RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 106
  • Vanosunungurwa Mutorongo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanosunungurwa Mutorongo
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Hapana Chaigona Kuvamisa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • ‘Vanhuwo Zvavo, Vasina Kudzidza’
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Jehovha Ndiye Mutongi Wedu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 106
Ngirozi inovhura musuo wejeri, kuti vaapostora vabude

NHAU 106

Vanosunungurwa Mutorongo

TARIRA ngirozi yakabata iri suo pano rakazaruka retorongo. Vanhu vairi kusunungura vaapostora vaJesu. Ngatiwanei kuti chii chakatungamirira kukuiswa kwavo mutorongo.

Chave chinguvana bedzi chifo chokudururwa kwomudzimu mutsvene pavadzidzi vaJesu. Uye izvi ndozvinoitika: Petro naJohane vanopinda mutembere muJerusarema pakumwe kudeuka kwezuva. Imomo, pedyo nesuo, panomurume aye akaremara upenyu hwake hwose. Vanhu vanomutakurira pano zuva riri rose kuti agopemha mari kuna avo vanopinda mutembere. Paanoona Petro naJohane, anovapemha kuti vamupe chimwe chinhu. Vaapostora vachaiteiko?

Vanomira ndokutarira munhuyo. Petro anoti: ʼHandina mari, asi ndichakupa chinhu chandinacho. Muzita raJesu, simuka ufambe!ʼ Petro ipapo anobata munhuyo noruoko rworudyi, uye pakarepo anosvetuka ndokuvamba kufamba. Apo vanhu vanoona izvi, vanoshamiswa uye vanofara kwazvo nokuda kweiri nenji rinoshamisa.

Petro anoti: ʼKuri nesimba raMwari, akamutsa Jesu muvakafa, zvokuti taita iri nenji.ʼ Apo iye naJohane vari kutaura, vatungamiriri vamwe vorudzidziso vanosvika. Vatsamwa nokuti Petro naJohane vari kuudza vanhu nezvokuva akamutswa kwaJesu muvakafa. Saka vanovabata ndokuvaisa mutorongo.

Mangwana wacho vatungamiriri vorudzidziso vanova nomusangano mukuru. Petro naJohane, pamwe chete nomunhu wavakaporesa, vanopinzwamo. Vatungamiriri vorudzidziso vanobvunza kuti: ʼMakaita iri nenji nesimbaiko?ʼ

Petro anovaudza kuti kuri nesimba raMwari, akamutsa Jesu muvakafa. Vaprista havazivi chokuita, nokuti havangarambi kuti iri nenji rinoshamisa rakaitika zvomenemene. Saka vanonyevera vaapostora kusachataurazve pamsoro paJesu, ipapo ndokuvarega.

Mazuva zvaanopfuura vaapostora vanopfuurira kuparidza pamsoro paJesu vachiporesa varwere. Mashoko pamsoro pamanenji aya anopararira. Nokudaro kunyange mapoka anobva mumataundi akapoteredza Jerusarema anounzira vaapostora varwere kuti vavaporese. Ikoku kunoita vatungamiriri vorudzidziso vave negodo, saka vanobata vaapostora ndokuvaisa mutorongo. Asika havagarimo nguva refu.

Mukati mousiku ngirozi yaMwari inozarura suo retorongo, sezvaunogona kuona pano. Ngirozi inoti: ʼEndai mundomira mutembere, mugopfuurira kutaura kuvanhu.ʼ Mangwanani acho, apo vatungamiriri vorudzidziso vanotuma vanhu kutorongo kundotora vaapostora, vaenda. Pashure vanhu vanovawana vachiparidza mutembere ndokuvaendesa kuhoro yamakurukota.

Vatungamiriri vorudzidziso vanoti: ʼTakakupai mirairo yorumana yokusachaparidzazve pamsoro paJesu, asi mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu.ʼ Ipapo vaapostora vanoti: ʼTinofanira kuterera Mwari somubati ushe kupinda vanhu.ʼ Nokudaro vanopfuurira kuparidza “mashoko akanaka.“ Hauziri muenzaniso wakaisvonaka here wokuti titevere?

Mabasa ganhuro 3 kusvikira ku 5.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe