RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 67
  • Jehoshafati Anovimba naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehoshafati Anovimba naJehovha
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anodzivirira Jehoshafati
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mwoyo Wako Uchabatsirwa Nezvinhu Zvakanyorwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Ona Vamwe Semaonerwo Avanoitwa naJehovha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 67
Vaimbi vari pamberi pemauto aJehoshafati

NHAU 67

Jehoshafati Anovimba naJehovha

UNOZIVA here kuti varume ava ndivanaani nechavari kuita? Vari kundorwa, uye varume vari pamberi apo vari kuimba. Asika ungati: ʼNeiko vaimbi vasina minondo namapfumo okurwa nawo?ʼ Ngationei.

Jehoshafati ndimambo woumambo wendudzi mbiri dzaIsraeri. Anorarama panguva imweyo naMambo Ahabhi naJezebheri voumambo hwendudzi 10 hwokumusoro. Asi Jehoshafati ndimambo akanaka, uye baba vake Asa vaivawo mambo akanaka. Saka kwamakore mazhinji vanhu voumambo hwendudzi mbiri hwokuzasi vanofarikanya upenyu hwakanaka.

Asi zvino chimwe chinhu chinoitika chokutyisa vanhu. Nhume dzinoshuma kuna Jehoshafati kuti: ʼUto guru rinobva kunyika dzeMoabhi, Amoni neGomo reSeiri riri kuuya kuzokudenhai.ʼ VaIsraeri vazhinji vanoungana paJerusarema kuzotsvaka betsero yaJehovha. Vanoenda kutembere, uye ikoko Jehoshafati anonyengetera: ʼ0 Jehovha Mwari wedu, hatizivi chokuita. Hatinesimba rokurwisana neiri uto guru. Tinovimba nemi nokuda kwebetsero.ʼ

Jehovha anoterera, anoita kuti mumwe wavabatiri vake audze vanhu kuti: ʼHondo haizi yenyu, asi ndeyaMwari. Imi hamungafaniri henyu kurwa. Ingoonai bedzi, mugoona kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha.ʼ

Nokudaro mangwanani Jehoshafati anoudza vanhu kuti: ʼVimbai naJehovha!ʼ Ibvei obudisira vaimbi pamberi pamasoja ake, uye zvavanofora vanoimba rumbidzo kuna Jehovha. Unoziva here kuti chii chinoitika pavanosvika pedyo nehondo? Jehovha anorwisanisa masoja omuvengi pakati pao amene. Uye panosvika vaIsraeri, musoja womuvengi ari wose afa!

Jehoshafati akanga asina kuchenjera here mukuvimba naJehovha? Tichava vakachenjera kana tikavimbawo Naye.

1 Madzimambo 22:41-53; 2 Makoronike 20:1-30.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe