RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 66
  • Jezebheri—Mambokadzi Akaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jezebheri—Mambokadzi Akaipa
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mambokadzi Akaipa Anorangwa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Yava Nguva Yokusarudza Pauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Akatsungirira Zvinhu Zvakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Unoona Kururamisira Sezvakunoitwa naJehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 66

NHAU 66

Jezebheri—Mambokadzi Akaipa

MAMBO Jerobhoami afa, mambo mumwe nomumwe anobata ushe umambo hwendudzi 10 hwokumusoro hwaIsraeri akaipa. Mambo Ahabhi akaipisisa. Unoziva kuti nei here? Chimwe chikonzero chikuru mudzimai wake, Mambokadzi akaipa Jezebheri.

Jezebheri haaziri mukadzi wechiIsraeri. Mwanasikana wamambo weSidhoni. Anonamata mwari wenhema bhaari, uye anoitawo kuti Ahabhi navaIsraeri vazhinji vanamate Bhaari. Jezebheri anovenga Jehovha uye anouraya vaprofita vake vazhinji. Vamwe vanotofanira kuvanda mumapako kuti vasaurawe. Kana Jezebheri achida chimwe chinhu, angatouraya munhu kuti achiwane.

Rimwe zuva Mambo Ahabhi akasuruvara kwazvo. Nokudaro Jezebheri anomubvunza kuti: ‘Makasuruvareiko nhasi?’

Ahabhi anoti: ‘Nokuda kwezvakataurwa kwandiri naNabhoti.’ ‘Ndaida kutenga munda wake wemizambiringa. Asi akandiudza kuti handingautengi.’

‘Musaore mwoyo,’ anodaro Jezebheri. ‘Ndichakutorerai iwo.”

Nokudaro Jezebheri anonyora tsamba dzinoenda kuna vamwe varume vakuru vomuguta uko uyu murume Nabhoti anogara. ‘Torai varume vakaisvoipa vandotaura kuti Nabhoti atuka Mwari namambo,’ anovaudza kudaro. ‘Ipapo budisai Nabhoti kunze kweguta ndokumutaka namabwe afe.’

Nokukurumidza apo Jezebheri anonzwa kuti Nabhoti afa, anoti kuna Ahabhi: ‘Zvino endai mundotora munda wemizambiringa.’ Unobvumira here kuti Jezebheri anofanira kurangirwa kuita chinhu chakaipa kudaro?

Nokudaro, munguva yakati: Jehovha anotuma Jehu kundomuranga. Jezebheri paanonzwa kuti Jehu ari kuuya anozodza meso ake achiedza kuzvinatsa kuti agotsvinda. Asi apo Jehu anosvika ndokuona Jezebheri muwindi, anodanidzira kuvarume vari mumba yoUshe kuti: ‘Mukandirei pasi!’ Vanomukandira pasi, uye anofa. Aya ndiwo magumo aMambokadzi akaipa Jezebheri.

1 Madzimambo 16:29-33; 18:1-4; 21:1-16; 2 Madzimambo 9:30-37.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe