RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 1 p. 14
  • Kuziva Mwari Kunotiswededza Pedyo Naye

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuziva Mwari Kunotiswededza Pedyo Naye
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musiki Wedu Ane Zita
  • Jehovha ndiMwari Ane Rudo
  • Jehovha ndiMwari Anoregerera
  • Jehovha Anoda Kuti Tinyengetere Kwaari
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Jehovha Anokanganwira Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mwari Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 1 p. 14

Kuziva Mwari Kunotiswededza Pedyo Naye

Musiki wedu munhu chaiye. Ane unhu hwakanaka, uye anoda kuti tizive nezvake toswedera pedyo naye. (Johani 17:3; Jakobho 4:8) Ndosaka akaita kuti tizive zvakawanda nezvake.

Musiki Wedu Ane Zita

“Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.”—PISAREMA 83:18.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha ndiye ega Mwari wechokwadi. Ndiye Musiki wezvinhu zvese uye ndiye akatipa upenyu. Ndiye ega akakodzera kuti timunamate.—Zvakazarurwa 4:11.

Jehovha ndiMwari Ane Rudo

Zita reMusiki rekuti Jehovha rakanyorwa muchiHindi, Punjabi, Gujarati, Telugu, Tamil, uye Shona.

“Mwari rudo.”—1 JOHANI 4:8.

Jehovha anoshandisa Bhaibheri uye zvinhu zvaakasika kutidzidzisa kuti iye munhu akaita sei. Rudo ndihwo unhu hukuru hwaainahwo. Zvese zvaanoita zvinobva parudo. Patinoramba tichidzidza nezvaJehovha, tinobva tawedzerawo kumuda.

Jehovha ndiMwari Anoregerera

“Muri Mwari akagadzirira kukanganwira.”—NEHEMIYA 9:17.

Jehovha anoziva kuti tinokanganisa. Saka ‘akagadzirira kutikanganwira.’ Kana tikamukumbira ruregerero, toedza kusazvidzokorora, achatiregerera uye haazotirangiri zvivi zvatakaita kare.—Pisarema 103:12, 13.

Jehovha Anoda Kuti Tinyengetere Kwaari

“Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari . . . Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.”—PISAREMA 145:18, 19.

Jehovha haadi kuti tishandise mifananidzo kana zvimwe zvinhu pakumunamata. Anoteerera minyengetero yedu sezvinongoita mubereki paanenge achiteerera mwana wake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe