RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 95 p. 222-p. 223 ndim. 1
  • Hapana Chaigona Kuvamisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hapana Chaigona Kuvamisa
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Vanosunungurwa Mutorongo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • ‘Hatingaregi Kutaura nezvaJesu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Jehovha Ndiye Mutongi Wedu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 95 p. 222-p. 223 ndim. 1
Petro naJohani vanoparidza neushingi pasinei nekupikiswa nevapristi nevaSadhusi

CHIDZIDZO 95

Hapana Chaigona Kuvamisa

Mumwe murume akanga asingagoni kufamba, aigara pagedhi retemberi zuva nezuva achipemha. Rimwe zuva ari masikati, akaona Petro naJohani vachipinda mutemberi. Akati kwavari: ‘Ndinokumbirawo rubatsiro.’ Petro akati: ‘Ndinogona kukubatsira zviri nani kupfuura kukupa mari. Muzita raJesu, simuka ufambe!’ Petro akamusimudza, uye murume wacho akabva atanga kufamba! Boka revanhu vaivapo rakafara chaizvo zvekuti vakawanda vakava vatendi.

Asi vapristi nevaSadhusi vakatsamwa. Vakabata vaapostora, vakavaendesa kuSanihedrini, dare revatungamiriri vechitendero, uye vakati: ‘Ndiani akakupai simba rekuti muporese murume uyu?’ Petro akati: ‘NdiJesu Kristu, wamakauraya.’ Vatungamiriri vechitendero vacho vakabva vati nenzwi guru: ‘Musataura nezvaJesu!’ Asi vaapostora vakati: ‘Tinofanira kutaura nezvake. Hatisi kuzorega.’

Petro naJohani pavakangosunungurwa, vakabva vaenda kune vamwe vadzidzi uye vakavaudza zvakanga zvaitika. Vakanyengetera vari pamwe chete vachikumbira Jehovha kuti: ‘Tibatsireiwo kuti tive vakashinga kuti tikwanise kuramba tichiita basa renyu.’ Jehovha akavapa mweya wake mutsvene uye vakaramba vachiparidza nekurapa vanorwara. Vanhu vakawanda vakaramba vachiva vatendi. VaSadhusi vakaita godo risingaiti, vachibva vasunga vaapostora ndokuvakanda mujeri. Asi hwava usiku, Jehovha akatuma ngirozi, ikavhura musuwo wejeri uye yakabva yati kuvaapostora: ‘Dzokerai kutemberi munodzidzisa.’

Mangwanani akatevera, dare reSanihedrini rakaudzwa kuti: ‘Jeri rakakiyiwa, asi varume vamakasunga havamo! Vatori mutemberi uye vari kudzidzisa vanhu!’ Vaapostora vakasungwazve ndokuendeswa kuSanihedrini. Mupristi mukuru akati: ‘Takakurayirai kuti murege kutaura nezvaJesu!’ Asi Petro akati: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”

Vatungamiriri vechitendero ivavo vakatsamwa chaizvo zvekuti vaitoda kuuraya vaapostora. Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri akasimuka akati: ‘Ngwarirai! Mwari anogona kunge ari kutsigira varume ava. Muri kuda kurwisana naMwari here?’ Vakabva vabvuma zvaakataura. Vakarova vaapostora neshamhu, vakavarayira zvakare kuti varege kuparidza, uye vakabva vavasunungura. Asi izvozvo hazvina kumisa vaapostora pakuita basa ravo. Vakaramba vachiparidza mashoko akanaka neushingi mutemberi uye paimba neimba.

“Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29

Mibvunzo: Nei vaapostora vasina kurega kuparidza? Jehovha akavabatsira sei?

Mabasa 3:1–4:31; 5:12-42

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe