RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g18 nha. 2 p. 12
  • 9 Zvauri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 9 Zvauri
  • Mukai!—2018
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREVEI?
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • ZVAUNGAITA
  • Ndiri Munhu Akaita Sei?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Kuita Kuti Tirambe Tichizivikanwa sevaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ndiri Munhu Akaita Sei?
    Mukai!—2011
  • Vakristu—Dadai Nezvamuri!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2018
g18 nha. 2 p. 12
Mukomana akamira pedyo nemuti uri kuda kutorwa nemhepo

Kana uchinyatsoziva zvauri, uchamira wakasimba pane zvaunotenda

VECHIDIKI

9 Zvauri

ZVINOREVEI?

Zvauri hazvingogumiri pakutaridzika kwaunoita. Zvinosanganisira zvaunokoshesa, zvaunotenda uye unhu hwako.

NEI ZVICHIKOSHA?

Kana uchiziva zvauri haubvumi kufurirwa nevezera rako; unoita zvinoenderana nezvaunotenda.

“Vanhu vakawanda vakaita sezvidhori zvemumashopu. Vanoita zvekusarudzirwa kuti vopfekei.”​—Adrian.

“Ini handinyari kuita zvinhu zvandinoziva kuti zvakanaka. Zvinoita munhu uye zvandinoita kana ndiinaye ndizvo zvinondibatsira kuziva kana iri shamwari yechokwadi.”​—Courtney.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu.”​—VaRoma 12:2.

ZVAUNGAITA

Funga kuti uri munhu akaita sei uye kuti unoda kuva munhu akaita sei. Unogona kuita izvi nekuongorora zvinhu zvaunogona, zvinokuomera uye zvaunotenda. Unogona kutanga nekupindura mibvunzo inotevera.

Zvaunogona: Ndezvipi zvipo zvandiinazvo? Ndezvipi zvandinogona? (Semuenzaniso: Ndinobata nguva here? Ndinozvidzora here? Ndinoshanda nesimba here? Ndine rupo here?) Ndezvipi zvakanaka zvandinoita?

ZANO: Zviri kukuomera here kufunga zvinhu zvakanaka zvawakamboita? Bvunza mubereki wako kana shamwari yaunovimba nayo kuti akuudze zvaunogona uye otaura kuti nei achiti unozvigona.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”​—VaGaratiya 6:4.

Zvinokuomera: Unhu hupi hwandinofanira kugadzirisa? Ndepapi pandinonzwa ndichida kuita zvakaipa? Ndepapi pandinofanira kunyanya kuzvidzora?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kana tichitaura kuti: ‘Hatina chivi,’ tiri kuzvinyengera.”​—1 Johani 1:8.

Zvaunotenda: Ndeipi mitemo yandinotevedzera uye chii chinoita kuti ndiitevedzere? Ndinotenda kuti kuna Mwari here? Chii chinoita kuti ndibvume kuti ariko? Zvii zvandinofunga kuti hazvina kururama uye nei ndichifunga kudaro? Zvii zvandinotenda kuti zvichaitika mune ramangwana?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Mano okufunga acharamba akakurinda, ungwaru huchakuchengetedza.”​—Zvirevo 2:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe