RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 2 pp. 12-13
  • Kutungamirirwa Nevanhu Vakuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutungamirirwa Nevanhu Vakuru
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NDIANI ANOFANIRA KUTUNGAMIRIRA VANA VENYU?
  • NEI KUTUNGAMIRIRWA NEVANHU VAKURU KUCHIKOSHA?
  • MUNGATUNGAMIRIRA SEI VANA VENYU?
  • Kutungamirira Kwamungaita Vana Venyu
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Dzidzisai Vari Kuyaruka Zvichazovabatsira Kana Vakura
    Mukai!—2011
  • Mazano Akavimbika Okurera Vana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mibvunzo Inobvunzwa Nevabereki
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 2 pp. 12-13
Mbuya vari kuratidza kamusikana aka mapikicha avo ekare

CHIDZIDZO 5

Kutungamirirwa Nevanhu Vakuru

NDIANI ANOFANIRA KUTUNGAMIRIRA VANA VENYU?

Vana vanoda kutungamirirwa uye kupiwa mazano nevanhu vakuru. Sevabereki, ndimi munotofanira kutungamirira uye kupa vana venyu mazano. Asi vamwe vanhu vakuru vanogonawo kuvabatsira uye kuvapa mazano.

NEI KUTUNGAMIRIRWA NEVANHU VAKURU KUCHIKOSHA?

Munyika dzakawanda, vana havawani nguva yakawanda nevanhu vakuru. Fungai izvi:

  • Vana vanoswera vari kuchikoro, uye ikoko vezera ravo vanenge vakawanda chaizvo kupfuura vadzidzisi nevamwe vanhu vakuru.

  • Vamwe vana pavanobva kuchikoro vanosvika kumba kusina munhu nekuti vabereki vavo vanenge vari kubasa.

  • Imwe tsvakurudzo yakaitwa kuUnited States inoti vana vari pakati pemakore 8 ne12, vanopedza maawa anenge 6 vachiona TV, vachiteerera mimhanzi nezvimwewo.a

Bhuku rinonzi Hold On to Your Kids rinoti: “Vana vakawanda vari kutsvaga mazano uye kutungamirirwa nevezera ravo vachisiya vanhu vakuru.”

MUNGATUNGAMIRIRA SEI VANA VENYU?

Wanirai vana venyu nguva.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo; kunyange kana akwegura haazobvi mairi.”​—Zvirevo 22:6.

Vana vagara vachingoda kutungamirirwa uye kubatsirwa nevabereki vavo. Nyanzvi dzinototi kunyange vana vari kuyaruka vanokoshesa mazano avanopiwa nevabereki vavo kupfuura avanopiwa nevezera ravo. Mumwe munyori anonzi Dr. Laurence Steinberg mubhuku rake rinonzi You and Your Adolescent anoti: “Tsika neunhu hwemwana paanenge achiyaruka kusvika akura zvinonyanya kubva pane zvaanodzidza kubva kuvabereki vake.” Anowedzera kuti: “Vana vari kuyaruka vanoda kuziva zvamunofunga sevabereki uye kunzwa zvamunotaura, kunyange paya pavanenge vasingabvumirani nezvimwe zvamuri kutaura.”

Sezvo vana venyu vagara vachida kutungamirirwa nemi, itai zvese zvamunogona kuti muvatungamirire. Vawanirei nguva, vaudzei maonero amunoita zvinhu, zvamunokoshesa uye zvamakadzidza muupenyu.

Mutsvagirei munhu anomubatsira uye anomupa mazano.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”​—Zvirevo 13:20.

Mune munhu mukuru here wamungaita kuti abatsire uye ape mwana wenyu mazano? Munokwanisa here kuronga nemunhu iyeye kuti apote achimboita nguva nemwana wenyu? Izvi hazvirevi kuti munhu iyeye ndiye atova mubereki wemwana wenyu. Asi mazano anobva kumunhu mukuru wamunovimba naye uye wamunoziva kuti haazokanganisi mwana wenyu anogona kutomubatsira kushandisa zvamunomudzidzisa. Bhaibheri rinoratidza kuti Timoti akabatsirwa chaizvo neushamwari hwake naPauro kunyange paainge akura, uye Pauro akabatsirwawo nekushamwaridzana kwake naTimoti.​—VaFiripi 2:20, 22.

Mazuva ano, vanhu vemumhuri havachagari pedyo nepedyo nekuti vanambuya nanasekuru, vanatete nevamwe veukama vanenge vachitogara kure kana kune dzimwe nyika. Kana zviri izvo zvakaita mhuri yenyu, edzai kutsvagira vana venyu vanhu vakuru vane unhu netsika zvamunoda kuti vatevedzere.

a Tsvakurudzo iyoyo inotiwo vana vari kuyaruka vanoita maawa anenge 9 pazuva vari pamafoni kana pamatablet avo. Asi maawa ataurwa aya haasanganisiri nguva yavanoita vari paIndaneti kuchikoro kana kuti vachiita homuweki yavo.

Mbuya vari kuratidza kamusikana aka mapikicha avo ekare

TANGAI IYE ZVINO KUMUDZIDZISA

Mwana anoda kutungamirirwa nevanhu vakuru anowanzova munhu ane uchenjeri uye anoziva zvaanoita paanokura

Itai Zvamunovadzidzisa

  • Ndiri muenzaniso wakanaka kuvana vangu here?

  • Vana vangu vanoona here kuti ndinotsvagawo mazano kune vanhu vane ruzivo kundipfuura?

  • Ndinombowanawo nguva yekutandara nevana vangu here ndichiratidza kuti ndinovakoshesa?

Zvatakaita . . .

“Mwanasikana wangu anombouya achida kutaura neni pandinenge ndakabatikana. Ndinogara ndichimupa nzeve, kunyange zvazvo dzimwe nguva achifanira kumbondimirira zvishoma kuti ndipedzise zvandinenge ndichiita, kuti ndinyatsoteerera zvaanenge achitaura. Ini nemudzimai wangu tinoedzawo nepatinogona napo kuita zvatinenge tichimudzidzisa kuti aone kuti nesuwo ndizvo zvatinoita.”​—David.

“Pakazvarwa mwanasikana wedu, ini nemurume wangu takasarudza kuti ndisaenda kubasa kuti ndinge ndiri pamba ndichimurera. Handizvidembi nekuita chisarudzo ichi. Zvakakosha kuti uite zvese zvaunogona kuti uve nemwana wako nguva dzese kuti unyatsomutungamirira. Uye kuva nemwana wako nguva dzese kunoita kuti aone kuti unomuda.”​—Lisa.

KUWANA NGUVA NEVANHU VAKURU

“Vana vangu vakakurira mumhuri yaiva nevanhu vakuru vemazera akasiyana-siyana avo vaifarira zvinhu zvakasiyana-siyana uye izvi zvakavabatsira kudzidza zvakawanda nezveupenyu. Semuenzaniso, vakashamisika pavakaudzwa nambuya vangu kuti vachiri vadiki, kumba kwavo ndiko kwakatanga kuva nemagetsi. Vakavaudzawo kuti vanhu vemunharaunda vaiuya kumba kwavo kuti vangoona magetsi achibatidzwa uye achidzimwa. Nyaya iyoyo yakaita kuti vana vangu vaone kuti kare upenyu hwanga hwakasiyana nezvahwava mazuva ano. Kunzwa nyaya dzambuya vangu idzi kwakavabatsira kuti vawedzere kuvaremekedza uye kuti varemekedzewo vamwe vanhu vakwegura. Vana vanodzidza zvakawanda kana vakaita nguva yakawanda nevanhu vakuru kupfuura yavanoita nevezera ravo.”​—Maranda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe