RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 95
  • Madzidzisire Anoita Jesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Madzidzisire Anoita Jesu
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Chidzidzo Chokuva Nomutsa
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • MuSamariya Anoratidza Kuti Muvakidzani Akanaka
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Zvinorevei Kuva “muSamariya Akanaka”?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • MuSamaria Ane Mutsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 95
MuSamariya akanaka achisunga maronda emuJudha arohwa nematsotsi

NHAU 95

Madzidzisire Anoita Jesu

RIMWE zuva Jesu anoudza mumwe murume kuti anofanira kuda muvakidzani wake. Murume anobvunza Jesu kuti: ʼMuvakidzani wangu ndiani?’ Eya, Jesu anoziva chinofungwa nouyu murume. Murumeyo anofunga kuti vanhu vedzinza rake bedzi norudzidziso ndivo vavakidzani vake. Nokudaro ngationei kuti Jesu anotaurei kwaari.

Dzimwe nguva Jesu anodzidzisa nokutaura nhau. Ndozvaanoita zvino. Anotaura nhau pamsoro pomuJudha nomuSamaria. Tatodzidza kuti vaJudha vazhinjisa havadi vaSamaria. Eya, iyi ndiyo nhau yaJesu:

Rimwe zuva kwaiva nomuJudha aiburuka gomo nomumugwagwa aienda Jeriko. Mbavha dzakamusvetukira. Dzakatora mari yake ndokumurova kusvikira odokufa.

Gare gare, muprista wechiJudha akasvika nomumugwagwawo. Akaona murume arohwa. Unofunga kuti akaitei? Eya, akangotsaukira mhiri kwomugwagwa ndokupfuurira kuenda. Tevere mumwe munhu worudzidziso kwazvo akasvikawo. Aiva Murevhi. Akamira here? Aiwa, haana kumirawo kuti agobetsera munhu arohwa. Ungaona muprista noMurevhi mudaro vachidzika nomugwagwa.

Asi ona uyo ari pano nomurume arohwa. MuSamaria. Ari kubetsera muJudha. Ari kuisa mushonga pazvironda zvake. Pashure pacho, anoenda nomuJudha kunzvimbo kwaangazorora ndokunaya.

Apedza nhau yake, Jesu anoti kumurume akamubvunza mubvunzo: ʼNdoupi wavatatu ava waunofunga kuti akaita somuvakidzani womunhu akarohwa? Aiva muprista, Murevhi kana kuti muSamaria here?ʼ

Murume anoti: ʼMuSamaria. Aiva netsitsi kumurume akarohwa.ʼ

Jesu anoti: ʼZvakanaka. Nokudaro chienda undobata vamwe sezvaakaita.ʼ

Haudi madzidzisire aJesu here? Tingadzidza zvizhinjizhinji kana tikaterera zvinotaurwa naJesu muBhaibheri, hatingagoni here?

Ruka 10:25-37.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe