Fundo 19
Kushandisa Chikoro Kuvandudza Ushumiri Hwomumunda
1. Pakugadzirira hurukuro dzedu dzavadzidzi, chinangwai chechikoro chatinofanira kurangarira?
1 Chimwe chezvinangwa zvikuru zveChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ndechokutibetsera kuva vanobudirira zvikuru muushumiri hwomumunda. Rangarira izvozvo paunenge uchigadzirira migove yako. Usangofarira kuwana zivo chete, asiwo kuti zivo iyoyo unogona kuishandisa sei mukuparidza kwako nokudzidzisa muushumiri hwomumunda.
2. Kurovedza hurukuro dzavadzidzi kungaitwa sei kuitira kupa uchapupu?
2 Vamwe vanoshandisa zvakanaka zvakananga migove yavo kupfurikidza nokuirovedza apo vanenge vane shamwari, vavakidzani, vadzidzisi vechikoro, mitezo isingatendi yemhuri uye vamwe vangateerera. Izvi zvinoita kuti zvinhu zvinoverengeka zviitwe. Mudzidzi anogona kuona kuti vamwe vanoita sei uye anogona kugadziridza hurukuro yacho kuti ive nani. Uyewo, izvi zvinogona kunyandura kufarira Bhaibheri kwomumwe munhu apo anocherechedza mashoko anokosha anenge achipiwa. Inogona kuva nzira yokumukoka nayo kupinda chikoro choushumiri. Vanhu vazhinji vakatangiswa kuenda kuHoro yoUmambo nouyu mutoo. Chimwe Chapupu muJapan chakahwirudzura rutivi rwacho rwepurogiramu yechikoro choushumiri pamberi pomutezo wechechi wachakaitira shanyo chaiyo. Musoro wake waiti “Vanhu vaMwari vanorayiridzwa kubuda mu‘Bhabhironi.’” Mukadzi wacho akaratidzira fariro ndokubvuma fundo yeBhaibheri.
3. Chii chichanyandura kushandisa kwedu zvatinonzwa muchikoro muushumiri hwomumunda?
3 Funga maererano nebasa romumunda. Muchikoro choushumiri unonzwa mashoko akawanda akaisvonaka, uye mazhinji awo anogona kushandiswa zvakananga muushumiri hwomumunda. Papurogiramu yacho tinokurukura nhau dzakadai sezvikonzero zvokudavira Bhaibheri, mhinduro dzemibvunzo yedzidziso, kuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri, kutsanangurwa kwemagwaro akati, uye kuti nheyo dzeBhaibheri dzinogona kushandiswa sei muupenyu hwezuva nezuva. Tsvaka kuzarura mikana yokushandisa nayo mashoko awa mubasa romumunda. Haufaniri kumirira kuti mumwe munhu abvunze mubvunzo pamusoro pawo. Kana zvakakodzera, mutsa nhau yacho iwe umene. Izvi zvicharoverera mashoko acho pandangariro yako umene uye zvichakuita kuti uve anochinjika zvikuru muushumiri.
4. Chikoro chinogona sei kutibetsera kuvandudza mukushandisa kwedu Bhaibheri?
4 Kushandisa Bhaibheri zvakananga rutivi rwakatanhamara rwebasa redu. Asi vamwe vaparidzi vanonetseka nokuvhura magwaro akakodzera nokukurumidza. Ndozvaunoita here? Kana zvakadaro, chikoro chinogona kukubetsera kufambira mberi zvakasimba. Sei? Vhura Bhaibheri rako pamwe nemukurukuri ari wose pachikoro choushumiri. Apo mukurukuri anorava rugwaro, nguva dzose rutsvake muBhaibheri rako umene. Sezvaunoramba uchitsvaka magwaro, uchasvika pakuaziva zvakanaka uye uchadzidza kwokuawana chaiko. Chinodikanwa kurovedza, uye unogona kuwana rovedzo iyoyo, kwete bedzi apo unenge uri muushumiri hwomumunda, asi vhiki iri yose paunopinda chikoro. Uyewo, unogona kubetserwa nefundo inoitwa navakurukuri vose. Vanosarudza magwaro akananga zvikurusa pamisoro yavakagoverwa. Sezvaunorava pamwe nevakurukuri unodii kutara mutsara pasi pechikamu chinokosha chemagwaro iwawo aunodavira kuti ungada kushandisa muushumiri hwako umene? Ungadawo kuanyora, pamwe chete nenhau yacho, mukati mebutiro reBhaibheri rako. Neiyi nzira uchazviwana zviri nyore kushandisa muushumiri hwomumunda zvauri kudzidza muchikoro.
5, 6. Kushandisa marongero chaiwoiwo nokuda kwehurukuro dzedu kuchatibetsera sei?
5 Paunenge uchigadzirira hurukuro yako, kusarudza marongero nokungwarira kuchakubetserawo kuwana betsero dzechikoro muushumiri hwako hwomumunda. Pazvinenge zvichibvira, shandisa mamiriro ezvinhu chaiwo anosanganwa nawo muushumiri. Padzimwe nguva ungawana kuti hurukuro yako yakakodzera mharidzo yapaimba neimba kana kuti kupupura kusina kurongwa. Pane dzimwe nguva ingava inoshanda zvikuru sekurukurirano yeshanyo yedzokerero. Kana kuti zvichida inogona kuva kurukurirano inovakirwa papfundo ringamuka pafundo yeBhaibheri yapamusha. Nguva dzose edza kuita kuti mamiriro acho ezvinhu ave chaiwoiwo. Unogona kuwedzera kuita kuti hurukuro yako ive chaiyoiyo padzimwe nguva nokuronga kuti saimba arambe zvaunotaura. Ipapo unogona kuratidza nzira yokugonana nayo nemamiriro iwayo ezvinhu. Hurukuro dzakakodzera mamiriro ezvinhu oushumiri hwomumunda hadzifaniri kutungamirira kukukurumidza kubudirira nguva dzose; zvinokoshawo kuratidza nzira yokugonana nayo nokusafarira.
6 Apo unogoverwa rutivi rwasaimba, unogonawo kubetserwa pamusoro poushumiri hwomumunda. Shandisa mukana uno kuedza kunzwisisa mafungire avanasaimba, uye chikonzero nei vachimutsa zvirambidzo zvavanoita. Kuedzesera kwako kuva saimba akadaro chaiyeiye, uye kucherechedza nzira iyo mukurukuri ari kudzidza anogonana nayo nemamiriro acho ezvinhu, kuchabetsera kukurovedza kuva anobudirira zvikuru muushumiri.
7. Kuitira kuti tifambire mberi nguva dzose, tingatsvaka kuvandudza papfundoi muushumiri hwedu mukati mevhiki imwe neimwe?
7 Apo hurukuro inenge ichibva muBhuku Rinotungamirira reChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, nzvera murayiridzo wacho nomurangariro wokuvandudza ushumiri hwako umene, hungava hwapaimba neimba kana kuti kune imwe nzvimbo. Unodii kuita iroro pfundo guru rokuvandudza muushumiri hwako vhiki iyoyo? Somuenzaniso, apo hurukuro inenge iri pamusoro pokudikanwa kwomusoro, zvibvunze kana mharidzo yako muushumiri hwomumunda ine musoro chaizvoizvo. Unoita kuti ubude zvakajeka kwazvo zvokuti vanasaimba vanoubata zvakasimba mundangariro pashure pokunge wataura kwavari here? Kana zvisina kudaro, shandira kuita saizvozvo vhiki iyoyo. Ipapowo uchanzwa mashoko anobata nokurava uye kushandisa magwaro. Sezvaunoteerera hurukuro iyi, nzvera kushandisa kwaunoita magwaro. Unoaravira saimba usingaatsananguri here? Unobatanidza sei ndima dzacho nomusoro wako? Unoashandisa sei kuna saimba? Kunzvera kwakadaro kunogona kubetsera kuvandudza kurava kwako nokushandisa magwaro. Hurukuro yacho iri pamusoro pokushandiswa kwemienzaniso here? Unogona sei kuvandudza kushandisa kwako mienzaniso? Kana kuti zvichida hurukuro yacho ichava iri pamusoro pokudzidzisa pafundo yeBhaibheri yapamusha. Nzvera mitoo yako umene kuti uone mashandisire aunogona kuita mashoko iwawo pakudzidzisa pafundo yako umene yeBhaibheri yapamusha, uye kuite vhiki iyoyo. Neiyi nzira, uchave uchishandisa zvaunodzidza muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari kuita kuti ushumiri hwako hwomumunda huve nani.
8. Apo tinenge tiri mubasa romumunda, tingazvipa sei zano nenzira inobetsera?
8 Nzvera mharidzo yako umene. Muchikoro unonzwa zano richipiwa nguva dzose uye unocherechedza kubetsera kwaro. Mutariri wechikoro angasava pamwe chete newe pasuo muushumiri hwomumunda, asi unodii kuuita muitiro kuzvipa zano? Apo unopedza kutaura nasaimba uchifamba kuenda pamusha unotevera, zvibvunze kuti: Chii chandingagona kuva ndaita kuti ndibudirire zvikuru? Ndichiziva zvandave kuziva zvino, kudai ndaigona kuitazve shanyo iyoyo, chii chandaizoita zvakasiyana? Kunzvera kwakadaro kungakubetsera zuva iroro chairo, nemhaka yokuti ungasangana nemamiriro ezvinhu akafanana pane mumwe musha. Kana ukauita muitiro kunzvera mharidzo dzako sezvaunoshanda, uchafambira mberi zvakatsiga. Chokwadika, paunenge uchishanda pamwe chete nomumwe muparidzi, unogonawo kukumbira mumwe wako zvikarakadzo.
9, 10. Chii chingaitwa mumarusando apamusha ekurovedza kutibetsera kushandisa mumunda zvatinodzidza pano?
9 Mutoo wakaisvonaka zvikuru wokuvandudza nawo kubudirira kwemharidzo dzako ndewokudzirovedza nevamwe, uye ipapo dzinzverei pamwe chete. Unogona kuzviita nemitezo yemhuri yako umene kana kuti pamwe chete navamwe vari muungano. Vaite kuti vatore rutivi rwavanasaimba, vachimutsa zvirambidzo zvinozivikanwa. Apo zvirambidzo zvinomutswa, zvibate kana uchiziva mabatirwe azvo. Kana usingazivi, mira ndokuwana zvikarakadzo kuna avo varipo. Ipapo pfuurira, uchishandisa dzimwe dzepfungwa dzinenge dzapiwa. Apo unopedza, nzverai pamwe chete kubudirira kwezvaitwa. Marusando akadaro okurovedza pamusha anogona kubetsera kuvandudza mharidzo yako, uye anokupawo mukana wokururamisa mhosho usati wapinda mumunda. Anogona kukubetsera kushandisa nheyo dzinenge dzadzidzwa muchikoro muushumiri hwako hwomumunda. Yeuka, muapostora Pauro akataura kuti vanhu vakakura mumudzimu ndavaya “vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Imwe nzira yokurodza nayo mano okunzwisisa ndeyokuashandisa mumarusando erovedzo.
10 Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ndeimwe yegadziriro dzaJehovha zhinji dzorupo dzokutirovedza. Sezvatinodzidza ndokushandisa nokushingaira zvidzidzo zvacho tichakwanisa kutaura nomuporofita kuti: “Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; unondimutsa mangwanani ose, unomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.”—Isaya 50:4.