RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 96
  • Jesu Anoporesa Varwere

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anoporesa Varwere
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anouya saMambo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Pane Nguva Yekushanda Neyekuzorora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • VaKristu Vanofanira Kuchengeta Sabata Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Sabata
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 96
Vatungamiriri vechitendero vakatsamwa vachitarisa Jesu achiporesa mumwe mukadzi

NHAU 96

Jesu Anoporesa Varwere

JESU zvaanofamba munyika yose yose, anoporesa varwere, Mashoko amanenji aya anotaurwa nezvawo mumisha nomumataundi mose. Vanhu vanomuunzira avo vari zvirema, mapofu, matsi navamwe vazhinji vanorwara. Jesu anovaporesa vose.

Anopfuura makore matatu zvino apfuura chifo chokubhapatidzwa kwaJesu naJohane. Uye Jesu anoudza vaapostora vake kuti nokukurumidza achakwira Jerusarema, kwaachauraiwa, ibvei omuka muvakafa. Kurizvino, Jesu anopfuurira kuporesa varwere.

Rimwe zuva Jesu ari kudzidzisa paSabata, zuva rezororo ravaJudha. Mukadzi waunoona pano ave achirwara kwazvo. Kwamakore 18 akanga akafunyana, asingagoni kuti twasu. Nokudaro Jesu anoisa maoko ake paari, uye anovamba kumira. Aporeswa!

Ikoku kunotsamwisa vatungamiriri vorudzidziso. ʼKuna mazuva 6 atinofanira kushanda maari,ʼ mumwe wavo anodanidzira kuboka. ʼIwawo ndiwo mazuva okuuya kuzoporeswa, kwete paSabata!ʼ

Asi Jesu anopindura kuti: ʼImi vanhu vakashata. Aninaani wenyu angasunungura mbongoro yake ndokundoinwisa paSabata. Zvino uyu mukadzi, ave achirwara kwamakore 18, haazaifanira kuporeswa paSabata here?ʼ Kupindura kwaJesu kunonyadzisa vanhu vakaipa ava.

Gare gare Jesu navaapostora vake vanoenda Jerusarema. Pavakanga vava pedyo netaundi reJeriko zvikuru, mapofu mairi aipemha anonzwa kuti Jesu ari kupfuura. Ipapo anodanidzira kuti: ʼJesu, tibetserei!ʼ

Jesu anodanira mapofu kwaari, achiti: ʼMunoda kuti ndikuitireiko?ʼ Anoti: ʼIshe, meso edu ngaasvinudzwe.ʼ Jesu anobata meso avo, uye pakarepo anogona kuona! Unoziva here kuti nei Jesu achiita manenji aya ose anoshamisa? Nokuti anoda vanhu uye anoda kuti vave nokutenda maari. Nokudaro tingava nechokwadi chokuti apo anobata ushe saMambo hakuna munhu pasi pano acharwarazve.

Mateo 15:30, 31; Ruka 13:10-17; Mateo 20:29-34.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe