RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 65
  • Umambo Hunokamukana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo Hunokamukana
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo Hwakapatsanurwa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jehovha Haazosiyi Vakavimbika Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 11—1 Madzimambo
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Aigona Kunge Akafarirwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 65
Muprofita Ahija achibvarura nguo yake paari kutaura naJerobhoamu

NHAU 65

Umambo Hunokamukana

UNOZIVA here kuti nei uyu murume achibvaruranya nguvo yake? Jehovha akamuudza kukuita. Murume uyu muprofita waMwari Ahija. Unoziva chiri muprofita here? Munhu anoudzwa naMwari pachinenguva mberi chichaitika.

Ahija pano ari kutaura kuna Jerobhoami. Jerobhoami ndiye akaiswa naSoromoni mukutarisirwa kwokuitwa kwerimwe rebasa rake rokuvaka. Apo Ahija anosangana naJerobhoami pano panzira, Ahija anoita nenji. Anopfekenura nguvotsva yaakapfeka ndokuibvarura kuva twumicheka 12. Anoudza Jerobhoami kuti: ʼZvitorere twumicheka 10.ʼ Unoziva here kuti nei Ahija achipa Jerobhoami twumicheka 10?

Ahija anotsanangura kuti Jehovha achatorera Soromoni umambo. Anotaura kuti Jehovha achapa ndudzi 10 kuna Jerobhoami. Izvi zvinoreva kuti ndudzi mbiri bedzi dzichasiirwa mwana waSoromoni Rehobhoami kuti abate ushe padziri.

Apo Soromoni anonzwa zvakaudzwa Jerobhoami naAhija, anotsamwa kwazvo. Anoedza kuuraya Jerobhoami. Asi Jerobhoami anotizira Egipita. Pachinguvana Soromoni anofa. Akava mambo kwamakore 40, asi zvino mwana wake Rehobhoami anoitwa mambo. Zasi muEgipita Jerobhoami anonzwa kuti Soromoni afa, nokudaro anodzokera Israeri.

Rehobhoami haaziri mambo kwaye. Anotova noutsinye kuvanhu kupinda baba vake Soromoni. Jerobhoami navamwe varume vanokosha vanondokumbira Mambo Rehobhoami kuva akanaka kuvanhu. Asi Rehobhoami haatereri. Idika, anotova noutsinye kwazvo kupinda nakare. Nokudaro vanhu vanoita Jerobhoami mambo pandudzi 10, asi ndudzi mbiri dzokwaBhenjamini naJudha dzinochengeta Rehobhoami samambo wadzo.

Jerobhoami haadi kuti vanhu vake vaende Jerusarema kundonamata patembere yaJehovha. Nokudaro anoita mhuru mbiri dzendarama ndokuita kuti vanhu voumambo hwendudzi 10 vadzinamate. Nokukurumidza nyikayo inozadzwa noutsinye namasimba masimba.

Muumambo hwendudzi mbiri munovawo nechinetso. Asingasviki makore 5 Rehobhoami ava mambo, mambo weEgipita anouya kuzorwisana neJerusarema. Anotora pfuma zhinji mutembere yaJehovha. Nokudaro kunongova bedzi kwenguva pfupi uko tembere inoramba yakafanana napayakavakwa.

1 Madzimambo 11:26-43; 12:1-33; 14:21-31.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe