RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 48 pp. 216-219
  • “Akanga Azere Nekutenda Nemweya Mutsvene”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Akanga Azere Nekutenda Nemweya Mutsvene”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • “Stefani Akanga Azere Nenyasha dzaMwari Nesimba”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Stefano Anotakwa Namabwe
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 48 pp. 216-219

48 STEFANI

“Akanga Azere Nekutenda Nemweya Mutsvene”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

STEFANI aingovawo munhu wenyama ane chivi. Asi paakasangana nedambudziko rakaoma, Bhaibheri rinoti: “Chiso chake chakanga chakaita sechengirozi.” Ainge akadzikama, asingatombovhunduki kunyange zvazvo aienda kunomira pamberi pedare reSanihedrini. Dare iroro ndiro rakanga richangobva kutongera Jesu rufu mwedzi mishoma yakanga yapfuura. Zvakafamba sei kuti munhu aiva panguva yakaoma kudaro arambe akadzikama? Aiva neushingi.

Bhaibheri rinoti Stefani akanga “azere nekutenda nemweya mutsvene.” Vaapostora vaiva muJerusarema vaivimba naye zvekuti vakamupa basa raikosha raida kuitwa muungano. Asi rimwe zuva, vamwe vaJudha vakatanga kuitisana nharo naye. Stefani akavapindura zvakasimba zvekuti vakatadza kumukurira. Vakabva vatsamwa vakamuendesa kudare reSanihedrini. Saka Stefani akanga ava kutofanira kutongwa nedare reSanihedrini uye mhosva yaaipomerwa yaigona kutomuurayisa.

Stefani anofanira kunge aiziva nezvevimbiso yaJesu kuvateveri vake vaizosangana nemamiriro ezvinhu akadaro, yekuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pekuti muchataurei; asi taurai zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nekuti hamusi imi munenge muchitaura, asi mweya mutsvene ndiwo unenge uchitaura.” (Mako 13:11) Mashoko iwayo anofanira kunge akabatsira Stefani kuti ave neushingi. Uye achibatsirwa nemweya mutsvene waMwari, ainge akanyatsodzikama ari pamberi pedare reSanihedrini achiita sengirozi.

Dare iri raiva nevatongi 71. Varume ava vaiva vatungamiriri vechitendero chechiJudha, uye vairemekedzwa chaizvo. Vaiungana muzimba rakakura raishamisira chaizvo, uye vaigara vakaita mitsara mitatu vakaita sevari kukomberedza munhu anenge achitongwa. Paivawo nevarume vaviri vainyora zvese zvaitaurwa. Stefani akamiswa pamberi pedare iroro achipomerwa mhosva yekuti aitaura zvakaipa pamusoro peMutemo waMozisi uye pamusoro petemberi. Zvaaipomerwa izvi yaitova mhosva yekuti munhu aigona kutongerwa rufu. Mupristi mukuru Kayafasi akabva abvunza Stefani kuti zvaaipomerwa zvaiva zvechokwadi here.

Stefani akabva atanga kutaura achirondedzera mabatiro aiita Jehovha vanhu vake, achitangira pana Abrahamu. Akataurawo nezvaJosefa, uyo akatambudzwa nevakoma vake, avo vakazova madzitateguru evaIsraeri. Stefani akabva azotaura nezvaMozisi, achiratidza kuti aimuremekedza. Akabuditsa pachena kuti rudzi rwevaIsraeri rwaigara ruchipandukira Mozisi. Akafemerwa kutaurawo zvimwe zvinhu zvakaitika kuna Mozisi zvakanga zvisina kunyorwa muMagwaro echiHebheru.

Zvese zvakataurwa neStefani zvakaratidza kuti ainyatsoremekedza Mutemo wakapiwa Mozisi naJehovha, uyewo zvakaratidza kuti airemekedza tebhenekeri netemberi zvaishandiswa pakunamata kwakachena. Asi mashoko ake airatidzawo kuti vanhu vaMwari vaigara vachipandukira vanhu vainge vatumwa naJehovha kwavari kuti vavatungamirire.

Stefani aifanira kutsanangura zvaainge ava kutenda pamberi pedare raivenga vaKristu uye raida kumuuraya

Stefani akaona kuti varume ivavo vaiva nemwoyo wakaipa vaisazomutonga zvakanaka. Mweya waJehovha wakabva waita kuti Stefani ashinge kutaura mashoko ane simba ekutongwa kwaizoitwa varume ivavo. Akataura kuti vaiva “vanhu vakaoma musoro,” vaigara ‘vachipikisana nemweya mutsvene,’ sezvaingoitwa nemadziteteguru avo. Pamusoro pazvo, vainge vauraya munhu akanga ataurwa nezvake naMozisi kuti aizouya, muprofita mukuru kumudarika. Saka akavaudza kuti vakazosvika pakuva ‘vatengesi uye mhondi’ dzaMesiya uyo akanga akarurama.

Vatongi vedare reSanihedrini vakashatirwa chaizvo vakatanga “kumurumanisira mazino.” Asi Jehovha akabva asimbisa Stefani nekuita kuti aone zvinhu zvaiitika kudenga. Stefani akabva arondedzera zvaaiona achiti: “Onai! Ndiri kuona denga rakavhurika uye Mwanakomana wemunhu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.” Pavakanzwa mashoko iwayo, varume vedare reSanihedrini vakabva vaita kufufutirwa nehasha! Nemhaka yei? Vanofanira kunge vakayeuka mashoko akanga ambotaurwa naJesu mwedzi mishoma yakanga yadarika paakanga akamira pamberi pavo, ekuti: ‘Muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari rune simba.’ (Mat. 26:64) Saka mashoko akataurwa naStefani akanga ava kuratidza kuti mashoko aJesu akanga azadzika. Jesu akanga atova kudenga naJehovha!

Stefani achitaura akadzikama uye aine chivimbo akamira pamberi peSanihedrini. Vatungamiriri vechitendero vari kupopota, vamwe vachivhara nzeve uye vari kumurumanisira mazino paari kutaura.

Pavakanzwa izvi, varume ava vakabata Stefani vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakamutema nematombo. Pavakanga vachimutema nematombo, Stefani anofanira kunge akanga achiri kuona Jesu ari kudenga, uye akabva amukumbira kuti agamuchire simba rake reupenyu. Mashoko ekupedzisira aakataura aiva ekuti: “Jehovha, musavatongera chivi ichi.” Stefani akabva arara murufu. Murume uyu ainge akunda. Ndiye muKristu wekutanga akafira kutenda kwake. Asi pane mumwe murume wechidiki aivapo aibvumirana nekuti Stefani aurayiwe. Murume iyeye haana kumbokanganwa mashoko ekupedzisira akataurwa naStefani. Tichakurukura zvakawanda nezvake muChitsauko 50, 51, ne53.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Mabasa 6:5–8:2

Mubvunzo wekukurukura:

Stefani akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Nei vaapostora vakasarudza Stefani nevamwe varume vakanga vazere nemweya neuchenjeri kuti vaite basa rekupa vanhu zvekudya? (Mab. 6:​3-5; bt 41-42 ¶17-18) Ona mufananidzo A

    Stefani ari kuona nezvebasa riri kuitwa munochengeterwa zvekudya. Hama mbiri dziri kuuya dzakatakura mabhasikiti ane zvekudya uku imwe hama yakagara pasi pamberi payo paine tafura ine chikero ichinyora zvinhu zvaunzwa.

    Mufananidzo A

  2. 2. Mashoko api akataurwa naStefani nezvaMozisi atisingawani mune mamwe magwaro ese? (bt 48 ¶13, mashoko emuzasi)

  3. 3. Nei Stefani akaramba akadzikama paaitambudzwa? (w18.10 32-wcgr)

  4. 4. Mabasa 7:59 inoratidza kuti Stefani akanyengetera kuna Jesu here? (w05 1/1 31-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Stefani akanga azere “nekutenda nemweya mutsvene” uye “nenyasha dzaMwari nesimba.” Asi pasinei naizvozvo, akabvuma kuita basa rekupa vanhu zvekudya. (Mab. 6:​2, 5, 8) Hama dzine unyanzvi uye dzine zvakawanda zvekuita muungano dzingatevedzera sei Stefani? Ona mufananidzo B

    Mifananidzo: 1. Mukuru achipa hurukuro pagungano. 2. Achibvisa sinou panopakirwa mota paImba yeUmambo.

    Mufananidzo B

  • Stefani akanyengeterera vanhu vaimutambudza. Tingaratidzawo sei kuti tinoda vaya vanotipikisa uye vanotitambudza? (Mat. 5:​44-48)

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naStefani?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Nei zvichikufadza kuti Stefani akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?

Dzidza Zvimwe

Ona kuti tingatsanangura sei zvatinotenda neruremekedzo asi tichizviita neushingi sezvakaita Stefani.

“Stefani Akanga Azere Nenyasha dzaMwari Nesimba” (bt 47-50 ¶9-19)

Vashumiri vaJehovha mazuva ano vangaratidza sei ushingi hwaiva naStefani pavanotambudzwa?

Kuratidza Ushingi Patinenge Tichitambudzwa (6:27)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe