RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g18 nha. 2 p. 5
  • 2 Kushanda Pamwe Chete

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 Kushanda Pamwe Chete
  • Mukai!—2018
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREVEI?
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • ZVAUNGAITA
  • Chinokosha 3: Kushanda Pamwe Chete
    Mukai!—2010
  • Zvamungaita Kuti Muwirirane
    Mukai!—2015
  • Kana Mukava Nemaonero Akasiyana
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • “Kuroorana Ngakukudzwe”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
Ona Zvimwe
Mukai!—2018
g18 nha. 2 p. 5
Murume nemudzimai vachishanda pamwe chete sezvinoita vatyairi vendege

Kushanda pamwe chete kwakafanana nezvinoitwa nevatyairi vendege

VAKAROORANA

2 Kushanda Pamwe Chete

ZVINOREVEI?

Kana murume nemudzimai vakashanda pamwe chete, vachaita sezvinoita vatyairi vendege. Kunyange pakamuka matambudziko, vese vari vaviri vanofanira kuisa misoro pamwe chete.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Havasisirizve vaviri, asi nyama imwe.”​—Mateu 19:6.

“Murume nemudzimai vanofanira kushanda pamwe chete kuti imba yavo ibudirire.”​—Christopher.

NEI ZVICHIKOSHA?

Panoitika dambudziko, murume nemudzimai vasingashandi pamwe chete vanotsvagirana mhosva panzvimbo pekugadzirisa dambudziko. Nyaya diki diki dzinopedzisira dzatova hombe.

“Kuti imba imire zvinotoda kushanda pamwe chete. Dai ini nemurume wangu tisingaiti zvinhu pamwe chete, taizongoita sevanhu vari kugara muimba imwe chete asi vachiita mazvake mazvake.”​—Alexandra.

ZVAUNGAITA

ZVIONGORORE

  • Mari yandinowana ndinoti “ndeyangu ndega” here?

  • Kana mumwe wangu asipo ndipo pandinonzwa kufurwa nemhepo here?

  • Ndinotambira kure nehama dzemumwe wangu, kunyange zvazvo iye achiwirirana nadzo here?

KURUKURA NEMUMWE WAKO

  • Ndezvipiwo zvatiri kugona kushanda pamwe chete?

  • Ndepapi patingada kuvandudza?

  • Zvii zvatingaita kuti tiwedzere kushanda pamwe chete?

MAZANO

  • Isai misoro pamwe chete pazvinhu zvamunoita kwete kuita zvemakwikwi.

  • Funga kuti ndezvipi zvaungaita kuti mushande pamwe chete.

“Siyana nekutsvaga kuti ane mhosva ndiani. Chinokosha ndechekuti mumba menyu muve nerugare uye mubatane.”​—Ethan.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Musaramba muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi ivai nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’​—VaFiripi 2:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe