RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 1 pp. 12-13
  • Zvatinodzidziswa neMusiki Zvinotipa Tariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatinodzidziswa neMusiki Zvinotipa Tariro
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Achabvisa Vanhu Vakaipa
  • Mwari Achaparadza Satani
  • Mwari Achabvisa Kurwara Uye Rufu
  • Musiki Wedu Achaita Kuti Nyika Ive Paradhiso
  • Mwari Achamutsa Vakafa
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Unogona Kuva Neramangwana Rinofadza!
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Shamwari dzaMwari Dzichagara muParadhiso
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 1 pp. 12-13
Vanhu vari muparadhiso vachitamba nemhuka uye vaine zvekudya zvakawanda.

Zvatinodzidziswa neMusiki Zvinotipa Tariro

Mwari akavimbisa kuti zvinhu zvava pedyo kuchinja. Achabvisa kutambura kwese, oita kuti vanhu vararame upenyu hwakanaka panyika. (Pisarema 37:11) Chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvaakavimbisa zvichaitika? Nekuti “Mwari haasi munhuwo zvake anotaura nhema.” (Numeri 23:19) Ngatimboonai zvimwe zvinhu zvakanaka zvichaitwa neMusiki wedu.

Mwari Achabvisa Vanhu Vakaipa

“Vakaipa pavanomera semasora uye vese vanoita zvakaipa pavanotumbuka, zvinenge zvichiitika kuti vaparadzwe zvachose.”—PISAREMA 92:7.

Sezvatadzidza munyaya yapfuura, zvinhu zvakaipa zviri kuramba zvichingowedzera. Asi hazvifaniri kutishamisa nemhaka yekuti Bhaibheri rakagara rataura pana 2 Timoti 3:1-5, kuti “mumazuva ekupedzisira” vanhu vaizenge vakaipa zvakanyanya. Mazuva ekupedzisira echii? Mazuva ekupedzisira enyika ino yevanhu vasingadi Mwari. Mwari ava pedyo kuparadza vanhu vasingadi kusiya mabasa avo akaipa. Vanhu vanoita zvakanaka, vanoteerera Mwari ndivo chete vachasara panyika. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Mwari Achaparadza Satani

“Mwari anopa rugare ava kuda kupwanya Satani.”—VAROMA 16:20.

Kana vanhu vakaipa vabviswa, kusanganisira Satani nemadhimoni, panyika pachange pava nerugare. Musiki wedu anovimbisa kuti: “Hapana achaita kuti [utye].”—Mika 4:4.

Mwari Achabvisa Kurwara Uye Rufu

“Tende raMwari riri pakati pevanhu, . . . Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—ZVAKAZARURWA 21:3, 4.

Kutambura uye kurwara zvichapera Mwari paachaparadza zvinhu zvakaipa zvakakonzerwa naSatani, Adhamu naEvha, uyewo matambudziko anokonzerwa nekutadza kwatinoita. Saka “hapazovi nerufu.” Vanhu vanoda Mwari uye vanoteerera Musiki vachararama nekusingaperi. Asi vachange vachigara kupi?

Musiki Wedu Achaita Kuti Nyika Ive Paradhiso

“Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.”—ISAYA 35:1.

Mwari paachaparadza vanhu vakaipa, nyika ichava paradhiso. Ichange iine nzvimbo dzakawanda dzinoyevedza uye muine zvekudya zvakawanda. (Pisarema 72:16) Mumakungwa nemunzizi muchange muine mvura yakachena uye muzere nezvinhu zvakawanda zvinorarama imomo. Vanhu havazomboyeuki kuti nyika yaimbenge yakasvibiswa. Vanhu vachagara mudzimba dzavanenge vavaka. Uye hapana munhu achazomboshaya pekugara, kana achafa nenzara, kana achava murombo.—Isaya 65:21, 22.

Mwari Achamutsa Vakafa

“Kuchava nekumuka.”—MABASA 24:15.

Unoda here kuzoonazve hama dzako dzakafa? Mwari wemasimbaose achavamutsa kuti vararame muParadhiso pano panyika. Hama dzako padzichamutswa, muchakwanisa kuzivana. Imboedza kufungidzira kufara kwamuchaita! Nei tiine chokwadi chekuti zvinhu izvi zvichaitika? Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari ane vamwe vanhu vaakamutsa, vachibva vatoonana nehama dzavo. Pavanhu ava vakamutswa vamwe vacho vaiva vanhu vakuru uye vamwe vaiva vana Uyezve, Jesu paaimutsa vanhu vakafa kakawanda kacho paiva nevamwe vaiona zvichiitika.—Ruka 8:49-56; Johani 11:11-14, 38-44.

Iye Zvino Ndava Kufara

“Ndichiri kuyeuka kuti pandakatanga kunzwa kuti muparadhiso vanhu vanenge vasingarwari, vasingatamburi, uye vasingafi, nechemumwoyo mangu ndakangoti zvinhu zvakadaro hazvifi zvakaitika! Asi kudzidza kwandakaita Bhaibheri, kwakaita kuti ndive nechokwadi chekuti zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana ndezvechokwadi. Ndinonyatsozvitenda kuti Bhaibheri ishoko raMwari. Kare ndaigara ndakasuwa uye ndichinetseka. Asi iye zvino ndava kufara. Kunyange hama neshamwari dzangu vava kutozvionawo.”—Ravi.

Ravi.

Dzidza zvimwe:

Kuti udzidze zvakawanda nezvechinangwa chaMwari chekuti vanhu vararame nekusingaperi muparadhiso panyika, enda pajw.org wotarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA > UPENYU UYE RUFU.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe