RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 107
  • Stefano Anotakwa Namabwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Stefano Anotakwa Namabwe
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Stefani Akanga Azere Nenyasha dzaMwari Nesimba”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • “Akanga Azere Nekutenda Nemweya Mutsvene”
    Famba naMwari Neushingi
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 107
Stefani ari kunyengetera paari kutemwa nematombo nevarume vakatsamwa

NHAU 107

Stefano Anotakwa Namabwe

MUNHU akagwadama pano ndiStefano. Mudzidzi akatendeka waJesu. Asi tarira chiri kuitika kwaari zvino! Varume ava vari kukandira mazidombo kwaari. Vanovengereiko Stefano zvikuru zvokuti vari kuita chinhu ichi chinotyisa? Ngationei.

Mwari ave achibetsera Stefano kuita manenji anoshamisa. Vanhu ava havazvidi, nokudaro vanopinda munharo naye pamsoro pokudzidzisa kwake vanhu zvokwadi. Asi Mwari anopa Stefano uchenjeri hukuru, uye anoratidzira kuti varume ava vave vachidzidzisa zvinhu zvenhema. Ikoku kunotovatsamwisa kwazvo. Saka vanomubata, ndokudana vanhu kuzoreva nhema pamsoro pake.

Muprista mukuru anobvunza Stefano kuti: ʼZvinhu izvi ichokwadi here?ʼ Stefano anopindura nokukurukura hurukuro yakaisvonaka inobva muBhaibheri. Pamugumo wayo, anozivisa kuvenga kwaiita vanhu vakaipa vaprofita vaJehovha kare kare. Ibvei oti: ʼImi makafanana chaizvo navanhuvo. Makauraya mubatiri waMwari Jesu, uye hamuna kuterera mitemo yaMwari.ʼ

Ikoku kunoita kuti ava vatungamiriri vorudzidziso vatsamwe kwazvo! Vanogeda-geda meno avo mukutsamwa. Asi zvino Stefano anosimudza musoro wake, ndokuti: ʼTarirai! ndinoona Jesu amire kurudyi kwaMwari mudenga.ʼ Pana ikoku, varumevo vanodzivira nzeve dzavo ndokumubata vachimuzvuzvurudzira kunze kweguta.

Pano vanopfekenura nguvo dzavo ndokudzipa jaya Sauro kudzitarisira. Unoona Sauro here? Ipapo vamwe vavanhuvo vanovamba kukandira mabwe kuna Stefano. Stefano anogwadama, sezvaungaona, uye anonyengetera kuna Mwari: ʼJehovha, musavarangira chinhu chakaipa ichi.ʼ Anoziva kuti vamwe vavo vakanyengedzwa navatungamiriri vorudzidziso. Pashure pakwo Stefano anofa.

Apo mumwe munhu anokuitira chinhu chakaipa, unoedza kumukuvadzawo here, kana kuti kukumbira Mwari kuvakuvadza? Handizvo zvakaitwa naStefano kana kuti Jesu. Vaiva nomutsa kunyange kunavasaiva nomutsa kwavari. Ngatiedzei kutevedzera muenzaniso wavo.

Mabasa 6:8-15; 7:1-60.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe