“Kupfuura Zvinhu Zvose, Dananai Zvikuru”
“Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo. . . . Kupfuura zvinhu zvose, dananai zvikuru.”—1 PETRO 4:7, 8.
JESU aiziva kuti maawa ake mashoma okupedzisira aine vaapostora vake aikosha. Aiziva zvakanga zviri mberi kwavo. Vaiva nebasa guru rokuita, asi vaizovengwa uye vaizotambudzwa, kunyange sezvaakaitwa. (Johani 15:18-20) Kanopfuura kamwe chete vakaungana pausiku ihwohwo hwokupedzisira, akavayeuchidza kudiwa kwokuti va“danane.”—Johani 13:34, 35; 15:12, 13, 17.
2 Muapostora Petro, aivapowo usiku ihwohwo, akanzwisisa pfungwa yacho. Makore akazotevera, achinyora tsamba yake nguva pfupi Jerusarema risati raparadzwa, Petro akasimbisa kukosha kworudo. Akapa vaKristu zano rokuti: “Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo. . . . Kupfuura zvinhu zvose, dananai zvikuru.” (1 Petro 4:7, 8) Mashoko aPetro anokosha kwazvo nokuda kwevaya vari kurarama mu“mazuva okupedzisira” enyika ino. (2 Timoti 3:1) ‘Kudanana zvikuru’ kuita sei? Nei zvichikosha kuti tide vamwe zvakadaro? Uye tingaratidza sei kuti tinodaro?
‘Kudanana Zvikuru’—Kuita Sei?
3 Vakawanda vanofunga kuti rudo manzwiro anofanira kungoitika. Asi Petro akanga asiri kutaura nezvorudzi chero rupi zvarwo rworudo; akanga achitaura nezvorudo rukuru kwazvo. Shoko rokuti “rudo” riri pana 1 Petro 4:8 rakashandurwa kubva pashoko rechiGiriki rokuti a·gaʹpe. Shoko iroro rinoratidza rudo rusina udyire, kana kuti runodzorwa nenhungamiro dzaMwari. Rimwe bhuku rinoti: “Rudo rwaagape runogona kuita zvokurayirwa nokuti harusi pfungwawo zvayo asi nderwokutotsunga kuita zvaunenge wasarudza zvichiita kuti uite chimwe chinhu.” Nokuti takangoberekwa tichida kuita zvinhu noudyire, tinoda kuyeuchidzwa kuti tidanane, tichiita kudaro nenzira dzinotungamirirwa nenhungamiro dzaMwari.—Genesi 8:21; VaRoma 5:12.
4 Izvi hazvirevi kuti tinofanira kudanana nokuti tinosungirwa kuita izvozvo. A·gaʹpe harusi rudo rusina ushamwari uye rwokusafunga nezvevamwe. Petro akati tinofanira ku‘danana zvikuru [kureva kuti, “kutambanuka”].”a (Kingdom Interlinear) Kunyange zvakadaro, rudo rwakadaro runoda kushandirwa. Nezveshoko rechiGiriki rokuti “zvikuru,” imwe nyanzvi inoti: “Rinopa pfungwa yomumhanyi ari kutambanudza tsandanyama sezvaanenge achida simba rokuti apedzise mujaho.”
5 Saka rudo rwedu harufaniri kungoperera pakuita zvatinoona zviri nyore kana kungoruratidzira vashomanana. Rudo rwechiKristu runoda “kutambanudza” mwoyo yedu, kuratidza rudo kunyange pazvinenge zvakaoma kuita kudaro. (2 VaKorinde 6:11-13) Zviri pachena kuti rudo urwu chinhu chatinofanira kushandira zvakaoma, kungofanana nokuzvirovedza kunoita mumhanyi uye kushanda kwaanoita kunatsiridza unyanzvi hwake. Zvinokosha kuti tidanane saizvozvo. Nei? Nokuda kwezvikonzero zvinenge zvitatu.
Nei Tichifanira Kudanana?
6 Kutanga, “nokuti rudo runobva kuna Mwari.” (1 Johani 4:7) Jehovha, Tsime rounhu uhwu hunokwezva, ndiye akatanga kutida. Muapostora Johani anoti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaoneswa kwatiri, nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tiwane upenyu naye.” (1 Johani 4:9) Mwanakomana waMwari ‘akatumwa’ akava munhu, akaita ushumiri hwake, uye akafa padanda rokutambudzikira—zvose izvi zvichiitirwa “kuti tiwane upenyu.” Tinofanira kuitawo sei norudo rwatinoratidzwa naMwari rwakakura kudai? Johani anoti: “Kana aya ari iwo madire akatiita Mwari, ipapo isu tinosungirwawo kudanana.” (1 Johani 4:11) Ona kuti Johani anonyora kuti, “Kana aya ari iwo madire akatiita Mwari”—kwete iwe chete asi isu. Pfungwa yacho yakajeka: Kana Mwari achida vatinonamata navo, tinofanirawo kuvada.
7 Chechipiri, zvinokosha zvikuru kuti tidanane kwazvo iye zvino kuitira kuti tibatsirewo hama dzedu dzinoshayiwa nokuti “mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo.” (1 Petro 4:7) Tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Mamiriro ezvinhu enyika, njodzi dzinongozviitikira, uye kushorwa zvinoita kuti zvinhu zvitiomere. Mumamiriro ezvinhu anoedza, tinofanira kuwedzera kubatana. Kudanana zvikuru kuchatibatanidza uye kuchatikurudzira kuti ‘titarisirane zvakafanana.’—1 VaKorinde 12:25, 26.
8 Chechitatu, tinofanira kudanana nokuti hatidi ku“tendera Dhiyabhorosi nzvimbo” kuti atishandise. (VaEfeso 4:27) Satani anokurumidza kushandisa kusakwana kwevamwe vedu vatinonamata navo—zvavasingakwanisi kuita, zvavanokanganisa, uye zvavanotadza—sezvipingamupinyi. Kana mumwe akataura asina kufunga zvakanaka kana kuti kuita zvinogumbura, izvozvo zvinotiita kuti tibve muungano here? (Zvirevo 12:18) Kwete kana tichidanana zvikuru! Rudo rwakadaro runotibatsira kuchengeta rugare uye kushumira Mwari takabatana “nomwoyo mumwe.”—Zefania 3:9.
Nzira Yokuratidza Nayo Kuti Unoda Vamwe
9 Kuratidza rudo kunofanira kutangira kumba. Jesu akati vateveri vake vechokwadi vaizozivikanwa nokudanana kwavo. (Johani 13:34, 35) Rudo runofanira kuonekwa kwete muungano chete asiwo mumhuri—pakati pomurume nomudzimai uye vabereki nevana. Hazvina kukwana kunzwa tine rudo nevomumhuri; tinofanira kururatidza nedzimwe nzira dzakanaka.
10 Murume nomudzimai vangaratidzana sei rudo? Murume anoda mudzimai wake zvechokwadi anoita kuti iye azvizive nemashoko ake nezviito—pachena nepachivande—kuti anomukoshesa. Anoremekedza chiremera chake uye ane hanya nezvaanofunga, maonero ake, uye manzwiro ake. (1 Petro 3:7) Anokoshesa zvinodiwa nomudzimai wake kupfuura zvake, uye anoita zvose zvaanogona kuti amutarisire pazvinhu zvinodiwa, pane zvokunamata, uye mumanzwiro aanoita. (VaEfeso 5:25, 28) Mudzimai anoda murume wake zvechokwadi anomu“remekedza . . . zvikuru,” kunyange pane dzimwe nguva murume wake asingaiti sezvaanotarisira. (VaEfeso 5:22, 33) Anotsigira mumwe wake uye anozviisa pasi pake, asingarayiri zvinhu zvinoratidza kusanzwisisa, asi achishandira pamwe naye kuti vararame vakaisa pfungwa pazvinhu zvine chokuita nokunamata.—Genesi 2:18; Mateu 6:33.
11 Vabereki, mungaratidza sei kuti munoda vana venyu? Kuda kwenyu kushanda nesimba kuti muvape zvinhu zvokurarama nazvo uchapupu hwokuti munovada. (1 Timoti 5:8) Asi vana havangodi zvokudya, zvokupfeka, nepokugara chete. Kana vachizokura kuti vade uye vashumire Mwari wechokwadi, vanofanira kurovedzwa zvinhu zvine chokuita nokunamata. (Zvirevo 22:6) Izvi zvinoreva kutsvaka nguva semhuri yokudzidza Bhaibheri, kuita ushumiri, uye kupinda misangano yechiKristu. (Dheuteronomio 6:4-7) Kuramba muchiita zvinhu izvi kunoda kuzvipira kwakati kurei, kunyanya munguva dzino dzakaoma. Kuratidza kuva nehanya kwenyu nezvamunoita kuti mutarisire zvinodiwa nevana venyu pakunamata kuratidza rudo, nokuti nokuita izvozvo munoratidza kuti munoda kuti zvivafambire zvakanaka nokusingaperi.—Johani 17:3.
12 Zvinokosha kuti vabereki varatidzewo rudo nokutarisira zvinodiwa nevana vavo mupfungwa. Vana vari mungozi; mwoyo yavo isina kusimba inoda kusimbiswa norudo rwenyu. Vaudzei kuti munovada, uye vadei zvikuru, nokuti kuita izvozvo kunovaratidza kuti vanodiwa uye vanokosha. Varumbidzei noushamwari uye zvepachokwadi, nokuti zvinoita kuti vazive kuti munoona uye munokoshesa zvavanoedza kuita. Varangei norudo, nokuti kuvaruramisa kwakadaro kunovaudza kuti mune hanya nokuti vari kukura kuva munhu rudzii. (VaEfeso 6:4) Kuvaratidza rudo kwose kwakanaka kwakadai kunobatsira kuvaka mhuri inofara, yakabatana, yakagadzirira kutsungirira zvinetso zvemazuva ano okupedzisira.
13 Rudo runoita kuti tisangoti nangananga nezvikanganiso zvevamwe. Yeuka kuti Petro paakanga achikurudzira vaverengi vake kuti “dananai zvikuru,” akataura chikonzero nei izvi zvichikosha achiti: “Nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8) ‘Kufukidza’ zvivi hazvirevi ‘kufukidza’ zvivi zvakakomba. Zvakafanira kuti nyaya dzakadaro dziziviswe uye dzitarisirwe nevane mutoro muungano. (Revhitiko 5:1; Zvirevo 29:24) Kwaisazova kuratidza rudo zvikuru—uye kupesana neMagwaro—kubvumira vanotadza zvakakomba kuramba vachirwadzisa kana kuti kukanganisa vamwe vasina mhaka.—1 VaKorinde 5:9-13.
14 Kazhinji, zvikanganiso zvehama dzedu zvinenge zvisiri zvinhu zvikuru. Tose tinombokanganisa muzviito nemashoko pane dzimwe nguva, tichiodzana mwoyo kana kuti kutorwadzisana. (Jakobho 3:2) Tinofanira kukurumidza kuparadzira zvikanganiso zvevamwe here? Kuita kudaro kunongowedzera kusawirirana muungano. (VaEfeso 4:1-3) Kana tichidzorwa norudo, ‘hatizoiti makuhwa’ pamusoro pehama dzedu. (Pisarema 50:20) Sezvinongoita kupurasita nokupenda izvo zvinovhara pasina kunaka pamadziro, ndizvo zvinoitawo rudo runofukidza kusakwana kwevamwe.—Zvirevo 17:9.
15 Rudo ruchaita kuti tibatsire vaya vanenge vachida kubatsirwa zvechokwadi. Sezvo mamiriro ezvinhu omumazuva okupedzisira anoramba achiwedzera kuipa, pangave nenguva apo hama dzedu dzinoda kubatsirwa nezvinhu chaizvo. (1 Johani 3:17, 18) Somuenzaniso, pane hama yomuungano yedu yakangoona isisawani mari sezvayaisiita kana kuti yapererwa nebasa here? Saka kana zvakadaro dzimwe nguva tinogona kuibatsira nokuipa zvimwe zvinhu pazvinenge zvichiita. (Zvirevo 3:27, 28; Jakobho 2:14-17) Musha weimwe chirikadzi yakura unoda kugadzirwa here? Saka zvimwe tinogona kubatsira kuita rimwe basa racho.—Jakobho 1:27.
16 Kuratidza kwedu rudo kune vamwe hakusi kwokungoitira vaya vanogara pedyo nesu chete. Dzimwe nguva, tinganzwa nezvemishumo yevashumiri vaMwari vari mune dzimwe nyika vakawirwa nemadutu akakomba, kudengenyeka kwepasi, kana kuti kusagadzikana kwevagari vemo. Vangave vachida zvokudya, zvokupfeka, nezvimwe zvinhu. Hazvina basa kana vangava vorumwe rudzi kana kuti rimwe dzinza. Tinoda “sangano rose rehama.” (1 Petro 2:17) Naizvozvo, kufanana neungano dzomuzana remakore rokutanga, tinoda zvikuru kutsigira urongwa hwokuyamura hwakaitwa kuti tibatsire. (Mabasa 11:27-30; VaRoma 15:26) Patinoratidza rudo munzira dzakadaro, tinosimbisa chisungo chinotibatanidza mumazuva ano okupedzisira.—VaKorose 3:14.
17 Rudo runoita kuti tiparidzire mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kune vamwe. Funga nezvomuenzaniso waJesu. Nei akaparidza nokudzidzisa? “Akasiririswa” nemapoka nemhaka yenzara yavo yezvokunamata. (Mako 6:34) Vakanga vasingatarisirwi uye vachitsauswa nevafudzi venhema vechitendero, avo vaifanira kunge vakavadzidzisa chokwadi chaMwari nokuvapa tariro. Naizvozvo, achikurudzirwa norudo rwakadzama, rwomwoyo wose uye tsitsi, Jesu akanyaradza vanhu ne“mashoko akanaka oumambo hwaMwari.”—Ruka 4:16-21, 43.
18 Kunyange nhasi, vanhu vazhinji havasi kuwana zvavanoda mune zvokunamata uye vari kutsauswa uye havana tariro. Kana tikawedzera kufunga nokunzwira tsitsi sezvaiita Jesu vaya vasati vaziva Mwari wechokwadi, tichanzwa tichida kuvapawo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nemhaka yorudo netsitsi. (Mateu 6:9, 10; 24:14) Nemhaka yenguva shoma yasara, iye zvino zvava zvokukurumidzira zvikuru kuti tiparidze shoko iri rinoponesa upenyu.—1 Timoti 4:16.
“Mugumo Wezvinhu Zvose Waswedera Pedyo”
19 Yeuka, Petro paakapa zano rake rokudanana akanga atanga nokuti: “Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo.” (1 Petro 4:7) Munguva pfupi iri kutevera nyika ino yakaipa ichapfuura ichitsiviwa nenyika itsva yaMwari yakarurama. (2 Petro 3:13) Saka nhasi haisi nguva yokuregeredza. Jesu akatinyevera kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu isambova inoremerwa nokudyisa nokunwisa nokufunganya zvoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro rikusvikirei pakarepo seriva.”—Ruka 21:34, 35.
20 Saka nepose patinogona napo ngati‘rambei takarinda,’ tichiramba tichiziva nguva dzatiri. (Mateu 24:42) Ngatingwarirei miedzo yose yaSatani ingagona kutitsausa. Ngatiregei kumbobvumira nyika ino isina ushamwari, isina rudo kutitadzisa kuratidzana rudo. Kupfuura zvose, ngatirambei tichiswedera pedyo naMwari wechokwadi, Jehovha, uyo ane Umambo hwaMesiya huchazadzisa chinangwa chake chine mbiri nokukurumidza nokuda kwepasi rino.—Zvakazarurwa 21:4, 5.
[Mashoko Omuzasi]
a Pana 1 Petro 4:8, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoti tinofanira kudanana “zvechokwadi,” “zvakadzama,” kana kuti “nomwoyo wose.”
MIBVUNZO YECHIDZIDZO
• Izano ripi rokuonekana rakapiwa naJesu kuvadzidzi vake, uye chii chinoratidza kuti Petro akarinzwisisa? (Ndima 1-2)
• ‘Kudanana zvikuru’ kuita sei? (Ndima 3-5)
• Nei tichifanira kudanana? (Ndima 6-8)
• Ungaratidza sei kuti unoda vamwe? (Ndima 9-18)
• Nei ino isiri nguva yokuregeredza, uye tinofanira kutsunga kuitei? (Ndima 19-20)
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mhuri yakabatana yakagadzirira zviri nani kutsungirira zvinetso zvemazuva ano okupedzisira
[Mufananidzo uri papeji 30]
Rudo runoita kuti tibatsire vaya vanonyatsoda kubatsirwa
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kuparidzira vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuratidza rudo