

6 Asika Kristu akafira nyika yavanhu, vasati bedzi vari vadzidzi vake. Nenzira iyeyo Magwaro anokuchidzira, kuti: “Chero bedzi tine nguva yakanaka nokuda kwako, ngatiite zviri zvakanaka kuna vose, asi zvikurukuru kuno avo vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratia 6:10) Mabanza oku‘ita zvakanaka kuna vose’ anomuka zuva riri rose. Apo rudo rwedu rwunenge rusati rwuchinyima, asi runomwoyo chena norupo, tinotevedzera Mwari, “sezvo iye achibudisira zuva rake pavanhu vakaipa navakanaka uye achinisira mvura pavanhu vakarurama navasinokururama.”—Mateo 5:43-48.

Kuremekedza Munhu Nepfuma Yavamwe

7. Chii chingapesvedzera mabatire atinoita munhu nepfuma yavamwe?

7 Tinorarama pakati penyika isinorudo. Zvimwe unoziva kuti wave usati uchigarova unorangarira vamwe sezvaungadai wave uchiita. Asi kana munhu achizobatira Mwari, pane kudikanwa kwenhamburiko chaiyoiyo yokuti iye ‘ashandure ndangariro yake.’ (VaRoma 12:1, 2) Anodikanirwa kuchinja chimiro chake chendangariro kuno munhu nokupfuma yavamwe.

8. (a) Chii chinoratidzira kuzvidzwa kwakapararira kwepfuma yavamwe? (b) Izanoi riri muBhaibheri, kana rikateverwa, ringadzora munhu pakuita zvinhu zvakadaro?

8 Mune dzimwe nzvimbo muno kuzvidzwa kunokatyamadza kwezviri zvavamwe. Nokuda bedzi kwomufaro, pwere dzinoparadza zvose zviri zviviri pfuma yomunhu amene neyehurumende. Kana kuti nomutoo woune dzinoshatsa zvinhu izvo vamwe vakashanda nesimba kuwana. Vamwe vangaratidzira havo kutyiswa nokuparadza kwakadaro, asi vachikubetsera kupfurikidza nokurasira marara mumapaka, pamigwagwa, kana kuti muzvivako zvavose. Ko zviito izvozvi zvinowirirana nomurairo waJesu, wokuti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, nenzira imwe cheteyo imiwo munofanira kuvaitira” here? (Mateo 7:12) Mufambiro wakadaro usina rudo unoratidzira kuti munhu haasati achiwirirana zvizere nedonzo raMwari rokuti pasi rigova paradhiso.

9. (a) Kuba kunotapura sei upenyu hwavose? (b) Neiko kuba kusina kururama mumeso aMwari?

9 Munzvimbo zhinji, kuitira hanya upenyu hwako nepfuma kunoita kuti masuo arambe akakiiwa neroko, mafafitera akaiswa mipingiridzo, nembwa dzinorinda. Zvitoro zvinokwidza mitengo yokuripira zvinobiwa. Asika kuba hakusati kuchizova nenzvimbo muTsika Itsva yaMwari. Nokuda kwechikonzero ichecho, vapi navapi vanokarira kuvamo vanofanira kudzidza kurarama zvino munzira inopira kukuchengeteka kwavanhu biyavo. Bhaibheri rinoratidzira kuti “chipo chaMwari” ndechekuti munhu a“one zvakanaka nokuda kwebasa rake rose resimba.” Naizvozvo hakuna kururama kuedza kumutorera miuyo yebasa rake. (Muparidzi 3:13; 5:18) Vanhu vazhinji vaiva vasinakutendeseka munguva yakapfuura vakachinja. Havasati vachingorega bedzi kuba asi vakadzidzawo mufaro wokupa kuna vamwe. (Mabasa 20:35) Vane chishuwo chokufadza Mwari, ivo vakafungisisa zvakanyorwa pana VaEfeso 4:28: “Mubi ngaarege kubazve, asi panzvimbo pakwo ngaabate basa nesimba, achiita namaoko ake chiri basa rakanaka, kuti iye agova nechimwe chinhu chokugovera kunomumwe munhu ari kushaiwa.”

10. (a) Kupfurikidza nenzira yatinotaura nayo navamwe, tingagona sei kuratidzira kuvarangarira? (b) Chii chichagona kubetsera munhu kudzidza kuratidzira rudo neiyi nzira?

10 Kazhinji kazhinji, zvikurukuru apo zvinhu zvinoshata, icho vamwe vanhu vanoda hachisati chiri chimwe chinhu chokunyama, asi vanoda mutsa. Zvisinei, chii chinoitika mumigariro apo zvikanganiso zvomunhu zvinooneka? Pangava namashoko okutsamwa, kutaura kwokutuka, kana kuti mashoko anokuvadza. Kunyange apo vamwe vanoziva havo kuti nzira iyi haina kururama vanokundikana kudzora rurimi rwavo. Ko munhu angagona sei kukurira muitiro wakadaro? Zvikurukuru, chinoshaikwa ndirwo rudo, uye ikoku kunoratidzira kudikanwa kwokuziva Mwari. Apo munhu anonzwisisa kuti Mwari akamuitira ngoni zvikuru zvakadini, iye achakuwana kuri kusina kuoma zvikuru kwazvo kukanganwira vamwe. Angatovamba kuona nzira dzokuyamura mutsamwisi, achipa betsero yomutsa mukurangarira kuvandudzika.—Mateo 18:21-35; VaEfeso 4:31–5:2.

11. Neiko tisati tichifanira kuva vanotuka mukutaura kwedu, kunyange apo vamwe vave vasina mutsa kwatiri?

11 Ichokwadi kuti vamwe vanhu vangave vasingashandisi iri zano rakaisvonaka rinobva muShoko raMwari mukubata nesu kwavo. Pasinei hapo nevavariro dzedu dzapachokwadi, isu padzimwe nguva tingazviwana timene kuva vanotukwa navo. Tichaiteiko panguva iyeyo? Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Usazvirega iwe umene uchikurirwa nechakashata, asi ramba uchikurira chakashata nechakanaka.” (VaRoma 12:17-21; 1 Petro 2:21-23) Mutsa unopfuuridzirwa nesu mukufambira mberi kwenguva ungapfavisa chimiro chavo chendangariro ndokuburitsa mavara avo ari nani zvikuru. Chipi kana chipi chiri kuita kwavo, patinopfuurira kuratidzira mutsa, tinoratidzira kuti isu tinotsigira nzira yaMwari yokubata ushe, iri yakavakirwa parudo.

Kukurira Rusaruro Rwedzinza, Rwourudzi, Rwamagariro Avanhu

12, 13. Ko Bhaibheri rinobetsera munhu kubvisa kunzwa kupi nokupi kwedzinza, kworudzi, kana kuti rusaruro rwamagariro avanhu?

12 Munhu ano rudo chairwoirwo haasati achipesvedzerwa nedzinza, ruvara rworukanda, urudzi, kana kuti magarire avanhu. Anokona neiko? Nokuti anonzwisisa zvokwadi yeBhaibheri yokuti “[Mwari] akaita kubva mumunhu mumwe rudzi rwuri rwose rwavanhu.” (Mabasa 17:26) Naizvozvo vanhu vose vanoukama. Hakuna dzinza riri rakakwirira mumuzvarirwo kune rimwe.

13 Hakuna munhu ane chikonzero chipi nechipi chokuzvitutumadza nokuda kwamadzisekuru, dzinza, ruvara, urudzi, kana kuti nzvimbo muupenyu. “Vose vakaita chivi ndokuperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Naizvozvo munhu ari wose anotsamira pachibairo chorudzikinuro chaKristu. Uye Bhaibheri rinoratidzira kuti avo vachaponeswa kupfurikidza nokubuda no“mudambudziko guru” rinouya vanobva mu“marudzi ose nendudzi navanhu nendimi.”—Zvakazarurwa 7:9, 14-17.

14. Neiko chinoitika chomunhu chisati chiri chikonzero chakasimba chokusarura vanhu kana kuti rudzi?

14 Achitamburira kururamisa kusarura kwake, munhu angarangarira chinoitika chakashata chaakava nacho nomumwe munhu werimwe dzinza kana kuti rudzi. Asika munhu ari wose wedzinza iroro akabatanidzwa mune chisina kururama here? Uye vanhu vedzinza rako umene kana kuti rudzi havana kuva nemhaka yechinhu chimwe chetecho chimene here? Kana tichikarira kurarama muTsika Itsva inorugare yaMwari, tinoda kuchenura mumwoyo yedu rudado rupi norupi runokombamira kukutiparadzanisa navamwe vanhu.

15. Kana tsinhiro dzomunhu pamsoro pedzinza kana kuti rudzi dzaizotapura mutendi biyako, ikoku kwaizotapura sei kumira kwake pamberi paMwari naKristu?

15 Chiri mumwoyo yedu padzimwe nguva chinobuda mumiromo yedu. Sokutaura kwakaita Jesu, kuti: “Muromo unotaura zvinobva muzvakawanda zvomwoyo.” (Ruka 6:45) Zvakadiniko kudai mashoko anoratidzira rusaruro aizogumbura mumwe munhu akanga achiratidzira kufarira sangano raJehovha? Nyaya yacho yakakomba zvikuru zvokuti Jesu akanyevera, kuti: “Upi kana upi anogumbusa mumwe wavaduku ava vanodavira, zvaizova zviri nani zvikuru kwaari kudai guyo guru rakadai serinotenderedzwa nembongoro raizosungirirwa mumutsipa wake uye iye ndokukandirwa chaizvoizvo mugungwa.”—Marko 9:42.

16. Ko Jesu akaratidzira sei kusasarura kwatinofanira kuratidzira vamwe vanhu?

16 MaKristu anogombedzerwa kuratidza kufarira kworudo vamwe pasinei hapo nedzinza ravo, urudzi, kana kuti nzvimbo muupenyu. (Jakobho 2:1-9) Sokukurudzira kwakaita Jesu, kuti: “Paunowadza bira, koka vanhu varombo, mhetamakumbo, zvirema, mapofu; uye iwe uchafara, nokuti ivo havane chinhu chokukuripira nacho.” (Ruka 14:13, 14) Kupfurikidza nourwu rudzi rwokufarira kwokutarisira vamwe vanhu, tinoratidzira mavara orudo aBaba vedu vokudenga.

Kuitira Hanya Kworudo Garikano Isingagumi Yavamwe

17. (a) Chii chiri chinhu chinoisvokosha zvikuru chatinogona kugovera vamwe? (b) Neiko tichifanira kunzwa tichisundwa kuita kudaro?

17 Kuitira hanya kwedu vamwe hakusati kuchifanira kuganhurirwa kuzvinoshaikwa zvavo zvokunyama. Uyewo rudo rwedu harwusati rwaizova rwakakwana nemhaka bedzi yokuti isu taiva vane mutsa kumarudzi ose avanhu. Kuti upenyu hugova nerevo chaiyoiyo, vanhu vanodikanirwa kuziva Jehovha namadonzo ake. Mumunyengetero kuna Baba vake vokudenga, Jesu akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kukuzivai kwavo, Mwari wechokwadi bedzi, nouyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3) Kana wakarava bhuku rino kubvira pamavambo, unoziva mawanirwe omubairo iwowo. Wakazvionera umene izvo magwaro anodeya kuzivisa pamsoro pe“dambudziko guru,” noufakazi hunooneka hunosimbisa kuva pedyo kwaro. Unoziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo bedzi tariro yavanhu. Asika kuda Jehovha nomunhu biyako kunokusunda kugovera uku kuziva kunokosha kuna vamwe here?

18. (a) Pana Mateo 24:14, Jesu akazivisa basai nokuda kwezuva redu? (b) Tinofanira kurangarira sei kutora rutivi mariri?

18 Pakutaura nezve“mhedziso yetsika yezvinhu,” Jesu akadeya kuzivisa, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:3, 14) Haiwa, iropafadzo yakadini kumirira Mubati ushe Changamire wechisiko chapose pose, Jehovha amene, apo mumwe anopinda muno uku “kupupurira”! Banza rokutora rutivi mune iri basa rinokosha richiri rakazaruka, asi kusati kuri kwenguva refu zvikurusa.

19. Neiko tisati tichifanira kubvumira kunzwa kupi nokupi kwokushaika kwamano edu timene kutidzivisa kupinda mune iri basa?

19 Pakurangarira kariro yokupinda muno uku “kupupurira kumarudzi ose,” kwakanaka kuziva kuti, haasati ari mano ako umene, asi Mwari anosakisa shoko kuparira miuyo. (Mabasa 16:14; 1 VaKorinte 3:6) Kana uchisundwa nomwoyo unodisa, Jehovha anogona kukushandisa kuita kuda kwake. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro, kuti: “Zvino kupfurikidza naKristu tine rudzi urwu rwechivimbo kuna Mwari. Kusati kuri kuti isu pachedu takakwaniriswa zvakaringanira kuziva chinhu chipi nechipi sechinobva kwatiri timene, asi kuva kwedu takakwaniriswa zvakaringanira kunobva kuna Mwari.”—2 VaKorinte 3:4-6.

20. (a) Ko munhu ari wose achadavidza nomutoo wakarurama kumashoko akanaka here? (b) Kunakai kunoitwa kupfurikidza nokuparidzira kuvanhu vasingaitiri hanya kana kuti vanoshora?

20 Chokwadika, hatisati tichifanira kukarira kuti munhu ari wose achadavidza nomutoo wakarurama. Vazhinji vachava vasingaitiri hanya. Vamwe vachashora. Asi vanogona kuchinja. Sauro weTarso, aichimbova mutambudzi wamaKristu, akava muapostora anoshingaira waJesu. (1 Timotio 1:12, 13) Kunyange vamwe vachikuziva kana kuti vasati, ivo vanoda shoko roUmambo. Naizvozvo tinodikanirwa kuva vanovaitira hanya, tichidisisa kuzvishandisa timene kufambisira mberi garikano yavo inogara narini. (1 VaTesaronika 2:7, 8) Kunyange kana ivo vasingadi havo shoko roUmambo, zvakanaka zvichiri kuitwa. Uchapupu hunopiwa, zita raJehovha rinokudzwa, ‘kuparadzaniswa’ kwavanhu kunoitwa, uye isu tinoratidzira kuvimbika kwedu timene kuna Jehovha.—Mateo 25:31-33.

Kuitira Hanya Chinoitika Kumhuri Yako Umene

21. Ko musoro wemhuri uno mutoroi pamsoro pegarikano yomudzimu weimba yake?

21 Nhamburiko dzako dzokubetsera vamwe kubetserekana negadziriro dzorudo dzaJehovha dzinofanirawo kurereudzirwa kumhuri yako umene. Somuenzaniso, musoro wemhuri uno mutoro nokuda kwokukura mumudzimu kwemhuri yawo. Ikoku kunotapurwa zvakananga kupfurikidza nokutsarukana kwegadziriro dzake dzokukurukurirana kwemhuri Shoko raMwari. Uye apo minyengetero yababa nokuda kwemhuri inoratidzira ukuru hwokuzvipira nokuonga, ikoku kunogona kuumba chimiro chendangariro cheimba yose.

22. Neiko kuri kunokosha kuna baba kuranga vana vavo, uye chii chinofanira kuvasunda?

22 Mutoro wake unobatanidzawo kutarisira chirango. Apo zvinetso zvinomuka, kungaratidzika kuva kuri nyore zvikuru kuzvifuratira. Asi kana chirango chichitarisirwa apo bedzi baba anoshatirwa, kana kuti kana zvinetso zvichitarisirwa bedzi apo zvinova zvakakomba, chimwe chinhu chiri kushaika. Zvirevo 13:24 inoti: ‘Baba anoda mwanakomana wake ndiye uyo anomutarisira nechirango.’ Nokudaro baba anorudo anotarisira chirango nomutoo unopfuurira. Iye nomutoo wokushivira anotsanangura zvinhu kuvana vake uye anorangarira ganhuriro dzendangariro, dzomufungo, nomuviri zvomumwe nomumwe. (VaEfeso 6:4; VaKorose 3:21) Kana uri baba, unorudzi irworwo rworudo nokuda kwavana vako here? Unodisisa kutakura uyu mutoro here, uchisvinurira pasati pachingova bedzi pagarikano yazvino uno asiwo pane yomunguva yemberi yemhuri yako?—Zvirevo 23:13, 14; 29:17.

23. Ko mai vangapira sei kugarikano yomudzimu yemhuri yavo?

23 Uyewo, mudzimai anogona kuita mupiro mukuru kumhuri. Kubatira pamwe kwake nomurume wake nokushandisa kwake kwokuchenjera nguva mukuumba upenyu hwavana munzira youmwari kunowanzoratidzirwa mumufambiro nechimiro chendangariro chavana. (Zvirevo 29:15) Kunyange uko kusina baba mumusha, kudzidzisa kwokungwaririra kunobva muBhaibheri kunova pamwe chete nomuenzaniso wakaisvonaka kunoparira miuyo yakanaka.

24. (a) Kana wanangana nechishoro chinobva kumukwanyina wako weroorano, mudaviri anofanira kuramba achiona chirevoi? (b) Mumigariro yakadaro, rudo rungaratidzirwa sei nokuda kwomukwanyina asingadaviri?

24 Asika zvakadiniko kana baba avo vari mumusha vasati vachigamuchira Shoko raMwari, kana kuti kutotambudza mudzimai wavo? Ko iye anofanira kuitei? Kana achida Jehovha, iye zvamazvirokwazvo haasati achizorinza gotsi rake paAri. NdiSatani uyo akapomera kuti vanhu vaizosiya Mwari kana vakatambudzwa. Zvamazvirokwazvo iye haasati achida kuva anoita chishuvo chaSatani. (Jobho 2:1-5; Zvirevo 27:11) Panguva imwe cheteyo, Bhaibheri rinomukuchidzira kutsvaka garikano inogara narini yomurume wake. Kusiya izvo iye anoziva kuva zvokwadi kwaizoreva kurashikirwa noupenyu husingagumi hwavo vose vari vaviri. Asika kana iye akaramba akasimba mukutenda kwake, angamubetsera kuwana ruponeso. (1 VaKorinte 7:10-16; 1 Petro 3:1, 2) Kupfuurirazve, kupfurikidza nokupfuurira kuremekedza mhiko dzake dzeroorano, kunyange mukutambudzika, iye anoratidzira kuremekedza kwake kukuru Muvambi weroorano, Jehovha Mwari.

25. Ko chisarudzo chomubereki chinotapura sei tariro dzoupenyu hwavana?

25 Chimwe chikonzero chine simba chokuti mubereki anodavira ave akavimbika kuna Mwari pakunangana nechishoro vana. Mwari anosimbisira kuti vana vaduku vavabatiri vake vakazvipira vachachengetwa vachipfuura nomu“dambudziko guru” rinouya. Kunyange kana mubereki mumwe ari mubatiri waJehovha, Iye anorangarira vana vaduku vakadaro sa“vatsvene.” (1 VaKorinte 7:14) Asi kudai mubereki aizo“rega” kuita kuda kwaMwari, zvino ndechipi? Mubereki akadaro aizorega kumira kunotenderwa pamberi paMwari kusati kuchingova kwake amene bedzi asiwo kwavana vaduku. (VaHebheru 12:25) Haiwa, kwaizova kurashikirwa kunosuruvarisa zvakadini!

26. Kuita chinhu nebetsero chaiyoiyo kwatiri timene navamwe, chii chatinodikanirwa kuita?

26 Pasinei hapo norutivi rwoupenyu hwatinorangarira, ipapoka, kunooneka kuti tinodikanirwa kusangozvirangarira timene bedzi, asiwo, vamwe. Tichawana rudo kana tikaratidzira rudo kuna vamwe. (Ruka 6:38) Asika kuratidzira rudo chairwoirwo ndokusatsauswa nokurangarira kusinokutsarukana kwavanhu, tinodikanirwa kuziva Jehovha uye kufarikanya ukama hwakanaka naye. Zvisinei, kuita kwedu saizvozvo kunobatanidza chisarudzo chatinofanira kuita isu pachedu.

[Mufananidzo uri papeji 171]

Rudzi rworudo rwunofanira kuva navabatiri vaJehovha rwunovagombedzera kuratidzira kurangarira chaikoiko vamwe pasinei hapo nedzinza, urudzi, kana kuti nzvimbo muupenyu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe