RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 97
  • Jesu Anouya saMambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anouya saMambo
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mambo Anopinda muJerusarema Akatasva Mwana Wembongoro
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anoporesa Varwere
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mbongoro Inotaura
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Umambo hwaMwari Chii? Nzira Yokuratidza Nayo Kuti Tinohuda
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 97
Jesu akatasva dhongi, uye vanhu vari kusimudza mashizha emichindwe

NHAU 97

Jesu Anouya saMambo

CHINGUVANA pashure pokuporesa mapofu mairi anopemha, Jesu anosvika kukamusha kari pedyo neJerusarema. Anoudza vairi vavadzidzi vake kuti: ʼEndai mumusha uye muchawana mhuru yembongoro. Isunungurei mugouya nayo kwandiri.ʼ

Apo mbongoro inounzwa kwaari, Jesu anoitasva. Tevere anoenda Jerusarema daro pfupi. Paanosvika pedyo neguta, boka guru ravanhu rinobuda kuzosongana naye. Uzhinji hwavo hunobvisa mabhachi avo ndokuawadza pamugwagwa. Vamwe vanocheka matavi emichindwi pamichindwi. Vanoaisawo pamugwagwa, vachidanidzira kuti: ʼMwari komborerai mambo anouya muzita raJehovha!ʼ

Kare kare muna Israeri madzimambo matsva aizopinda muJerusarema akatasva mhuru yembongoro kuzviratidzira vamene kuna vanhu. Ndozviri kuita Jesu. Uye vanhu ava vari kuratidzira kuti vanoda Jesu kuva mambo wavo. Asika handi vanhu vose vanomuda. Tingaona izvi pane chinoitika apo Jesu anoenda kutembere.

Kutembere Jesu anoporesa vanhu vari mapofu nezvirema. Apo vana vaduku vanoona izvi, vanodaidzira rumbidzo kuna Jesu. Asika ikoku kunotsamwisa vaprista, uye vanoudza Jesu kuti: ʼUnonzwa zvinotaurwa navana here?ʼ

ʼHungu,ʼ Jesu anopindura. ʼHamuna kutongorava muBhaibheri here panoti: “Mwari uchabudisa rumbidzo mumiromo yavana vaduku?ʼ” Nokudaro vana vanopfuurira kurumbidza mambo waMwari.

Tinoda kuva savana ivavo, hatidi here? Vamwe vanhu vangaedza kutidzivisa kutaura pamsoro poumambo hwaMwari. Asi tichapfuurira kuudza vamwe pamsoro pezvinhu zvinoshamisa zvichaitirwa vanhu naJesu.

Yakanga isiri nguva yokuti Jesu avambe kubata ushe samambo paaiveri pasi pano. Ichasvika riini nguva iyi? Vadzidzi vaJesu vanoda kuziva. Tichadzidza pamsoro pakwo gare gare.

Mateo 21:1-17; Johane 12:12-16.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe