RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 2 pp. 14-15
  • Kuva Netsika Dzakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuva Netsika Dzakanaka
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHII CHINONZI TSIKA DZAKANAKA?
  • SEI KUVA NETSIKA DZAKANAKA KUCHIKOSHA?
  • MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU
  • 7 Tsika Neunhu
    Mukai!—2018
  • Kuvhiringidzika Netsika Dziri Kuchinja-chinja
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kutsigiswa Nemitemo Yetsika Isingachinjwi Nenguva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Tsika Dziri Kunanga Kupi?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 2 pp. 14-15
Mwana ari kuona amai vake vachinhongera mumwe mukadzi chikwama chake

CHIDZIDZO 6

Kuva Netsika Dzakanaka

CHII CHINONZI TSIKA DZAKANAKA?

Vanhu vane tsika dzakanaka vanonyatsoziva kuti ichi chakanaka, ichi chakaipa. Zvavanoita hazvibvi pakuti vari kunzwa vachida kuita sei panguva iyoyo. Asi zvinobva pazvinhu zvavanoziva kuti ndizvo zvakanaka, vobva vasarudza kuita zvakanaka kunyange pavanenge vari vega.

SEI KUVA NETSIKA DZAKANAKA KUCHIKOSHA?

Vana vanogara vachiona vanhu vane tsika dzakaipa, kungava kuchikoro, munziyo uye mumafirimu. Izvi zvinogona kuvavhiringidza votadza kuziva kuti zvakanaka chaizvo ndezvipi.

Dambudziko iri rakanyanya kukura pavana vari pazera rekuyaruka. Bhuku rinonzi Beyond the Big Talk rinoti vana vari pazera iri, “vanofanira kuziva kuti pane vanhu vakawanda vanogona kuvafurira kuita zvakaipa, asi vanofanira kudzidza kuita zvavanoziva kuti ndizvo zvakanaka, kunyange kana zvichipesana nezvinoitwa neshamwari dzavo.” Izvi zvinoratidza kuti vana vanofanira kutanga kudzidziswa vasati vasvika pazera rekuyaruka.

MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU

Nyatsomuudzai kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Vanhu vakuru vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’​—VaHebheru 5:14.

  • Muudzei zvaanofanira kuita. Shandisai zvinoitika muupenyu kuti mubatsire mwana wenyu kuti azive musiyano wezvinhu zvaanogona kusarudza. Semuenzaniso, munogona kumuudza kuti “Uku ndiko kunonzi kutendeseka; uku hakusi.” “Uku ndiko kuvimbika; uku hakusi.” “Uku kuitira vamwe zvakanaka, asi uku hakusi.” Nekufamba kwenguva, mwana wenyu anenge ava kukwanisa kutevedzera tsika dzakanaka dzamunomudzidzisa.

  • Tsanangurai kuti sei muchiti ichi chakanaka, ichi chakaipa. Semuenzaniso, munogona kumubvunza kuti: Kuva munhu akatendeseka kwakanakirei? Kunyepa kungakanganisa sei ushamwari? Kuba kwakaipirei? Batsirai mwana wenyu kuti akwanise kufunga ega kuti zvakanaka uye zvisina ndezvipi.

  • Muudzei kuti zvakanakirei kuva netsika dzakanaka. Munogona kuti: “Kana uri munhu akatendeseka, vamwe vachavimba newe,” kana kuti “Kana ukaitira vamwe zvakanaka, zvichaita kuti vade kuva shamwari dzako.”

Mhuri yenyu yese ngaive netsika dzakanaka.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rambai muchizviedza kuti makamira sei.”​—2 VaKorinde 13:5.

  • Vese vari mumhuri vanofanira kuva netsika dzakanaka zvekuti munokwanisa kuzotaura kuti:

    • “Mumhuri medu hatinyepi.”

    • “Hatirovi vamwe kana kuvapopotera.”

    • “Hatituki vamwe.”

Mwana wenyu anobva aona kuti tsika dzamunomudzidzisa haisi mitemo chete inofanira kutevedzerwa asi kuti ndizvo zvamuri semhuri.

  • Garai muchitaura nemwana wenyu nezvetsika dzamunoti ndidzo dzakanaka mumhuri menyu. Shandisai zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoitika muupenyu kuti mumudzidzise. Munogona kumubatsira kuona kusiyana kwakaita zvamunoita semhuri, nezvaanoona zvichiitwa nevamwe kuchikoro kana paTV. Munogona kubvunza mwana wenyu kuti: “Dai uri iwe, waizoita sei?” “Mhuri yedu yaizoita sei pakadai?”

Mubatsirei kutsunga kuita zvakanaka.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rambai muine hana yakanaka.”​—1 Petro 3:16.

  • Murumbidzei paanoita zvakanaka. Kana mwana wenyu akaita zvakanaka, murumbidzei momutsanangurira kuti sei mamurumbidza. Semuenzaniso, munogona kuti: “Waratidza kuti wakatendeka. Ndinodada newe.” Kana mwana wenyu akakuudzai kuti pane zvaakanganisa, murumbidzei kuti ataura chokwadi, mozomutsiura henyu.

  • Mutsiurei paanokanganisa. Batsirai mwana wenyu kuti abvume zvaanenge akanganisa. Mwana anofanira kuziva kuti chii chaakanganisa uye kuti zvaaita zvakasiyana papi nezvamakawirirana semhuri. Vamwe vabereki havaudzi mwana wavo zvaakanganisa vachityira kuti anozorwadziwa. Asi kuudza mwana zvaanokanganisa kunotomubatsira kuti ave nehana inorova, inomuudza kuti ichi chakanaka, ichi chakaipa.

Kuti munzwe mazano akawanda anobatsira vabereki endai pawebsite yedu inonzi jw.org, kana kuti shandisai QR code iyi.

Mwana ari kuona amai vake vachinhongera mumwe mukadzi chikwama chake

TANGAI IYE ZVINO KUMUDZIDZISA

Kana vana vachiona kuti vabereki vavo vakatendeseka, zvichavabatsirawo kuti vazovawo vakatendeseka kunyange pavanenge vari vega

Itai Zvamunovadzidzisa

  • Zvandinotaura nezvandinoita zvinoratidza kuti ndine tsika dzakanaka dzatakawirirana semhuri here?

  • Ini newandakaroorana naye tinoratidza here kuti tinowirirana pane zvatinodzidzisa?

  • Ndinombofunga kana kuudza vana vangu kuti ndivo chete vanofanira kuita zvimwe zvinhu ini ndisingazviiti here?

Zvatakaita . . .

“Taiudza vana vedu zvakanaka zvakaitika kune vamwe pavakasarudza kuita zvakanaka. Taivaudzawo zvinhu zvakaipa zvakaitika kune vamwe pavakasarudza kuita zvisina kunaka. Vana vedu pavakatiudza nezvemumwe wezera ravo ainge asarudza zvisina kunaka, takataura navo nyaya yacho tichivabatsira kuti vasazoitawo zvaakaita.”​—Nicole.

“Mwanasikana wedu paakanga achiri mudiki, taimuudza kuti aigona kusarudza chinhu chimwe chete pazvinhu zviviri, kuita zvakanaka kana zvakaipa, uye taibva tamutsanangurira zvaizoitika zvichienderana nezvaanenge asarudza. Akabva adzidza kuita zvisarudzo zvakanaka. Izvozvo zvinokosha nekuti muupenyu tinoita zvisarudzo zvakawanda pasinei nezera redu.”​—Yolanda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe