RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g18 nha. 2 p. 13
  • 10 Kuvimbika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 10 Kuvimbika
  • Mukai!—2018
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREVEI?
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • ZVAUNGAITA
  • Ndingaita Sei Kuti Vabereki Vangu Vavimbe Neni?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nei Vabereki Vangu Vasingandivimbi?
    Mukai!—2008
  • Kuvimbana Kunokosha Kuti Pave Noupenyu Hunofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ndingawana Sei Rusununguko Rwakawanda?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2018
g18 nha. 2 p. 13
Musikana ari kubhadhara chikwereti chekubhengi

Kuteerera vabereki vako kwakafanana nekubhadhara chikwereti chaunenge watora kubhengi. Kana ukaratidza kuti wakavimbika uchawedzera kuvimbwa newe

VECHIDIKI

10 Kuvimbika

ZVINOREVEI?

Vanhu vakavimbika vanopedzisira vava kuvimbwa nevabereki vavo, shamwari uye vavanoshandira. Vanoteerera mitemo, vanoita zvavanenge vavimbisa uye vanogara vachitaura chokwadi.

NEI ZVICHIKOSHA?

Kakawanda kacho kana vanhu vachivimba newe vanokupawo rusununguko rwakati wandei.

“Kana uchida kuti vabereki vako vavimbe newe, unofanira kuratidza kuti wakura mupfungwa uye unoziva zvaunoita kunyange pavanenge vasipo.”​—Sarahi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.”​—2 VaKorinde 13:5.

ZVAUNGAITA

Zvinhu zvinotevera zvinogona kukubatsira kuti vanhu vawedzere kuvimba newe kana kuti vatangezve kuvimba newe.

Taura chokwadi. Kana uchinyepa, vanhu havavimbi newe. Asi kana uchitaura chokwadi kunyanya paunenge watadza, vanhu vanovimba newe.

“Zviri nyore kutaura chokwadi kana zvinhu zvakanaka. Asi kutaura chokwadi pazvinhu zvinogona kuita kuti vanhu vakuone zvisizvo kunotoita kuti vanhu vawedzere kuvimba newe.”​—Caiman.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”​—VaHebheru 13:18.

Iva akavimbika. Mune imwe ongororo yakaitwa kuUnited States, 78% yevanoona nezvekupinzwa kwevanhu mabasa yakati kuvimbika ndicho “chimwe chinhu chinonyanya kukosha pazvinhu zvitatu zvinotariswa nevashandirwi.” Kana ukava munhu akavimbika iye zvino zvichakubatsira kana wakura.

“Pandinoita mabasa ndisina kumboyeuchidzwa, vabereki vangu vanozviona. Pandinoramba ndichidaro vanobva vawedzerawo kuvimba neni.”​—Sarah.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Ndinovimba nokuteerera kwako, uye ndinoziva kuti uchatoita zvinopfuura zvinhu zvandinotaura.’​—Firimoni 21.

Iva nemwoyo murefu. Kukura mupfungwa kwakasiyana nekukura muviri, uko kunokurumidza kuoneka. Zvinotoda nguva kuti vamwe vaone kuti wakura mupfungwa.

“Kugona kuita chinhu chimwe chete hakuiti kuti vabereki vako nevamwe vanhu vabve vatovimba newe. Zvinotoda kuti urambe uchiita zvakanaka kuti vazokuvimba.”​—Brandon.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Pfekai . . . mwoyo murefu.”​—VaKorose 3:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe